‘Kutsvaka Mashoko Anofadza, Mashoko Akarurama’
“MUKOKORODZI akatsvaka kuwana mashoko anofadza nokunyorwa kwamashoko akarurama ezvokwadi.” (Muparidzi 12:10, NW) ‘Mashoko anofadza, akarurama’ akavakirwa paMagwaro akafuridzirwa anogona kuva anokosha sei! Iwo anoenzaniswa na“matamba endarama mumidziyo yesirivha,” ano unyanzvi uye ane chiremera panhambo ipi neipi uye anokosha mumigariro inotambudza.—Zvirevo 25:11.
Muzuva redu Mukokorodzi Mukuru, Jesu Kristu, akagovera pfuma yomudzimu inopfuura zvikuru iyo yakafarikanywa navanhu vaMwari mumadzimambo ekare aIsraeri. (Mateo 12:42) Kwaanopfuura makore ane zana, mashoko anofadza, akarurama ezvokwadi anofukidza rutivi rwuri rwose rwoupenyu akapiwa muzvinyorwa zveWatch Tower Society uye akaparadzirwa zvakafara mumitauro yakawanda. Mhuri dzakawanda navanhu vamwe navamwe nokudaro vakakwanisa kuunganidza mumisha yavo vamene raibhurari yamabhuku enongedzero akavimbika ayo anonangidzira ngwariro paBhaibheri. Mukuwedzera, ungano zhinjisa dzeZvapupu zvaJehovha dzine maraibhurari akaisvonaka okushandisa paHoro dzoUmambo dzazvo.
Bva, kuwana mashoko anofadza, akarurama anodikanwa nokuda kwomugariro wakati kunodazve kunzvera. Ichiziva izvozvi, chibviro chapakuvamba munhau yayo, Watch Tower Society yakabudisa maindekisi kuzvinyorwa zvayo.—Ona bhokisi pamapeji 28 ne 29.
Muitiro Mutsva
Gore ra 1985 rakavamba nhambo itsva munhau yeWatch Tower Publications Indexes. MaIndex mapfumbamwe apamberi pezvi akabatanidzwa ndokutsinhiraniswa muvhoriyamu imwe inofukidza 1930 kusvikira kuna 1985, basa raida makore 14 okushanda kwomunhu kwenhamburiko. Betsero dzeIndex yevhoriyamu imwe yakadaro inofukidza makore akawanda dzakatungamirira muna 1986 kumuitiro mutsva, uya wokubudisa maIndex anowedzerwa kuvambira panguva iyeyo zvichienda mberi. Gore rimwe nerimwe, kazhinji kazhinji mukati mamakore mana anotevedzana, bhurocha rinowedzerwa reIndex richafukidza makore erimwe, maviri, matatu, uye ipapo mana. Makore mashanu ari ose Index yakasungwa zvakasimba ichabatanidza maIndex ose kuvambira muna 1986 zvichienda mberi, zvakadai sa 1986-90, 1986-95, uye zvichingodaro. Nokudaro, hakusati kuri madikanwa kuongorora maIndex anopfuura matatu: 1930-1985 Index, Index yakasungwa zvakasimba yazvino, uye bhurocha razvino.
Index Yakagadzirirwa Uchirangarirwa
Chikamu chokutanga chomuIndex imwe neimwe iindekisi yenhau. Mukugadzirira indekisi yenhau, mibvunzo miviri inorangarirwa: (1) Mashokoi anofanira kuiswa muindekisi? (2) Ndokupi uko mumwe munhu angatsvaka mashoko iwayo?
Somuravi, hausati uchizowanzofarira kuwana tsinhiro duku iri yose panhau. Sezvo kazhinji kazhinji uchitsvaka mashoko anokosha kana kuti anobetsera chaizvoizvo, iwaya ndiwo anosarudzwa nokuda kwokuisa muindekisi. Asi mashoko akadaro haafaniri kuva akawanda. Kamusoro keIndex kangagona kunongedzera kumuduku somutsetse mumwe wamashoko, zvakadai sokutaurwa kwomuitiro weSosaiti panhau. Kana kuti kangagona kubatanidza nyaya yose, kunyange chinyorwa chose. Kazhinji kazhinji, zvisinei, kamusoro kanotungamirira kundima dzinoverengeka dzekurukurirano.
Mubvunzo wouko nongedzero dzinofanira kuwanika muIndex unokosha zvakaenzana, nokuti varavi vanofunga zvakasiana uye vachitarira pasi pemisoro yakasiana. Somuenzaniso, mashoko pamusoro peTower of Babel anooneka pasi peTOWER OF BABEL. Asi vamwe varavi vangatarira pasi peBABYLON, ARCHAEOLOGY, kana kuti LANGUAGE(S), kuchitsamira parutivi rwenhau iri yefariro kwavari. Nokudaro, nhamburiko dzinoitwa dzokudzokorora nongedzero pasi pemisoro yakasiana-siana yakakodzera, tichirangarira kuti varavi ndevemhatsa yamazera nemigariro, uye ivo vane madonzo akasiana-siana.
Kukubetsera Kunogona Kuita Index
Kufanana nemapu Index inogona kukubetsera bedzi kana ukaishandisa. Chii chaunofanira kukarira kuwana muindekisi yenhau kana kuti zvimwe muchikamu cheindekisi yaMagwaro icho chinoitevera?
Nongedzero dziri muchikamu cheindekisi yaMagwaro ndedzokumashoko anotsanangura ndima dzimwe nedzimwe. Ungawana kutsanangurwa kwomugariro umo mashoko orugwaro akataurwa, nei akanyorwa, akashanda kuna ani, kana kuti revo yamashoko mamwe namamwe kana kuti zvitsama zvamashoko. Muenzaniso ungava chikumbiro chiri mumunyengetero womuenzaniso waJesu: “Musatipinza mumuedzo.” (Mateo 6:13, NW) Neiko chakataurwa nenzira iyoyo? Indekisi yaMagwaro ichakubetsera kuwana.
Indekisi yenhau, sezvinoreva zita rayo, iindekisi zvikurukuru yenhau panzvimbo peyamashoko kana kuti zvitsama zvamashoko. Pakuedza kuwana nyaya nomusoro wayo, vamwe varavi vakava nechitambudzo chokuiwana. Ichi chinetso chinogona kutanga apo kunenge kusina shoko riri mumusoro rinozivisa chaizvoizvo nhau yacho. Muenzaniso ungava nyaya inoti “How Much Is Too Much?,” iyo yakakurukura miuyo yezvinodhaka. Uchiyeuka zviri mukati menyaya yacho, ungatendeukira kuALCOHOLIC BEVERAGES kana kuti DRINKING muIndex, uye ungaiwana ichinongedzerwa imomo.
Index inogona kuva youkoshi chaihwo mukuwana mashoko pazvinetso zvaungatarisana nazvo. Somuenzaniso, kana uri mubereki, pane dzimwe nguva unonzwa uchikangaidzwa munhamburiko yako yokuranga nokutungamirira vana vako here? Pasi paCHILDREN uchawana nongedzero kuzvakawanda zvinogovera nzwisiso mukufunga kwavo, mirangariro, uye zvinodikanwa. Bva, pasi pomusoro unoti CHILD TRAINING, uchawana nongedzero dzokudzidzisa nokuranga mumativi adzo ose.
Watch Tower Society padzimwe nguva inogamuchira zvikumbiro zvakanyorwa zvebetsero mukupedza zvinetso zveroorano kana kuti mibvunzo pamusoro poukodzeri hwekwamirano dzeroorano dzakati. Nepo Sosaiti ingakwanisa kupindura, zano rimwe chetero rinotapura rinoshanda, rinogona kuwanwa kupfurikidza nokutendeukira kumusoro unoti MARRIAGE, nemisoro miduku yawo “problems” uye “sex” kana kuti “sexual relations,” uye kutarira nongedzero dzakarongwa.
Tsamba dzinogamuchirwawo dzinobva kuavo vanotambura kuora mwoyo kana kuti nhamo yendangariro. Kurudziro nebetsero zvinogoverwa netsamba dzingawanwa nokukurumidza zvikuru muraibhurari yako umene kana kuti iyo iri kuHoro yoUmambo kupfurikidza nokunzvera misoro inoti DEPRESSION uye MENTAL ILLNESS muIndex. Nyaya dzinotsanangura nzira yokugonana nayo nezvirwere zvendangariro, kurapa kunowanika, uye zvinoitika zvinosiririsa zvaavo vakaodzwa mwoyo dzinonongedzerwa kwadziri.
Iwe uri pwere here? Ungava neitiro hanya pamusoro peroorano, upenyu hwemhuri, chikoro, ukama hwako navabereki vako, uye zvichingodaro. Musoro mukuru YOUTHS une nongedzero pasi peiyi misoro miduku yose nemimwe. Mukuwedzera, misoro yakadai saRELATIONSHIPS, SCHOOLS, CAREER, uye COURTSHIP ine zvakawanda zvikuru zvokupa. Nokuda kwemishumo yechikoro, Index inogona kukutungamirira kumashoko akaisvonaka pamusoro pechisiko, sayenzi, mirimo, economics, uye mimwe misoro yakawanda.
Betsero Dzamapoka Ose Ezera
Mumwe mukadzi ane makore 81 okukura akanyora kuti: “Mabhuku namagazini mugodhi wendarama wamashoko nesimba romudzimu—uye Index inounza ndarama pamusoro.” Mumwe mai ane vana vane makore masere namapfumbamwe ezera akati: “Zvino ndinoshamisika kuti ndakambokuita sei ndisinayo. Yakanditungamirira kumhinduro kuyakawanda yemibvunzo yandakashamisika pamusoro payo kwenguva refu uye yakaita kuti nzvero mukati mokugadzirira nokuda kwemisangano yeungano ive iri nyore zvikuru. . . . Ndingadawo kukuudzai kuti ichi chinyorwa chakabetsera sei fundo yedu yemhuri yeBhaibheri. . . . Apo murume wangu anopa vasikana chisarudzo cheicho vangada kuita, ivo kazhinji kazhinji vanoda kuita nzvero vachishandisa iyi Index. Ivo vanofarikanya kuwana nhau yavanofarira, zvakadai semhuka dzavo dzavanoda kana kuti nyika dzakasiana-siana, uye vanokwanisa kuwana mashoko nebetsero duku zvikuru. Ikoku kwakavadzidzisawo kuti fundo yeBhaibheri inofadza.”
Kunzvera nokuda kwamashoko anofadza namashoko akarurama ezvokwadi kune tuso dzinokosha. Nhamburiko dzoMukokorodzi dzakagovera betsero dzinopfuura donzo rake rapakuvamba, nokuti mashoko akadaro akabatira kukurudzira nokutungamirira vabatiri vaJehovha kusvikira kuzuva rino. Nhamburiko dzedu dzinowirirana dzinounzawo chikomborero chaJehovha, nemiuyo ingagara nokusingagumi.—Zvirevo 3:13-18, 21-26.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 28, 29]
Indekisi Dzapakuvamba
Muna 1902 chinyorwa chaicho cheHolman Parallel Edition Bible chakabudiswa nokuda kweWatch Tower Society, uye chaiva nebetsero huru dzakagadzirirwa neSosaiti. Wedzero yayo yaiva nezvose zviri zviviri indekisi yenhau neyaMagwaro kunhevedzano yeMillennial Dawn yamabhuku (gare gare yakazivikanwa seStudies in the Scriptures), mabhukwana makuru maviri, uye Zion’s Watch Tower ya 1879-1901.
MaBhaibheri eBherea a 1907 uye pashure paikoko akagovera maindekisi akafanana. Iwaya akatsiviwa muna 1922 namaindekisi makuru kuzvinyorwa zvose zveSosaiti. Aya maindekisi akaoneka murokupedzisira ramavhoriyamu manomwe okutsikirirwazve eWatch Tower (1879-1919). Kusvikira kuzuva rino wapashure ndiwo mutoo mukuru wokuwana nawo mashoko akapiwa muzvinyorwa zvapakuvamba zveWatch Tower Society.
Kwamakore 40 akatevera, zvisinei, nzvero muzvinyorwa zvakabudiswa pashure pa 1919 yaifanirwa kuitwa nokushandisa maindekisi akapararira ari mushure mamabhuku uye muchinyorwa chokupedzisira chamagazini chegore rimwe nerimwe. Asi muna 1959 Sosaiti yakaita basa guru rokugovera indekisi yenhau naMagwaro muvhoriyamu imwe nokuda kwezvinyorwa zvayo zvechiNgezi. Boka rakaunganidzwa iro rakabatanidza mitezo yavashandi vapadzimbahwe, vafundisi vakapedza kufunda veWatchtower Bible School of Gilead, uye kunyange vatariri vanofambira vakabva kuNew York City. Pashure pegore nehafu renhamburiko yakakomba yakaitwa navashandi vakazvitsaurira 18, Watch Tower Publications Index yokutanga, nezvikamu zvenyaya dzakakurukurwa namagwaro akatsanangurwa, inofukidza makore 31 kuvambira muna 1930 kusvikira kuna 1960, yakabudiswa. Iyoyo yakatanga kubudiswa kuvateereri vakafadzwa pamaGungano aVanamati Vakabatanidzwa a 1961.
Chifo chenguva iyoyo, Watch Tower Publications Index yakaoneka muchiNgezi gore riri rose, neIndex inowedzerwa yakasungwa zvakasimba makore mashanu ari wose.