RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 8/15 pp. 23-27
  • Mhuri Dzakatendeka Dzinokurumidzisa Wedzero muSri Lanka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mhuri Dzakatendeka Dzinokurumidzisa Wedzero muSri Lanka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Kunangana neDenho
  • Mhuri Yakarongwa Inounza Rumbidzo
  • Chishoro Chinobatanidza Mhuri Mukunamata Kwechokwadi
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 8/15 pp. 23-27

Mhuri Dzakatendeka Dzinokurumidzisa Wedzero muSri Lanka

YAIZIVIKANWA seCeylon kusvikira muna 1972, Sri Lanka chitsuwa chakaisvonaka chine mhenderekedzo dzegungwa dzine michindwi, hwenze, uye marenje maduku. Munzvimbo dzakakwirira, Adam’s Peak, pamamita 2 243, inzvimbo inoyera kumarudzidziso mana makuru.a Pedyo pane World’s End, materu apo mawere amabwe anodzika anopfuura mamita 1 500. Nzvimbo yacho inogovera chimwe chezviono zveSri Lanka zvakaisvonaka zvikurusa.

Vagari veSri Lanka vane mamiriyoni 18 vanogoverana mamiriro ezvinhu ekare anofadza. Kubvira zana ramakore rechishanu B.C.E., vanhu verudzi rweIndo-European vokuIndia yokuchamhembe vakazadza chitsuwa chacho. Ivo vaSinhalese, zvino vanoumba zvinenge zvikamu zvitatu muzvina zvavagari vemo. Ipapo, kubvira muzana ramakore rechi 12, kwakauya boka ravaTamil vachibva kuIndia yokumaodzanyemba; ivava zvino vanogara zvikurukuru kuchamhembe nokumabvazuva kwechitsuwa chacho. VaPutukezi, vaDutch, uye vaBritainwo vakasiya pesvedzero yavo yakabva mumazuva okutongwa neimwe nyika. Mukuwedzera, vatengesi vanofamba mugungwa vaibva kunyika dzeArabhia neMalaya vakagara pakati pavanhu vomunzvimbomo. Kunewo misha iri yoga yavaEurope, vaParsi, vaChina, uye vamwe.

Kunze kwokuvhengana kwamarudzi, mutauro norudzidziso muSri Lanka zvinoratidzira mamiriro ayo ezvinhu akare akasiyana. Mitauro mikuru muchitsuwa chacho chiSinhalese, chiTamil, uye chiNgezi. VaSri Lanka vazhinji vanotaura inenge miviri yemitauro mitatu yacho. Mamiriro ezvinhu akare edzinza anoitawo basa guru murudzidziso rwavanhu. VaSinhalese vazhinji vaBuddha, nepo vaTamil vazhinjisa vari vaHindu. Avo vane batano yechiArab kana kuti yeMalaya kazhinji kazhinji vanonamatira kuchiIslam, uye avo vane mamiriro ezvinhu akare eEurope vanongovawo zvavo mitezo yechechi dzechiKristudhomu, chiKaturike nechiPurotesitendi.

Kunangana neDenho

Kwose ikoku kunopa denho huru kuZvapupu zvaJehovha muSri Lanka. Izvozvi zvinoshanda zvakaoma kuita basa raJesu, rokuti: “Evhangeri iyi youshe ichaparidzwa munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose.” (Mateo 24:14) Kunze kwokufanira kubata nemitauro inoverengeka, vaparidzi vamashoko akanaka vangataura kuva Buddha, vaHindu, mitezo yechechi dzechiKristudhomu, pamwe chete navasingatendi kuvapo kwaMwari—zvose mumaawa mashomanene okuparidza.

Kuti vave vanobudirira muushumiri hwavo, vaparidzi vacho vanofanira kutakura magazini eNharireyomurindi neMukai! uye mamwe mabhuku eBhaibheri muchiTamil, muchiSinhalese, uye chiNgezi. Avo vakasimba zvakakwana kuzvikwanisa vanototakura maBhaibheri mumitauro iyoyo. Vaparidzi vakafara zvikuru nguva pfupi yapfuura apo mabhurocha aMwari Anotiitira Hanya Chaizvoizvo Here? uye Our Problems—Who Will Help Us Solve Them? uye turakiti raNyika Ino Ichapukunyuka Here? zvakaburitswa mumitauro mitatu panguva imwe chete. Ikoku kwakareva zvishandiswa zvakawanda nokuda kwebasa.

Zvapupu zvave zvichishanda zvakaoma kubvira muna 1912, apo Charles Taze Russell, purezidhendi wapanguva iyoyo weInternational Bible Students Association, akaita shanyo pfupi kuCeylon. Kukura kukuru, zvisinei, kwaifanira kumirira kusvika kwavakapedza kufunda veWatchtower Bible School of Gilead muna 1947. Kubvira ipapo, vaparidzi muSri Lanka vakafarikanya migumisiro yakaisvonaka inobva mubasa ravo rokuparidza. Muna 1994 vaparidzi voUmambo 1 866 vakaitisa, paavhareji, fundo dzeBhaibheri dzapamusha 2 551 mwedzi mumwe nomumwe. Uye vakapinda Chirangaridzo vane 6 930 vakanga vachido kupfuura nhamba yavaparidzi nekana muungano dzose. Chikomborero chinoshamisa zvakadini!

Mukuenzanisa nedzimwe nyika, fambiro mberi muSri Lanka ingaratidzika kuva iri kunonozeka. Chimwe chikonzero chinoratidzika kuva zvisungo zvemhuri zvakasimba. Zvisinei, zvinhu zvinogona kuenda neimwe nzirawo. Apo mukuru mukuru wehondo yeRoma Kornerio akatsigira zvokwadi, mhuri yake yakatsigirawo naye. (Mabasa 10:1, 2, 24, 44) Bhuku raMabasa rinodudzawo dzimwe mhuri dzechiKristu dzakasimba, kubatanidza idzo dzaRidhia, Krispo, uye muchengeti wetorongo raPauro naSirasi.—Mabasa 16:14, 15, 32-34; 18:8.

Zvirokwazvo, zvisungo zvemhuri zvakasimba zvingashanda kubetsero uko kune kuronga kwakanaka nokupfuurira kwokutendeka. Achirangarira mashoko aIsaya 60:22, ave ari mufundisi kwenguva refu Ray Matthews anoti: “Kunoratidzika kuti Jehovha zvino ari kukurumidzisa zvinhu panguva yakafanira, kwete bedzi navanhu vamwe navamwe asiwo nemhuri.”

Mhuri Yakarongwa Inounza Rumbidzo

Zvirokwazvo kune mhuri dzakatendeka dzakadaro muSri Lanka nhasi. Somuenzaniso, kune mhuri yaSinnappa yakasanorongwa inogara muKotahena, nyika yeColombo, guta guru reSri Lanka. Kunyange zvazvo musoro wemhuri, Marian, akafa isati iri nguva refu, mudzimai wake, Annamma, uye 12 vevana vavo 15, vanobva muzera pa13 kusvikira ku33, vanopfuurira kubatira Jehovha semhuri. Panguva yeuku kunyora, vasere vavana vacho vakabhapatidzwa, uye vatatu vavo vakanga vari muushumiri hwenguva yakazara, vachibatira samapiyona enguva dzose. Vamwe vatatu vakanga vanyoresa mubasa roupiyona hwebetsero panguva nenguva. Pakati pavaduku vemhuri yacho pakanga paine vaparidzi vana vasina kubhapatidzwa. Mukuwedzera, vazukuru vana, kunyange zvazvo vachiri vaduku zvikuru, vakanga vachifunda Bhaibheri nokupinda misangano yechiKristu paUngano yeColombo North yeZvapupu zvaJehovha.

Makanga muri muna 1978 umo Annamma akatanga kunzwa mashoko akanaka oUmambo apo akagamuchira kopi yeNharireyomurindi. Fundo yeBhaibheri yakatangwa, uye pashure pokupedza yamuro yefundo yeBhaibheri Zvokwadi Inotungamirira kuUpenyu Husingagumi, Annamma akatsaurira upenyu hwake kuna Jehovha Mwari uye akabhapatidzwa, nokudaro achigadzira muenzaniso wokutanga vakawanda vemhuri yake.

Somurume weuto Kornerio, Annamma ane rongeko yakanaka mumhuri make. “Taitofanira kuronga nokuda kwemisangano yechiKristu namagungano—ndisingadudzi chinhu nezvechikoro,” Annamma anoyeuka kudaro. “Zvipfeko zvakanga zviri chinetso, asi nechikomborero chaJehovha takakwanisa kugadzira zvimwe zvipfeko zvitsva nokuda kwegungano rimwe nerimwe. Mhuri yose yaisvika yakasanopfeka uye ichisanodyiswa—uye ichi nyemwererawo zvikuru.”

Vana vanoyeuka kurongeka kwemhuri yavo nechidakadaka. Kubetsera mhuri yose kupinda misangano yechiKristu, vakura vaipiwa mabasa chaiwo. Somuenzaniso, Mangala aigeza zvipfeko, uye Winnifreda kuchisa. Winnifreda, uyo aibetserawo vaduku kupfeka, anoti, “Munhu ari wose airatidzika akatsvinda chaizvoizvo sezvaaibva pamusha.”

Gadziriro dzomudzimu dzakasanorongwa zvakaenzana. Mwanasikana Pushpam, zvino ari piyona wenguva dzose, anoyeuka, kuti: “Zuva rimwe nerimwe, mhuri yedu yaifarikanya kurava Bhaibheri nokuhwirudzura rugwaro rwezuva nezuva rweBhaibheri pamwe chete.” Annamma anowedzera, kuti: “Mwana ari wose ane kopi yomunhu oga yeBhaibheri, Nharireyomurindi, uye zvimwe zvinyorwa. Ndinosanoteerera kutsinhiro dzavo dzose pamisangano. Apo kunoratidzika sokuri madikanwa, ndinotevera tava kumusha nekurudziro neruramiso. Usiku tinobatana kugumisa zuva nomunyengetero wedu wemhuri.”

Vana vakuru vanokosha mukubetsera Annamma kugovera dzidzo yakaisvonaka yechiKristu nokuda kwavose vari mumhuri. Rudungwe rwakazara, zvisinei, harudzivisi chishuvo chavo chokugoverana mashoko akanaka kunze kwemusha. Pamwe chete, mitezo yakasiyana- siyana yemhuri inoitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha 57 navanhu vomunharaunda. Mukuwasha Rajan anotsinhira, kuti: “Mhuri inoitisa fundo dzeBhaibheri dzinofambira mberi. Mudzimai wangu, Pushpam, akatova neropafadzo yokuona mumwe wavadzidzi vake achitsaurira upenyu hwake kuna Jehovha.”

Kwakaparira nyanduko yakati muKotahena apo mhuri yakakura yakadaro yakasiya Chechi yeRoma Katurike. Kunyange zvazvo muprista amene asina kutongoshanyira mhuri yacho kundoona chikonzero nei, asi akakumbira mitezowo zvayo yechechi kufeya-feya. Kurukurirano dzinoverengeka dzakatevera, zvikurukuru pamusoro pedzidziso yoUtatu. Annamma nguva dzose aivimba naJehovha neBhaibheri kudzivirira kutenda kwake. Rugwaro rwake rwaaida zvikuru mukurukurirano rwakanga rwuri Johane 17:3.

Mhuri yaSinnappa inoratidzira zvakajeka kuti kuronga kwakanaka nenhamburiko yenguva dzose zvinogona kuunza migumisiro inogutsa. Kupfurikidza nenhamburiko dzavo dzokushingaira, chizvarwa chitsva chavaparidzi voUmambo chiri kukura, kwose kurumbidzwo yaJehovha.

Chishoro Chinobatanidza Mhuri Mukunamata Kwechokwadi

Mhuri yaRatnam iri makiromita mashomanene pedyo navana Sinnappa, muNarhenpitya, imwe nyika yeColombo. Ivowo vaichimbova vaRoma Katurike. Muna 1982, Zvapupu zvakabatikana muushumiri hwapaimba neimba zvakawana Balendran, murume womwanasikana mukurusa, Fatima. Fundo yeBhaibheri yakatangwa nemhuri yose. Nokukurumidza vana vavo vatatu vakanga vachibvunza Ambuya Ignasiamal nezvezita raMwari. Apo vana vakagovera mhinduro yokuti, “Jehovha,” vakanyandura fariro yaAmbuya, uye fundo yeBhaibheri yakatangwa navo. Gare gare, vaviri vevanasikana vavo, Jeevakaka naStella, vakakumbanira mufundo yacho, uye pakasvika 1988 vose vari vatatu vakanga vabhapatidzwa.

Munguvayo, Balendran naFatima vakagoverana zvokwadi nomumwe wavanun’una vaFatima, Mallika, uye murume wake, Yoganathan. Pakasvika 1987 vaviri ava vakabhapatidzwa, uye vakaroverera muvana vavo vaviri kuda Jehovha kunokura. Pushpa, mumwe wevanun’una vaFatima, akatevera. Akaita tsauriro yake uye akabhapatidzwa muna 1990. Ari muTokyo, murume wake, Eka, akabatira neungano yechiNgezi, uye Pushpa akabetsera mwanakomana wavo muduku, Alfred, kurerwa munzira yaJehovha.

Kusvikira panguva ino, vana vevana gumi vemhuri yaRatnam vakatsigira kunamata kwechokwadi. Nomufaro, vamwe vatatu vari kuita fambiro mberi yakanaka mufundo dzavo dzeBhaibheri dzomunhu oga. Pakati pavazukuru 11, musikana mumwe chete, Pradeepa, akatobhapatidzwa. Vamwe vaduku vanomwe vari kuraidzwa nguva dzose kupfurikidza nefundo dzavo dzeBhaibheri dzemhuri. Mukuwedzera, hwerengedzo yefundo dzeBhaibheri dzapamusha 24 dziri kuitiswa vanhu vanofarira munharaunda.

Kwose ikoku hakuna kuitika nenzira iri nyore. Pakuvamba, pakanga pane chishoro chemhuri. Baba vacho, Muthupillai, uye vakoma vakuru vakanga vachishora zvikuru upi noupi wemhuri yavo aipinda misangano paHoro yoUmambo kana kuti aibatikana mubasa rapachena rokuparidza. Nepo zvimwe zvaizvozvi zvaiva nechokuita neitiro hanya yechengeteko yomunhu oga, Muthupillai anowedzera, kuti: “Ndakanga ndakazvipira chose chose ku‘vasande’ uye ndaisatendera mhuri yangu kusiya Chechi yeKaturike.” Zvino, zvisinei, anodavira kuti vari kunamata Mwari wechokwadi nemhaka yokuti anogona kuona betsero idzo kutenda kwavo kwakavaunzira.

Somuenzaniso, aichimbova muridzi wemba yavo wechiBuddha akaedza kuvadzinga panzvimbo yake nokushandisa mishonga pavari. Akauya humwe usiku ndokupoteredza imba nemichero yelime “ine mushonga.” Kutya kwakabata vavakidzani vanodavira mashura, vose vaikarira chiitiko chakati chisingafadzi kurwadza mhuri yaRatnam. Apo Ignasiamal akawana ikoku, zvisinei, iye navana vakangobvisa zvavo michero yacho pasina kutya kana kuti kuvhunduka—uye hapana chakaipa chakaitika kwavari. Chiito chavo chokusatya chakava uchapupu hwakati munharaunda macho, kuchiparira vanhu kuvaremekedza zvikuru. Stella akakwanisa kutanga fundo dzapamusha dzeBhaibheri mbiri nemhuri dziri pedyo. Akurudzirwa naikoku, muroora Nazeera akagamuchirawo fundo yeBhaibheri.

Achitarira shure pazvikomborero zvizhinji zvakauya pamhuri yake, Ignasiamal anoti: “Ndinofara zvikuru kuona kukura mumudzimu mukati memhuri. Takakomborerwa naJehovha nemhaka yokuti chishoro chapfava, uye chinzwano chemhuri yedu chawedzera.”

Idzi mhuri huru dzakabvumikisa kuva chikomborero chakadini. Dzakawedzera manzwi adzo kuayo emhuri duku, mhuri dzine mubereki mumwe chete, uye vaKristu vasina kuroora avo vari kuvavarira zvakaoma kukurumidzisa kuziviswa kwamashoko akanaka oUmambo mu“nyika yakaisvonaka,” sezvinoreva zita rokuti Sri Lanka. Pamwe chete navaKristu biyazvo munyika yose, Zvapupu zvomuSri Lanka zvinotarira mberi kukudzorerwa kweParadhiso, iyo tingayeuka kunyange zvino sezvatinoona mhenderekedzo dzegungwa uye makomo zveSri Lanka yakaisvonaka.

[Mashoko Omuzasi]

a Gomba guru riri imomo rinofungidzirwa kuva tsimba raAdhama, Buddha, Siva, uye Tomasi “Musande”, nenzira inotevedzana, muchiMuslim, chiBuddha, chiHindu, uye ngano dzechechi.

[Mifananidzo iri papeji 24, 25]

Vazhinji muSri Lanka vari kugamuchira kuparidza nokudzidzisa kwechiKristu

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe