Inguva Yemberi Yakadini Nokuda Kwepasi Redu?
“Hapana rimwe zana ramakore rakanyorwa rinoenzana nerechi20 mumasimba masimba avanhu oupengo, munhamba yehondo dzakarwiwa, mapoka evapoteri akaitwa, mamiriyoni avanhu akaurawa muhondo, uye ndyiko huru dze‘kuzvidzivirira’” inodaro World Military and Social Expenditures 1996. Mamiriro aya ezvinhu achazombochinja here?
Muapostora Petro akayeuchidza vaKristu nezvevimbiso yakaitwa naMwari mazana amakore apakuvamba: “Sezvaakapikira [Mwari], tinotarira denga idzva nenyika itsva, munogara kururama mazviri.” (2 Petro 3:13) Mashoko akadaro pakutanga akanga ari rutivi rwouporofita hwaIsaya. (Isaya 65:17; 66:22) Israeri wakare akaona kuzadzika kwokutanga apo rudzi rwacho rwakadzorerwa kunyika yarwo yakapikirwa pashure pokuva nhapwa muBhabhironi kwamakore 70. Kupfurikidza nokutaurazve chipikirwa che“denga idzva nenyika itsva,” Petro akaratidza kuti uporofita hwacho hwaizozadzikwa pamwero unotova mukuru zvikuru—munyika yose!
Kutanga kwamamiriro ezvinhu akarurama mupasi rose kuda kwaMwari, uye kuchaparirwa noUmambo hwake hwokudenga naKristu saMambo. “Rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.” (Isaya 2:4) Rugare rwakakwana kudaro nokuchengeteka pasi pano ndizvo izvo Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti vakarire uye vanyengeterere muunowanzodanwa kuti Munyengetero waBaba Vedu, kana kuti waShe, achiti: “Ushe hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.”—Mateo 6:9, 10.
Ungafarikanya kurarama munyika yakarurama sezvakaita denga here? Ndiyo tariro iyo Bhaibheri rinogovera munhu wose anotsvaka kuziva Mwari nomwoyo wose ndokurarama maererano nenzira dzake dzakarurama.