Farira Shoko raMwari
ANOFARA ndiye munhu “anofarira mutemo waJehovha.” Munhu akadaro anoverenga Shoko raMwari “nenzwi riri pasi masikati nousiku.” (Pis. 1:1, 2, NW) Unowana mufaro wakadaro here? Ungawedzera sei mufaro waunounzirwa neShoko raMwari?
Teerera Panenge Pachitaura Jehovha
Rega kungoverenga mashoko. Ona mupfungwa dzako zvauri kuverenga nezvazvo. Fungidzira manzwi evari kutaurwa. Sezvaunoverenga zvitsauko zvokutanga zveBhaibheri, inzwa Jehovha pachake achitaura pachena danho nedanho, mukuita kuti pasi rikodzere vanhu. Teerera sezvaanoudza Mwanakomana wake, Mhizha, kuti nguva yasvika yokusika vanhu vokutanga. Fungidzira zviri kuitika: Adhamu naEvha vanopanduka, Mwari anovatonga, ozovadzinga muParadhiso. (Genesi, zvitsa. 1-3) Vhunduka paunoverenga kuti inzwi rinobva kudenga rinozivisa Jesu Kristu soMwanakomana waMwari, anodiwa, akatumwa naMwari kuzofira vanhu. (Mat. 3:16, 17) Edza kufungidzira zvinoita muapostora Johani paanonzwa Jehovha achizivisa kuti: “Tarira! Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.” (Zvak. 21:5) Chokwadi, kuverenga Shoko raMwari zvakadai chinhu chinofadza!
Ramba uchiverenga bhuku rakafuridzirwa, uye uchasvika pakuziva Jehovha soMunhu ane simba uye anotyisa. Uchanzwa uchida kuva pedyo zvikuru noMunhu uyu anotida, anotinzwira tsitsi, anotibatsira kana tikaramba tichiedza kuita zvaanoda tichizvininipisa, uye anotiratidza kuti tingabudirira sei pane zvose zvatinoita.—Josh. 1:8; Pis. 8:1; Isa. 41:10.
Kuwanda kwenguva yaunopedza uchiverenga Bhaibheri, ndiko kukura kwokugutsikana kwauchaita sezvaunokura muzivo yezvinodiwa naMwari kwauri. Asi mufaro wacho uchapfuura kwazvo ipapo. Kana kuverenga kwako kukabatsira paunenge uchishayiwa kuti ungatarisira sei zvinetso nokuchenjera, uchanzwa sezvakaita munyori wepisarema akati: “Zvipupuriro zvenyu zvinoshamisa; saka mweya wangu unozvichengeta.” (Pis. 119:129) Newewo uchafara, sezvaunonzwisisa muMagwaro zvinodiwa zvinobatsira kuumba kufunga kwako nezvido zvako munzira inodiwa naMwari.—Isa. 55:8, 9.
Bhaibheri rinotitungamirira patsika dzinotidzivirira pakukuvadzwa ndokutiratidza nzira yakanaka. Sezvatinoriverenga, tinoona kuti Jehovha ndiBaba vanoziva kuti zvinetso zvipi zvichavapo patinobvuma kukurirwa nezvido zvenyama isina kukwana. Haadi kuti titambure zvinhu zvakaipa zvinotopedzisira zvaitika kana tikazvidza mirayiro yake yetsika dzake dzakanaka kwazvo. Ane hanya nesu uye anoda kuti tive noupenyu hwakanakisisa. Kuverenga kwedu shoko rake kunotibatsira kunzwisisa zvakazara kuti iropafadzo yakadini kuti iye ndiye Mwari wedu naBaba vedu vokudenga.
Verenga Bhaibheri Zuva Nezuva
Nezvomunhu anoverenga Shoko raMwari zuva nezuva munyori wepisarema akati: “Chinhu chipi nechipi chaanoita chichaendika.” (Pis. 1:3) Hungu, pasinei nokusakwana kwedu, pasinei nokugara kwedu munyika yakaipa yaSatani, uye pasinei nokuedza kwaDhiyabhorosi kutibvambura, kugaroverenga nokushandisa zviri muShoko raMwari kuchaita kuti tibudirire muzvose zvine chokuita noukama hwedu naJehovha.
Sezvatinomanikidzwa nezviitiko zvenyika ino yekare, kupinza zvinofungwa noMusiki mumwoyo medu kunyange kwenguva shomanana zuva nezuva kungatipa simba. Vamwe vakaiswa mujeri pamusana pokutenda kwavo vaingogona kuwana ndima shomanana chete dzavaiona dzakanyorwa pano neapo munyaya dzemapepanhau. Vaidzicheka, vodzidzidza nomusoro, nokudzifungisisa. Jehovha akakomborera kushanda kwavo nesimba nokuti vakaita zvavaikwanisa mukupinza zivo inobva muShoko raMwari. (Mat. 5:3) Asi vakawanda vedu tine rusununguko rwakawanda kwazvo kupfuura irworwo. Hatifaniri kugumisa kuti kungoverenga nokukurumidza ndima yeBhaibheri kamwe pazuva, kuchaita zvinoshamisa patiri. Zvisinei, tichakomborerwa, kana tikagadzirisa zvatinofanira kutanga kuita kuitira kuti tiverenge chikamu cheBhaibheri zuva nezuva, tofunga nezvacho, uye tochishandisa muupenyu hwedu.
Kutaura zvazviri, urongwa hwedu hwakanakisisa hungavhiringidzika. Pazvinoitika, tinoisa pakutanga zvinhu chaizvo zvinokosha. Somuenzaniso, hatingaregi kunwa mvura kwezuva rimwe kana maviri nemaune. Saka, pasinei nokuti chii chinoitika muupenyu hwedu hwezuva nezuva, tinofanira kuwana nguva yokuzvizorodza nemvura yechokwadi.—Mab. 17:11.
Verenga Shoko raMwari Rose
Iwe pachako wati waverenga Bhaibheri rose here? Vamwe vakavhunduka nepfungwa yokuverenga kubva kuna Genesi kusvika kuna Zvakazarurwa. Saka vakawanda vaida kuverenga Bhaibheri rose vakatanga nokuverenga Magwaro echiKristu echiGiriki. Panusana pei? Zvimwe nokuti zvaiva nyore kuona kuti mabhuku iwayo eBhaibheri aishanda sei kwavari pachavo vachiedza kutevera tsoka dzaKristu. Kana kuti paiva pamusana pokuti Magwaro echiKristu echiGiriki aisaratidzika seane zvakawanda zvokuverenga—zvaanongoti pfuurei chikamu chimwe muzvina cheBhaibheri rose. Zvino vakati vapedza kuverenga mabhuku 27 iwayo, vakaisa pfungwa dzavo pamabhuku 39 eMagwaro echiHebheru ndokutanga kuaverenga uye kunakidzwa nawo. Pavakazopedza Magwaro echiHebheru, vakanga vave netsika yokuverenga Bhaibheri nguva dzose, saka vakaramba vachidaro, vachiverenga Magwaro echiKristu echiGiriki kechipiri, uye havana kumborega. Kuverenga Shoko raMwari zuva nezuva ngakuvewo tsika yako youpenyu.
Pane mumwe asingagoni kuverenga here, mumhuri kana muungano yenyu? Wadii kuzvipira kumuverengera Bhaibheri nguva dzose? Uchabatsirwa, naiyewo achabatsirwa sezvaanofungisisa pane zvaanonzwa ozvishandisa muupenyu hwake.—Zvak. 1:3.
Nokufamba kwenguva, ungada kuva nezvirongwa chaizvo zvokuverenga kwako Bhaibheri. Zvimwe zveizvi zvingawedzera kunzwisisa kwako kubatana kwakaita zvikamu zvakasiyana-siyana zveBhaibheri. Kana Bhaibheri rako rine mashoko omumucheto, iwaya angakuendesa kumashoko ezvakaitika uye kunhau dzakafanana. Angakubatsira kunzwisisa zvinhu zvakazoita kuti mapisarema akasiyana-siyana anyorwe pamwe netsamba dzakanyorwa nevaapostora vaJesu Kristu. Insight on the Scriptures inopa pfuma chaiyo yemashoko ezvakaitika pavanhu, nzvimbo, uye unhu hunotaurwa muBhaibheri. Machati anoonesa kuzadzika kwouprofita hwomuBhaibheri, anoratidza kuti madzimambo api nevaprofita vakararama panguva imwe chete, uye anopa misi ingangove iri iyo yakaitika zviitiko zvakawanda zvinotaurwa muBhaibheri.
Sezvaunofungisisa pane zvaunodzidza, uchanzwisisa zvikonzero nei zvimwe zvinhu zvakaitika kuvanhu vaMwari. Uchaonawo kuti nei Mwari akabata nevanhu vake sezvaakaita. Uchaona kuti Jehovha anoyera sei zviito zvehurumende, marudzi, uye vanhu vamwe nevamwe. Izvi zvichawedzera kunzwisisa kwako kufunga kwake.
Nhau dzezvakaitika munguva dzeBhaibheri dzichakunakidza kwazvo paunofungidzira nharaunda yakaitikira zvinhu zvacho. Mepu dzomunyika dzinotaurwa muBhaibheri dzinoonesa mamiriro enyika yacho nomufambo uri pakati penzvimbo dzacho. Somuenzaniso, vaIsraeri vakayambuka Gungwa Dzvuku nechepapi? Nyika Yakapikirwa yakanga yakakura sei? Jesu akasvika kure sei achiita ushumiri hwake pasi pano? Muapostora Pauro akaonei panzendo dzake dzoumishinari? Mepu nokutsanangurwa kwenyika yacho zvinopa mashoko achaita kuti kuverenga kwako kunakidze. Ungawana kupi mepu dzomunyika dzinotaurwa muBhaibheri? Dzimwe dziri muShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene. Mabhuku anonzi Insight ane mepu dzinenge 70 uye pakagumira vhoriyamu yokutanga pane indekisi yeMepu inobatsira. Shandisa Watch Tower Publications Index kuwana dzimwe mepu. Kana izvi zvisipo, shandisa mepu dzinobudiswa muNharireyomurindi kuti dzikubatsire pakuverenga kwako Bhaibheri.
MuMagwaro echiHebheru, Mambo Dhavhidhi akarumbidza Jehovha achiti: “Mirangariro yenyu, Mwari, inodikanwa sei neni! Yakakura sei pakuverengwa kwayo!” (Pis. 139:17) MuMagwaro echiKristu echiGiriki, muapostora Pauro akarumbidza Jehovha nokuti “Akapenyera pamwoyo yedu kuti aivhenekere nezivo ine mbiri pamusoro paMwari nechiso chaKristu.” (2 VaK. 4:6) Dhavhidhi naPauro vakararama mazana emakore akasiyana, asi, vose vaifarira Shoko raMwari. Newewo ungarifarira kana ukawana nguva yokuverenga zvose zvawakapiwa naJehovha mumapeji eShoko rake rakafuridzirwa.