RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 10/8 pp. 18-19
  • Mhemberero Dzakakurumbira—Kunakidzwa Kusingakuvadzi Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mhemberero Dzakakurumbira—Kunakidzwa Kusingakuvadzi Here?
  • Mukai!—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Halloween Yakatanga Sei?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Chokwadi Nezvemhemberero Dzakakurumbira
    Mukai!—2001
  • Kuva Nechimiro Chakasimba Muchikoro Kunotuswa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 10/8 pp. 18-19

Mhemberero Dzakakurumbira—Kunakidzwa Kusingakuvadzi Here?

PAKATI PAOCTOBER, kuchinja kunoshamisa kunotanga kuitika mumamwe maguta omuFrance. Mahwindo ezvitoro anozara nemanhanga, marangwanda, uye matandadzi edandemutande. Muzvitoro zvikuru zvomunharaunda iyoyo, vabati vemari vanopfeka ngowani nhema. Pakupedzisira, vana vaduku vanozara mumigwagwa—vanogogodza pamisuo uye vanotyisidzira kuita misikanzwa kana vakasapiwa “masiwiti.”

Tsika dzose idzi dzinoshamisa ndedzemhemberero inonzi Halloween. Kare yainyanya kuonekwa sezororo rokuAmerica, Halloween yapararira pasi pose, ichiva yakakurumbira kuvose vana nevakuru. Zvinoita sokuti France yakagamuchira Halloween nemaoko maviri. Maererano neimwe fungidziro, inenge mhuri imwe munhatu dzokuFrance yakapemberera chiitiko chacho gore rapera. Pepanhau rokuItaly rinobuda mazuva ose rinonzi La Repubblica rinotaura nezvomuitiro womunguva ichangopfuura souri “kuwedzera” uchipararira nokukurumidza muItaly yose. Pepanhau rinonzi Nordkurier rinoti “kupfuura zvazvanga zvakamboita kare vagari [vomuGermany] vakawanda havadi kurasikirwa nomufaro wacho unoitwa zvinhu zvinotyisa.”

Europe haisiri iyo yoga ine vanhu vari kufadzwa neHalloween. Kubva muBahamas kusvikira kuHong Kong, Halloween iri kupembererwa nomufaro. International Herald Tribune inoti gore rapera imwe nhepfenyuro yeredhiyo muSri Lanka yakaita makwikwi e“resipi dzeHalloween dzakaipisisa uye kuzhamba kunonyanya kutyisa.” Halloween iri kukurumbirawo muJapan, umo ‘midungwe yevanhu vaipemberera vane manhanga’ yaiva nezviuru zvevanhu yakaitwa muTokyo.

Kunyange muzvikamu zvenyika uko Halloween isina kukurumbira, kunowanzova nemhemberero dzakafanana nayo. Munguva yeGuy Fawkes Night yokuBritain, unogona kuona mapoka evana vanokumbira mari uye vanoita tumisikanzwa twakafanana nezvinoitwa paHalloween. MuTaiwan, kune Mutambo Wemarambi. Vana vaduku vanofamba-famba mumigwagwa vakatakura marambi akaita seshiri nezvikara. Mexico ine Día de los Muertos, kana kuti Zuva Revakafa, mhemberero yakapararira kubva kuMexico kusvika kuUnited States. Maererano nomunyori Carlos Miller, vamwe vanhu vokuMexico vanogara muAmerica vachiri “kupfeka zvokufukidza chiso zvemapuranga zvinonzi ‘calacas’ uye kutamba vachikudza hama dzavo dzakafa.”

Vanhu vakawanda kwazvo vangaona mhemberero dzakadaro sokungonakidzwa kusingakuvadzi—chikonzero chokuti vana nevakura vapfeke mbatya dzinokosha voita zvavo madiro. Zvisinei, maonero okusava nehanya akadaro, anofuratira chokwadi chokuti mhemberero idzi dzakatangira muchihedheni zvisina angapokana. Somuenzaniso, Mutambo Wemarambi wokuTaiwan, wakatangwa apo vanhu vaibatidza marambi vachiedza kuona midzimu yomudenga yavaidavira kuti yakanga ichifamba-famba muchadenga. Zuva Revakafa rokuMexico rakatangira mumutambo wechiAztec waikudza vakafa.

Vamwe vangati kwakabva mhemberero dzakafanana neidzi hakunyanyi kukosha. Asi zvibvunze kuti, ‘Mhemberero dzine mavambo akaipa kudaro dzingaonekwa sedzisingakuvadzi chaizvo here?’ Vezvokutengeserana vanosimudzira mhemberero idzi havana hanya nazvo zvechokwadi. NezveHalloween, mumiririri weCultural Institute yomuBarcelona, kuSpain, akati: “Mutambo uri kusimudzirwa nevezvokutengeserana.” Ndosaka gore rapera iri mari yakawanikwa paHalloween yaifungidzirwa kuva mabhiriyoni $6,8 [mabhiriyoni Z$380,8] muUnited States chete. MuFrance, imwe kambani inogadzira mbatya dzeHalloween yakaona bhizimisi rayo richiwedzera zvakapetwa kane zana mumakore matatu chete.

Asi unofanira kuitawo mhemberero dzakadaro nokungoti dzakakurumbira kana kuti dzinopa mari chete here? Pakupindura, tichanyatsoongorora mhemberero yeHalloween.

[Mufananidzo uri papeji 18]

Madehenya anogadzirwa neshuga anoshandiswa paZuva Revakafa romuMexico

[Kwazvakatorwa]

SuperStock, Inc.

[Mufananidzo uri papeji 19]

MuBritain, “Guy Fawkes Night” inopembererwa nemarimi omoto

[Kwazvakatorwa]

© Hulton Getty Archive/gettyimages

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe