Ruramisiro Yechokwadi—Rini uye Sei?
VANHU vasina mhaka havafaniri kutya ruramisiro yechokwadi. Zvirokwazvo, vagari vomunyika kunenge kwose kwose vane chikonzero chokuva vanoonga kana nyika yavo ine gadziriro yemitemo inoedza kuvimbisa ruramisiro. Gadziriro yakadaro inobatanidza bumbiro remitemo, mapurisa anoita kuti iteererwe, uye matare okuita ruramisiro. VaKristu vechokwadi vanoremekedza gadziriro yokutonga yemavanogara, maererano nezano reBhaibheri roku“zviis[a] pasi pamasimba makuru.”—VaRoma 13:1-7.
Zvisinei, gadziriro dzokutonga munyika dzakasiyana-siyana dzakaita mhosho dzinokuvadza uye dzinonyadzisa.a Panzvimbo pokuranga vane mhaka ndokudzivirira vasina mhaka, padzimwe nguva vanhu vasina mhaka vakarangwa nokuda kwemhaka dzavasina kupara. Vamwe vanhu vakapedza makore akawanda vari mujeri, vakazosunungurwa vasati vapedza mutongo wavo nemhaka yekusava nechokwadi kwakakomba pamusoro pokuti vaiva nemhaka here uye kana kuva kwavo nemhaka kwakanga kwakarurama. Nokudaro, vakawanda vari kubvunza kuti, Kuchazombova neruramisiro yechokwadi nokuda kwomunhu wose here? Kana zvakadaro, rini uye sei? Tinogona kuvimba naani kuti adzivirire vasina mhaka? Uye itariroi iripo nokuda kwavanyajambwa vokusaruramisira?
Ruramisiro Yakakanganisika
Muma1980, Germany yakapupurira “mumwe wemiitiro inoshamisa zvikurusa wenhambo yepashure pehondo,” umo vamwe mai vakaendeswa kujeri upenyu hwose nokuda kwokuponda vanasikana vavo vaviri. Zvisinei, makore akati gare gare, ufakazi hwairwisana naye hwakanzverwazve, uye akasunungurwa achimirira kutonga kutsva. Die Zeit yakashuma muna 1995 kuti mutongo wapakuvamba “ungagona kubvumikisa kuva mhosho yokutonga.” Kusvikira panguva yokunyora kuno, mukadzi uyu akanga apedza makore mapfumbamwe ari mujeri asina chokwadi chokuva kwake ane mhaka kana kuti asina mhaka.
Mamwe manheru aNovember muna 1974, pakati peguta reBirmingham, England, pakazununguswa nokuputika kwamabhomba maviri ayo akauraya vanhu 21. Chakanga chiri chiitiko icho “munhu upi noupi muBirmingham asingazofi akakanganwa,” akanyora kudaro Chris Mullen, mutezo weParamende. Gare gare, “varume vatanhatu vasina mhaka vakawanwa vane mhaka yokuponda kukurusa munhau yeBritain.” Gare gare kuwanwa kwavo vane mhaka kwakarambwa—asi bedzi pashure pokunge varume vacho vapedza makore 16 vari mujeri!
Mupi wezano remitemo Ken Crispin akashuma pamusoro pemhaka yaka“kwezva fungidziro yevanhu nomutoo wechienzi wakasiyana muzvinyorwa zvenhau yemitemo yeAustralia.” Imwe mhuri yakanga ichigara mumusasa pedyo neAyers Rock apo mwana wavo akanyangarika, akasazombowanikwazve. Mai vacho vakapiwa mhaka yokuponda, vakawanwa vane mhaka, uye vakatongerwa upenyu mujeri. Muna 1987, pashure pokunge vaiswa mujeri kwaanopfuura makore matatu, imwe nzvero yehurumende yakawana kuti ufakazi hwaipiwa mukurwisana navo hwakanga husingagoni kururamisa kuwanwa vane mhaka. Vakabudiswa uye vakaregererwa.
Mumwe mukadzi ane makore 18 okukura aigara kuchamhembe kweUnited States akapondwa muna 1986. Mumwe murume wezera rapakati nepakati akapiwa mhaka, akawanwa ane mhaka, uye akatongerwa rufu. Akapedza makore matanhatu ari mujeri raiva navasungwa vakamirira kuurawa zvisati zvaonekwa kuti akanga asina chokuita nemhaka yacho.
Iyi mienzaniso yechienzi here yezvikanganiso zvokutonga? David Rudovsky weUniversity of Pennsylvania Law School anoti: “Ndave ndiri mugadziriro yacho kwemakore anenge 25 uye ndakaona mhaka dzakawanda kwazvo. Ndingati vakawanwa vane mhaka avo vasina mhaka chaizvoizvo . . . ndingafungidzira pakati pevashanu negumi muzana.” Crispin anobvunza mubvunzo unokangaidza: “Pane vamwe vanhu vasina mhaka vakagara vakaodzwa mwoyo muzvitokisi here?” Zvikanganiso zvakakomba kudaro zvinobvira sei?
Gadziriro Dzokutonga Dzavanhu—Dzine Utera Hwavanhu
“Hapana gadziriro yavanhu inogona kukarira kuva yakakwana,” yakasimbisa kudaro British Court of Appeal muna 1991. Gadziriro yokutonga inogona kungova yakarurama uye inovimbika kufanana navanhu vanoironga nokuishandisa. Vanhu vanoita mhosho, havatendeseki, uye vanosarura. Nokudaro, hazvifaniri kushamisa kuti gadziriro dzavanhu dzokutonga dzinoratidzira chaizvoizvo zvikanganiso izvi zvakangofanana. Rangarira zvinotevera.
Maererano noMutongi Rolf Bender weGermany, mu95 muzana yemhaka dzose dzoutsotsi, kutaura kwezvapupu kwakasimba soufakazi. Asi zvapupu zvakadaro zviri mumatare nguva dzose zvakavimbika here? Mutongi Bender haafungi kudaro. Anofungidzira kuti hafu yezvapupu zvinooneka mudare inoreva nhema. Bernd Schünemann, purofesa mukuru wemutemo wematsotsi paUniversity of Munich, Germany, akataura zvakafanana. Paakabvunzurudzwa naDie Zeit, Schünemann akasimbisa kuti kutaura kwezvapupu—ndiko chimiro chikuru choufakazi—kunyange zvazvo kusingagoni kuvimbwa nako. “Ndingati chikonzero chikuru chemhosho dzokururamisira ndechokuti mutongi anovimba nokutaura kusina kuvimbika kwezvapupu.”
Zvapupu zvinokanganisa; ndozvinoitawo mapurisa. Achinzvera zvikurukuru mhaka inoparira vanhu kuita hasha, mapurisa anodzvinyirirwa kuti asunge. Mumamiriro ezvinhu akadaro, mapurisa akatera kumuedzo wokuumba ufakazi kana kuti kumanikidza anofungidzirwa kuti areurure. Apo varume vatanhatu vakawanwa vane mhaka yokubhomba kwomuBirmingham vakasunungurwa, pepanhau reBritain The Independent rakanga rine musoro waiti: “Kuwanwa Kwavatanhatu Vane Mhaka Imhaka Yamapurisa Asina Kunaka.” Maererano neThe Times: “Mapurisa akareva nhema, akaronga kuita zvakaipa uye akanyengera.”
Mune dzimwe mhaka, rusaruro rungaita kuti mapurisa navanhu vanyumwire vanhu veganda rakati, rudzidziso, kana kuti rudzi. Sokutsinhira kunoita U.S. News & World Report, kupedza utsotsi ipapo kunogona kuipa kuva “nhau yokusarura ganda panzvimbo pechimwe chikonzero.”
Mhaka yangosvika kudare, zvisarudzo zvingatapurwa kwete bedzi nezvinotaurwa nezvapupu asiwo noufakazi hwesayenzi. Mune zvokuwana ane mhaka zvinoramba zvichioma, mutongi kana kuti vatongi vangakumbirwa kuti vasarudze kusava nemhaka kana kuti kuva nemhaka kwakavakirwa pamaballistic kana kuti kuzivikanwa namafingapirindi, runyoro, mapoka eropa, ruvara rwebvudzi, shinda dzemicheka, kana kuti maDNA. Rimwe gweta rakataura kuti matare akatarisana na“mapoka amasayendisiti anorondedzera miitiro yakaoma zvinokangaidza.”
Uyezve, magazini yeNature inotsinhira kuti havasi vasayendisiti vose vanobvumirana pamusoro petsananguro yeufakazi hwokuwana ane mhaka. “Panogona kuva nokusabvumirana kwechokwadi pakati pevasayendisiti vanowana ane mhaka.” Nenzira inosiririsa, “ufakazi husina kunaka hwokuwana nahwo ane mhaka hwakatoparira kuva nemhaka kwakawanda kusina kururama.”
Pasinei zvapo nekwatinogara, gadziriro dzose dzokutonga dziri kushanda zvino dzinoratidza kusakwanisa kwavanhu. Naizvozvo ndiani watinogona kuvimba kuti adzivirire vasina mhaka? Tinogona kuva netariro yokumbova neruramiriso yechokwadi here? Uye itariroi iripo nokuda kwavanyajambwa vemhosho dzokutonga?
“Ini Jehovha Ndinoda Zvakarurama”
Iwe kana kuti mutezo wemhuri yako mukava vanyajambwa vemhosho yeruramisiro, Jehovha Mwari noMwanakomana wake, Jesu, vanoziva zvamuri kutambura. Kusaruramisira kunotyisa zvikurusa kwenguva yose kwakaitwa apo Kristu akaurayirwa padanda rokutambudzikira. Muapostora Petro anotiudza kuti Jesu haa“na kuita zvivi.” Asi, akapomerwa nezvapupu zvenhema, akawanwa ane mhaka, uye akaurawa.—1 Petro 2:22; Mateo 26:3, 4, 59-62.
Fungidzira kuti Jehovha anofanira kuva akanzwa sei pamusoro pokubatwa zvisina kunaka kwakadaro kwoMwanakomana wake! Ruramisiro ndiro rimwe ramavara makuru aJehovha. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Nzira dzake dzose dzakarurama.”—Dheuteronomio 32:4; Pisarema 33:5.
Jehovha akapa Israeri gadziriro yokutonga yakatanhamara. Muchiitiko chokuponda kusina kugadziriswa, rufu rwaiyananiswa nechibayiro. Pakanga pasina dzvinyiriro yokupedza mhaka dzose zvichiisa mungozi kuwanwa ane mhaka kwomunhu asina mhaka. Hapana munhu aigona kuwanwa ane mhaka zvichivakirwa paufakazi husina kunanga kana kuti hwesayenzi; zvapupu zvinenge zviviri zvakaona zvaidikanwa. (Dheuteronomio 17:6; 21:1-9) Mienzaniso iyi inoratidza kuti Jehovha ane mitemo yakakwirira uye anoitira hanya kuti ruramisiro iitwe zvakafanira. Zvirokwazvo, anoti: “Ini Jehovha ndinoda zvakarurama.”—Isaya 61:8.
Chokwadika, gadziriro yaIsraeri yokutonga yakanga ichitarisirwa navanhu vaiva nezvikanganiso zvakafanana nezvedu. Pakanga pane zviitiko apo mutemo waishandiswa nenzira isina kunaka. Mambo Soromoni akanyora kuti: “Kana uchiona murombo achimanikidzwa, nokururamisa nokururama zvichibviswa nesimba panyika, usashamiswa nazvo; nokuti mukuru kuvakuru vose unocherekedza; vamwe variko vakuru kwavari.”—Muparidzi 5:8.
Jehovha aikwanisa kururamisa kusaruramisira kwakaitirwa Mwanakomana wake. Uchokwadi hweizvi hwakasimbisa Jesu, uyo “wakatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake.” Nenzira yakafanana, kariro inofadza yokurarama muparadhiso yapasi mukutonga kwaMesiya, kururamisira kwechokwadi kwakapararira, inogona kutisimbisa kuti titsungirire kunzwa pamusoro pokusaruramisira kana kuti kunyange kutambura kusaruramisira mugadziriro ino yekare. Hapana kukuvara uko Jehovha asingagoni kugadzirisa munguva yake yakafanira. Kunyange avo vanorasikirwa noupenyu hwavo kupfurikidza nechikanganiso chokutonga vangamutswa.—VaHebheru 12:2; Mabasa 24:15.
Kana tikatambura savanyajambwa vokusaruramisira, tinogona kuonga kuti gadziriro dzakawanda dzokutonga dzine nzira dzemitemo dzingatigonesa kugadzirisa mamiriro acho ezvinhu. VaKristu vangashandisa mikoto yakadaro. Zvisinei, vanoyeuka idi iri: Gadziriro dzisina kukwana dzokutonga kuratidzirwa kwenzanga yavanhu inoda kugadziriswa zvikuru. Izvozvo zvinofanira kuitika nokukurumidza—zvichiitwa naMwari.
Jehovha achakurumidza kubvisa iyi gadziriro yezvinhu isina kururama ndokuitsiva negadziriro itsva “munogara kururama.” Tinogona kuva nechivimbo chakakwana chokuti Musiki wedu ipapo achaita ruramisiro kupfurikidza naMambo wake Mesiya, Jesu Kristu. Ruramisiro yechokwadi nokuda kwomunhu wose yava pedyo! Tinogona kuva vanoonga sei nokuda kwekariro iyi.—2 Petro 3:13.
[Mashoko Omuzasi]
a Muzviitiko zvinodudzwa muno, Nharireyomurindi haisi kukarakadza kuva nemhaka kana kuti kusava nemhaka kwomunhu upi noupi, uyewo magazini yacho haisi kutsigira gadziriro yokutonga yeimwe nyika seiri nani kupfuura iyo yeimwe. Uyezve, magazini ino haitsigiri rumwe rudzi rwechirango kupfuura rumwe. Nyaya ino inongotaura zvayo maidi sokuzivikanwa kwaaiitwa panguva yokunyora.
[Mufananidzo uri papeji 27]
Gadziriro dzokutonga dzisina kukwana kuratidzirwa—pamwe chete nehurumende yakaipa, rudzidziso rwakaipa, uye zvokutengeserana zvisina kururama—kwenzanga yavanhu inoda kugadziriswa kukuru
[Bhokisi riri papeji 28]
NYARADZO INOBVA MUMAGWARO MATSVENE
Muna November 1952, Derek Bentley naChristopher Craig vakapaza imwe imba yokuchengetera zvinhu muCroydon, pedyo neLondon, England. Bentley akanga ane makore 19 ezera uye Craig akanga ane 16. Mapurisa akadanwa, uye Craig akapfura ndokuuraya mumwe wamapurisa. Craig akabatira makore mapfumbamwe mujeri, nepo Bentley akaurawa nemhaka yokuponda muna January 1953.
Hanzvadzi yaBentley, Iris, yakataura kwamakore 40 kuti ichenese zita rake nokuda kwekuponda kwaasina kuita. Muna 1993, Hurumende yakakumbira ruregerero pamusoro pomutongo wacho, ichibvuma kuti Derek Bentley aisambofanira kunge akaurawa. Iris Bentley akanyora pamusoro pemhaka yacho mubhuku rinonzi Let Him Have Justice:
“Rinenge gore rimwe kupfura kusati kwaitika akasangana neChapupu chaJehovha mumugwagwa . . . Hanzvadzi Lane vaigara kusiri kure nesu muna Fairview Road uye vakakoka Derek kumba kwavo kuti ateerere nhau dzeBhaibheri. . . . Chakabetsera ndechokuti Hanzvadzi Lane vakanga vane nhau dzeBhaibheri pamarekodhi, dzavakamukwereta [sezvo Derek akanga asingagoni kurava zvakanaka]. . . . Aiwanzodzoka ndokundiudza zvavakanga vamuudza, zvinhu zvakadai sokuti tose tichadzokazve pashure pokunge tafa.”
Iris Bentley akashanyira hanzvadzi yake munzvimbo inochengeterwa vanourawa asati aurawa. Ainzwa sei? “Zvinhu zviya zvaakaudzwa naHanzvadzi Lane zvakamubetsera mumazuva mashomanene iwayo okupedzisira.”—Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.
Kana ukatambura nhamo nemhaka yemhosho yokutonga, zvingava zvakanaka kuti urave ndokufungisisa zvokwadi dzeBhaibheri. Izvi zvinogona kugovera nyaradzo huru, nokuti Jehovha Mwari ndi“Baba vengoni, Mwari wokunyaradza kwose; iye unotinyardza pakutambudzika kwedu kwose.”—2 VaKorinte 1:3, 4.
[Mufananidzo uri papeji 29]
Kusaruramisira kunotyisa kwakaitwa apo Kristu akaurawa