“Joko Rangu Inyoro Uye Mutoro Wangu Wakareruka”
“Takurai joko rangu uye mudzidze kwandiri.”—MATEO 11:29, NW.
1, 2. (a) Chii chawakawana muupenyu chinokuunzira zorodzo? (b) Chii icho munhu anofanira kuita kuti agamuchire zorodzo iro Jesu akapikira?
KUGEZA nemvura inotonhorera pamugumo wezuva rinopisa uye rakanyorovera, kana kuti kurara usiku kwakanaka mushure merwendo rwurefu uye runonetesa—haiwa, kunozorodza sei! Ndozvakunoitawo apo mutoro unorema unobviswa kana kuti apo zvivi nezvikanganiso zvinokanganwirwa. (Zvirevo 25:25; Mabasa 3:19) Zorodzo rinounzwa nezvinoitika zvinonyandura zvakadaro rinotipazve simba, uye tinosimbiswa kufambira mberi.
2 Avo vose vanonzwa vakaremerwa uye vakaneta vanogona kuuya kuna Jesu, nokuti akavapikira izvozvo chaizvo—zorodzo. Zvisinei, kuti tiwane zorodzo rinodikanwa kwazvo, kune chimwe chinhu icho munhu anofanira kudisa kuita. “Takurai joko rangu uye mudzidze kwandiri,” akadaro Jesu, “uye muchawana zorodzo nokuda kwemweya yenyu.” (Mateo 11:29, NW) Chii chiri iri joko? Rinounza sei zorodzo?
Joko Nyoro
3. (a) Majoko orudzii aishandiswa munguva dzeBhaibheri? (b) Irevoi yokufananidzira inobatanidzwa nejoko?
3 Achirarama munzanga yekurima, Jesu navanzwi vake vakanga vakasanorovedzana nejoko. Zvikurukuru, joko idanda refu rine mativi akakombama nechomukati kuti akwane mumitsipa yemhuka mbiri dzinodhonza, kazhinji kazhinji madhonza, kuasunga pamwe chete kuti adhonze gejo, ngoro, kana kuti mumwe mutoro. (1 Samueri 6:7) Majoko avanhu aishandiswawo. Iwaya akanga ari matandawo zvawo kana kuti mapango aitakurwa pamapfudzi nemutoro wakasungirirwa kurutivi rumwe norumwe. Nawo, vashandi vaikwanisa kutakura mitoro inorema. (Jeremia 27:2; 28:10, 13) Kubva mukubatanidzwa kwaro nemitoro nebasa, joko rinowanzoshandiswa nenzira yokufananidzira muBhaibheri kumirira kutonga uye kudzora.—Dheuteronomio 28:48; 1 Madzimambo 12:4; Mabasa 15:10.
4. Chii chinofananidzirwa nejoko iro Jesu anopa avo vanouya kwaari?
4 Chii, ipapo, chiri joko iro Jesu akakumbira avo vanouya kwaari nokuda kwezorodzo kuti vatakure vamene? Yeuka kuti akati: “Takurai joko rangu uye mudzidze kwandiri.” (Mateo 11:29, NW) Anodzidza mudzidzi. Nokudaro, kutakura joko raJesu kunongoreva bedzi kuva mudzidzi wake. (VaFiripi 4:3) Ikoku, zvisinei, kunoda chinongopfuura kuziva dzidziso dzake. Kunoda zviito zvinotsinhirana nadzo—kuita basa raakaita uye kurarama nenzira yaakararama nayo. (1 VaKorinte 11:1; 1 Petro 2:21) Kunoda kuzviisa pasi kwokudisa kuchiremera chake uye kuavo anogovera chiremera. (VaEfeso 5:21; VaHebheru 13:17) Kunoreva kuva muKristu akazvitsaurira, akabhapatidzwa, kugamuchira ropafadzo dzose nemitoro zvinouya netsauriro yakadaro. Ndiro joko iro Jesu anopa vose avo vanouya kwaari nokuda kwenyaradzo nezorodzo. Unodisa kurigamuchira here?—Johane 8:31, 32.
5. Neiko chaisazova chinoitika chakaoma kutakura joko raJesu?
5 Kuwana nyaradzo kupfurikidza nokutakura joko—ikoku hakusati kuri kupokanidzana kwamashoko here? Chaizvoizvo hakusati kuri, sezvo Jesu akataura kuti joko rake i“nyoro.” Iri shoko rine revo younyoro, kufadza, kugamuchirika. (Mateo 11:30, NW; Ruka 5:39; VaRoma 2:4; 1 Petro 2:3) Semuvezi aiva nounyanzvi, Jesu sezvinobvira zvikuru akanga agadzira magejo namajoko, uye aizoziva nzira yokugadzira nayo joko kuti rikwane kuitira kuti basa rakawanda rigogona kuitwa nomufaro sezvinobvira. Aizoaisa jira kana kuti ganda nechomukati. Akawanda anoitwa nenzira iyoyo kuitira kuti asazokwesha, kana kuti kukwiza, mutsipa zvakanyanya. Munzira yakafanana, joko rokufananidzira iro Jesu anotipa i“nyoro.” Kunyange zvazvo kuva mudzidzi wake kuchibatanidza misengwa yakati nemitoro, hakusati kuri chinoitika chakaoma kana kuti chinodzvinyirira asi chinozorodza. Nenzira yakafanana mirayiro yaBaba vake voKudenga, Jehovha, haisati ichirema.—Dheuteronomio 30:11; 1 Johane 5:3.
6. Chii icho Jesu angava akareva apo akati: “Takurai joko rangu”?
6 Pane chimwe chinhu chinoita kuti joko raJesu rive “nyoro,” kana kuti rive nyore kutakura. Apo akati: “Takurai joko rangu,” aigona kuve akareva chimwe chezvinhu zviviri. Kana akanga achifunga nezvemajoko maviri, ndiko kuti, rudzi urwo runobatanidza pamwe chete mhuka mbiri dzinodhonza kuti dzidhonze mutoro, ipapo akanga achitikoka kuuya pasi pejoko rimwe chetero naye. Ikoku kwaizova chikomborero chakadini—kuva naJesu parutivi rwedu achidhonza mutoro wedu nesu! Pane rumwe rutivi, kana Jesu akanga achifunga nezvejoko redanda raishandiswa nomushandiwo zvake, ipapo akanga achitipa nzira yatinogona nayo kuita kuti mutoro upi noupi watinofanira kutakura uve nyore zvikuru kana kuti unodzoreka zvikuru. Munzira dzose dziri mbiri, joko rake manyuko ezorodzo chairo nemhaka yokuti anotivimbisa, kuti: “Nokuti ndiri munyoro naanozvininipisa mumwoyo.”
7, 8. Chikanganisoi icho vamwe vanoita apo vanonzwa vadzvinyirirwa?
7 Chii, ipapo, chatinofanira kuita kana tikanzwa kuti mutoro wezvinetso zvoupenyu watakatakura uri kuva usingashiviriki uye kuti tiri kudzvinyirirwa zvakanyanya? Vamwe vanganzwa nenzira isina kururama kuti joko rokuva mudzidzi waJesu Kristu rakaoma zvikuru kana kuti rinonyanyorayira, kunyange zvazvo itiro hanya dzoupenyu hwezuva nezuva dziri idzo dziri kuvaremera. Vanhu vamwe navamwe vari mumamiriro ezvinhu akadaro vanorega kupinda misangano yechiKristu, kana kuti vanorega kutora rutivi muushumiri, vachinzwa zvichida kuti vangawana rusununguko. Ikoko, zvisinei, chikanganiso chakakomba.
8 Tinoonga kuti joko iro Jesu anopa i“nyoro.” Kana tisina kuriisa zvakanaka, ringagona kuva rinokwesha. Muchinoitika ichocho tinofanira kunzvera joko riri pamapfudzi edu. Kana, nokuda kwechikonzero chakati, joko racho richida kugadzirwa kana kuti risina kuiswa zvakarurama, kurishandisa hakusati bedzi kuchida nhamburiko huru kwatiri asi kuchaparira kurwadziwa kwakati somugumisiro. Namamwe mashoko, kana mibato youbati ushe hwaMwari ikavamba kuratidzika kuva somutoro kwatiri, tinofanira kunzvera kuti tione kana tiri kuibata nenzira yakarurama. Chii chiri vavariro yedu yokuita zvatinoita? Takasanogadzirira here apo tinoenda kumisangano? Takagadzirira munyama nomundangariro here apo tinopinda muushumiri hwomumunda? Tinofarikanya ukama hwapedyo uye hwakanaka here navamwe muungano? Uye, kupfuura zvose, ukama hwedu somunhu oga naJehovha Mwari neMwanakomana wake, Jesu Kristu huri sei?
9. Neiko joko rechiKristu risingatongofaniri kuva mutoro usingashiviriki?
9 Apo tinogamuchira nomwoyo wose joko iro Jesu anopa ndokudzidza kuritakura zvakanaka, hapana chikonzero chokuti ritongoratidzike kuva mutoro usingashiviriki. Kutaura idi, kana tichigona kuisa muchiono mamiriro ezvinhu zvacho—Jesu ari pajoko rimwe chetero nesu—hakuna kutiomera kuona kuti ndiani zvirokwazvo ari kutakura rutivi rukuru rwomutoro wacho. Zvakafanana nekacheche kakazendamira mubato wepurema yako, kachifunga kuti kari kuisundira mberi, asi chaizvoizvo, chokwadika, mubereki ari kukuita. SaBaba vane rudo, Jehovha Mwari anosanoziva ganhuriro dzedu noutera, uye anodavidza kuzvinodikanwa zvedu kupfurikidza naJesu Kristu. “Mwari . . . uchazadzisa kushayiwa kwenyu kwose papfuma yake, mukubwinya, muna Kristu Jesu,” akadaro Pauro.—VaFiripi 4:19; enzanisa naIsaya 65:24.
10. Chii chave chiri chinoitika chomunhu anorangarira kuva mudzidzi zvakakomba?
10 VaKristu vakazvitsaurira vakawanda vakasvika pakunzwisisa ikoku kupfurikidza noruzivo rwokuzviwanira. Somuenzaniso, kuna Jenny, uyo anowana kuti kubatira sapiyona webetsero mwedzi uri wose uye kushanda nguva yakazara pabasa rokunyika rine dzvinyiriro huru kunomuisa mudzvinyiriro huru. Kunyange zvakadaro, anonzwa kuti basa roupiyona rinomubetsera zvomenemene kuchengeta dzikamo yake. Kuyamura vanhu kudzidza zvokwadi yeBhaibheri uye kuvaona vachichinja upenyu hwavo kuti vawane tendero yaMwari—ikoku ndiko kunomuunzira mufaro mukurusa muupenyu hwake hwakabatikana. Anobvumirana nomwoyo wose nemashoko echirevo icho chinoti: “Kuropafadza kwaJehovha ndiko kunopfumisa; kutambura pabasa hakuwedzeri chinhu.”—Zvirevo 10:22.
Mutoro Wakareruka
11, 12. Jesu akarevei apo akati: “Mutoro wangu wakareruka”?
11 Mukuwedzera kukutipikira joko “nyoro,” Jesu anotivimbisa, kuti: “Mutoro wangu wakareruka.” Joko “nyoro” rinotoita kuti basa rive nyore zvikuru; kana mutoro wacho ukarerutswawo, basa racho zvirokwazvo rinofadza. Chii, kunyange zvakadaro, icho Jesu akanga achifunga nokutaura ikoko?
12 Rangarira icho murimi aizoita apo aida kuchinja basa remhuka dzake, ngatiti kubva pakurima munda kuenda kukudhonza ngoro. Aizotanga abvisa gejo uye ipapo ndokukochekedza ngoro. Kwaizova kusina mufungo kuti akochekedze zvose zviri zviviri gejo nengoro pamhuka dzacho. Nenzira yakafanana, Jesu akanga asiri kuudza vanhu kuti vaise mutoro wake pamusoro pouyo vakanga vakatotakura. Akati kuvadzidzi vake: “Hakuna muranda ungagona kubatira vatenzi vaviri.” (Ruka 16:13) Nokudaro, Jesu akanga achipa vanhu chisarudzo. Vaizosva havo vapfuurira nokutakura mutoro unorema wavaiva nawo, kana kuti vaizoisa iwoyo pasi ndokugamuchira icho akanga achipa here? Jesu akavapa kokero yorudo, achiti: “Mutoro wangu wakareruka.”
13. Mutoroi uyo vanhu vomuzuva raJesu vakanga vachitakura, uye nomugumisiroi?
13 Muzuva raJesu, vanhu vakanga vachirwisa pasi pemutoro unorema wakaiswa pavari navatongi veRoma vaidzvinyirira uye vatungamiriri vorudzidziso vomuitiro, vanonyengera. (Mateo 23:23) Munhamburiko yokubvisa mutoro weRoma, vamwe vanhu vakaedza kuita chinjo pachavo. Vakabatanidzwa mukurwisana kwezvematongerwe enyika, kuzosvika bedzi kumugumo une ngwavaira. (Mabasa 5:36, 37) Vamwe vakanga vakatsunga kuvandudza mamiriro ezvinhu zvavo kupfurikidza nokuva vanobatanidzwa zvizere muvavariro dzokunyama. (Mateo 19:21, 22; Ruka 14:18-20) Apo Jesu akavapa nzira yokurusununguko kupfurikidza nokuvakoka kuva vadzidzi vake, havasati vari vose vakanga vakagadzirira kugamuchira. Vakanga vachizengurira pamusoro pokuisa pasi mutoro wavakanga vakatakura, kunyange zvazvo wakanga uchirema, uye kutakura wake. (Ruka 9:59-62) Chikanganiso chine ngwavaira zvakadini!
14. Funganyo dzoupenyu nezvishuvo zvenyama zvinogona sei kutiremera?
14 Kana tikasangwarira, tinogona kuita chikanganiso chimwe chetecho nhasi. Kuva vadzidzi vaJesu kunotisunungura pakuronda nharidzano nezvinokosha zvimwe chetezvo sezvinoita vanhu venyika. Kunyange zvazvo tichiri vanofanira kushanda zvakaoma kuti tiwane zvinodikanwa zvezuva nezuva, hatisati tichiita izvi zvinhu, chinhu chikuru choupenyu hwedu. Bva, funganyo dzoupenyu uye nyengedzo yezvakanaka zvokunyama zvinogona kuva netapuro yakasimba patiri. Kana tikazvibvumira, zvishuvo zvakadaro zvinogona kubvisa zvokwadi iyo takagamuchira nokudisa. (Mateo 13:22) Tinogona kuva vakabatikana kwazvo nokugutsa zvishuvo zvakadaro zvokuti mitoro yedu yechiKristu inova misengwa inonetesa yatinongoda kuti iitwe ndokuibvisa munzira medu nokukurumidza. Zvirokwazvo hatingagoni kukarira zorodzo kubva mubasa redu kuna Mwari kana richiitwa mumudzimu iwoyo.
15. Inyeveroi iyo Jesu akapa pamusoro pezvishuvo zvokunyama?
15 Jesu akaonesa kuti upenyu hwokugutsikana hunouya, kwete nokutamburira kugutsa zvinodiwa zvedu zvose, asi kupfurikidza nokuva nechokwadi chezvinhu zvinokosha zvikuru muupenyu. “Regai kufunganya pamusoro poupenyu hwenyu, muchiti, ndichadyei, kana ndichanwei; kana pamusoro pomuviri wenyu, muchiti, ndichafukeiko?” akarayira kudaro. “Upenyu hahupfuuri zvokudya here, kana muviri haupfuuri zvokufuka here?” Ipapo akadanira ngwariro kushiri dzedenga ndokuti: “Hadzidzvari, hadzicheki, hadziunganidziri mumatura; asi Baba venyu vokudenga vanodzipa zvokudya.” Achinongedzera kumaruva omumunda, akati: “Haabati, haaruki; asi ndinoti kwamuri, kuti kunyange naSoromoni pakubwinya kwake kwose, haana kushongedzwa serimwe rawo.”—Mateo 6:25-29.
16. Ruzivo rwokuzviwanira rwakaratidzei pamusoro pemigumisiro yezvirondwa zvokunyama?
16 Tinogona kudzidza chimwe chinhu here muiyi mienzaniso inoshanda? Ndichinoitika chavose chokuti munhu akatamburira zvakaoma zvikuru kuvandudza mugove wake mune zvokunyama, anova anobatanidzwa zvikuru muzvirondwa zvenyika uye mutoro wacho unova unorema zvikuru pamapfudzi ake. Nyika yakazara navanotarisira mabhizimisi avo vakatambura migumisiro yerubudiriro rwavo rwokunyama nemhuri dzakaputsika, roorano yakaparara, utano hwakakuvadzwa, uye zvakawanda. (Ruka 9:25; 1 Timotio 6:9, 10) Mugamuchiri wemubayiro Albert Einstein akamboti: “Zvinhu, rubudiriro rwokunze, mukurumbira, umbozha—kwandiri zvose izvi zvanguve zviri zvinozvidzika. Ndinodavira kuti mutoo wakapfava uye une mwero woupenyu wakanakisisa nokuda kwemunhu ari wose.” Ikoku kunongodzokorora zano rakapfava romuapostora Pauro, rinoti: “Kunamata Mwari pamwe chete nokutenda nezvatinazvo ndizvo zvinopfumisa kwazvo.”—1 Timotio 6:6.
17. Bhaibheri rinorumbidza mutooi woupenyu?
17 Kune chimwe chinhu chinokosha chatisingafaniri kufuratira. Kunyange “mutoo wakapfava uye une mwero woupenyu” une betsero dzakawanda, hausati uri iwo umene unounza gutsikano. Kune vakawanda vane mutoo woupenyu wakapfava unomanikidzwa namamiriro ezvinhu, bva chaizvoizvo havasati vari vanogutsikana kana kuti vanofara. Bhaibheri harisati riri kutikurudzira kuramba mufaro wokunyama uye kurarama upenyu hwokuva zindoga. Simbiso iri pakuzvipira kwoumwari, kwete gutsikano. Kuri bedzi apo tinobatanidza zviviri kuti tinova ne“zvinopfumisa kwazvo.” Ibetseroi yatinowana? Mukati metsamba imwe cheteyo, Pauro anoonesa kuti avo vasinga“vimb[i] nepfuma isingagari, asi naMwari” vanenge vachi“zvirongedzere[ra] nheyo dzakanaka dzenguva inouya, kuti vabatisise upenyu chaihwo.”—1 Timotio 6:17-19.
18. (a) Munhu angagona sei kuwana zorodzo rechokwadi? (b) Tinofanira kurangarira sei chinjo dzatingafanira kuita?
18 Zorodzo richauya kwatiri kana tikadzidza kuisa pasi mutoro wedu pachedu unorema uyo tingava takatakura uye kutakura mutoro wakareruka uyo Jesu anopa. Vakawanda avo vakaronga upenyu hwavo kuitira kuti vagone kugoverana zvizere zvikuru mubasa roUmambo vakawana nzira kuupenyu hwomufaro negutsikano. Chokwadika, kunoda kutenda noushingi kuti munhu aite chiito chakadaro, uye mungava nemhinganidzo munzira. Asi Bhaibheri rinotiyeuchidza, kuti: “Unogara achicherekedza mhepo haangakushi; uye unotarira makore, haangacheki.” (Muparidzi 11:4) Zvinhu zvakawanda hazvina kuoma chaizvoizvo kana tangosarudza kuzviita. Rutivi rwakaoma zvikurusa, kunoratidzika kudaro, kuita chisarudzo. Tingazvinetesa timene kupfurikidza nokurwisana kana kuti kudzivisa pfungwa yacho. Kana tikatsunga ndokugamuchira denho yacho, tinogona kushamisika kuwana kuti chikomborero chakadini icho kunova. Wezvamapisarema akakurudzira, kuti: “Ravirai henyu, muone kuti Jehovha wakanaka.”—Pisarema 34:8, 1 Petro 1:13.
“Zorodzo Nokuda Kwemweya Yenyu”
19. (a) Tinogona kukarirei sezvo mamiriro ezvinhu enyika anopfuurira kushata? (b) Tiri pasi pejoko raJesu, tinova nechokwadi chei?
19 Muapostora Pauro akayeuchidza vadzidzi vezana ramakore rokutanga, kuti: “Tinofanira kupinda ushe hwaMwari nama[t]ambudziko mazhinji.” (Mabasa 14:22) Ikoku kuchiri kushanda nhasi. Sezvo mamiriro ezvinhu enyika anopfuurira kushata, dzvinyiriro dzinouya pavose avo vakatsunga kurarama upenyu hwokururama uye kuzvipira kwoumwari dzichatova huru zvikuru. (2 Timotio 3:12; Zvakazarurwa 13:16, 17) Bva, tinonzwa nenzira iyo Pauro akaita apo akati: “Tinotambudzika pamativi ose, asi hatimanikidzwi; tinokanganiswa, asi hatina kurasha mwoyo; tinotambudzwa, asi hatina kusiyiwa; takawisirwa pasi, asi hatina kuparadzwa.” Chikonzero ndechokuti tinogona kutsamira pana Jesu Kristu kuti atipe simba rinopfuura renguva dzose. (2 VaKorinte 4:7-9) Kupfurikidza nokugamuchira joko roudzidzi nomwoyo wose, tichafarikanya kuzadzikwa kwechipikirwa chaJesu, chinoti: “Muchawana zorodzo nokuda kwemweya yenyu.”—Mateo 11:29, NW.
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Chii chiri joko nyoro iro Jesu akapa?
◻ Chii chatinofanira kuita kana tikanzwa kuti joko redu riri kuva mutoro?
◻ Jesu akarevei apo akati: “Mutoro wangu wakareruka”?
◻ Tinogona sei kuva nechokwadi chokuti mutoro wedu unoramba wakareruka?