Bhaibheri—Bhuku Rinofanira Kuraviwa
KURI nyore kuperevedza zvimiro zvikurusa zvezvipauro nezvidudzirazviito apo munhu anenge achitaura pamusoro peBhaibheri. Iro ibhuku rinoparadzirwa zvakafara zvikurusa kwazvo munhau yose. Bhaibheri ndiro bhuku rekaresa, rakashandurwa zvikurusa, rinonokorwa mashoko zvikurusa, rinopesvedzera zvikurusa, uye rinoremekedzwa zvikurusa. Zvimwe iro ndiro rinomutsawo nharo zvikurusa. Uye zvamazvirokwazvo iro ibhuku rakapukunyuka zvirambidzo zvakawanda zvikurusa, kupisa, uye chishoro chamasimba masimba. Zvisingafadzi, kunyanguvezvo, kune chimiro chimwe chikurusa chezvipauro nezvidudzirazviito chisati chichagona kushandiswa kuBhaibheri. Hakusati kungabvira kuti iro richitongorizve bhuku rinoraviwa zvakafara zvikurusa munyika.
Nepo vanhu vangava neBhaibheri pane imwe nzvimbo mumba, vakawanda vanorangarira kuti vakanyanyobatikana zvokusagona kupedza nguva vachirirava chaizvoizvo. Kurava kwaichimbova dandadzo rakakurumbira. Zvino, zvisinei, vakawanda zvikurusa vanoda zvavo kupedza nguva yavo yomuraudzo vachitarira terevhizheni kana kuti kuita chimwe chinhuwo zvacho. Avo vachiri kurava kazhinji kazhinji vanoda zvavo chimwe chinhu chakapfava nechiri nyore. Kurava Bhaibheri kunoda kufungisisa, uye vanhu vakawanda zvikurusa havasati vachafungisisazve zvikuru zvavanorava.
Bva, Bhaibheri harina kupukunyuka kuti rigoregwa zvaro rakagara pamasherufu edu amabhuku. Pane zvikonzero zvakanaka nei richifanira kuraviwa. Rangarira maidi akati pamusoro paro.
Hakushamisi Kuti Rakatsungirira!
Shoko rokuti “Bhaibheri” rinobva mushoko rechiGiriki rokuti bi·bliʹa, rinoreva kuti “mabhuku maduku.” Ikoku kunotiyeuchidza kuti Bhaibheri rakaumbwa nechiverengero chakati chamabhuku—mamwe asiri maduku kwazvo! Akanyorwa munhambo yamakore anopfuura mazana gumi namatanhatu amakore. Nepo vanyori vacho vakanga vari vanhu, vakafuridzirwa naManyuko akakwirira zvikuru. Mumwe munyori weBhaibheri akati: “Hakuno uporofita hwakatongouya nokuda kwomunhu, asi vanhu vaMwari vakataura, vachimutswa no[mudzimu, NW] mutsvene.” (2 Petro 1:21) Chiri chechokwadi nezvouporofita hwapaMagwaro ndechechokwadiwo nezvorutivi rwose rwasara rweBhaibheri. Aya “mabhuku maduku” akafuridzirwa nenzira youmwari akazadzwa nemifungo yakakwirira yaJehovha Mwari. (Isaya 55:9) Hakushamisi kuti Bhaibheri rakatsungirira kwenguva refu kwazvo!
Nokuda kwavabatiri vaMwari, Bhaibheri nguva dzose rave riri bhuku rinokosha zvikurusa. Ivo vanobvumirana nomuapostora Pauro, iye amene mumwe wavanyori veBhaibheri. Iye akati: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera nokuda kwokudzidzisa.” (2 Timotio 3:16, NW) Naizvozvo, Bhaibheri ndihwo hwaro hwokutenda kweZvapupu zvaJehovha nhasi. Rinotapura dzidziso dzazvo uye rinodzora mufambiro wazvo. Zvinorumbidza nomwoyo wose kuti munhu ari wose arave chikamu chakati cheShoko raMwari zuva rimwe nerimwe ndokufungisisa nenzira yokuonga zviri mukati maro.—Pisarema 1:1-3.
Tsika Yokurava Bhaibheri
Tsika yokurava Magwaro yave ichibetsera munguva dzakapfuura. Madzimambo aIsraeri airairwa kuita kopi yawo amene yakanyorwa noruoko yoMutemo—zvino rutivi runokosha rweBhaibheri—ndokuirava zuva nezuva sechiyeuchidzo chenguva dzose chokuda kwaMwari nokuda kwavo. (Dheuteronomio 17:18-20) Kukundikana kuita ikoku kwaiparira kuwa kwamadzimambo akawanda.
Ukoshi hwokufunda Magwaro hunoratidzirwa muchinoitika chomuporofita akakwegura Dhanieri. Nemhaka yefundo yake yomunhu oga yamativi eBhaibheri aivapo muzuva rake, Dhanieri, ari muutapwa muBhabhironi, akakwanisa ku‘nzwisisa kupfurikidza namabhuku’ kuti uporofita hunokosha hwakanyorwa naJeremia hwakanga hwodokuzadzikwa.—Dhanieri 9:2.
Panguva yokuberekwa kwaJesu, munhu “wakarurama waida Mwari” Simeoni akanga achikarira nechivimbo kuona uyo aizova Kristu, kana kuti Mesia. Simeoni akanga avimbiswa kuti haasati aizofa asati aona Kristu. Nongedzero yake kuuporofita hwaIsaya pakubata Jesu mucheche mumaoko ake inoratidza kuti Simeoni akanga ari muravi anongwarira wamabhuku eBhaibheri akanga atonyorwa muzuva rake.—Ruka 2:25-32; Isaya 42:6.
Apo Johane Mubhapatidzi akanga achiparidzira, “vanhu vakanga vachikarira” Mesia. Ikoku kunoratidzirei? Kunokarakadza kuti vakawanda pakati pavaJudha vakanga vakarovedzana nouporofita hwouMesia hwakanyorwa muMagwaro. (Ruka 3:15) Ikoku kunofadza, nokuti mumazuva iwayo mabhuku akanga asati achiwanika nyore nyore. Makopi amabhuku eBhaibheri aifanira kuitwa nokungwarira noruoko, uye iwo nenzira inowirirana aidhura uye akaoma kuwana. Vanhu vakava sei vakarovedzana nezviri mukati mawo?
Muzvinoitika zvakawanda, kupfurikidza nokurava pachena. Somuenzaniso, Mosesi akaraira kuti panguva dzakati dzakagadzwa, Mutemo wose wakapiwa naMwari waifanira kuravirwa vaIsraeri vakaungana. (Dheuteronomio 31:10-13) Pakasvika zana ramakore rokutanga N.V., kuraviwa pachena kwamabhuku eBhaibheri kwakanga kwakapararira. Mudzidzi Jakobho akati: “Nokuti Mosesi kubva pamarudzi ekare, waiva navanomuparidza paguta rimwe rimwe, achirahwa mumasinagoge sabata rimwe nerimwe.”—Mabasa 15:21.
Nhasi, kuri nyore kuva nekopi yomunhu oga yeBhaibheri. Anenge mamwe eaya “mabhuku maduku” anowanika mumitauro ye 98 muzana yechiverengero chavagari venyika. Nokudaro kunosiririsa kuti vakawanda havafariri kuwana izvo Bhaibheri rinotaura kwavari. Iri ringava zera resayenzi, asi Shoko raMwari, Bhaibheri, richiri rino“betsera [zvakatanhamara] nokuda kwokudzidzisa.” Rinopa zano rakanaka patsika, ukama hwavanhu, uye dzimwe nhau dzakawanda. Uyezve, Bhaibheri rinopa tariro yechokwadi bedzi yenguva yemberi ine rugare.
Rirave Nguva Dzose
Zvapupu zvaJehovha naizvozvo zvakakuita rutivi rwakatanhamara rwebasa razvo kukurudzira kuraviwa kwenguva dzose kweBhaibheri. Mumabhii makuru pachivako chefekitari padzimbahwe razvo renyika muBrooklyn, New York, panooneka zano, rinoti: “RAVA SHOKO RAMWARI BHAIBHERI DZVENE ZUVA NEZUVA.” Mamirioni avapfuuri akaona aya mashoko, uye kunokarirwa kuti vakawanda vakaateerera.
Muungano dzinopfuura 73 000 dzeZvapupu zvaJehovha munyika yose, marusando eChikoro choUshumiri choUbati Ushe hwaMwari anoitwa vhiki imwe neimwe. Rutivi rwekosi yacho kuraviwa pachena kwechikamu chakasarudzwa cheBhaibheri. Vose varipo vanewo mugove wokurava maganhuro mashomanene eBhaibheri vhiki nevhiki vari voga mumisha yavo vamene. Avo vanovambirana nourwu rudungwe pakupedzisira vanorava Bhaibheri rose.
Iyi gadziriro iri mutsinhirano nerimwe ramabhuku anoshandiswa muichi chikoro. Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari rinoti: “Rudungwe rwako rwomunhu oga runofanira kubatanidza nguva yokurava Bhaibheri rimene. Muno ukoshi hukuru mukurirava rose kubvira kubutiro kusvikira kubutiro. . . . Zvisinei, nharidzano yako mukurava haizati ichitongofanira kuva yokufukidza bedzi nhauyo, bva kuwana pfundo rose rayo uine vavariro yokuyeuka. Tora nguva yokufungisisa pane zvainoreva.”
Zvimwe zvinyorwa zvinobudiswa neZvapupu zvaJehovha zvinokurudzira zvakafanana kuraviwa kweBhaibheri. Somuenzaniso, mumagazini biyayo yemagazini ino, Mukai!, makaoneka kurudziro inotevera nokuda kwavana vaduku: “Wati warava . . . Bhaibheri rose here? Hungu, Bhaibheri ibhuku guru, asi kuregererei kukamuranisa kuraviwa kwaro kuva zvikamu zviduku? . . . VaBherea ‘vakasanonzvera Magwaro zuva nezuva.’ (Mabasa 17:11) Kana ukatevera rudungwe rwezuva nezuva rwokurava maminiti 15 chete pazuva . . . , ungagona kupedza kurava Bhaibheri mukati megore rimwe.” Hungu, Zvapupu zvaJehovha zvinorangarira kuti vaKristu vomuzuva razvino uno vanofanira kusanorovedzana naMagwaro, kungofanana neizvo vabatiri vaMwari vakanga vakaita munguva dzakare.
Zvichirangarira ikoku, Zvapupu zvakasimudzira chimiro chomuzana ramakore rechi 20 chokurava Bhaibheri pachena. Mumitauro inoverengeka, izvo zvakaita makaseti akarekodhwa okurava anofukidza Bhaibheri rose. Nokuda kwavakawanda ikoku kwakabvumikisa kuva betsero yakaisvonaka mukukurira mhinganidzo kukurava Bhaibheri. Zvimwe zvinoteerera izvi zvakarekodhwa zvichishanda pamba, zvichichaira motokari yazvo, kana kuti kuita chiverengero chakati chezvimwe zvinhu. Kugara pasi ndokuteerera chinyararire kuraviwa kwechikamu cheBhaibheri uchitevera mukopi yako umene ndichinoitika chinofadza.
Kana usati uchitorava Bhaibheri zuva nezuva, kuregerereiko kukuita tsika yako kuita saizvozvo? Ikoku hakufaniri kutora nguva yakareba zuva rimwe nerimwe, asi betsero dzacho dzichava huru, nokuti kushandiswa kwaMagwaro kuchakugonesa kuita nokuchenjera ndokufarikanya upenyu hunotusa mumudzimu. Uchavewo uchiita mutsinhirano nouyu murairo wakapiwa kare kare kumutungamiriri wechiIsraeri Joshua, unoti: “Bhuku iyi yomurairo haifaniri kubva pamuromo wako, asi unofanira kuirangarira masikati nousiku, kuti uchenjere kuita zvose zvakanyorwamo; nokuti nokudaro uchazviwanira mufaro panzira yako nokubata nokuchenjera.”—Joshua 1:8.
Mapeji eBhaibheri anozivisa donzo rorudo raJehovha nokuda kworudzi rwomunhu runoteerera. Zivo yakarurama yeShoko rake rakafuridzirwa inoguma nomufarwa wechokwadi netariro youpenyu husingagumi muParadhiso munyika itsva inoshamisa yezvikomborero zvisingagumi. (Ruka 23:43; 2 Petro 3:13) Shandisa banza rako rokurava ndokufunda Bhaibheri ndokusvasvavirira uhu upenyu hunoshamisa.