RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 5/15 p. 3
  • Unokoshesa Bhaibheri Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unokoshesa Bhaibheri Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Mashoko Akafanana
  • “Tarirai! Murandasikana waJehovha!”
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • “Tarirai! Murandasikana waJehovha!”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Zvatingadzidza Kuna Mariya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Akatsungirira Kushungurudzika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 5/15 p. 3

Unokoshesa Bhaibheri Here?

MAKORE anopfuura 200 chete apfuura, Mary Jones akaberekwa muLlanfihangel, musha uri kure wechiWelsh usiri kure nemhenderekedzo yegungwa yeAtlantic. Vabereki vake vakanga vari varuki varombo—varombo zvikuru zvokusagona kuva neBhaibheri. Asi vakaroverera mumwanasikana wavo kuda Mwari kupfurikidza nokumuudza nhau dzeBhaibheri nokudzokorora magwaro avaiyeuka. Mary aiwanzorava Bhaibheri romuvakidzani rechiWelsh ndokutanga kuchengeta mari duku yaaigona, akatsunga kutenga rake amene.

Mugore ra 1800, apo Mary akanga ava namakore 16, akanzwa kuti maBhaibheri mashomanene echiWelsh aitengeswa kure namakiromita 40 mutaundi duku reBala. Noushingi, iye akasarudza kufamba achienda ikoko. Akaita ikoku, asina chinhu mutsoka achigura makomo. Panguva yaakasvika, zvisinei, makopi ose akanga atengeswa. Mary akazivawo kuti chitsama chemari chaakanga achengeta chakanga chiri chiduku zvikuru kwazvo.

Mufudzi womunzvimbomo akaororwa zvikuru nezivo yaMary nokuda Bhaibheri. Achiona misodzi yake yokuora mwoyo pashure penhamburiko yose yaakanga aita, akamupa nomutsa kopi yake amene yomunhu oga, achiti: “Sanoirava, ifunde nokushingaira, chengeta mashoko anoyera muyeuko yako, uye rarama mukuwirirana nedzidziso dzayo.”

Iyi nhau yakarondedzerwa gare gare pamusangano weCommittee of the Religious Tract Society of London. Ipapo chisarudzo chakaitwa chokugovera shanduro dzeBhaibheri kwete chete kuvanhu veWales asi kunyika yose. Paaya mavambo akapfava pakatanga rokutanga ramasangano akawanda eBhaibheri ezana ramakore rechi 19. Pashure paikoko, makopi emitauro yokumwe eBhaibheri akavamba kuoneka nouwandu hunowedzera.

Nhasi, Watch Tower Bible and Tract Society, yakanyoreswa muna 1884, inotsikirira maBhaibheri neyamuro dzefundo yeBhaibheri mumitauro inopfuura 200. Munyika yose, yakaparadzira makopi ane mamirioni 72 eNew World Translation of the Holy Scriptures yomutauro wazvino uno. Yakashandurwa kubva muchiHebheru nechiGiriki zvapakuvamba, New World Translation zvino inowanika yakazara kana kuti murutivi mumitauro 18 uye panguva ino iri kushandurirwa mundimi dzokuwedzera 12.

NeBhaibheri zvino rinowanika kuanodokuva munhu ari wose, unorirangarira sei? Ukoshesa Bhaibheri here? Une kopi yaunokoshesa ndokurava here?

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

Wakabva mubhuku rinonzi The Story of Mary Jones and Her Bible

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe