Mashoko Akanaka eParadhiso muTahiti
TAHITI! Zita racho rinoratidzika kuva rinoreva chimwe chinhu chinoshamisa. Rakakurumbiriswa nenyanzvi nevanyori vakadai saPaul Gauguin, Robert Louis Stevenson, uye Herman Melville, vane zvavaipenda nokunyora zvokunaka kwenyika uye kudzikama kweSouth Sea Islands zvakafarirwa navakawanda.
Tahiti ndicho chikurusa chezvitsuwa zvinopfuura 120 muFrench Polynesia, muSouth Pacific. Kunyange zvazvo ichi chitsuwa cheSouth Sea chakada kufanana neparadhiso mundangariro dzavanhu vakawanda, vanhu vari muTahiti vachiri kuda kunzwa nezveimwe paradhiso ichakurumidza kuuya. (Ruka 23:43) Zvapupu zvaJehovha, zvinosvika 1 918 muTahiti nhasi, zvakabatikana kuudza vanhu 220 000 pamusoro pemashoko akanaka okuti Umambo hwaMwari huchakurumidza kupinza vanhu mumamiriro ezvinhu eparadhiso chaiyoiyo kwete chete muTahiti bedzi asiwo mupasi rose.—Mateo 24:14; Zvakazarurwa 21:3, 4.
Kwamakore akawanda basa rokuparidza muTahiti rakatungamirirwa nehofisi yebazu reWatch Tower Society riri muFiji, anenge makiromita 3 500. Daro guru rinobatanidzwa rakaomesa zvinhu, uye kufambira mberi kwainonoka. Nokudaro, pana April 1, 1975, hofisi yebazu yakatangwa muTahiti, uye izvozvo zvakaratidza nguva yekuchinja kukuru mumubato wevaKristu vechokwadi munharaunda ino. Chii chakatungamirira kuchinja uku, uye basa rokuparidza rakatangwa sei muTahiti?
Kutanga Kuduku
Mashoko akanaka oUmambo akatanga kunzwiwa muTahiti muma1930, uye vakawanda vaigara pachitsuwa chacho, avo vanoremekedza Bhaibheri zvikuru, vakagamuchira vachifarira zvikuru. Zvisinei, somugumisiro wekurambidza kwehurumende nedzimwe ganhuriro, pachitsuwa chacho pakanga pasati pava neZvapupu nechokunopera kwama1950. Panguva iyoyo, Agnès Schenck, chizvarwa chomuTahiti chaigara muUnited States, akasarudza kudzokera kuTahiti nomurume wake nomwanakomana. Anotsanangura maitikire azvakaita.
“Pakokorodzano yoruwa ya1957 muLos Angeles, Hama Knorr [vakanga vari purezidhendi weWatch Tower Society panguva iyoyo] vakatsanangura kuti pakanga pane kudikanwa kukuru kwavaparidzi voUmambo muTahiti. Ndakanga ndabhabhatidzwa kwegore rimwe panguva iyoyo, uye ndakadanidzira kuti, ‘Ngatiendei kuTahiti!’ Mhuri mbiri, yekwaNeill neyekwaCarano, shamwari dzedu dzakanaka, dzakandinzwa. Vakatiudza kuti vaizoda kuenda nesu, asi takanga tisina mari yakawanda. Murume wangu akanga ave achirwara kwenguva refu, uye mwanakomana wangu akanga ari muduku zvikuru. Naizvozvo zvakanga zvakaoma kuti tiende. Shamwari dzaiva muungano dzapedyo dzakanzwa nezvevavariro yedu, uye dzakatitumira mari nemidziyo yomumba. Ipapo muna May 1958 takaenda nechikepe kuTahiti, tine mashitibhedha 36!
“Patakasvika muTahiti, ndakanzwa sendarasika chose chose nemhaka yokuti ndakanga ndabva pachitsuwa chacho kwamakore 20. Takatanga kuparidza, asi takanga tichifanira kungwarira nemhaka yokuti basa redu rechiKristu rakanga rarambidzwa. Taifanira kuviga magazini, uye taishandisa Bhaibheri bedzi. Pakutanga takapupura bedzi kuvanhu vakanga vakatozvinyoresa kumagazini eNharireyomurindi neMukai!
“Clyde Neill naDavid Carano, pamwe chete nemhuri dzavo, vakatikumbanira pashure pekokorodzano yemarudzi akawanda muNew York City muna 1958. Takaparidza pamwe chete ndokukumbira vanhu kuti vauye kuzoteerera hurukuro dzaipiwa mumisha yehama. Zvishoma nezvishoma zvinhu zvakarongeka, uye takatanga boka refundo yeBhaibheri navanhu 15. Pashure pemwedzi mitatu vanaNeill navanaCarano vakanga vachifanira kuenda nemhaka yokuti magwaro avo okugara munyika akanga apera. Naizvozvo hama dzakasarudza kuti vasati vaenda, vaizobhabhatidza vose vaifarira vakanga vakwanirisa. Ndakava neropafadzo yokuva mushanduri wehurukuro yorubhabhatidzo yokutanga. Panhambo ino zvizvarwa zvisere zvepachitsuwa zvakaratidzira tsauriro yazvo kuna Jehovha kupfurikidza nokubhabhatidzwa. Ipapo vanaNeill nanaCarano vakadzokera kuUnited States.
“Basa rokuparidza rakapfuurira. Takazvironga kuva mumapoka maduku ndokushanyira vanhu munguva dzamanheru. Kazhinji kazhinji kurukurirano navanofarira yakapfuurira kusvikira pakati pousiku. Pane dzimwe nguva kunyange vafundisi vechiPurotesitendi vaikumbanira mukurukurirano dzacho. Pakasvika 1959 ungano yokutanga yakaumbwa. Ipapo, muna 1960 hurumende yakatendera zviri pamutemo sangano reZvapupu zvaJehovha, chinova chinhu chakatifadza zvikuru. Makore iwayo apakuvamba akanga akazadzwa nomufaro nemifungo yomudzimu yakakwirira. Jehovha akakomborera chaizvoizvo chisarudzo chedu chokutamira kwakanga kune kushayiwa kukuru.” Hanzvadzi Schenck zvino vane makore 87 okukura, uye vachiri kubatira Jehovha nokutendeka muungano yavo.
Basa Rakapfuurira Mberi
Muna 1969 Zvapupu zviviri zvaibva kuFrance, Jacques naPaulette Inaudi, vakatumirwa kuTahiti samapiyona chaiwo. Jacques anoyeuka kuti: “Pakatasvika muTahiti, maingova navaparidzi 124 bedzi, ungano imwe muPapeete, uye mapiyona chaiwo maviri muVairao, panzvimbo yakapoteredzwa nemvura.” Nzvimbo yacho yakabatanidzwa neTahiti nenharaunda inobatanidza nzvimbo huru. Gungano Ramarudzi Akawanda re“Rugare Pasi Pano” rakanga richizoitwa nokukurumidza. “Ndiko kwaiva kutanga kwangu kuronga kokorodzano,” anopfuurira kudaro Jacques. “Taifanira kuronga purogiramu yechiNgezi nokuda kwevashanyi, kuronga orchestra yenziyo dzoUmambo, uye kufanodzidza mitambo miviri. Basa rose iri rakaitwa nevaparidzi 126 bedzi. Ndine chokwadi chokuti Jehovha akaita rutivi rukurusa rwacho.” Vapindi 488 vakafadza vanhu vaigara pachitsuwa. Kuvakawanda vavo, yakanga iri nguva yokutanga kuonana nezvimwe Zvapupu zvaibva kune dzimwe nyika.
Nokukurumidza pashure pezvo, Jacques Inaudi akagadzwa somutariri anofambira. Sezvo akashanyira zvitsuwa zvakasiyana-siyana, akaona kuti kwakanga kune fariro huru zvikuru asi vaparidzi voUmambo vashoma kuti vaisakurire. “Ndokusaka ndakakurudzira mhuri dzakawanda kuti dzitamire kuzvitsuwa izvi kuti dzishande kune kushayikwa kukuru,” akatsanangura kudaro Jacques. “Naizvozvo pashoma nepashoma, mashoko akanaka akaparadzirwa kuzvitsuwa izvozvo.” Hama Inaudi vakashanda somutariri anofambira kubva muna 1969 kusvikira muna 1974, uye nhasi mukuru muimwe yeungano dziri muTahiti.
Pakati peavo vakagamuchira kurudziro yaHama Inaudi pakanga pana Auguste Temanaha, uyo akanga ari mumwe wevanhu vasere vakabhabhatidzwa muna 1958. Anorondedzera zvakaitika. “Muna 1972 mutariri wedunhu, Jacques Inaudi, akatikurudzira kufunga nezvokutamira kuHuahine, chimwe cheZvitsuwa zveLeeward chiri muboka reSociety. Ndaizengurira nemhaka yokuti ndaiva ndangopa bedzi hurukuro dzokurava Bhaibheri muungano uye handina kunzwa ndichikwanirisa kuronzeswa mutoro wakadaro. Kunyange zvakadaro, Hama Inaudi vakaramba vachindiudza kuti, ‘Usatya, unogona kuzviita!’ Pashure pechinguva takaita chisarudzo. Nokudaro, muna 1973 takatengesa zvinhu zvose zvatakanga tinazvo ndokutamira kuHuahine nevana vedu vatatu.
“Patakasvika, ndakawana kuti ndaifanira kuitisa zvose—Fundo yeNharireyomurindi, Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, zvichingodaro. Zvakanga zvisiri nyore, asi takawana dziviriro yaJehovha nebetsero. Panhambo dzinoverengeka akatibetsera kuwana nzvimbo yokugara. Ipapo, apo boka ravashori rakaedza kubvisa Zvapupu pachitsuwa chacho, mumwe wezvamatongerwo enyika womunzvimbomo akatimiririra achitidzivirira. Chokwadi, Jehovha akatitarisira mukati menguva yose iyoyo.” Zvino, pane ungano mbiri dziri muHuahine—ungano yechiFrench yaiva navaparidzi 23 neyechiTahiti yaiva nevaparidzi 55.
Muna 1969, Hélène Mapu akagadzwa sapiyona chaiye kuti ashande nzvimbo yacho yaiva yakakomberedzwa nemvura. “Vanhu vakanga vachifarira zvikuru munzvimbo yacho, uye munguva pfupi, ndakatanga fundo dzeBhaibheri dzakawanda,” anodaro Hélène. Imwe ungano duku yakakurumidza kuumbwa muVairao, asi pakanga pachidikanwa vakuru. Pashure penguva yakati, Colson Deane, uyo akanga achigara makiromita 35 kure muPapara, akakwanisa kugovera betsero. “Taifanira kuva vakarongeka zvikuru kuitira kuti tishande muVairao,” vanorondedzera kudaro Hama Deane. “Ndakanga ndichishanda muFaaa, makiromita 70 kubva kuVairao kune rumwe rutivi rwechitsuwa chacho. Pashure pebasa, ndaifanira kumhanyira kumba, kutora mhuri yangu, uye ipapo kupfuurira kuenda kuVairao. Gare gare taifanira kutamira kuFaaa nemhaka yebasa rangu. Taizoramba tichitsigira Ungano yeVairao here? Taida chaizvoizvo kubetsera hama dzeikoko, naizvozvo takasarudza kupfuurira. Pausiku hwemisangano taiwanzosvika kumba pakati pousiku nemhaka yokuti taifanira kutakura vaya vakanga vasina motokari. Izvi takazviita kwamakore mashanu. Zvino tinofara zvikuru kuona ungano ina murutivi urwu rwechitsuwa, uye tinoyeuka zvinofadza zvemazuva iwayo.”
Tahiti Rinova Bazu
Pakasvika 1974 nhamba yavaparidzi voUmambo muTahiti yakanga yakura kusvika ku199. Gore rakatevera racho apo N. H. Knorr naF. W. Franz, panguva iyoyo vakanga vari purezidhendi nomutevedzeri wake veWatch Tower Society, vakashanyira Polynesia yechiFrench, vakaona kuti zvaizova zvinoshanda zvikuru kuti basa rokuparidza muPolynesia yechiFrech ritungamirirwe, kwete neFiji yaiva makiromita anopfuura 3 500, asi neTahiti. Nokudaro, pana April 1, 1975, bazu reTahiti rakatangwa, uye mutariri wedunhu, Alain Jamet, akagadzwa somutariri webazu.
Makore mashomanene apfuura, Hama Jamet vakakwanisa kurondedzera zvikomborero zvinofadza zvinobva kuna Jehovha. “Kubvira muna 1975 nhamburiko huru yakaitwa yokuendesa mashoko akanaka kuzvitsuwa zvose mundima yedu, izvo zvinofukidza nharaunda yakakura zvikuru seWestern Europe. Migumisiro yacho inofadza. Pakasvika 1983 nhamba yavaparidzi yakanga yakura kusvika ku538. Mugore iroro kuvaka hofisi yebazu neMusha weBheteri kwakaitwa muPaea. Zvino, mune vaparidzi vanenge 1 900 vakapararira pakati peungano 30 dziri muSociety Islands, ungano imwe neboka rimwe riri roga muAustral Islands, ungano imwe nemapoka maviri ari oga muMarquesas, uye mamwe mapoka ari oga anoverengeka muTuamotu neGambier Islands. Horo dzoUmambo dzakawanda dziri kuvakwa—nhatu muMarquesas uye nomwe muTahiti—kuti dzitarisire nhamba iri kuramba ichikura yevatsva vanouya kumisangano. Mumakore 20 apfuura, Jehovha akakomborera zvechokwadi nhamburiko dzedu dzokusakurira munda weTahiti.”
Pachine Zvakawanda Zvinoda Kuitwa
Kariro dzokukura muFrench Polynesia dzakaisvonaka. Pamusi waMarch 23, 1997, vanhu vane 5 376 vakaungana neZvapupu zvaJehovha muFrench Polynesia mose nokuda kweChirangaridzo chorufu rwaJesu Kristu. Kuti zvisvitse zvinodikanwa zvomudzimu zvavanhu vanofarira, zvinyorwa zvedu zveBhaibheri zvinoitwa kuti zviwanikwe mumitauro yakati yomunzvimbomo. Mukuwedzera kuchiTahiti, mabhuku akagadzirirwa muchiPaumotu, icho chinotaurwa muTuamotu Archipelago uye muMarquesian North neSouth.
Kukura kwakadzikama uye zviitiko zvakaisvonaka zvakabetsera vaparidzi voUmambo muTahiti kuti vaonge zvizere zvikuru rudo neshiviriro zvaJehovha, “uyo unoda kuti vanhu vose vaponeswe, vasvike pakuziva zvokwadi,” kunyange muzvitsuwa zviri kure zveSouth Sea. (1 Timotio 2:4) Zvapupu zvaJehovha zviri muTahiti nezvimwe zvitsuwa zveFrench Polynesia zvinotenda zvizere zvipikirwa zvaJehovha: “Zviwi zvichandimirira, zvichavimba noruoko rwangu.”—Isaya 51:5.
[Mepu iri papeji 26]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Hofisi yebazu reTahiti inotarisira zvinodikanwa zveFrench Polynesia
AUSTRALIA
[Mufananidzo uri papeji 25]
Kubva Kurudyi Kuenda Kuruboshwe: Alain Jamet, Mary-Ann Jamet, Agnès Schenck, Paulette Inaudi, naJacques Inaudi
[Mufananidzo uri papeji 27]
Hofisi yebazu reTahiti