Kunamata Satani Munguva Yedu
HAPANA panikiro yokuti Satani anoda kunamatwa. Pakuedza Jesu, iye akapa kwaari tuso huru pamugariro mumwe chete: “Kana ukawira pasi ukandinamata.” (Mateo 4:9) Jesu, chokwadika, akaramba, asi haasi munhu ari wose akatevera muenzaniso wake. Kunamata Satani kwakapararira munyika yedu yazvino uno.
Somuenzaniso, muCanada The Calgary Herald yakabudisa nhevedzano yenyaya pasi pomusoro unoti “Vadzidzi vaDhiabhorosi.” Pepa racho rakanokora mashoko mushumo womuongorori womupurisa, unoti: “Kupfurikidza nebvunzurudzo ndakaziva kuti Usatani hahusati huri chose chose kuboka ripi neripi rakati muchaunga. Mashoko akaunganidzwa neCalgary Police Service neRoyal Canadian Mounted Police anozivisa kuti muCalgary moga mune vanofungidzirwa kuva vaSatani vanoshingaira 5 000.”
Mimwe mishumo yamapepanhau inoratidza kuti sekete yaSatani, muzvimiro zvakasiana-siana, iri kuoneka muUnited States neEurope yose. Kunyange mapurisa anoratidza fariro muUsatani. Neiko? Nemhaka yokuti muzvinoitika zvakawanda ivo vari kuwana batano pakati poutsotsi namasekete asatani. Misi ichangobva kupfuura iyi zvikuru, mumwe mufeyi akanokorwa mashoko saanoti: “Rwatiri kubata narwo rudzidziso navanhu vanodavira marwuri sezvinodavira vamwe muchiKristu, chiJudha kana kuti chiIslam. Dzamuri kuona hadzisi mhaka nokuda kwokupara mhaka, asi mhaka nokuda kworudzidziso.”
Muenzaniso mumwe wakatanhamara wakanga uri kuponda kwakaitwa neboka raManson muCalifornia shure muna 1969. Mukuwirirana napurofesa wenhau Jeffrey Russell, “Manson aitaura kuva zvose zviri zviviri Kristu naSatani. . . . Muteveri waManson Tex Watson akazivisa, paakauya kuzoponda Sharon Tate, ‘Ndiri dhiabhorosi; ndiri pano kuzoita basa radiabhorosi.’” Asi Usatani nguva dzose hahusi pachena saikoku.
Uroyi, Kutenda Midzimu, Uye Mashiripiti
Zvamazvirokwazvo, kunamata Satani hakuna kuganhurirwa kukunamatwa kwakananga kwaSatani nezita. Muapostora Pauro akanyevera, achiti: “Zvinhu izvo marudzi anobaira anobaira kumadhemoni.” (1 VaKorinte 10:20, NW) Uye kunamata madhemoni ndikumwe cheteko chaizvoizvo nokunamata Satani, sezvo Satani achinzi “mubati ushe wamadhemoni.” (Marko 3:22, NW) Miitiroiko ya“marudzi” inogona kuziviswa sokunamata madhemoni, kana kuti kunamatwa kwaSatani? Mashoko aMwari kuna Israeri anotipa mienzaniso: “Pakati pako hapafaniri kuwanikwa . . . unotenda mashura, kana unoita mazango, kana muroyi, kana n’anga, kana unobvunza masvikiro, kana muuki, kana unobvunza vakafa. Nokuti vose vanoita zvinhu izvi vanonyangadza Jehovha.”—Dheuteronomio 18:10-12.
Nokudaro, tinonyeverwa pamusoro pechibairo cheropa nekurukurirano nemidzimu zvinoitwa navaprista vamashiripiti muBrazil kana kuti zvinoitwa namahoungan namamambo veHaiti. Uye tinonyeverwa pamusoro pemiitiro imene yakafanana yeSanteria, inochengetwa namaCuba akatapwa muUnited States. Tinonyeverwawo, pamusoro pavamashiripiti vanotaura kuva vanokurukura nemweya yakafa kuti vanyandure rutyo muvapenyu.—Enzanisa na 1 Samueri 28:3-20.
Uroyi hwakapararira mumativi akasiana-siana eAfrica. MuSouth Africa, somuenzaniso, varoyi vanoshandisa simba guru, uye vanhu vanovarangarira zvakakomba zvikuru. Zvinoitika zvemisi ichangobva kupfuura iyi zvakashumwa mumapepanhau zvaiva zvezvikwata zvaipisa vanhu vari vapenyu avo vakapomerwa kuparira mheni kurova vagari vomumusha biyavo! Varoyi vomunzvimbomo vakapomera vanyajambwa vasina mhaka vaaya mabasa “asiri omuzvarirwo” uye ipapo vakavasungira pamuti kuti vapiswe. Chitendero chakadaro mumashiripiti kana kuti mapipi nenzira yakafanana kunamatwa kwamadhemoni.
Zvisinei, uroyi hahuna kuganhurirwa kuAfrica. Muna 1985, Herbert D. Dettmer, achibatira tongero yomutorongo panzvimbo yokururamisa muVirginia, U.S.A., akapiwa maruramiro neDare roRuwa reEastern District reVirginia okuva nezvipfeko nezvinhu kuitira kuti agogona kushandisa rudzidziso rwake mutorongo. Uye chii chaiva rudzidziso rwake? Mukuwirirana nechinyorwa chedare, iye akanga ari mutezo we“Chechi yaWicca (inozivikanwa navose zvikuru souroyi).” Somuuyo, Dettmer akava namaruramiro apamutemo okushandisa mukunamata kwake surferi, munyu wegungwa, kana kuti munyu usina aidhini; makenduru; zvinonhuwira; wachi inorira; uye chipfeko chichena.
Hungu, mukuwirirana neratidziro, uroyi hwakapararira muMadokero. Pepanhau reBritain Manchester Guardian Weekly rakashuma, kuti: “Makore mashanu apfuura, kwaifungwa kuva kune varoyi 60 000 muBritain: nhasi [1985] chiverengero chacho chinofungidzirwa navaroyi kuva chakakura kusvika ku 80 000. Prediction, magazini yomwedzi nomwedzi yoruzivo rwemitumbi yomudenga namashiripiti ine makopi anokwana 32 000.”
Usatani Nenziyo
Purofesa Russell, mubhuku rake Mephistopheles—The Devil in the Modern World, anokwevera ngwariro yedu kuimwe nzira iyo madonzo aSatani ari kupfuuridzirwa nayo. Iye anonyora, kuti: “Usatani huri pachena hwakanyangarika nokukurumidza pashure pama 1970, asi zvinhu zvetsika dzoUsatani zvakapfuurira kupinda muma 1980 munziyo dzerock ‘dzakasimba’ nokudana kwadzo kwapanhambo nenhambo zita raSatani noruremekedzo rwakati rwezvinokosha zvaSatani zvoutsinye, mirimo, ushati, kuora mwoyo, kuzvigutsa, masimba masimba, mheremhere nenyongano, uye kusafara.”—Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.
Zvichida vaimbi vakabatanidza zvinhu zvoUsatani munziyo dzavo vakanga vasingakoshesi. Ivo vangave vaingoedza zvavo kukatyamadza kana kuti kuva vechienzi. Kunyanguvezvo, vamwe vanhu vasingatani kupesvedzerwa vakatapurwa zvakasimba kwazvo. Purofesa Russell anotaura kuti “paradziro yenguva dzose yakakomba zvishoma yezvakaipa yakava nemiuyo inoshatisa pandangariro dzoupenzi nedzakaneta. Muuyo mumwe wave uri wedzero inokurumidza zvikuru yemhaka dzakaipa zvinokatyamadza, kubatanidza kuchinywa kwavana nokukuvadzwa kwemhuka.”
Chinoitika chemisi ichangobva kupfuura iyi chakakatyamadza vagari veNew York. Mukuwirirana nomushumo wepepanhau, mumwe mukomana ane makore 14 okukura, “apindwa noUsatani,” akabaya amai vake kusvikira kurufu uye ipapo akazviuraya. Mupi wezano wemhuri weCanada akati, sezvakashumwa mumagazini yeMaclean’s, kuti chiverengero chinokura chavechiduku vanonetswa chakabvuma kushandisa “usatani, kazhinji kazhinji mumubatanidzwa nemirimo nemhatsa dzinodzvinyirira zvikuru dzenziyo dzerock dzakasimba.”
Hausi Muitiro Chete Wechinguvana
Muitiro wechinguvana uri kutekeshera muUnited States iko zvino unonzi kusvikirwa. Vanhu kazhinji kazhinji vanobhadhara mazana anoverengeka amadhora kuti vatore rutivi mumarusando umo “mamvura,” ndiko kuti svikiro, rinotaura kuti rinozvipinza rimene (vanamamvura kazhinji kazhinji vakadzi) mukurukurirano nomudzimu womunhu akafa kare kare. Muchinoitika chesvikiro rimwe, pepanhau rakashuma kuti, marusando “anoendeswa panhambo nenhambo nesatellite yeterevhizheni kuzviuru zvavanhu nokukurumidza mumaguta matanhatu.” Iyi kombamiro kusateererwa kuri pachena kwezano reBhaibheri rokudzivisa masvikiro emidzimu navafemberi vezvinoitika. Nokudaro, rudzi rwokunamata runogona kuziviswa sokunamata madhemoni. Uye kufanana nokutenda midzimu kwose, kwakavakirwa panhema yasatani yokuti mweya womunhu haufi.—Muparidzi 9:5; Ezekieri 18:4, 20.
Pesvedzero yaDhiabhorosi Munyika Yakazara Noruvengo
Mugariro unokatyamadza worudzi rwomunhu muzana rino ramakore rechi 20 unoita kuti tishamisike kana pesvedzero yaSatani isingasviki kunotova kure zvikuru. Purofesa Russell anonongedzera pana ikoku apo anoti: “Panguva ino, namatura ezvombo zvenyukireya anofungidzirwa anopfuura nakane makumi manomwe uwandu hunodikanwa kuuraya chipenyu chiri chose chiri pasi pano, tiri kuita nechisimbwa gadziriro dzehondo isati ichizobetsera munhu, rudzi, kana kuti pfungwa asi ichashurikidza zviuru zvamamirioni kurufu runotyisa. Isimbaiko rinotikurudzira kudzika nenzira ine ngozi zvikuru zuva nezuva? Kuparadza kwenyukireya pasi kuchabetsera ani? Simba riya bedzi iro kuvambira pamavambo noutsinye hukuru noruvengo rakada ruparadziko rwenyika.”
Ndiani kana kuti chii chiri simba iroro? Purofesa anopa mhinduro yake amene muawa mashoko: “Dhiabhorosi akarondedzerwa somudzimu uyo unotsvaka kuramba nokuparadza nyika yaMwari kusvikira patambanuko yesimba rake. Simba rinotikusvudzira kushandisa zvombo zvenyukireya haringavi rimwe chetero here neiro nguva dzose rakavavarira kuramba kuva iro rimene? Muiyi njodzi hurusa yenyika yedu, hatigoni kudzinga kubvira kwacho.” MaKristu zvamazvirokwazvo haadzingi kubvira kwacho! Jesu amene akaratidza pesvedzero huru yaSatani panyika ino apo Iye akamudana kuti “mubati ushe wenyika ino.” (Johane 12:31, NW) Richirondedzera chimiro chendangariro chaSatani nhasi, bhuku raZvakazarurwa rinotaura kuti iye “akatsamwa kwazvo, nokuti unoziva kuti uchine nguva duku.” (Zvakazarurwa 12:12) Richinongedzera kuizvo Satani ari kuedza kupedza munguva yedu, bhuku rimwe chetero rinotaura kuti iye ari kushandisa paradziro yamadhemoni kuunganidza vabati ushe venyika ino “pamwe chete kuhondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose.” (Zvakazarurwa 16:14, NW) Aiwa, hatigoni kubvisa pesvedzero yaSatani Dhiabhorosi patinoedza kunzwisisa chikonzero chenzira yokuzviparadza noupengo yorudzi rwomunhu.
Muapostora Pauro akadana Satani kuti “mubati ushe wechiremera chemweya, mudzimu uyo zvino unoshanda muvanakomana vasingateereri,” uye “mwari wetsika ino yezvinhu.” (VaEfeso 2:2; 2 VaKorinte 4:4, NW) Hakushamisi kuti vazhinji vanobvunza kana utsinye hwose hwezera rino resayenzi “rinoziva”—hondo mbiri dzenyika, kuuraya madzinza avanhu muEurope neKampuchea, nzara inosundwa nezvamatongerwe enyika muAfrica, kupesana kukuru munyika yose kworudzidziso nokwamadzinza, ruvengo, kuponda, kutambudza, kuchinjwa kuva matsotsi kworudzi rwomunhu nemirimo, kungodudza zvishomanene chete—kusingagoni kuva kutevera gadziriro yesimba rine simba, rakaipa iro rakatsunga kubvisa rudzi rwomunhu kuna Mwari uye zvichida kunyange kukuzviuraya.
Ndiani, ipapoka, ari Satani? Anodei chaizvoizvo? Chii icho isu somunhu mumwe nomumwe tinogona kuita pamusoro pako? Tinokukumbira kurangarira kurukurirano yeiyi mibvunzo munyaya mbiri dzinotevera.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Vachidzivisa nziyo dzousatani, vanhu vaMwari vanotsvaka varaidzo yakanaka