RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 6/15 pp. 30-31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Ushumiri hwaJesu muPereya
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Tinofanira Kuitei Kuti Tiponeswe?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Wakagamuchira “Mudzimu Wechokwadi” Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 6/15 pp. 30-31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Jesu akakurudzira kuti: “Irwai kupinda nesuo rakamanikana; nokuti vazhinji, ndinoti kwamuri, vachatsvaka kupinda, asi havangagoni.’’ (Ruka 13:24) Airevei, uye zvinoshanda sei nhasi?

Tinogona kunzwisisa zvakanakisisa ichi chikamu chinofadza kupfurikidza nokurangarira mamiriro acho. Mwedzi mitanhatu asati afa, Jesu akanga ari muJerusarema mukati mokupemberera kutsaurirwazve kwetemberi. Akataura nezvokuva mufudzi wamakwai aMwari asi akaonesa kuti vaJudha vose zvavo vakanga vasiri pakati pamakwai akadaro nemhaka yokuti vakaramba kuteerera. Paakataura kuti akanga ari “vamwe” naBaba vake, vaJudha vakanhonga matombo kuti vamutake. Akatizira kuPerea mhiri kwaJoridhani.—Johane 10:1-40.

Ikoko mumwe murume akabvunza kuti: “Ishe, vachazoponeswa vashoma here?” (Ruka 13:23) Iwoyo wakanga uri mubvunzo wakafanira kuti abvunze, sezvo vaJudha venguva iyoyo vairangarira kuti nhamba yakaganhurirwa bedzi yaizofanirwa noruponeso. Nomurangariro wavakaratidzira, hazvina kuoma kufungidzira kuti ndiani wavaifunga kuti aizoumba vashomanene. Vakanga vasina kururama sei, sezvo zvakaitika gare gare zvaizoratidzira!

Kwamakore anenge maviri, Jesu akanga ari pakati pavo, achidzidzisa, achiita zvishamiso, uye achitambanudza kubvira kwokuva kwavo vadyi venhaka yoUmambo hwokudenga. Nomugumisiroi? Ivo, uye zvikurukuru vatungamiriri vavo, vaidada nokuva vazukuru vaAbrahama uye kuronzeswa Mutemo waMwari. (Mateo 23:2; Johane 8:31-44) Asi vaisazoziva ndokuteerera inzwi roMufudzi Akaisvonaka. Pakanga pakaita sokuti pane suo rakavazarukira, mubayiro mukuru wokupfuura nomariri uri wokuva mutezo muUmambo, asi vakaramba. Vashomanene zvikuru bedzi, zvikurukuru vaibva muboka rakaderera, vakanzwa shoko raJesu rechokwadi, vakagamuchira, uye vakanamatirana naye.—Ruka 22:28-30; Johane 7:47-49.

Pazuva rePendekosti ya33 C.E., vakanga vari vapashure avo vaimirira kuzodzwa nomudzimu. (Mabasa 2:1-38) Vakanga vasiri pakati pevaiti vokusarurama vakadudzwa naJesu avo vaizochema nokugeda-geda meno avo nemhaka yokukundikana kushandisa mukana wakaitwa kuti uwanikwe kwavari.—Ruka 13:27, 28.

Somugumisiro, muzana rokutanga ramakore “vazhinji” vakanga vari vaJudhawo zvavo, uye zvikurukuru vatungamiriri vorudzidziso. Ivava vakataura kuti vaida nyasha dzaMwari—asi bedzi maererano nemitemo yavo pachavo nenzira, kwete yaMwari. Mukupesana, “vashoma” zvikuru avo vakagamuchira nemhaka yefariro yechokwadi kuva rutivi rwoUmambo vakava mitezo yakazodzwa yeungano yechiKristu.

Zvino rangarira kushandiswa kwakatambanudzwa zvikuru kunoitika muzuva redu. Vanhu vakawanda vanopinda machechi echiKristudhomu vakadzidziswa kuti vachaenda kudenga. Zvisinei, chishuvo ichi hachina kuvakirwa padzidziso dzakarurama dzeMagwaro. Kufanana navaJudha pakuvamba, ava vanoda nyasha dzaMwari bedzi nemafungiro avo pachavo.

Kunyange zvakadaro, pane vashomanene zvikuru munguva yedu vakagamuchira shoko roUmambo nokuzvininipisa, vakazvitsaurira kuna Jehovha, uye vakava munzvimbo yokugamuchira nyasha dzake. Izvi zvakatungamirira kukuva kwavo “vanakomana voushe.” (Mateo 13:38) “Vanakomana” vakazodzwa vakadaro vakavamba kukokwa paPendekosti ya33 C.E. Zvapupu zvaJehovha zvakanguri zvarangarira kuti ufakazi hwokuti kubata kwaMwari navanhu vake kunokarakadza kuti zvikurukuru mitezo yeboka rokudenga yakadanwa. Nokudaro, avo vakadzidza chokwadi cheBhaibheri mumakore mashomanene apfuura vakanzwisisa kuti tariro youpenyu husingaperi muparadhiso yapasi zvino iri kupiwa. Ava vakasvika pakupfuura vakasarira vavaKristu vakazodzwa vari kuderera, vane kariro yokuenda kudenga chaizvoizvo. Ruka 13:24 haishandi zvikurukuru kuavo vasingakariri kuenda kudenga, asi zvirokwazvo ine zano rokuchenjera nokuda kwavo.

Kupfurikidza nokutikurudzira kuzvishandisa zvakasimba, Jesu akanga asiri kutaura kuti iye kana kuti Baba vake vanoisa mhinganidzo munzira yedu kuti vatipinganidze. Asi tinonzwisisa kubva muna Ruka 13:24 kuti zvinodikanwa zvaMwari zvinobvisa vasina kufanira. Kuti “irwai” zvinoreva kutambudzika, kuzvitambanudza. Nokudaro tingazvibvunza kuti, ‘Ndiri kuzvitambanudza here?’ Ruka 13:24 inganyorwa namamwe mashoko kuti, ‘Ndinofanira kuzvishandisa nesimba kuti ndipinde nesuo rakamanikana nemhaka yokuti vakawanda vachatsvaka kupinda asi havazokwanisi. Naizvozvo ndiri kuzvishandisa nesimba here? Ndakafanana nomumhanyi ari munhandare yakare anopa zvose zvaanazvo kuti awane mubayiro here? Hapana mumhanyi akadaro angava nemwoyo miviri, achizvitora nyore. Ndiri kudaro here?’

Mashoko aJesu anokarakadza kuti vamwe vangatsvaka ku‘pinda nesuo’ bedzi pazvinenge zvakavanakira, vachimhanya nyore nyore zvavanoda. Murangariro wakadaro ungagona kutapura Zvapupu. Vamwe vangafunga kuti, ‘Ndinoziva nezvavaKristu vakazvipira vakazvitambanudza kwamakore, vachirega zvimwe zvinhu zvakawanda; asi, pakasvika nguva yokufa kwavo, mugumo wegadziriro ino yakaipa wakanga usati wasvika. Naizvozvo zvimwe zviri nani kuti nditi dererei, ndirarame upenyu hwenguva dzose.’

Zviri nyore kufunga nenzira iyoyo, asi kuchenjera chaizvoizvo here? Somuenzaniso, vaapostora vakafunga nenzira iyoyo here? Zvechokwadi kwete. Vakapa kunamata kwechokwadi zvinhu zvavo zvose—kutozosvikira pakufa kwavo. Pauro, somuenzaniso, aigona kuti: “[Kristu nd]iye watinoparidza isu . . . Ndizvo zvandinobatirawo, ndichirwa, zvichiitwa nokubata kwake kunobata mukati mangu nesimba.” Gare gare akanyora kuti: “Nokuti ndizvo zvatinotambudzikira nokurwira, nokuti tariro yedu iri kuna Mwari mupenyu, Muponesi wavanhu vose, zvikuru wavanotenda.”—VaKorose 1:28, 29; 1 Timotio 4:10.

Tinoziva kuti Pauro akaita chinhu chakanaka chose chose mukuzvishandisa. Mumwe nomumwe wedu angagutsikana sei kukwanisa kutaura sezvakaita Pauro kuti: “Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza rwendo rwangu, ndakachengeta kutenda.” (2 Timotio 4:7) Naizvozvo maererano namashoko aJesu akanyorwa pana Ruka 13:24, mumwe nomumwe wedu anogona kubvunza kuti, ‘Ndiri kuzvishandisa nokushingaira nokubishaira here? Hungu, ndinopa here ufakazi hwakakwana, hwenguva dzose hwokuti ndinoteerera zano raJesu rokuti: “Irwai kupinda nesuo rakamanikana”?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe