RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 8/1 p. 30
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Anoporesa Mukomana Akagarwa Nedhimoni
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mukomana Ane Dhemoni Anoporeswa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Jesu Anoita Mabasa Makuru muKapenaume
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 8/1 p. 30

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Maererano naMateo 17:20, vaapostora vakanga vasingakwanisi kurapa mukomana airwara ‘nemhaka yokutenda kwavo kushoma.’ Zvisinei, pana Marko 9:29, kusakwanisa kwavo kunobatanidzwa nokudikanwa kwokunyengetera. Nei zvikonzero zvakasiyana zvichipiwa munhoroondo dzeEvhangeri dzakasiyana?

Chaizvoizvo, nhoroondo mbiri dzinowirirana, kwete kupesana. Kutanga, tarira pana Mateo 17:14-20. Mumwe murume akashuma kuti mwanakomana wake akanga ane zvipusha uye kuti vadzidzi vaJesu vakanga vasingakwanisi kurapa mukomana wacho. Ipapo Jesu akarapa mukomana wacho kupfurikidza nokudzinga dhimoni rakanga richimutambudza. Vadzidzi vakabvunza chikonzero nei vaisagona kudzinga dhimoni racho. Maererano nenhoroondo yaMateo, Jesu akapindura kuti: “Nemhaka yokutenda kwenyu kuduku, nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana mune kutenda kwakaita setsanga yemastadha, mungati kugomo iri: Ibva pano, enda koko! ringaenda; hakuna chinhu chingakukundai.”

Zvino enda kuna Marko 9:14-29, kwatinowana mamwe mashoko. Somuenzaniso, Marko 9:17 inogovera mashoko okuti munhau ino zvipusha zvaikonzerwa nomudzimu wakaipa. Zvakafanira kucherekedza kuti Bhaibheri rinotaura kuti kune imwe nzvimbo Jesu akarapa vanhu vaiva nezvipusha uye vaiva namadhimoni. (Mateo 4:24) Muaya mamiriro ezvinhu akasiyana, zvipusha zvaiparirwa ne“mweya wembeveve nematsi,” ndiko kuti ,uri mweya wakaipa, unosimbiswa nachiremba Ruka. (Ruka 9:39; VaKorose 4:14) Cherekedza pana Marko 9:18 kutaura kwokuti, “Kwose kwa[ri]nomubata [dhimoni], [ri]nomuwisira pasi.” Naizvozvo mukomana wacho akanga asinganetswi nedhimoni racho nguva dzose, panhambo nenhambo bedzi. Zvisinei, vadzidzi vakanga vasingagoni kudzinga dhimoni racho nokudaro ndokurapa mukomana wacho. Pavakabvunza chikonzero nei, Jesu akapindura: “Rudzi urwu harwungatongobudi, asi nokunyengetera.”

Kunyange zvakadaro, kurava nhoroondo yaMarko nokungwarira kunoratidza kuti hapana kupesana nezvakanyorwa naMateo. Pana Marko 9:19, tinorava kuti Jesu akatuka kusatenda kwechizvarwa ichocho. Uye Mk 9 mundima 23, makanyorwa kuti akaudza baba vomukomana wacho kuti: “Zvose zvingaitika kune unotenda.” Naizvozvo Marko anosimbisawo kukosha kwokutenda. Kungoti zvako Mk 9 mundima 29, Marko anogovera mashoko okuwedzera. Marko anowedzera zvakataura Jesu pamusoro pomunyengetero, zvisina kubatanidzwa naMateo kana kuti naRuka.

Ipapoka, tinogona kutii? Pane dzimwe nhambo vose vari vaviri vaapostora 12 navadzidzi 70 vakadzinga midzimu yakaipa. (Marko 3:15; 6:13; Ruka 10:17) Asi muchiitiko ichi vadzidzi vakanga vasingagoni kudzinga dhimoni racho. Nei? Kana tikabatanidza mashoko anodudzwa munhoroondo dzakasiyana-siyana, tinofanira kugumisa kuti vakanga vasina kugadzirira kuita kudaro muchiitiko chino. Zvichida rutivi rwechinetso chacho rwakanga rwuri rudzi rwedhimoni raibatanidzwa, sezvazvinoratidza sokuti madhimoni angava nounhu hwakasiyana, zvaanofarira, uye kunyange mano. Neiri, kutenda kwakasimba zvikuru nokunyengeterera betsero yaMwari nomwoyo wose zvaidikanwa. Chokwadika, Jesu akanga ane kutenda kwakadaro. Akanga achitsigirwawo noMunzwi womunyengetero, Baba vake. (Pisarema 65:2) Jesu aisangogona bedzi kurapa mukomana aitambura kupfurikidza nokudzinga dhimoni asi akaita kudaro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe