Unogona Kuvimba neBhaibheri Here?
KUDAI ukanhonga Bhaibheri, ungakarira kuwana mari here? Zvakadiniko neiyi mari yakare yesirivha?
Vakawanda vanofunga nezveBhaibheri sebhuku rekare rinopa nhau dzechienzi netsika dzinoyemurwa. Bva, havadaviri kuti nhauro dzeBhaibheri inhau yakarurama, naizvozvo vanoramba kuva kwaro Shoko raMwari. Kune, kunyanguvezvo, ufakazi hwakawanda hwokururama kweBhaibheri. Iyi mari (chiono chakakudzwa) muenzaniso wakanaka. Runyoro rwacho runotii?
Mari yacho yakaitwa muTarso, guta riri kurutivi rwokumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweiri zvino Turkey. Mari yacho yakagadzirwa mukati mokutonga kwagavhuna wePersia Mazaeus muzana ramakore rechina P.N.V. Inomuzivisa sagavhuna weruwa “Mhiri kwoRwizi,” ndiko kuti, Rwizi rweYufratesi.
Asi neiko chitsama ichocho chamashoko chichifadza? Nemhaka yokuti uchawana zita rimwe chetero muBhaibheri rako. Ezra 5:6–6:13 inoratidza nyorerano pakati pamambo wePersia Dhariusi nagavhuna anonzi Tatenai. Kwaikurukurwa kwakanga kuri kuvakazve kwavaJudha tembere yavo muJerusarema. Ezra akanga ari munyori ane unyanzvi woMutemo waMwari, uye waizomukarira kuva akananga, akarurama mune zvaakanyora. Uchaona pana Ezra 5:6 na 6:13 kuti akadana Tatenai kuti “gavhuna mhiri kwoRwizi.”
Ezra akanyora izvozvo munenge muna 460 P.N.V., makore 100 iyi mari isati yagadzirwa. Haiwa, vamwe vanhu vangarangarira kuti zita romukuru mukuru wakare hudzame huduku. Asi kana uchigona kuvimba navanyori veBhaibheri kunyange muudzame huduku hwakadaro, izvozvo hazvifaniri kuwedzera chivimbo chako muzvimwezve zvavakanyora here?
Munyaya mbiri dzokutanga dziri muchinyorwa chino, uchawana zvikonzero zvokuwedzera nokuda kwechivimbo chakadaro.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]
Collection of Israel Dept. of Antiquities Exhibited & photographed Israel Museum