Kugovera Yamuro Pakati Pedzimba Dzakoromoka
NHAMBURIKO yomunhu yokugovera yamuro pashure pengwavaira zvirokwazvo inorumbidzwa. Gadziriro zhinji dzeyamuro dzakabetsera kuvakazve misha, kubatanidzazve mhuri, uye, kupfuura zvose, kuponesa upenyu.
Apo ngwavaira inorova, Zvapupu zvaJehovha zvinoshandisa—uye zvinoonga—gadziriro dzipi kana dzipi dzinoitwa kupfurikidza negadziriro dzehurumende dzekuyamura. Panguva imwe cheteyo, zvine musengwa wapaMagwaro woku“it[a] . . . zvakanaka, zvikuru kune veimba yokutenda.” (VaGaratia 6:10) Hungu, Zvapupu zvinonzwa sokunge kuti zvine ukama; zvinorangarirana se“mhuri.” Ndicho chikonzero nei zvichinongedzera kune mumwe nomumwe se“hama” ne“hanzvadzi.”—Enzanisa naMarko 3:31-35; Firemoni 1, 2.
Naizvozvo apo ngwavaira inotapura nharaunda, vakuru vari pakati peZvapupu zvaJehovha vanoita nhamburiko dzokungwarira dzokuziva kune mutezo mumwe nomumwe weungano nezvinodikanwa zvawo ndokuita gadziriro dzerubatsiro rwuri madikanwa. Rangarira kuti ikoku kwakanga kuri kwechokwadi sei muAccra, Ghana; San Angelo, U.S.A.; uye Kobe, Japan.
Accra—“Zuva Duku raNoa”
Mvura yakavamba kunaya kunenge kuma11 kiroko mumanheru, uye yakanaya zvikuru isingaregi kwemaawa mazhinji. “Kwakanga kuchinaya zvakasimba kwazvo zvokuti mhuri yangu yose haina kurara,” anodaro John Twumasi, mumwe weZvapupu zvaJehovha muAccra. Daily Graphic yakaridana kuti “zuva duku raNoa.” “Takaedza kuendesa zvinokosha zvakati kuuriri hwapamusoro,” anopfuurira kudaro John, “asi sezvo takavhura suo rokumasitepisi, mvura dzemafashamo dzakapinda.”
Zviremera zvakazivisa nyevero yokubuda, bva vazhinji vakazengurira, vachitya kuti musha usina vanhu—kunyange kana wakazara nemvura—ungakoke vanobipitira. Vamwe vaisagona kuenda kunyange kana vakanga vachida kudaro. “Amai vangu neni takanga tisingakwanisi kuvhura suo,” anodaro mumwe musikana anonzi Paulina. “Mvura yacho yakaramba ichikwirira, naizvozvo takamira pane zvokuchengetera zvinhu zvakagadzirwa nemuti ndokubatirira pane rimwe bango redenga. Pakupedzisira, kunenge kuma5 kiroko mumangwanani, vavakidzani vedu vakatinunura.”
Nokukurumidza pakwakanga kwobvira, Zvapupu zvaJehovha zvakatanga kushanda. Imwe hanzvadzi yechiKristu inonzi Beatrice inorondedzera, kuti: “Vakuru vari muungano vakanga vachititsvaka, uye vakatiwana paimba yechimwe Chapupu biyedu, apo takanga tahwanda. Mazuva matatu chete pashure pemafashamo, vakuru nemitezo miduku yeungano vakauya kuzotitsigira ndokupara madhaka aiva mukati nokunze kweimba yedu. Watch Tower Society yakagovera, mishonga yekugezesa, mishonga yeutachiona, pendi, mamatiresi, magumbeze, machira, uye zvipfeko zvavana. Hama dzakatitumira kudya kwemazuva anoverengeka. Ndakaororwa zvikuru!”
John Twumasi, anokorwa mashoko pakuvamba, anoshuma, kuti: “Ndakaudza mamwe maroja kuti Sosaiti yedu yakanga yatitumira mishonga yekugezesa nemishonga yeutachiona—zvaikwana kuchenesa imba yose. Maroja anenge 40 akabetsera kuchenesa. Ndakapa mimwe mishonga yekugezesa vavakidzani vangu, kubatanidza mumwe murume ari muprista weimwe chechi yomunzvimbomo. Vashandi biyangu nenzira isina kururama vakafunga kuti Zvapupu zvaJehovha zvinoratidza rudo kuvanhu vazvo zvimene bedzi.”
Hama nehanzvadzi dzechiKristu dzakaonga zvikuru rubatsiro rworudo rwadzakapiwa. Hama Twumasi vanogumisa, vachiti: “Kunyange zvazvo zvinhu zvandakarasikirwa nazvo mumafashamo zvakanga zvine ukoshi hwemari hwakakura zvikuru kupfuura zvinhu zveyamuro, mhuri yangu neni tinorangarira kuti nemhaka yeiyi gadziriro inoorora yakabva kuSosaiti, takawana zvakawanda zvikuru kupfuura zvatakarasikirwa nazvo.”
San Angelo—“Kwakanzwika Sokunge Kuti Nyika Yakanga Yava Kuguma”
Madutu akaparadza San Angelo pana May 28, 1995, akadzura miti, akatyora mapango emagetsi, uye akakandira waya dzine magetsi mumugwagwa. Mhepo dzakasvika kumakiromita 160 paawa, dzichikuvadza zvivako zvemasangano anobetsera vanhu. Misha inopfuura 20 000 yakava isina magetsi. Ipapo chimvuramabwe chakauya. National Weather Service yakashuma “chimvuramambwe chakakura sebhora regorofu,” ipapo “chimvuramambwe chakakura sebhora resoft-ball,” uye pakupedzisira “chimvuramabwe chakakura semagirepifurutu.” Kutinhira kwacho kwaikuvadza nzeve. Mumwe mugari wemo akati: “Kwakanzwika sokunge kuti nyika yakanga yava kuguma.”
Kuterama kunotyisa kwakatevera dutu racho. Vanhu zvishoma nezvishoma vakabuda mudzimba dzavo dzakarovanywa kuti vanzvere kuparadza kwacho. Miti yakanga ichakamira yakanga yakabviswa mashizha ayo. Misha yakanga ichakamira yakaratidzika sokunge kuti yakanga yakwatanurwa-kwatanurwa. Mune dzimwe nharaunda chimvuramabwe chakafukidza pasi mumatutu akadzika kusvikira kumita imwe. Zviuru zvemafafitera emisha nemotokari zvakanga zvapwanywa mudutu racho, zvokuti zvino zvimedu zvemagirazi akapwanyika zvaipenya pamwe chete nechimvuramabwe chakanga chakafukidza pasi. “Pandakasvika kumusha,” mumwe mukadzi anodaro, “Ndakangogara chete mumotokari yangu munzira ndokuchema. Kuparadza kwacho kwakanga kwakashata kwazvo, kwakangondikurira.”
Gadziriro dzeyamuro nezvipatara zvakakurumidza kugovera rubatsiro rwemari, zvokuvakisa, kurapwa, uye kupa zano. Nenzira inorumbidzwa, vanhu vazhinji avo ivo vamene vakanga vari vanyajambwa vedutu racho vakaita zvavaigona kuti vabetsere vamwe.
Ungano dzeZvapupu zvaJehovha dzakaitawo chiito. Aubrey Conner, mumwe mukuru muSan Angelo, anoshuma, kuti: “Nokukurumidza apo dutu racho rakapera, takanga tava parunhare tichitsvagana. Takazvibetsera timene nevavakidzani vedu vasiri Zvapupu kugadzira mafafitera, kuisa mapurasitiki pamatenga, uye kuita kuti misha yacho isatapurwe nemamirire okunze sezvaibvira zvikuru. Ipapo takagadzira chinyorwa chemunhu ari wose ari muungano ane musha wakanga watapurwa. Misha inenge zana yaida kugadzirwa, uye zvinhu zvakagoverwa nemasangano ekuyamura zvakanga zvisingakwani. Naizvozvo takatenga zvinhu zvomuraudzo ndokurongeka nokuda kwebasa racho. Pamwe chete, Zvapupu zvinenge 1 000 zvakazvipira kubetsera, zvinenge 250 kupera kwevhiki kumwe nekumwe. Zvakabva kure semakiromita anosvika ku740. Vose vakashanda vasinganeti, kazhinji kazhinji mumamiriro okunze anodokusvika 40°C. Kunyange imwe hanzvadzi ine makore 70 okukura yakashanda nesu kupera kwevhiki kuri kwose kunze kwekumwe, uye ipapo pakanga pari apo musha wayo imene wakanga uchigadzirwa. Uye pakupera kwevhiki iyoyo yakanga iri pamusoro pedenga rayo imene ichibetsera kugadzira!
“Kazhinji kazhinji tainzwa kutaura kwevaoni kwakadai sokuti, ‘Hakwaizova kwakanaka here kudai mamwe marudzidziso aizoitira mitezo yawo zvakadai?’ Vavakidzani vedu vakaororwa kuona boka revazvipiri 10 kusvikira ku12 (kubatanidza hanzvadzi) vachifumosvika neChishanu pamusha wechimwe Chapupu biyavo, vakagadzirira kugadzira kana kuti kunyange kuvakazve denga rose pasina mubhadharo. Muzviitiko zvizhinjisa basa racho rakapedzwa mukupera kwevhiki kumwe. Padzimwe nguva, muvaki wokunze aiva ashanda chaizvo mubasa rokuturika apo boka redu raisvika paimba inotevera. Taipaza ndokuvakazve denga redu ndokuita kuti ruvanze rwucheneswe vasati vapedza ravo. Pane dzimwe nguva vaimisa basa ravo kuti vangotitarira chete!”
Hama Conner vanogumisa, kuti: “Tose zvedu ticharasikirwa nezvakaitika zvatakafarikanya pamwe chete. Takasvika pakuzivana nemurangariro wakasiyana kupfurikidza nokuratidza uye kuratidzwa kworudo rwouhama kupfuura nakare kose. Tinonzwa kuti uyu muenzaniso chete wezvakuchave kwakaita munyika itsva yaMwari, hama nehanzvadzi dzichibetserana nemhaka yekuti zvirokwazvo dzinoda kudaro.”—2 Petro 3:13.
Kobe—“Marara Emiti, Edhaka uye eMitumbi Yavanhu”
Vagari veKobe vakanga vachifanira kuve vakagadzirira. Zvirokwazvo, September 1 ari wose vanochengeta Zuva Rokudzivirira Ngwavaira. Vana vechikoro vanodzokorora zvokuita pakudengenyeka kwapasi, mauto anodzidzira nzendo dzokununura neherikoputa, uye mapato okudzima mwoto anoburitsa michini yawo yokuedzesera zvinoitika pakudengenyeka kwapasi, umo vazvipiri vanodzidzira unyanzvi hwavo hwokupukunyuka mukati mebhokisi rakakura sekamuri iro rinozungunuka nekudengenyeka kungofanana nokudengenyeka chaikoiko. Asi apo kudengenyeka chaikoiko kwakaitika pana January 17, 1995, gadziriro yose yakaratidzika kuva isingashandi. Makumi ezviuru ematenga akadonhera mukati—chimwe chinhu chisina kutongoitika mumichini yokuedzesera zvinoitika pakudengenyeka kwapasi. Zvitima zvakapidiguka; zvikamu zvemugwagwa mukuru zvakatsemuka; pombi dzegasi nemvura dzakatsemuka; dzimba dzakadonha sedzakavakwa nemakadhibhokisi. Magazini yeTime yakarondedzera chakaitika chacho se“marara emiti, edhaka uye emitumbi yevanhu.”
Ipapo kwakauya mwoto. Zvivako zvakatsva apo vanodzima mwoto vakavhiringidzwa vakamira mumakiromita marefu emota dzakanga dzisingafambi. Avo vakasvika mwoto wacho kazhinji kazhinji vaiwana kuti hapana mvura yaigona kuwanwa mupombi dzemvura dzeguta dzakakuvadzwa. “Zuva rokutanga kwakanga kune kuvhunduka kwakakwana,” akadaro mumwe mukuru mukuru. “Handisati ndatongonzwa ndisina simba zvakadaro muupenyu hwangu, ndichiziva kuti kwakanga kune vanhu vakawanda kwazvo vakavigwa mudzimba idzodzo dzaitsva. Uye ndichiziva kuti hapana chandaigona kuita pamusoro pako.”
Pamwe chete, vanhu 5 000 vakaurawa, uye zvivako zvinenge 50 000 zvakava matongo. Kobe yakanga ine chikamu chimwe bedzi muzvitatu chekudya kwayaida. Kuti vawane mvura vamwe vakaorera mvura yakasviba yaiva pasi pepombi dzemvura dzakatsemuka. Vazhinji vasina dzimba vakatizira kumisasa, mimwe yacho yaigovera kudya, ichigovera munhu mumwe nomumwe mupunga mushomanene pazuva. Kusagutsikana kwakakurumidza kupararira. “Zviremera hazvisati zvaita chinhu chipi nechipi,” akanyunyuta kudaro mumwe murume. “Kana tikapfuurira kuvimba nazvo tichaziya nenzara kusvikira tafa.”
Ungano dzeZvapupu zvaJehovha muKobe nemunharaunda dziri pedyopo dzakazvironga dzimene nokukurumidza. Mumwe mutyairi weherikoputa uyo akazvionera basa ravo akati: “Ndakaenda kunharaunda yengwavaira pazuva rekudengenyeka kwacho ndokupedza vhiki ndiriko. Apo ndakasvika pane mumwe musasa, chinhu chiri chose chakanga chakaita manyama amire nerongo. Hakuna kana basa rokuyamura rakanga richiitwa. Zvapupu zvaJehovha ndizvo bedzi zvakamhanyira kunzvimbo yacho, zvichiita chinhu chimwe pashure pechimwe.”
Zvirokwazvo, kwakanga kune basa zhinji rokuita. Horo dzoUmambo gumi dzakanzi hadzikodzeri kushandiswa, uye Zvapupu zvinopfuura 430 zvakanga zvisina misha. Dzimba dzokuwedzera 1 206 dzavaigara dzaida kugadzirwa. Kwete izvozvo bedzi asi mhuri dzeZvapupu 15 zvakanga zvafa mungwavaira yacho dzakanga dzichida zvikuru nyaradzo.
Zvapupu 1 000 zvakabva munyika yacho yose zvakapa nguva yazvo kuti zvibetsere mubasa rokugadzira. “Apo taishanda padzimba dzevadzidzi veBhaibheri vakanga vachigere kubhabhatidzwa,” inodaro imwe hama, “nguva dzose taibvunzwa kuti, ‘Tinofanira kubhadhara zvakadini nokuda kweizvi zvose?’ Apo takavaudza kuti basa racho rakanga richitsigirwa neungano, vakationga, vachiti, ‘Zvatakafunda zvino zvazova chaizvoizvo!’”
Vazhinji vakaororwa nokuita chimwe chinhu kwokukurumidza uye kwakakwana kweZvapupu kungwavaira yacho. “Ndakaororwa zvikuru,” anodaro mutyairi weherikoputa anokorwa mashoko pakuvamba. “Munoshevedzana kuti ‘hama’ ne‘hanzvadzi.’ Ndaona kubetserana kwamunoita; imi vanhu muri mhuri chaizvoizvo.”
Zvapupu zvimene zvakadzidza zvidzidzo zvinokosha mukudengenyeka kwacho. Imwe hanzvadzi yakabvuma, kuti: “Nguva dzose ndairangarira kuti kana sangano rikakura zvikuru, rinova rakaoma zvikuru kuratidza itiro hanya yomunhu oga.” Asi itiro hanya yetsitsi yaakagamuchira yakachinja murangariro wayo. “Zvino ndinoziva kuti Jehovha ari kutiitira hanya kwete bedzi sesangano asiwo savanhu vamwe navamwe.” Zvisinei, yamuro yechigarire pangwavaira iri mberi.
Yamuro Yechigarire Nokukurumidza!
Zvapupu zvaJehovha zvinotarira mberi kunguva apo upenyu hwemunhu nechiraramiso zvisati zvichizopfupikiswa nengwavaira. Munyika itsva yaMwari, munhu achadzidziswa kubatira pamwe nemhoteredzo yapasi. Sezvo vanhu vanorega miitiro yeudyire, vachave vasingakuvadzwi nengwavaira dzomusikirwo.
Uyezve, Jehovha Mwari—Musiki wemasimba emusikirwo—achava nechokwadi chokuti mhuri yake yavanhu nechisiko chapasi hazvisati zvichizotongotyisidzirwa zvakare nemasimba emusikirwo. Ipapo pasi zvirokwazvo richava paradhiso. (Isaya 65:17, 21, 23; Ruka 23:43) Uporofita hwaZvakazarurwa 21:4 huchazadzikwa zvine mbiri: “Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.”
[Mufananidzo uri papeji 5]
Beatrice Jones (kuruboshwe) anoratidzira nzira iyo iye nevamwe vakabatana kuti vayambuke mvura dzemafashamo
[Mufananidzo uri papeji 6]
Basa rokuyamura pashure pemadutu