Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Sezvo maKristu asingabhejeri mari, angagamuchira matikiti kana kutora rutivi mumitambo umo angawina mibairo here?
Uyu mubvunzo wakamuka panguva nenguva, naizvozvo wakatokurukurwa muzvinyorwa zvedu. Mumimwe mitauro, takaita kuti indekisi dzamabhuku edu dziwanike, zvakadai seWatch Tower Publications Index 1930-1985 (uye imwe yakafanana inofukidza 1986-1990). Kana muKristu ane indekisi dzakadaro mumutauro wake, idzodzi dzinogona kubvumikisa kuva dzinobetsera zvikuru mukuwana mhinduro dzinogutsa nokukurumidza.
Mubvunzo wabvunzwa pamusoro apa muenzaniso. Achitarira muIndex ya 1930-1985 pasi pomusoro unoti “Mibvunzo Inobva Kuvaravi,” mumwe anowana musoro muduku unoti “‘mitambo,’ muKristu angagamuchira tikiti rayo here?” Muravi anonongedzerwa kuchikamu che“Mibvunzo Inobva Kuvaravi” chiri muNharireyomurindi yechiNgezi yaFebruary 15, 1973, peji 127. Zvapupu zvakawanda zvine bhaundi vhoriyamu (kana kuti zvinyorwa zvimwe nezvimwe) zveNharireyomurindi yechiNgezi ya 1973, kana kuti inganzverwa muraibhurari yeHoro dzoUmambo dzakawanda.
Kurukurirano yakabudiswa muna 1973 yakaonesa kuti maKristu anodzivisa nenzira yakarurama kubhejera kupi nokupi kana kuti mitambo izvo zvinobatanidza kutenga mabanza (zvakadai samatikiti erotari) kana kuti kushandisa mari nokuda kwebanza rokuwina mubairo wakati. Zvichitaurwa nenzira yakajeka, tinodzivisa kubhejera, uko kuri zvamazvirokwazvo kuratidzirwa kwamakaro.—1 VaKorinte 5:11; 6:10; VaEfeso 4:19; 5:3, 5.
Chitoro kana kuti bhizimisi, kunyanguvezvo, chingashandisa mitambo somutoo wokuzivisa. Izvo munhu anofanira kuita bedzi kupa zita rake kana kuti kutumira fomu kana kuti tikiti, asingatengi chinhu chipi nechipi. Mutambo wacho rutivi rwamazano okuzivisa; unorongedzerwa kuva mutoo usingasaruri wokusarudza kuti ndiani achapiwa mubairo kana kuti mibairo. MaKristu akati anganzwa kuti angagona kugamuchira mubairo mumutambo uyo usingabatanidzi kubhejera, sezvo angagona kugamuchira mifananidzo yapachena kana kuti zvimwe zvipo izvo bhizimisi kana kuti chitoro chingashandisa mupurogiramu yaro yokuzivisa.
Zvisinei, mamwe maKristu aizodzivisa chinhu chipi nechipi chourwu rudzi, asingadi kugumbura kana kuti kuvhiringidza vamwe uye achitsvakawo kuti arambe ari kure nenyengedzo ipi neipi yokuvimba naanonzi Mai Vemhanza. Sokuratidza kunoita Isaya 65:11 (NW), vabatiri vaMwari havazvibatanidzi vamene na“mwari weMhanza Yakanaka” kana kuti “mwari weJambwa.” Vangarangarirawo kuti vaisazoda kuva rutivi rwokuzivisa kupi nokupi uko vakundi vangadikanirwa kugoverana makuri. Avo vanorangarira nenzira iyoyi zvamazvirokwazvo havafaniri kutsoropodza muKristu kana kuti maKristu ane hana inovabvumira kubatanidzwa mumitambo yakadaro.—Enzanisa naVaRoma 14:1-4.