Kokero Yorudo Kuna Vakaneta
“Uyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai.”—MATEO 11:28.
1. Jesu akaonei muGarirea pashanyo yake yokuparidza yechitatu?
PEDYO namavambo egore ra32 C.E., Jesu akanga ari pashanyo yake yokuparidza yechitatu muruwa rweGarirea. Akafamba nomumaguta nemisha, “achidzidzisa mumasinagoge avo, achiparidza Evhangeri youshe, nokuporesa kurwara kwose noukosha hwose.” Sezvaaiita ikoku, akaona mapoka, uye “akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vaneta, varashwa, samakwai asina mufudzi.”—Mateo 9:35, 36.
2. Jesu akabetsera sei vanhu?
2 Jesu, zvisinei, akaita zvinopfuura kungonzwira tsitsi mapoka acho. Mushure mokurayira vadzidzi vake kunyengetera kuna“She wokucheka,” Jehovha Mwari, akavatuma kundobetsera vanhu. (Mateo 9:38; 10:1) Ipapo akapa vanhu vimbiso yake pachake yenzira yokurusununguko rwechokwadi nenyaradzo. Akatambanudzira kwavari iyi kokero yake inofadza, achiti: “Uyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai. Muise joko rangu pamusoro penyu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndine mwoyo unozvininipisa, kuti muwane zororo pamweya yenyu.”—Mateo 11:28, 29.
3. Neiko kokero yaJesu ichifadza zvakaenzana nhasi?
3 Nhasi tinorarama munguva apo vakawanda vanonzwa vane mutwaro mukuru uye vakaremerwa zvikuru. (VaRoma 8:22; 2 Timotio 3:1) Nokuda kwavamwe, kungowana chokurarama nacho kunopedza yakawanda kwazvo yenguva yavo nesimba zvokuti vanova neshomanene inosara nokuda kwemhuri yavo, shamwari, kana kuti chinhu chipi nechipi. Vakawanda vanoremerwa nokurwara kwakakomba, nhamo, kuora mwoyo, uye zvimwe zvinetso zvomuviri nezvemirangariro. Vachinzwa dzvinyiriro yacho, vamwe vanoedza kuwana rusununguko kupfurikidza nokuzvinyudza vamene mukutsvaka mufaro, kudya, kunwa, kunyange kushandisa mirimo zvisina kufanira. Ikoku, chokwadika, kunongoita kuti zvinhu zviipe zvikuru, kuchivapa zvimwe zvinetso nedzvinyiriro. (VaRoma 8:6) Nenzira yakajeka, kokero yorudo yaJesu inonzwika seinofadza nhasi kungofanana nezvayakaita shure panguva iyoyo.
4. Mibvunzoi yatinofanira kurangarira kuti tibetserwe nekokero yorudo yaJesu?
4 Zvisinei, vanhu vomuzuva raJesu vakanga vari muuranda hwechii, zvokuti vakaratidzika kuva “vaneta, varashwa,” kuchisunda Jesu kuvanzwira tsitsi? Ndeipi yakanga iri mitwaro nemitoro yavaifanira kutakura, uye kokero yaJesu yaizovabetsera sei? Mhinduro kumibvunzo iyi dzinogona kuva dzinobetsera zvikurusa kwatiri mukubetserwa nekokero yorudo yaJesu kuvakaneta.
Avo V“akaneta, [V]akaremerwa”
5. Neiko kwakanga kwakakodzera kuti muapostora Mateo akashuma pamusoro peichi chiitiko muushumiri hwaJesu?
5 Kunofadza kuti Mateo bedzi anoshuma ichi chiitiko muushumiri hwaJesu. Zvaakanga ava ari muteresi, Mateo, uyo aizivikanwawo saRevhi, akanga akasanorovedzana nemutoro wakati uyo vanhu vakanga vachitakura. (Mateo 9:9; Marko 2:14) Bhuku rinonzi Daily Life in the Time of Jesus rinoti: “Mitero iyo [vaJudha vaifanira] kuripa mumari uye zvimwe zvimiro yakanga ichinyanyorema, uye yakanga ichirema zvikuru mukuti zvimiro zviviri zvokutera zvaidikanwa panguva imwe cheteyo nokuda kwavo, mitero yehurumende uye mitero yorudzidziso; uye hapana wakanga wakareruka.”
6. (a) Ndeipi yakanga iri gadziriro yomutero yaishanda munguva yaJesu? (b) Neiko vateresi vaiva nomukurumbira wakashata zvakadaro? (c) Pauro akanzwa dikanwo yokuyeuchidza vaKristu biyake nezvechii?
6 Chakaita kuti kwose ikoku zvikurukuru kuve kunorema yakanga iri gadziriro yemutero panguva yacho. Zviremera zveRoma zvakapa kodzero yokuunganidza mitero mumaruwa kuvaibhadhara mari yakawanda. Ivowo, vakashandisa vanhu vomunzanga dzomunzvimbomo kuti vatarisire basa chairo rokuunganidza mutero. Munhu ari wose aiva mugadziriro yokuita mhindu akanzwa achiruramiswa zvizere kuwedzera muripo wake amene, kana kuti mugove. Somuenzaniso, Ruka akarondedzera kuti “murume waivapo, wainzi Zakeo; iye wakanga ari mukuru wavateresi, uye waiva mupfumi.” (Ruka 19:2) “Mukuru wavateresi” Zakeo naavo vaiva pasi poutarisiri hwake sezviri pachena vakava vapfumi pakutambura kwavanhu. Kubatwa zvisina kufanira noushati zvakatangwa netsika yakadaro zvakaparira vanhu kuisa vateresi muboka ravatadzi nemhombwe, uye zvimwe sezvakafanirwa kudaro muzvakaitika zvakawanda. (Mateo 9:10; 21:31, 32; Marko 2:15; Ruka 7:34) Sezvo vanhu vakanzwa mutoro unodokuva usingashiviriki, hakushamisi kuti muapostora Pauro akanzwa dikanwo yokuyeuchidza vaKristu biyake kuti vasashatirirwe joko reRoma asi “[ku]ripira vose zvavanofanira kuripirwa: mutero kuna vanofanira kutererwa; muripo kuna vanofanira kuripirwa.”—VaRoma 13:7a; enzanisa naRuka 23:2.
7. Mitemo yechirango yeRoma yakawedzera sei mutoro wavanhu?
7 Pauro akayeuchidzawo vaKristu kupa “kutya kuna vanofanira kutyiwa; kukudza kuna vanofanira kukudzwa.” (VaRoma 13:7b) VaRoma vaizivikanwa nokuda kwoutsinye uye kuoma kwemitemo yavo yechirango. Kuzvambura, kupura, zvirango zvomutorongo zvakakasharara, uye kuuraya kwakanga kuchiwanzoshandiswa kuti vanhu varambe vachizviisa pasi. (Ruka 23:32, 33; Mabasa 22:24, 25) Kunyange vatungamiriri vechiJudha vakapiwa chiremera chokuita chirango chakadaro sezvavaiona kwakakodzera. (Mateo 10:17; Mabasa 5:40) Tsika yakadaro zvirokwazvo yakanga ichidzvinyirira zvikurusa, kana yaisava yakaoma zvakananga, kuupi noupi airarama pasi payo.
8. Vatungamiriri vorudzidziso vakatakudza sei vanhu mutoro?
8 Wakanga wakaipa zvikuru kupfuura mitero nemitemo yeRoma, zvisinei, wakanga uri mutoro wakaiswa pavanhuwo zvawo navatungamiriri vorudzidziso vezuva racho. Kutaura idi, ikoku kwakaratidzika kuva itiro hanya huru yaJesu apo akarondedzera vanhu sava“kaneta, [v]akaremerwa.” Jesu akataura kuti panzvimbo pokupa vanhu vakaneta tariro nenyaradzo, vatungamiriri vorudzidziso “vanosunga mitoro inorema, inotambudza kutakura, vachiiisa pamafudzi avanhu, asi ivo vamene havadi kuibata nomunwe wavo.” (Mateo 23:4; Ruka 11:46) Mumwe munhu haagoni kukundikana kucherechedza muEvhangeri kuratidzirwa kusingakanganisi kwavatungamiriri vorudzidziso—zvikurukuru vanyori navaFarise—seboka rinozvitutumadza, risina tsitsi, uye rinonyengera. Vaishora vanhuwo zvawo savasina kudzidza uye vasina kuchena, uye vakazvidza vokumwe vaiva pakati pavo. Imwe tsinhiro pamusoro pechimiro chavo chendangariro inoti: “Munhu anotakudza bhiza zvakanyanyisa mazuva ano ane mhosva. Zvakadiniko nomunhu aitakudza ‘vanhuwo zvawo’ mirayiro 613 avo vakanga vasina rovedzo yorudzidziso; uye ipapo, asina chinhu chaakaita kuvabetsera, akavashurikidza savasina umwari?” Chokwadika, mutoro chaiwoiwo wakanga uri, kwete Mutemo waMosesi, asi chitsama chikuru chegamuchidzanwa chakaiswa pavanhu.
Chisakiso Chaichoicho Chenhamo
9. Mamiriro ezvinhu pakati pavanhu vomunguva yaJesu aienzana sei neayo emuzuva raMambo Soromoni?
9 Padzimwe nguva mutoro wokunyama pavanhu wakanga uri unorema, zvokuti kwakanga kune urombo hwakapararira. VaIsraeri vaifanira kubhadhara mitero ine mifungo yakarongwa noMutemo waMosesi. Ipapo mukati menguva yokutonga kwaSoromoni, vanhu vakatarisira zvirongwa zvaidhura zvikuru zverudzi, zvakadai sokuvaka tembere nezvimwe zvivako. (1 Madzimambo 7:1-8; 9:17-19) Bva, Bhaibheri rinotiudza kuti vanhu “vakadya, vakanwa, vakafara. . . . VaJudha navaIsraeri vakanga vagere zvakanaka, mumwe nomumwe pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, kubva paDhani kusvikira paBheeri-shebha, mazuva ose aSoromoni.” (1 Madzimambo 4:20, 25) Chii chakaparira musiyano?
10. Chii chakanga chiri chikonzero chamamiriro ezvinhu aIsraeri pakasvika zana ramakore rokutanga?
10 Chero bedzi rudzi rwacho rwakaramba rwakasimba nokuda kwokunamata kwechokwadi, vakafarikanya nyasha dzaJehovha uye vakakomborerwa nechengeteko norubudiriro pasinei zvapo nendyiko huru dzorudzi. Zvisinei, Jehovha akanyevera kuti kana va“katsauka paku[mu]tevera . . . [va]kasachengeta mirayiro ya[ke]” vaizotambura chinjo yakakomba. Kutaura idi, “Israeri [aizova] shumo nechiseko pakati pavanhu vose.” (1 Madzimambo 9:6, 7) Zvinhu zvakaita nenzira iyoyo chaiyo. Israeri akava pasi poudzori hwokumwe, uye umambo hwaimbova nembiri hwakaderedzwa kuva nyikawo zvayo inotongwa nenyika yokumwe. Mutengo wakadini wokuripa nokuda kwokufuratira misengwa yavo yomudzimu!
11. Neiko Jesu akanzwa kuti vanhu vakanga “vaneta, varashwa, samakwai asina mufudzi”?
11 Zvose izvozvi zvinotibetsera kunzwisisa chikonzero nei Jesu akanzwa kuti vanhu vaakaona vakanga “vaneta, varashwa.” Ivava vakanga vari vaIsraeri, vanhu vaJehovha, avo zvikurukuru vakanga vachiedza kurarama mukuwirirana nemitemo yaMwari uye kuita kunamata kwavo nenzira inogamuchirika. Kunyange zvakadaro, vakanga vachishandiswa uye vachiremerwa kwete bedzi nemasimba ezvematongerwe enyika neezvekutengeserana asiwo navatungamiriri vorudzidziso vakaramba kutenda vakanga vari pakati pavo. Vakanga vakafanana na“makwai asina mufudzi” nemhaka yokuti vakanga vasina munhu aivatarisira kana kuti kuvadzivirira. Vaida betsero yokugonana nezvomene dzakakasharara. Kokero yorudo uye younyoro yaJesu yakanga yakakodzera nguva sei!
Kokero yaJesu Nhasi
12. Idzvinyiriroi idzo vabatiri vaMwari navamwe vanhu vapachokwadi vanonzwa nhasi?
12 Munzira dzakawanda zvinhu zvakafanana nhasi. Vanhu vapachokwadi avo vari kuedza kuva nokurarama kwokutendeseka vanowana dzvinyiriro nezvinorayirwa zvinobva mutsika yezvinhu yakashata zvakaoma kutsungirira. Kunyange avo vakatsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha havasati vari vasingatapurwi. Mishumo inoratidza kuti vamwe pakati pavabatiri vaJehovha vari kukuwana kuri kwakaoma nenzira inowedzera kurarama mukuwirirana nemitoro yavo yose, kunyange zvazvo vachida kuita kudaro. Vanonzwa varemerwa, vaneta. Vamwe vanotonzwa kuti rwaizova rusununguko kudai vaigona kungokanda chinhu chiri chose mumhepo ndokunyangarikira kune imwe nzvimbo kuitira kuti vagogona kufunga zvakanaka. Wati wambonzwa nenzira iyoyo here? Unoziva mumwe munhu ari pedyo newe ari mumamiriro ezvinhu akadaro here? Hungu, kokero inofadza yaJesu ine revo huru nokuda kwedu nhasi.
13. Neiko tichigona kuva nechokwadi chokuti Jesu anogona kutibetsera kuwana nyaradzo nezororo?
13 Jesu asati apa kokero yake yorudo, akati: “Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu, hakuna unoziva Mwanakomana, asi Baba; hakuna unoziva Baba, asi Mwanakomana, naiye Mwanakomana waanenge achida kumuzarurira iye.” (Mateo 11:27) Nemhaka youhu ukama hwapedyo pakati paJesu naBaba vake, tinovimbiswa kuti kupfurikidza nokugamuchira kokero yaJesu uye kuva vadzidzi vake, tinogona kupinda muukama hwapedyo, hwomunhu oga naJehovha, “Mwari wokunyaradza kwose.” (2 VaKorinte 1:3; enzanisa naJohane 14:6.) Mukuwedzera, sezvo ‘zvinhu zvose zvakapiwa kwaari,’ Jesu Kristu oga ane simba nechiremera chokurerutsa mitoro yedu. Ipi yacho? Iyo inoiswa netsika dzakashata dzezvematongerwe enyika, dzokutengeserana, uye dzorudzidziso, pamwe chete nemutoro unoiswa nechivi chedu chakagarwa nhaka nokusakwana. Mufungo unokurudzira nounovimbisa zvakadini unobva pakutanga chaipo!
14. Jesu aigona kugovera zorodzo pakutambura kupi?
14 Jesu akapfuurira, kuti: “Uyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai.” (Mateo 11:28) Zvirokwazvo Jesu akanga asiri kushora basa rakaoma, nokuti aiwanzopa zano vaapostora vake kuti vazvishandise vamene nesimba mubasa ravaiva naro panguvayo. (Ruka 13:24) Asi ku“tambudzika” (NW) (“kushanda,” Kingdom Interlinear) kunoreva basa rakarebeswa uye rinonetesa, kazhinji kazhinji pasina migumisiro yakafanira. Uye ku“remerwa” kune mufungo wokuremedzwa kupfuura mwero wenguva dzose. Musiyano wacho unogona kufananidzwa nouyo uri pakati pomunhu ari kuchera pfuma yakavanzwa nouyo ari kuchera makomba mumusasa wechibharo. Vari kuita basa rakaoma rakafanana. Kune mumwe, basa racho riri kuitwa nokudisa, asi kune mumwe, kufinha kusingaperi. Chinoita musiyano chinangwa chebasa racho kana kuti kushayika kwechinangwa.
15. (a) Tinofanira kuzvibvunza timene mibvunzoi kana tichinzwa kuti tinotakura mutoro unorema pamafudzi edu? (b) Chii chinogona kutaurwa pamusoro pamanyuko emitoro yedu?
15 Unonzwa kuti wa“kaneta [uye wa]karemerwa,” zvokuti kune zvakawanda zvinorayirwa panguva yako nesimba here? Mitoro yavakatakura inoratidzika kuva yakanyanyokuremera here? Kana zvakadaro, kungabetsera kuzvibvunza umene kuti, ‘Ndiri kutamburireiko? Ndakatakura mutoro worudzii?’ Muna ikoku, mumwe mutsinhiri weBhaibheri akati anopfuura makore 80 apfuura: “Kana tikarangarira mitoro youpenyu iri mumapoka maviri; tinogona kudana iwaya kuti yokuzviisira uye isingadzivisiki: iyo iri nemhaka yezviito zvedu timene, uye iyo isiri nemhaka yezviito zvedu timene.” Ipapo akapfuurira, kuti: “Vakawanda vedu taizoshamiswa, mushure mokusanozvinzvera, kuwana kuti chikamu chakakura sei chemitoro yedu yose chiri iyo yokuzviisira.”
16. Mitoroi yatingazviisira patiri timene nenzira yokusachenjera?
16 Ndeipi iri mimwe yemitoro yatingazviisira patiri timene? Nhasi tinorarama munyika inoda zvenyika, inoda mifarwa, uye younzenza. (2 Timotio 3:1-5) Kunyange vaKristu vakazvitsaurira vari mudzvinyiriro yenguva dzose yokuchinjira kufashoni nemiraramire yenyika. Muapostora Johane akanyora pamusoro pe“kuchiva kwenyama, nokuchiva kwameso, nokuzvikudza kwoupenyu.” (1 Johane 2:16) Idzi ipesvedzero dzine simba idzo dzinogona kutitapura nenzira iri nyore. Kunozivikanwa kuti vamwe vave vachidisa kupinda muchikwereti kuti vafarikanye yakawanda yemifarwa yenyika kana kuti kuchengeta muraramiro wakati. Ipapo vanowana kuti vanofanira kupedza chitsama chakanyanyisa chenguva pabasa, kana kuti kuita mabasa anoverengeka, kuti vawane mari yokubhadhara zvikwereti zvavo.
17. Mamiriroi ezvinhu angaita kuti kutakura mutoro kuve kwakatooma zvikuru, uye ikoku kunogona sei kururamiswa?
17 Nepo mumwe munhu angarangarira kuti hakusati kuri kwakashata kuva kana kuti kuita zvimwe zvezvinhu izvo vamwe vanazvo kana kuti vari kuita, kunokosha kunzvera kana ari kuwedzera kumutoro wake nenzira isiri madikanwa. (1 VaKorinte 10:23) Sezvo munhu achigona kutakura bedzi zvinhu zvakati kuti, chimwe chinhu chinofanira kubviswa kuti atakure mumwe mutoro. Kazhinji kazhinji, zvinhu zvinokosha nokuda kwegarikano yedu yomudzimu—fundo yeBhaibheri yomunhu oga, kupinda misangano, uye ushumiri hwomumunda—zvinotanga kubviswa. Mugumisiro wacho kurasikirwa nesimba romudzimu, ukowo, kunotokuita kuti kuve kwakaoma zvikuru kutakura mutoro wacho. Jesu Kristu akanyevera pamusoro pengozi yakadaro apo akati: “Chenjerai, kuti mwoyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa nokubatwa, nokufunganya pamusoro pezvinhu zvoupenyu huno, kuti zuva iro rirege kukuwirai seriva.” (Ruka 21:34, 35; VaHebheru 12:1) Kwakaoma kuziva musungo ndokuunzvenga kana munhu akaremerwa uye akaneta.
Rusununguko Nenyaradzo
18. Chii icho Jesu akapa avo vakauya kwaari?
18 Nenzira yorudo, naizvozvo, Jesu akapa mhinduro, achiti: “Uyai kwandiri . . . ndichakuzorodzai.” (Mateo 11:28) Mashoko okuti “kuzorodza” pano uye “zororo” Mat. 11 mundima 29 anobva mumashoko echiGiriki ayo anowirirana neshoko iro shanduro yeSeptuagint inoshandisa kushandura shoko rechiHebheru nokuda kwe“sabata” kana kuti “kuchengetwa kwesabata.” (Eksodho 16:23) Nokudaro, Jesu haana kupikira kuti avo vaiuya kwaari vaisazova nerimwe basa, asi akapikira kuti aizovazorodza zvokuti vaizova vakagadzirira nokuda kwebasa ravanofanira kuita mukuwirirana nechinangwa chaMwari.
19. Munhu anogona sei ‘kuuya kuna Jesu’?
19 Zvisinei, munhu anogona sei ku‘uya kuna Jesu’? Kuvadzidzi vake, Jesu akati: “Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, asimudze muchinjikwa wake, anditevere.” (Mateo 16:24) Nokudaro, kuuya kuna Jesu kunoreva kupa kuda kwomunhu kune uko kwaMwari nokwaKristu, kugamuchira mutoro wakati webasa, uchiita kudaro nokupfuurira. Kwose ikoku kunonyanyorayira here? Mutengo wacho wakanyanyokwirira here? Ngatirangarirei izvo Jesu akataura mushure mokunge apa kokero yorudo kuvakaneta.
Unogona Kuyeuka Here?
◻ Vanhu vomuzuva raJesu vakanga vakaremedzwa munzirai?
◻ Chii chakanga chiri chisakiso chechokwadi chenhamo yavanhu?
◻ Tinofanira kuzvinzvera timene sei kana tichinzwa kuti takaremerwa zvikuru?
◻ Mitoroi yatingazviisira patiri timene nenzira yokusachenjera?
◻ Tinogona sei kugamuchira zororo iro Jesu akapikira?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Ndeipi iri mimwe yemitoro yatingazviisira patiri timene?
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 15]
Courtesy of Bahamas Ministry of Tourism