Vazivisi Voumambo Vanoshuma
Kuva Nechimiro Chakasimba Muchikoro Kunotuswa
BHAIBHERI rinofanotaura, kuti: “Vana vako vose vachadzidziswa naJehovha, rugare rwavana vako ruchava rukuru.” (Isaya 54:13) Munzira yakawedzerwa, “vana vako vose” vanogona kushandisirwa kumutumbi wose wavabatiri vaMwari pasi pano, kubatanidza vaduku zvikuru. Nhasi, vabereki vechiKristu vanova nechokwadi chokuti vana vavo “va[no]dzidziswa naJehovha” pamusha uye pamisangano yechiKristu.
Pakupinda chikoro, zvisinei, vaKristu vaduku vanotarisana nedenho dzakaoma. Kazhinji kazhinji vanokuwana kuri madikanwa kuva nechimiro chakasimba chakavakirwa pane zvavakadzidza muBhaibheri. Apo vanodaro, migumisiro yacho inogona kuva inobetsera kuvadzidzi nevadzidzisi zvakafanana, sezvinoratidzwa nechakaitika chinotevera chakabva kuMicronesia.
Pachitsuwa chiduku chokumadokero muPacific cheTol muChuuk Islands, vadzidzisi vechikoro chomunzvimbomo vakaudza vana vose kugadzirira ndokutora rutivi mukuchengeta Halloween kwechikoro. Vana veZvapupu vakanga vachiziva kuti kuchengeta kwacho kwaigona kubatanidza kushongedzwa uye zvipfeko zvinoratidzira zvipoko, zvitokwani, uye varoyi—zvose zvakabatanidzwa nemagamuchidzanwa okudavira midzimu. Vana ivava vaisagona kutora rutivi nemhaka yehana.a
Kubva murovedzo yavo yakavakirwa paBhaibheri pamusha uye muungano yechiKristu, vaiziva kuti miitiro yakadaro haifadzi Mwari, kunyange painoitwa nokuda kwevaraidzowo zvayo. Kuti vabetsere kutsanangura chimiro chavo zvakajeka zvikuru, vana vacho vakakoka Barak, mumwe wevafundisi Zvapupu vari pachitsuwa chacho, kuti ataure kuvadzidzisi vavo.
Pashure pokunzwa tsananguro yacho, vadzidzisi vakaronga musangano wechipiri, apo Barak aigona kutaura kuvadzidzisi vose vechikoro. Pamusangano uyu, Barak akapa maidi okuratidza rudzi rwechokwadi rweHalloween. Akatora mashoko ake muzvinyorwa zvinoverengeka zveWatch Tower pamwe chete nemamwe manyuko. Vadzidzisi nevatungamiriri vakakatyamadzwa nezvavakadzidza pamusoro pemavambo, nhau, uye rudzi rwerudzidziso rwekuchengeta kwacho. Vakasarudza kuva nemusangano wevadzidzisi wokusarudza nzira yokupedza nayo mumiriro wacho wezvinhu.
Mazuva mashomanene gare gare, chisarudzo chaisakarirwa chakaziviswa. Gadziriro dzose dzeHalloween dzakanga dzichiregwa. Chikoro chacho chaisagona kuchengeta Halloween gore iroro. Mugumisiro wakanaka zvakadini wakabva mukutsunga kweizvi Zvapupu zviduku kuita zvakarurama muchikoro! Vaduku havatongofaniri kutya kana kuti kunyara kutsigira zvakasimba chokwadi cheBhaibheri.
Kupota nyika yose, Zvapupu zvaJehovha zvinodzidzisa vana vazvo kushanda zvakaoma muchikoro. Zvapupu zviduku zvinorovedzwawo kurarama maererano nenheyo dzeBhaibheri nokugoverana tariro yazvo nezvitendero nevamwe vadzidzi sezvazvinova nomukana. Kunyange apo migumisiro yacho inenge isina kunaka kana kuti isiri yokukurumidza sezvayaiva muchiitiko chino, pwere dzinogona kuva nechivimbo negutsikano zvinobva mukuita zvakarurama. Uye zvinokosha zvikuru, dzinogona kuva nechokwadi chokuti Baba vadzo vokudenga vanofadzwa uye vachadzikomborera nokuda kwokuteerera kwadzo kwokutendeka.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwemashoko akawanda pamusoro peHalloween nemavambo ayo okudavira midzimu, ona chinyora chaDecember 8, 1993, cheMukai!, inobudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.