Tinofanira Kuitei Kuti Tiponeswe?
MUMWE murume akambobvunza Jesu, kuti: “Ishe, vachazoponeswa vashoma here?” Jesu akapindura sei? Akati here: ‘Ingondigamuchira chete saShe wako noMuponesi, uye uchaponeswa’? Aiwa! Jesu akati: “Irwai kupinda nesuo rakamanikana; nokuti vazhinji, ndinoti kwamuri, vachatsvaka kupinda, asi havangagoni.”—Ruka 13:23, 24.
Jesu akakundikana kupindura mubvunzo womurume wacho here? Aiwa, murume wacho haana kubvunza kuti kwaizova kwakaoma sei kuti tiponeswe; akabvunza kana nhamba yacho yaizova shomanene. Naizvozvo Jesu akangoratidzirawo zvake kuti vanhu vashomanene zvikuru kupfuura izvo munhu angakarira vaizozvishandisa vamene nesimba kuti vagamuchire ichi chikomborero chinoshamisa.
‘Handizvo zvandakaudzwa,’ vamwe varavi vangaramba. Ivava vanganokora mashoko Johane 3:16, iyo inoti: “Nokuti Mwari akada nyika kwazvo, zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti ani naani anomutenda haafaniri kufa, asi ave noupenyu husingaperi.” (King James Version) Zvisinei, tinopindura, kuti: ‘Chii, ipapo, chatinofanira kutenda? Kuti Jesu akararama chaizvoizvo here? Chokwadika. Kuti Mwanakomana waMwari here? Zvirokwazvo! Uye sezvo Bhaibheri richidana Jesu kuti “Mudzidzisi” uye “Ishe,” hatifaniriwo here kudavira zvaakadzidzisa, kumuteerera, uye kumutevera?’—Johane 13:13; Mateo 16:16.
Kutevera Jesu
Aa, pano chinetso chinomuka! Vanhu vazhinji avo vakaudzwa kuti vaka“poneswa” vanoratidzika kuva vane vavariro duku yokutevera kana kuti zvimwe kuteerera Jesu. Kutaura idi, mumwe mufundisi wePurotesitendi akanyora, kuti: “Chokwadika, kutenda kwedu Kristu kunofanira kupfuurira. Asi kutaura kwokuti kunofanira kupfuurira chose chose, kana kuti kunodaro chaizvoizvo, hakuna tsigiro napaduku pose muBhaibheri.”
Mukupesana, Bhaibheri rinoronga miitiro younzenza iyo inozivikanwa navose pakati pavamwe vanhu avo vanofunga kuti vaka“poneswa.” Nezvemumwe akapfuurira munzira dzakadaro, rakarayiridza vaKristu, kuti: “Bvisai pakati penyu munhu uyo wakaipa.” Zvirokwazvo Mwari angasada vanhu vakashata vanosvipisa ungano yake yechiKristu!—1 VaKorinte 5:11-13.
Ipapo, kutevera Jesu kunorevei, uye tinogona sei kuita ikoko? Eya, Jesu akaitei? Akanga aine unzenza here? ari chifeve here? ari chidhakwa here? ari murevi wenhema here? Akanga asina kutendeseka mubhizimisi here? Chokwadika kwete! ‘Asi,’ ungabvunza kudaro, ‘ndinofanira kubvisa zvinhu zvose izvozvo muupenyu hwangu here?’ Nokuda kwemhinduro yacho, rangarira bhuku raVaEfeso 4:17 kusvikira ku 5:5. Haritauri kuti Mwari achatigamuchira pasinei zvapo nezvatinoita. Panzvimbo pezvo, rinotiudza kuva vakasiyana nemarudzi enyika ayo azova “[asitongorina pfungwa yose yetsika, NW] . . . asi imi hamuna kudzidza Kristu saizvozvo . . . mubvise munhu wekare, unoodzwa nokuchiva kwokunyengera . . . Wakaba, ngaarege kubazve . . . Upombwe, netsvina yose, kana kuchiva, ngazvirege kurehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene . . . Nokuti munoziva kwazvo, kuti hakuna mhombwe, kana munhu ane tsvina, kana unochiva, ndiye unonamata zvifananidzo, ungadya nhaka muushe hwaKristu naMwari.”
Tiri kutevera Jesu here kana tisingaedzi napaduku kurarama mutsinhirano nomuenzaniso wake? Hatifaniri here kushandira pakuita kuti upenyu hwedu huve hwakafanana zvikuru nohwaKristu? Mubvunzo iwowo unokosha hauwanzorangarirwi, kana uchitongorangarirwa navanhu vanoti, sezvinoita rimwe turakiti rorudzidziso: “Uya kuna Kristu zvino—wakangoita sezvawakaita.”
Mumwe wavadzidzi vaJesu akanyevera kuti vanhu vasina umwari vakanga vachi“shandura nyasha dzaMwari wedu vachidziita utere, vachiramba Tenzi uyu mumwe chete, Ishe wedu Jesu Kristu.” (Judhasi 4) Kutaura idi, tingashandura sei ngoni dzaMwari ku“dziita utere”? Tingagona kuita saizvozvo kupfurikidza nokufungidzira kuti chibayiro chaKristu chinofukidza zvivi zvoune izvo tinovavarira kuramba tichipara panzvimbo pezvivi zvokusakwana kwomunhu izvo tiri kuedza kusiya. Zvirokwazvo hataizoda kubvumirana nemumwe wavaevhangeri vanozivikanwa zvikurusa veAmerica, uyo akataura kuti haufaniri ku“chena, kurega, kana kuti kutendeuka.”—Siyanisa naMabasa 17:30; VaRoma 3:25; Jakobho 5:19, 20.
Chitendero Chinosunda Chiito
Vanhu vazhinji vakaudzwa kuti “kudavira Jesu” chiito chimwe uye kuti kutenda kwedu hakufaniri kuva kwakasimba zvakakwana zvokusunda kuteerera. Asi Bhaibheri haribvumi. Jesu haana kutaura kuti vanhu vanovamba nzira yechiKristu vanoponeswa. Panzvimbo pezvo, akati: “Unotsungirira kusvikira pakuguma, uchaponeswa.” (Mateo 10:22) Bhaibheri rinofananidza nzira yedu yechiKristu nenhangemutange, ruponeso ruchiva mubayiro pakupera kwayo. Uye rinokurudzira, kuti: “Mhanyai saizvozvo, kuti muuwane.”—1 VaKorinte 9:24.
Nokudaro, “kugamuchira Kristu” kunobatanidza zvinopfuura zvikuru kungogamuchira chete zvikomborero izvo chibayiro chaJesu chakaisvonaka chinopa. Kuteerera kunodikanwa. Muapostora Petro anotaura kuti kutonga kunotanga “paimba yaMwari,” uye anowedzera, kuti: “Zvino kana kukatanga kwatiri, kuguma kwavasingateereri Evhangeri yaMwari kuchagoveiko?” (1 Petro 4:17) Naizvozvo tinofanira kuita zvinopfuura kungonzwa chete ndokudavira. Bhaibheri rinotaura kuti tinofanira kuva “vaiti veshoko, [to]sava vanzwi voga, [ti]chizvinyengera [timene].”—Jakobho 1:22.
Mashoko aJesu Amene
Bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa rine mashoko akabva kuna Jesu, akapiwa kupfurikidza naJohane kuungano nomwe dzapakuvamba dzechiKristu. (Zvakazarurwa 1:1, 4) Jesu akataura kuti sezvo vanhu vaiva muungano idzi vakanga vatomu“gamuchira,” ikoko kwakanga kwakakwana here? Aiwa. Akarumbidza zviito zvavo, basa ravo uye kutsungirira kwavo ndokutaura nezverudo rwavo, kutenda, uye ushumiri. Asi akataura kuti Dhiyabhorosi aizovaedza uye kuti vaizotuswa “mumwe nomumwe [wavo] paakabata napo.”—Zvakazarurwa 2:2, 10, 19, 23.
Nokudaro Jesu akarondedzera kuzvipira kwakakura zvikuru kupfuura uko vanhu vazhinjisa vakanzwisisa apo vakaudzwa kuti ruponeso rwavo rwakanga rwuri “basa rakapedzwa” nokukurumidza pavakamu“gamuchira” pamusangano worudzidziso. Jesu akati: “Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, asimudze muchinjikwa wake, anditevere. Nokuti ani naani unoda kuponesa upenyu hwake, ucharashikirwa nahwo; asi ani naani unorashikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu, uchahuwana.”—Mateo 16:24, 25.
Kuzviramba timene? Kutevera Jesu nguva dzose? Ikoko kwaizoda nhamburiko. Kwaizochinja upenyu hwedu. Bva, Jesu chaizvoizvo akataura kuti vamwe vedu tingatofanira ku‘rasikirwa nemweya yedu’—kumufira here? Hungu, rudzi irworwo rwokutenda runouya bedzi nokuziva zvinhu zvakaisvonaka izvo unogona kudzidza mukufunda Shoko raMwari. Kwakanga kwakajeka pazuva iro Stefano akatakwa namabwe navanyanyisi vorudzidziso avo vakanga “vasingagoni kukunda kuchenjera kwake, nomweya waaitaura na[wo].” (Mabasa 6:8-12; 7:57-60) Uye kutenda kwakadaro kwakaratidzirwa munguva yedu nemazana eZvapupu zvaJehovha izvo zvakafira mumisasa yechibharo yeNazi panzvimbo pokupunza hana dzazvo dzakarovedzwa neBhaibheri.a
Kushingaira kwechiKristu
Tinofanira kubatisisa kutenda kwedu kwechiKristu nemhaka yokuti, kusafanana neizvo unganzwa mune dzimwe chechi kana kuti papurogiramu dzeterevhizheni dzorudzidziso, Bhaibheri rinoti tinogona kurasika. Rinotaura nezvavaKristu vakasiya “nzira yakarurama.” (2 Petro 2:1, 15) Tinofanira nokudaro ku‘ramba tichishandira ruponeso rwedu timene nokutya nokudedera.’—VaFiripi 2:12; 2 Petro 2:20.
Izvi ndizvo izvo vaKristu vezana ramakore rokutanga, vanhu vakanzwa Jesu chaizvoizvo navaapostora vake vachidzidzisa, vainzwisisa nhau yacho here? Hungu. Vaiziva kuti vaifanira kuita chimwe chinhu. Jesu akati: “Endai naizvozvo, mudzidzise marudzi ose, . . . muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurayirai imi.”—Mateo 28:19, 20.
Vhiki dzakati pashure pokunge Jesu ataura izvozvo, vanhu 3 000 vakabhapatidzwa muzuva rimwe chete. Nhamba yavatendi yakakura nokukurumidza kusvika ku5 000. Avo vakatenda vakadzidzisa vamwe. Apo chitambudzo chakavaparadzira, chakangobatira bedzi kuparadzira shoko ravo. Bhaibheri haritauri kuti vatungamiriri vashomanene chete asi “vakaparadzirwa, vakapotenyika, vachiparidza shoko.” Makore 30 gare gare, muapostora Pauro aigona naizvozvo kunyora kuti mashoko akanaka akanga a“paridzirwa zvisikwa zvose pasi pokudenga.”—Mabasa 2:41; 4:4; 8:4; VaKorose 1:23.
Pauro haana kuita vatendeuki, sezvinoita vamwe vaevhangeri vomuTV, kupfurikidza nokuti: ‘Gamuchira Jesu iye zvino, uye uchaponeswa nokusingaperi.’ Haana kuva nechivimbo somumwe wavafundisi veAmerica uyo akanyora, kuti: “Semukomana wechiduku, . . . ndakanga ndatoponeswa.” Makore anopfuura 20 pashure pokunge Jesu pachake asarudza Pauro kuti aendese shoko rechiKristu kuvanhu vamarudzi, muapostora uyu aishanda nesimba akanyora, kuti: “Ndinorwadzisa muviri wangu, ndichiuita muranda; kuti zvimwe ini, ndamboparidzira vamwe, ndirege kuva wakarashwa ndimene.”—1 VaKorinte 9:27; Mabasa 9:5, 6, 15.
Ruponeso chipo chapachena chinobva kuna Mwari. Harugone kuwanwa. Bva runoda nhamburiko yedu. Kana mumwe munhu akakupa chipo chinokosha zvikuru uye usingaratidzi kuonga kwakakwana kuchitora ndokuenda nacho, kushaya kwako kuonga kungasunda mupi kuchipa kune mumwe munhuwo zvake. Eya, ropa roupenyu raJesu Kristu rinokosha sei? Chipo chapachena, asi tinofanira kuratidzira kuchionga zvikuru.
VaKristu vechokwadi vari muchimiro chokuponeswa mukuti vari munzvimbo inotenderwa pamberi paMwari. Seboka, ruponeso rwavo rune chokwadi. Savanhu vamwe navamwe, vanofanira kusvitsa zvinodikanwa zvaMwari. Zvisinei, tinogona kukundikana, nokuti Jesu akati: “Kana munhu asingagari mandiri, unorashwa kunze sedavi, ndokuoma.”—Johane 15:6.
‘Shoko raMwari Ibenyu’
Kurukurirano yadudzwa pakuvamba kwenyaya yatangira ino yakaitika makore anodokusvika 60 apfuura. Johnny achiri kudavira kuti ruponeso runouya bedzi kupfurikidza naJesu Kristu, asi anoziva kuti tinofanira kurusvasvavirira. Achiri kupwiswa kuti Bhaibheri rinonongedzera kumanyuko bedzi chaiwoiwo etariro yorudzi rwomunhu uye kuti tinofanira kufunda bhuku iroro rinoshamisa, kusundwa naro, uye kuriita kuti ritisundire kumabasa orudo, kutenda, mutsa, kuteerera, uye kutsungirira. Akarera vana vake kuti vadavire zvinhu zvimwe chetezvo, uye zvino anofara kuvaonawo vachirera vana vavo nenzira imwe cheteyo. Anoda kuti kudai munhu ari wose akanga aine rudzi irworwo rwokutenda, uye anoita chipi nechipi chaanogona kukuroverera mumwoyo nendangariro zvavamwe.
Muapostora Pauro akafuridzirwa kunyora kuti “shoko raMwari ibenyu, rine simba.” (VaHebheru 4:12) Rinogona kuchinja upenyu. Rinogona kukusundira kumabasa omwoyo wose orudo, okutenda, uye kuteerera. Asi unofanira kuita zvizhinji kupfuura kungo“gamuchira” chete nendangariro izvo Bhaibheri rinotaura. Rifunde uye ita kuti mwoyo wako usundwe naro. Uchenjeri hwaro ngahukutungamirire. Zvapupu zvinodisa zvaJehovha 5 000 000 munyika dzinopfuura 230 zvinokarakadza fundo dzeBhaibheri dzapamusha dzapachena. Kuti uone chaunogona kudzidza mufundo yakadaro, nyorera vabudisi vemagazini ino. Kutenda nesimba romudzimu zvaunowana zvichakufadza!
[Mashoko Omuzasi]
a Mubhuku rake The Nazi State and the New Religions: Five Case Studies in Non-Conformity, Dr. Christine E. King akashuma, kuti: “Mumwe muvaviri vari vose veZvapupu [zvaJehovha] zveGermany akaiswa mutorongo, mumwe muvana akarasikirwa noupenyu hwake.”
[Bhokisi riri papeji 7]
Neiko Ku“rwir[a] Kwazvo Kutenda”?
Bhuku reBhaibheri raJudhasi rakanyorerwa “kuna vakadanwa . . . , vakachengetererwa Jesu Kristu.” Rinotaura here kuti nemhaka yokuti vakanga va‘gamuchira Jesu,’ ruponeso rwavo rwakanga rwava nechokwadi? Aiwa, Judhasi akaudza vaKristu vakadaro ku“rwir[a] kwazvo kutenda.” Akavapa zvikonzero zvitatu zvokuita saizvozvo. Chokutanga, Mwari aka“rwira vanhu munyika yeEgipita,” asi vazhinji vavo gare gare vakatsauka. Chechipiri, kunyange ngirozi dzakapanduka ndokuva madhemoni. Chechitatu, Mwari akaparadza Sodhoma neGomora nemhaka youtere hwakakomba hwaiitwa mumaguta iwayo. Judhasi anopa idzi nhoroondo dzeBhaibheri se“chiratidzo.” Hungu, kunyange vatendi “vakachengetererwa Jesu Kristu” vanofanira kungwarira kuti vasatsauke pakutenda kwechokwadi.—Judhasi 1-7.
[Bhokisi riri papeji 8]
Ndechipi Chakarurama?
Bhaibheri rinoti: “Munhu unoruramiswa nokutenda kunze kwamabasa omurayiro.” Rinotiwo: “Munhu unoruramiswa namabasa, haaruramiswi nokutenda bedzi.” Ndechipi chakarurama? Tinoruramiswa nokutenda kana kuti namabasa here?—VaRoma 3:28; Jakobho 2:24.
Mhinduro inotsinhirana inobva muBhaibheri ndeyokuti kwose kuri kuviri kwakarurama.
Kwamazana amakore Mutemo uyo Mwari akapa kupfurikidza naMosesi wakanga wada kuti vanamati vechiJudha vaite zvibayiro nezvipiriso zvakati, kuchengeta mazuva emutambo, uye kuwirirana nezvinodikanwa zvezvokudya nezvimwe. “Mabasa omurayiro” akadaro, kana kungoti “mabasa,” akanga asati achiri madikanwa pashure pokunge Jesu agovera chibayiro chakakwana.—VaRoma 10:4.
Asi idi rokuti mabasa aya aiitwa muMutemo waMosesi akatsiviwa nechibayiro chaJesu chakaisvonaka hakuna kureva kuti tinogona kufuratira mirayiridzo yeBhaibheri. Rinoti: “Zvikuru sei ropa raKristu . . . richanatsa hana dzedu pamabasa [ekare] akafa, kuti tishumire Mwari mupenyu.”—VaHebheru 9:14.
Tino“shumir[a] Mwari mupenyu” sei? Pakati pezvimwe zvinhu, Bhaibheri rinotiudza kurwisa mabasa enyama, kudzivisa unzenza hwenyika, uye kudzivisa misungo yayo. Rinoti: “Urwe kurwa kwakanaka kwokutenda,” ngatibvisei “zvivi zvinongotinamatira,” uye “ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa, tichitarira kuna Jesu, muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu.” Uye Bhaibheri rinotikurudzira kusa‘neta ndokurega mumweya yedu.’—1 Timotio 6:12; VaHebheru 12:1-3; VaGaratia 5:19-21.
Hatiwani ruponeso kupfurikidza nokuita zvinhu izvi, nokuti hakuna munhu angambogone kuita zvakakwana kuti afanirwe nechikomborero chakadaro chinokatyamadza. Hatifanirwi neichi chipo chakaisvonaka, zvisinei, kana tichikundikana kuratidzira rudo rwedu nokuteerera kupfurikidza nokuita zvinhu izvo Bhaibheri rinoti Mwari naKristu vanoda kuti tiite. Pasina mabasa okuratidzira kutenda kwedu, kutaura kwedu kwokutevera Jesu kwaizova kusina kukwana zvikuru, nokuti Bhaibheri rinotaura zvakajeka, kuti: “Kutenda kana kusina mabasa, kwakafa hako.”—Jakobho 2:17.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Funda Bhaibheri, uye sundwa naro