RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 6/15 pp. 28-31
  • Unoremekedza Nzvimbo Yenyu Yokunamatira Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unoremekedza Nzvimbo Yenyu Yokunamatira Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nzvimbo Dzapakuvamba Dzokunamata kwechiKristu
  • Kushandisa Nzvimbo Yedu Yokunamatira Nenzira Yakafanira
  • Nguva Nenzvimbo Zvakagadzwa Zvokunamata Jehovha
  • Varume Vanogadza Muenzaniso
  • Nzvimbo Dzekunamatira
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Unorangarira Sei Horo Yenyu yoUmambo?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Iyi Ndiyo Nzvimbo Yedu Yokunamatira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Ngatichengetei Nzvimbo Yedu Yokunamatira Yakanaka
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 6/15 pp. 28-31

Unoremekedza Nzvimbo Yenyu Yokunamatira Here?

“Kubvira pamavambo amene eevhangeri, maKristu nguva dzose akanga ane nzvimbo yawo yakarongwa neyasarudzwa yokunamata kwoumwari.”—“Primitive Christianity,” rakanyorwa naWilliam Cave.

VANHU vaMwari nguva dzose vakafarira kuungana pamwe chete nokuda kwokunamata. Ikoku kwakanga kwakadaro muzana ramakore rokutanga sezvakuri zvino. Vanyori vapakuvamba navafundisi, vakadai saLucian, Clement, Justin Martyr, uye Tertullian, vose vanobvuma kuti maKristu akanga ane nzvimbo chaidzoidzo uko aiungana kuti anamate pamwe chete pahwaro hwenguva dzose.

Bhaibheri rinosimbisa pfundo rimwe chetero, richiita nongedzero zhinji kumisangano yenguva dzose yaiitwa namapoka amaKristu. Aya mapoka aizivikanwa seungano. Ikoku kwakanga kwakafanira nemhaka yokuti shoko rokuti “ungano” mumitauro yapakuvamba yeBhaibheri rinoratidzira boka ravanhu vakaungana pamwe chete nokuda kwedonzo rakati kana kuti mubato.

Nzvimbo Dzapakuvamba Dzokunamata kwechiKristu

MaKristu omuzana rokutanga ramakore aiitei apo aiungana pamwe chete? Bhaibheri rinorondedzera chiverengero chakati chemisangano yakadaro uye rinoratidza kuti kudzidzisa rwakanga rwuri rutivi runokosha. (Mabasa 2:42; 11:26; 1 VaKorinte 14:19, 26) Purogiramu dzedzidzo dzairongwa, nehurukuro, kurondedzerwa kwezvinoitika zvinokurudzira, uye kusanorangarirwa kwetsamba dzaigamuchirwa kubva kumutumbi unodzora muJerusarema kana kuti kubva kumuapostora.

Pana Mabasa 15:22-35 (NW), tinorava kuti pashure pokunge imwe tsamba yakadaro kuboka ramaKristu muAntiokia yaraviwa, Judhasi naSirasi “vakakurudzira hama nehurukuro dzakawanda ndokudzisimbisa.” Imwe nhauro inotaura kuti apo Pauro naBharnabhasi vakasvika kuAntiokia “uye vakanga vaunganidza ungano pamwe chete, vakapfuurira kurondedzera zvinhu zvakawanda izvo Mwari akanga aita kupfurikidza navo.” Kunyengetera kuna Jehovha rwakanga rwuriwo rutivi runokosha rwemisangano yechiKristu.—Mabasa 14:27, NW.

Nzvimbo uko ungano dzomuzana rokutanga ramakore dzaiungana nokuda kwokunamata zvakanga zvisati zviri zvivako zvamaoresa kufanana nedzakawanda dzechechi dzechiKristudhomu nhasi. Zvikurukuru, maKristu apakuvamba aisangana mumisha yavanhu. (VaRoma 16:5; 1 VaKorinte 16:19; VaKorose 4:15; Firemoni 2) Kazhinji kazhinji imba yapadenga kana kuti kamuri rapamusoro romusha womunhu raishandiswa. Makanga muri mukamuri rapamusoro umo Chirairo chaShe chakaitwa. Makanga muriwo mukamuri rapamusoro umo vadzidzi 120 vakazodzwa nomudzimu mutsvene paPentekosta.—Ruka 22:11, 12, 19, 20; Mabasa 1:13, 14; 2:1-4; 20:7, 9.

Nhasi Zvapupu zvaJehovha zvinotevera muenzaniso wakatangwa navaapostora. Zvinoshandisa nzvimbo dzemisangano dzinozivikanwa seHoro dzoUmambo. Imomo zvinorovedzwa savaparidzi vamashoko akanaka oUmambo hwaMwari. (Mateo 24:14) PaHoro yoUmambo, zvinofundawo Magwaro, zvinonyengetera, uye zvinokurudzirana. Ikoku kunotsinhirana nezano reBhaibheri riri pana VaHebheru 10:24, 25, rinoti: “Ngatirangarirane, timutsane mwoyo kuti tive norudo namabasa akaisvonaka, tisarega kuungana kwedu, sezvinoita vamwe, asi tirairane; zvikuru zvamunoona kuti zuva roswedera.”

Kushandisa Nzvimbo Yedu Yokunamatira Nenzira Yakafanira

Unoyeuka mashoko omuapostora Pauro here, anoti: “Mwari haazi Mwari wenyonganiso, asi worugare” uye, “Zvinhu zvose ngazviitwe nomutoo wakafanira zvine mirairo yazvo”? Kana ukanzvera mashoko akapoteredza aaya mashoko, uchawana kuti Pauro akanga ari kukurukura mutoo uyo misangano yechiKristu inofanira kuitiswa nawo. Somunguva yavaapostora, maKristu nhasi anova nechokwadi chokuti misangano yawo ine nhevedzano uye yakasanorongwa.—1 VaKorinte 14:26-40.

Chinyorwa chechiNgezi chaOctober 15, 1969, cheNharireyomurindi chakati: “Mugariro womudzimu paHoro yoUmambo ndowapachokwadi, uchibva mukufarira chaikoiko kunamata kwechokwadi nomuraidzo weBhaibheri. Uye mhoteredzo dzinofadza, dzomuzvarirwo muhoro dzinokurudzira avo varipo kuva vakasununguka nevane ushamwari, vasingaganhurirwi norusuruvaro rwechienzi runogombedzerwa.” Chokwadika, ngwariro inoshandiswawo zvokuti kushandiswa kweHoro yoUmambo kunoratidzira nguva dzose ruremekedzo nechiremera.

ChiKristudhomu chakaratidzira kushaikwa kukuru kworuremekedzo muiyi nharaunda. Mamwe masangano orudzidziso anoshandisa nzvimbo dzawo dzokunamatira senzvimbo dzenzanga dzevaraidzo. Dzinova nekonzati dzenziyo dzorudzidziso dzerock, makamuri okusimudza masimbi, mabilliard, makirechi, uye mabhaisikopo anoitirwa muchivako. Imwe chechi yakanga ine makwikwi amatsimba sorutivi rwepurogiramu yavo. Ikoku kwaisazotongotsinhirana nomuenzaniso wakagadzwa navaapostora.

Kudai ungano ipi neipi yakaita nenzira isina kufanira, ruramiso yakanga yakakodzera. Somuenzaniso, vamwe muungano yechiKristu muKorinte vakanga vachikushandisa kuchengetwa kweChirairo chaShe senhambo yokudya nokunwa. Ivo vaiuya nechirairo chavo kuti vadye pamberi kana kuti mukati momusangano, vamwe kunyange kunyanyodyisa nokunyanyonwisa. Zvirokwazvo ikoku kwakanga kusina kukodzera. Muapostora Pauro akavanyorera, kuti: “Ko hamuna dzimba kwamungadyira nokunwira here?”—1 VaKorinte 11:20-29.

Mutsinhirano nezano raPauro, Zvapupu zvaJehovha zvinovavarira kutarisira nhau dzomunhu oga kumusha kana kuti kune imwe nzvimbo panzvimbo pokuHoro yoUmambo. Sezvinobvumwa, misangano yedu yenguva dzose inogovera banza rakakodzera rokuona chiverengero chakati cheshamwari panguva imwe. Zvisinei, Horo yoUmambo yakatsaurirwa kuna Jehovha, naizvozvo inofanira kushandiswa chose chose nokuda kwokunamatwa kwake. Hatishandisi kupinda kwedu ipapo kuronda bhizimisi rokunyika kana kuti kutarisira kupana mari kwomunhu oga.

Kupfuurirazve, Horo dzoUmambo hadzishandiswi neungano nokuda kwepurogiramu dzenhandaro, mibato yokuwana mari, kana kuti mabasa enzanga, zvakadai sokutarisirwa kwavana. Kune dzimwe nzvimbo uko mumwe anogona kutarisira nhau dzomunhu oga nedzebhizimisi dzakadaro.

Vakuru mune imwe Horo yoUmambo vakacherekedza kuti mitezo yeungano yakanga iri kuita muitiro wokukumbira kana kuti kudzorera zvinhu zvakakumbirwa pamisangano. Uyewo, yakanga iri kutsinhana nguva dzose mabhaisikopo ekaseti yevhidhiyo paHoro yoUmambo. Kunyange zvazvo uyu mubato wakanga usati uri worudzi rwezvokutengeserana, vakuru vakaibetsera kuona uchenjeri hwokutarisira idzi nhau kumusha panguva ipi kana ipi apo kwaibvira.

Kudzivisa migariro iyo yaigona kupa murangariro usina kururama uye kuva nechokwadi chokuti Horo yoUmambo inoshandiswa nenzira yakafanira, mumwe nomumwe anofanira kuzvibvunza amene, kuti: ‘Pane nhau dzipi nedzipi dzomunhu oga dzandave ndichitarisira kuHoro yoUmambo idzo dzinogona kutarisirwa kumusha here?’ Somuenzaniso, pakuronga kuvhakacha kana kuti kumwe kuungana kwoushamwaridzani, kwaisazova kuri nani here kukurukura gadziriro dzakadaro kumusha? Tingagona kushandisa runhare kana kuti kushanyira misha yaavo tinoshuva kuonana navo here? Tichishandisa mashoko aPauro, tingagona kuti: ‘Zvamazvirokwazvo tine dzimba dzokutarisirwa kwezvinhu zvakadaro, hatina here?’

Nguva Nenzvimbo Zvakagadzwa Zvokunamata Jehovha

Bhaibheri rinotaura pana Muparidzi 3:1, kuti: “Chinhu chimwe nechimwe chine musi wacho, uye shoko rimwe nerimwe pasi pedenga rine nguva yaro.” Pakupinda misangano paHoro yoUmambo, tinogona kuzvibatikanisa timene mumibato ine chokuita noushumiri hwechiKristu. Inguva yakagadzwa yokunamata Jehovha.

Munun’una kuna amai waJesu Jakobho akapa zano pamusoro pokuratidza chizivano mukati meungano yechiKristu. (Jakobho 2:1-9) Tinogona sei kushandisa iri zano muHoro dzedu dzoUmambo? Kuoneka kwechizivano kungagona kupiwa apo kupfuudzwa kuri pachena kwekokero dzakanyorwa nokuda kwezvinoitika zvoushamwaridzani kunoitwa ipapo. Mune imwe ungano tsika yakanga iri yokuisa kokero dzakadaro mumabhegi amabhuku kana kuti maBhaibheri aavo varipo. Sezvinobvumwa, ikoku kwakakodzera zvikuru kupfuura kutumira kokero nepositi kana kuti kudziendesa kumusha mumwe nomumwe. Zvisinei, avo vasingagamuchiri kokero vanonzwa sei pashure pokucherekedza kuti kokero dziri kupiwa kuvamwe vanhu? Ikoku kungagona kuratidza chizivano here?

Chokwadika, hakufaniri kuva nomutemo worumano unotaura kuti hapana munhu anogona kupa mumwe shoko romunhu oga kana kuti pasuru apo anenge ari paHoro yoUmambo; uyewo hakusati kuri kusina kururama kutaura muHoro yoUmambo pamusoro pemibato yezuva nezuva kana kuti zvinoitika, kukoka mumwe munhu kumusha kwenyu, kana kuti kukumbira mumwe munhu kukukumbanira munhandaro yakati. Asi izvozvi zvinofanira kuva zvinhu zviduku uye zvinoitwa nomutoo wokuchenjera nousingacherechedzwi. Gadziriro dzomunhu oga hadzitongofaniri kuderedza donzo chairoiro rokuva kwedu pamwe chete paHoro yoUmambo, ndiko kuti, kuti tivandudzwe mumudzimu.—Mateo 6:33; VaFiripi 1:10.

Varume Vanogadza Muenzaniso

Vakuru navabatiri vanoshumira nenzira yokushingaira vanogadza muenzaniso mukuratidza ruremekedzo nokuda kweHoro yoUmambo. Kazhinji kazhinji kune mukuru mumwe kana kuti vaviri navabatiri vanoshumira vanogoverwa kutsinhiranisa nhau dzine chokuita nokuchengetwa kweHoro yoUmambo. Uko dzinopfuura ungano imwe dzinoshandisa horo imwe cheteyo, dare ravakuru rinotarisira izvi zvinhu.

Nepo vanhu vakati vachigoverwa zvakananga kuti vatarisire mabasa akadaro, vabatiri vanoshumira vose navakuru vanofanira kuratidzira kufarira horo zvapachokwadi. Vanoziva kuti Horo yoUmambo yakatsaurirwa kuna Jehovha uye inoshandiswa nokuda kwokunamatwa kwake.

Vakuru havafaniri kunonozeka apo kunenge kune kudikanwa kwokugadziridza. (2 Makoronike 24:5, 13; 29:3; 34:8; Nehemia 10:39; 13:11) Mune dzimwe ungano kunzverwa kwenguva dzose kweHoro yoUmambo kunoitwa kuti vatarisire nokukurumidza kugadziridza kupi nokupi kuri madikanwa. Zvinonyorwa zvinochengetwa kuva nechokwadi chokuti migove iri madikanwa iripo uye inowanika. Kana kune nzvimbo yakagadzwa yokuchengeta migove, zvishandiso, uye zvokuchenesa, vakuru vose navabatiri vanoshumira vanofanira kuratidzira kufarira mugariro wayo, vachiva nechokwadi chokuti inochengetwa yakatsvinda. Avo vanoshanda pakaunda dzamabhuku namagazini vanogona kuratidza fariro yavo kupfurikidza nokukurumidza kuona kuti makatoni asina chinhu haasvibisi horo.

Kupfurikidza nokugadza muenzaniso, vakuru navabatiri vanoshumira vanogona kubetsera yasara yose yeungano kuratidzira shingairo nokuda kweHoro yoUmambo. (VaHebheru 13:7) Vose vanogona kuratidza ruremekedzo rwakafanira kupfurikidza nokuva norutivi mukucheneswa kwehoro uye kupfurikidza nokuratidza fariro yapachokwadi muchitarisiko chayo chose zvacho.

Jesu akati pana Mateo 18:20: “Apo pakaungana vaviri kana kuti vatatu muzita rangu, ndiripo pakati pavo.” Hungu, Jesu anofarira zvatinoita apo tinoungana pamwe chete kuti tinamate Jehovha. Ikoku kunobatanidza misangano ipi neipi inoitwa pamisha yavanhu nemisangano mikuru zvakadai sapakokorodzano kana kuti magungano.

Nokuda kwamamirioni eZvapupu zvaJehovha, hakuna nzvimbo inodiwa zvikuru kupfuura nzvimbo yazvo yenguva dzose yokunamata, Horo yoUmambo. Zvinoratidza ruremekedzo rwakafanira nokuda kwenzvimbo iyoyo. Zvinoratidzira mudzimu wokubishaira mukuitarisira, uye zvinovavarira nguva dzose kuishandisa nenzira yakafanira. Iwewo tevera zano iro Jehovha amene anopa: “Ngwarira rutsoka rwako kana uchienda kuimba yaMwari.”—Muparidzi 5:1.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe