RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 8/1 pp. 25-29
  • Kukoshesa Zvikuru Ropafadzo Dzebasa Rinoyera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kukoshesa Zvikuru Ropafadzo Dzebasa Rinoyera
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kana Pane Zvinetso Zvemhuri Zvakakomba
  • Kutarisira Mutoro Wavo
  • Nokubatira Pamwe Kwemhuri
  • Vabereki Vanopa Jehovha Vakasununguka
  • Ungano Dzinotsigira
  • Fungai Vaya Vari Mubasa Renguva Yakazara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • “Kutanga Kutsvaka Umambo”
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Remekedzai Vakwegura Vari Pakati Penyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Nzira Yokuramba Tine Mufaro Mubasa Renguva Yakazara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 8/1 pp. 25-29

Kukoshesa Zvikuru Ropafadzo Dzebasa Rinoyera

MIGOVE yebasa rinoyera haifaniri kurerutswa. Vapristi vomuJudha yakare pavakaratidza murangariro wokusaitira hanya ropafadzo dzavo dzaiva nechokuita netemberi yaJehovha, akavatsiura zvakasimba. (Maraki 1:6-14) Uye vamwe muIsraeri pavakakurudzira vaNaziri kuti varerutse mitoro yavakanga vagamuchira yaiva nechokuita nebasa ravo rinoyera, Jehovha akatuka vaIsraeri ivavo vanotadza. (Amosi 2:11-16) VaKristu vechokwadi vanoitawo basa rinoyera, uye vanorikoshesa. (VaRoma 12:1) Iri basa rinoyera rine mativi akawanda, ose zvawo anokosha.

Jesu paakanga achiri pasi pano navateveri vake, akavarovedza kuva vazivisi voUmambo hwaMwari. Pashure penguva yakati, shoko ravo raizosvika kumigumo yapasi. (Mateo 28:19, 20; Mabasa 1:8) Kuparidza uku kwakava kwokukurumidzira zvikuru mukati memazuva okupedzisira egadziriro iripo yezvinhu.

Zvapupu zvaJehovha zvose zvinogoverana mubasa iri. Mazana ezviuru anowana mufaro mukukwanisa kuita kudaro samapiyona. Kuti zviite zvinodikanwa mubasa romunyika yose, zviuru zvakazviita zvinowanika nokuda kwebasa renguva yakazara chairo paBheteri, mubasa rokufambira savatariri vamatunhu navamaruwa, kana kuti mubasa roufundisi. Izvi zvingabatanidzei pane avo vanoda kupfuurira vari mubasa rinokosha rakadaro?

Kana Pane Zvinetso Zvemhuri Zvakakomba

Asati atanga basa chairo renguva yakazara, kakawanda munhu anofanira kugadziridza mamiriro ake ezvinhu. Havasi vanhu vose vanogona kuita izvi. Mitoro yomuMagwaro inenge ichitova nomunhu wacho ingazviita zvisingabviri. Kunyange zvakadaro, chii chinoitika apo zvinetso zvokukurumidzira zvemhuri, zvichida zvinobatanidza vabereki vakwegura, zvinotarisana nevanotova mubasa chairo? Nheyo dzeBhaibheri nezano zvakadai sezvinotevera zvinopa nhungamiro inodikanwa.

Upenyu hwedu hwose hunofanira kuvakirwa paukama hwedu naJehovha. (Muparidzi 12:13; Marko 12:28-30) Zvinhu zvinoyera zvatakaronzeswa zvinofanira kukosheswa zvikuru. (Ruka 1:74, 75; VaHebheru 12:16) Pane imwe nhambo, mumwe murume aifanira kuchinja zvinhu zvaaikoshesa akaudzwa naJesu kuti aifanira kubatikana zvakazara mukuzivisa Umambo hwaMwari. Sezviri pachena, murume wacho akanga achida kusundira mberi basa rakadaro kutozosvikira baba vake vafa. (Ruka 9:59, 60) Pane rumwe rutivi, Jesu akafumura kufunga kusina kunaka kwomunhu upi noupi aitaura kuti akatsaurira zvinhu zvose kuna Mwari uye ipapo asinga“itir[i] baba vake namai vake chinhu.” (Marko 7:9-13) Muapostora Pauro akaratidzawo mutoro wakakomba wokugovera ‘vari vake,’ kubatanidza vabereki navanasekuru navanambuya.—1 Timotio 5:3-8.

Izvi zvinoreva here kuti apo zvinetso zvokukurumidzira zvinomuka, avo vari mubasa chairo vanofanira kusiya migove yavo kuitira kuti vave vatarisiri? Zvinhu zvakawanda zvinodikanwa kupindura. Chisarudzo chacho ndechomunhu oga. (VaGaratia 6:5) Vakawanda vakafunga kuti, kunyange zvazvo vachida mugove wavo, kungava kuchenjera kuva navabereki vavo kuti vavape betsero inodikanwa. Nei? Chinetso chacho chingava chakakomba, pangava pasina mumwe mutezo wemhuri ungagona kubetsera, kana kuti ungano yomunzvimbomo ingava isina kukwanisa kuita zvaidikanwa. Vamwe vakakwanisa kupayona vachibetsera kudaro. Vamwe vakakwanisazve kutora basa chairo renguva yakazara pashure pokunge mamiriro ezvinhu omumhuri atarisirwa. Zvisinei, muzviitiko zvakawanda, zvakava zvinobvira kubata nemamiriro ezvinhu nedzimwe nzira.

Kutarisira Mutoro Wavo

Zvinetso zvakakura pazvakamuka, vamwe vari mubasa chairo renguva yakazara vakakwanisa kupa ngwariro kuzvinetso izvozvo vasina kusiya migove yavo. Rangarira mishomanene chete yemienzaniso yakawanda.

Vamwe varoorani vanoshanda padzimbahwe renyika reZvapupu zvaJehovha vakapinda basa rapaBheteri muna 1978, pashure pokunge vatogoverana mubasa redunhu nereruwa. Mugove wehama yacho unobatanidza mutoro unokosha webasa musangano roubati ushe hwaMwari. Asi vabereki vake vanodawo betsero. Ava varoorani vapaBheteri vakashanya katatu kana kuti kana gore rimwe nerimwe—makiromita 3 500 kuenda nokudzoka—kuti vatarisire vabereki. Ivo pachavo vakavaka musha kuti vatarisire zvinodikanwa zvavabereki. Vakaita nzendo dzokutarisira kurapa kwokukurumidzira. Nguva yavo yose yepazororo vakaishandisa nokuda kwokutarisira mutoro uyu kwamakore 20. Vanoda nokukudza vabereki vavo, asiwo vanokoshesa ropafadzo dzavo dzebasa rinoyera.

Imwe hama yakanga yava mubasa rokufambira kwamakore 36 payakatarisana neainorondedzera semamiriro ezvinhu anodenha zvikuru muupenyu hwayo. Mbuyawasha vayo vane makore 85, mubatiri akatendeka waJehovha, vaida kugara nomumwe munhu aigona kuvabetsera. Panguva yacho, vana vavo vakawanda vakafunga kuti zvaisazova zvakanaka kuti vagare navo. Imwe hama yokunyama yakaudza mutariri anofambira kuti iye nomudzimai wake vaifanira kusiya basa iroro ndokutarisira mai nokuda kwemhuri yose. Asi varoorani vacho havana kurega basa ravo rinokosha, uyewo havana kurerutsa zvaidikanwa namai. Kwamakore mapfumbamwe akatevera, vakanga vanavo nguva yakawandisa yacho. Pakutanga vaigara vachifamba navo, ndokuzogara mumafurati akasiyana-siyana akagoverwa namatunhu. Kwenhambo yakati, hama yacho, iyo yakanga iri mutariri weruwa panguva iyoyo, yakaramba ichifambira kuitira kuti itarisire migove yayo nepo mudzimai wayo aisara namai vake kuti agovere tarisiro yorudo yenguva dzose. Vhiki imwe neimwe pashure pemisangano nomusi weSvondo, murume wacho aiita nzendo refu achidzokera kuti anovabetsera. Vakawanda vaiziva nezvemamiriro ezvinhu zvacho vakaratidza kuonga zvikuru zvakanga zvichiitwa nevaroorani ava. Pashure penguva yakati, mimwe mitezo yemhuri yakasundwawo kugovera betsero yakati. Zviuru zvavanhu vaJehovha zvinopfuurira kubetserwa nebasa revaroorani ivavo vanozvipira nemhaka yokuti vakaomerera kuropafadzo yavo yebasa chairo renguva yakazara.

Nokubatira Pamwe Kwemhuri

Apo mitezo yemhuri yakasiyana-siyana inoonga kukosha kwebasa renguva yakazara, ingabatira pamwe kuitira kuti vamwe vavo vagogona kugoverana mariri.

Mudzimu wakadaro wokubatira pamwe semhuri wakabetsera vamwe varoorani vokuCanada vanoshanda savafundisi muWest Africa. Havana kumirira kusvikira chinhu chokukurumidzira chamuka, vachingokarira kuti hapana chinhu chaizoitika. Vasati vaenda kuWatchtower Bible School of Gilead, vachigadzirira basa rokune imwe nyika, murume wacho akakurukura nomunin’ina wake kutarisirwa kwamai vavo kana kuri kuti vakarwara kana kuti kuremara. Achiratidza kuda mai vavo pamwe chete nokuonga kukosha kwebasa roufundisi, munin’ina wacho akati: “Ndine mhuri navana zvino. Handigoni kuenda kure ndokuita zvinhu zvaunoita. Naizvozvo kana chinhu chipi nechipi chikaitika kuna Mai, ndichavatarisira.”

Vamwe varoorani vanoshanda muSouth America vakawana kubatira pamwe zvikuru kubva kumhuri yomudzimai wacho mukutarisira mai vake vakanga vokwegura. Mumwe wavakoma vake nomurume wavakoma vacho vakatarisira mai kusvikira mukoma iyeye awirwa nourwere hunouraya. Chii chakazoitika? Kuti anyaradze kuitira hanya kupi nokupi, tezvara wacho akanyora kuti: “Chero bedzi ini navana tiri vapenyu, hamuzombofaniri kusiya basa renyu roufundisi.” Mhuri yakabetserwazve apo mumwe munin’ina nomurume wake vakasiya musha wavo ndokutamira kwakanga kuchigara mai kuitira kuti vavatarisire, uye vakaita kudaro kusvikira pakufa kwavo. Mudzimu wakaisvonaka zvakadini wokubatira pamwe! Vose zvavo vakanga vachibetsera kuti vatsigire basa roufundisi.

Vabereki Vanopa Jehovha Vakasununguka

Kuonga kwakatanhamara basa rinoyera kunowanzoratidzwa navabereki. Vana vavo pachavo vari pakati pezvinhu zvavo zvinokosha zvikurusa zvavangakudza nazvo Jehovha. (Zvirevo 3:9) Vabereki vakawanda vechiKristu vanokurudzira vana vavo kuti vapinde mubasa renguva yakazara. Uye vamwe vavo vanonzwa sezvakaita Hana, uyo akapa mwanakomana wake Samueri kuna Jehovha kuti aite basa rake “nokusingaperi,” ndiko kuti, kwa“mazuva ose okurarama kwake.”—1 Samueri 1:22, 28.

Mumwe mubereki akadaro akanyorera mwanasikana wake ari muAfrica kuti: “Tinoonga Jehovha nokuda kweropafadzo yakaisvonaka yaunayo. Wakatifadza zvikuru.” Uye pane imwe nhambo akati: “Ichokwadi kuti tinofanira kushivirira kuparadzaniswa, asi zvinofadza kuona nzira iyo Jehovha anokutarisira nayo!”

Pashure pokuhwirudzura mamiriro ezvinhu akasiyana-siyana akanga amuka mukutarisira vabereki vake vakwegura kwaidikanwa, mumwe mufundisi ari muEcuador akanyora kuti: “Ndinofunga kuti betsero hurusa yakagamuchirwa nomudzimai wangu neni yakanga iri minyengetero yababa. Pashure pokufa kwavo, mai vangu vakatiudza kuti: ‘Zuva rakanga risingambopfuuri baba vako vasina kunyengetera kuna Jehovha kuti abvumire mose muri vaviri kuti murambe muri mumugove wenyu.’”

Vamwe varoorani vakwegura vari muCalifornia, U.S.A., vakafadzwa kuva nomumwe wavanakomana wavo mubasa renguva yakazara. Mwanakomana iyeye nomudzimai wake vakanga vari muSpain pakafa mai vacho. Mimwe mitezo yemhuri yakarangarira kuti gadziriro dzokutarisira baba dzaifanira kuitwa. Nemhaka yokuti vakanga vakabatikana nebasa rokunyika nokurera vana vavo, havana kufunga kuti vaigona kuita mutoro iwoyo. Panzvimbo pezvo, vakakurudzira zvakasimba varoorani vakanga vari mubasa renguva yakazara kuti vadzokere kumusha ndokutarisira baba vacho. Zvisinei, baba vacho, kunyange vakanga vane makore 79 ezera, vakanga vachiri kuzvinzwa, uye vakanga vane chiono chomudzimu chakajeka. Pane mumwe musangano wemhuri, pashure pokunge vakasiyana-siyana vataura zvavaida, baba vakasimuka ndokutaura zvakasimba kuti: “Ndinoda kuti vadzokere kuSpain ndokupfuurira kushanda.” Vakadaro, asi vakavabetserawo mune zvokunyama. Mugove wavo panguva ino ndewebasa redunhu muSpain. Kubva pamusangano iwoyo wemhuri, mimwe mitezo yemhuri yakaratidza kuonga zviri kuitwa navaroorani vacho mubasa rokune imwe nyika. Pashure pamakore akawanda, mumwe wavanakomana vacho akatora baba vacho ndokugara navo mumusha make kuti agovatarisira kusvikira vafa.

MuPennsylvania, U.S.A., imwe hama yakazodzwa yakanga yapayona kwamakore 40 yakanga yava namakore anopfuura 90 ezera pakarwara mudzimai wayo zvakakomba ndokufa. Akanga ane mwanakomana navanasikana vatatu vakanga vachiri vapenyu, kunze kwavana vomudzimu vakawanda. Mumwe wavanasikana vake akanga ava mubasa renguva yakazara kwamakore anopfuura 40, ashanda nomurume wake somufundisi, mubasa rokufambira, uye paBheteri. Akabetsera kuita gadziriro kuitira kuti baba vake vatarisirwe zvakafanira. Hama dzomunzvimbomo dzakabetserawo nokuvaendesa kuHoro yoUmambo. Gare gare, pashure pokunge murume wakewo afa, akabvunza baba vake kana vaida kuti asiye Bheteri ndokuvatarisira. Vanokoshesa zvikuru zvinhu zvinoyera, uye vaifunga kuti zvavanoda zvaigona kutarisirwa nedzimwe nzira. Naizvozvo vakapindura kuti: “Ichocho chingava chinhu chakaipisisa chaungaita, uye zvingatova zvakaipa kana ndikakurega uchichiita.”

Ungano Dzinotsigira

Dzimwe ungano dzakava dzinobetsera kwazvo mukutarisira vabereki vakwegura veavo vari mubasa renguva yakazara. Dzinoonga zvikuru avo vakapedzera makore akawanda mubasa rakadaro. Nepo dzisingagoni kuvabvisira mitoro yavo yomuMagwaro, idzi ungano dzinoita zvakawanda kuti dzirerutse mutoro wacho zvakakwana zvokuti zvingasava zvinodikanwa kuti vana vasiye migove yavo chaiyo.

Vamwe varoorani vanobva kuGermany vakanga vava mumugove wavo wokune imwe nyika kwamakore anenge 17, nguva iyoyo yakawanda vari mubasa rokufambira, pakawedzera zvinodikanwa zvamai vavo vakwegura. Gore rimwe nerimwe vaishandisa zororo ravo kuti vavabetsere. Vavakidzani vari Zvapupu vakagoverawo betsero yorudo. Ipapo varoorani vari mubasa renguva yakazara pavakanga vana mai vavo mukati menhambo yakaoma, vakuru veungano yomunzvimbomo vakaronga kuti vasangane navo. Vainyatsoziva zvaigaroitirwa mai vacho navaroorani vacho. Vaiongawo kukosha kwebasa chairo rakanga richiitwa navaroorani vacho. Naizvozvo vakuru vakaronga gadziriro yakakarakadzwa yokutarisira mai vacho ndokuti: “Hamukwanisi kuvatarisira kupfuura zvamuri kuita; tichakubetserai kuitira kuti mugoramba muri mumugove wenyu muSpain.” Kwamakore manomwe akapfuura, vakuru ava vakaramba vachidaro.

Nenzira yakafanana, imwe hama yave ichishanda muSenegal kubva muna 1967 yakagamuchira tsigiro huru yorudo yakabva kuungano yakanga ina baba vake. Pakamuka njodzi, murume wacho, nokubatira pamwe kwomudzimai wake ane rudo, akaenda oga kuUnited States kunobetsera vabereki vake. Akazviona zviri madikanwa kuti arambe ariko kwemwedzi inoverengeka. Mamiriro ezvinhu akanga akaoma, asi paakaita zvaaigona, ungano yakapindira ndokubetsera kuitira kuti agogona kupfuuridzira basa rake roufundisi. Kwenhambo yamakore 18, ungano yakagovera betsero yorudo nenzira dzakawanda, kutanga nokuda kwababa (kunyange zvazvo vakanga vasingachazivi vakawanda vavo) uye ipapo nokuda kwamai. Izvozvo zvakasunungura mutoro womwanakomana wacho here? Aiwa; kakawanda aiuya achibva kuSenegal ndokushandisa zororo rake kuti agovere betsero yose yaaigona. Asi vakawanda vakanga vari muungano iyoyo vakanga vachifara kuziva kuti vakanga vari kugoverana mukuita kuti varoorani vanoshanda zvakaoma varambe vari mubasa renguva yakazara muSenegal.

Jesu akataura kuti avo vanosiya vose nokuda kwamashoko akanaka vaizova nehama, hanzvadzi, vanamai, uye vana vane zana. (Marko 10:29, 30) Izvozvo ndezvechokwadi pakati pavabatiri vaJehovha. Vamwe varoorani zvino vari kushanda muBenin, West Africa, vakaziva izvi nenzira chaiyo apo Zvapupu zviviri zviri muungano yavabereki vavo zvakavaudza kuti vasanetseka pamusoro pavabereki vacho. Vakawedzera kuti: “Vabereki venyu vabereki veduwo.”

Hungu, pane nzira dzakawanda dzatinogona kuratidza nadzo kuti tinokoshesa zvikuru ropafadzo dzebasa rinoyera. Pane nzira dzaungaita nadzo izvi nenzira yakazara zvikuru here?

[Mifananidzo iri papeji 26]

Vakazviita vanowanika nokuda kwebasa chairo renguva yakazara

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe