‘Peji Imwe Ingaboora Rima Senyeredzi’
NHASI, shanduro dzaMagwaro Matsvene dzinowanika munodokuva munzvimbo iri yose. Zvisinei, hondo pamusoro peBhaibheri kazhinji kazhinji dzave dziri nhau dzinokosha zvikuru.
Mubhuku rinonzi Fifteenth Century Bibles, Wendell Prime akanyora, kuti: “Makore ane makumi matatu pashure pokutangwa kwokutsikirira, Bvunzurudzo yakanga ichishanda zvinobudirira zvakakwana muSpain. Pavanhu 342 000 vakarangwa nayo munyika iyoyo 32 000 vakapiswa vari vapenyu. Rakanga riri Bhaibheri rakavaunza kumarimi okufira kutendeka. Ichi chinoparadza chaityisa zvakaenzana muItaly, kwose kuri kuviri kuchamhembe nokumaodzanyemba. VaBishopi vakuru, vachiyamurwa neBvunzurudzo, vakanga vari mwoto inoparadza nokuda kwezvose zviri zviviri maBhaibheri navaravi vawo. Nero akaita kuti vamwe vaKristu vapenye sezviedza munyika kupfurikidza nokuvapisa nomwoto, kusonerwa mumasaki, kufukidzwa nebhitumini, kuvashandisa samakenduru okuvhenekera chiono chemitambo yake yakaipa. Asi migwagwa yamaguta eEurope yakapenya nemwoto mikuru yeBhaibheri. MaBhaibheri akanga asina kufanana navaravi vaigona kuitwa varombo, kubviswa zvipefeko, kutambudzwa, kuremedzwa ndokuraswa. Kunyange peji inopukunyuka ingaboora kusviba kweiri rima senyeredzi.” (Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.)
Izvo munyori Prime anorondedzera zvakaitika zvomenemene muchinoitika chepeji yeBhaibheri yakaiswazve pano. Ipeji yokupedzisira, ndiko kuti, peji yokupedzisira yebhuku ine runyoro runozivisa mushanduri. Zvikamu zviviri zvakavambirana zviri pamusoro pendima dzokugumisa dzeApokirifa, kana kuti bhuku raZvakazarurwa.
Pamusoro peiri bhuku, The Cambridge History of the Bible inoti: “Shanduro yaBonifacio Ferrer yeCatalan yeBhaibheri yakatsikirirwa muValencia, 1478; makopi ose anowanika akaparadzwa neBvunzurudzo pamberi pa 1500, asi peji imwe iripo muHispanic Society yeimba yamabhuku yeAmerica.” (Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.)
Wendell Prime akatiwo: “Kuvafundisi vakatyiswa kwakanga kusina maBhaibheri akanaka asi maBhaibheri akapiswa. Iyi mwoto mitsvene yakanga yave iri yenguva dzose zvikuru kwazvo uye yakajeka asi kungadai kwakagona kuva nemwoto yakawanda kudai vaigona kuwana maBhaibheri akawanda okupisa. Munzvimbo dzakawanda makanga musina mwoto mikuru yeBhaibheri nemhaka bedzi yokuti chiremera chakanga chakangwarira kwazvo zvokuti kwakanga kusina maBhaibheri okupisa.” Pasinei zvapo nenhamburiko dzakakomba dzakadaro dzokuparadza maBhaibheri akaitirwa donzo vanhuwo zvavo, makopi akawanda akapukunyuka ruparadziko. Prime akawedzera, kuti: “MaBhaibheri akachengetwa kupfurikidza nokutakurwa nenhapwa, kana kuti kupfurikidza nokuvanzwa kufanana namabwe namatombo zvinokosha munguva yenhamo nengozi.”
Muporofita waMwari Isaya akanyora, kuti: “Nyama yose uswa, . . . uswa hunooma, ruva rinosvava; asi shoko raMwari wedu richagara nokusingaperi.” (Isaya 40:6, 8) Mumazana amakore akapfuura, mapoka avadi veBhaibheri navashanduri vane ushingi vakawanda vakapinza mungozi zvakawanda ndokutambura zvikuru kwazvo nokuda kweShoko raMwari. Bva, nhamburiko dzavanhu dzoga dzingadai dzisina kutongogona kuvimbisa kuchengetwa kwaro. Nokuda kwouku kuchengetwa, tinoonga Munyori weBhaibheri, Jehovha.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 7]
Courtesy of The Hispanic Society of America, New York