Pwere Dzanhasi—Ndivananyajambwa Vari Nyore Vokunamata Satani Here?
“KUNAMATA Satani kuri kupararira pakati pepwere,” rakashuma kudaro pepanhau reFinland raFebruary 27, 1993. Mukuwirirana namashoko akawanwa namapurisa eTampere, Finland, matsotsi anobatanidzwa nokutengeswa kwemirimo ari kupinza vechiduku, uye zvikurukuru vasikana, mukunamata kwousatani. Muzvinoitika zvizhinji ava vananyajambwa nemitezo mitsva vana vamakore 10 okukura kusvika ku 15. “Kunamata Satani kwakawana ivhu rakaorera pakati pavaduku vanhasi,” pepa racho rakashuma kudaro.
“Kuuya kutsva kwokunamata Satani hakusati kuchingova muitiro wemuno (muFinland),” pepa racho rakanyevera kudaro. “Somuenzaniso, magazini yeSouth Africa inonzi Star yeJohannesburg yakanyevera mazuva achangobva kupfuura aya kuti kunamata Satani kuri kunyandura pwere dzechichena dzakapfuma dzenyika yacho.” Zvirokwazvo, kunamata Satani mugariro unotyisa wenyika zhinji nokuda kwavabereki pamwe chete navana.
Zvikurukuru, Kunamata Satani kunovimbisa nomutoo wokunyengera kuti uchawana zvakawanda kupfurikidza nezvishomanene. “Namata dhiabhorosi; ita basa rake rakashata, uye mukubhadhara, achakupa zvaunoda. Uye ndicho chikonzero nei vamwe vana vachiwana Kunamata Satani kuchifadza zvikuru,” yakatsanangura kudaro magazini inonzi ’Teen.
“Ndinodavira mukurarama upenyu zvizere zvikuru,” akadaro wechiduku uyo anobvuma kuva mutezo weboka rousatani. “Ndinoona masimba maviri muchisiko: rakanaka nerakaipa. Zvinhu zvose izvo vanhu vanotaura kuti zvakashata ndizvo zvinhu zvinokuita kuti ufare. Zvivi zvinotungamirira kukugutsikana kwomurangariro, kwomuviri nokwendangariro,” akadaro.
Apo mufeyi weDenver, Colorado, U.S.A., nyanzvi mukunamata kwousatani, akabvunzwa chikonzero nei akanga achifunga kuti vaduku vanoratidzika kuva vanotapurwa zvikuru noKunamata Satani, akapindura, kuti: “Handisati ndichizotongokanganwa izvo mumwe muduku wousatani akandiudza. Akati, ‘Chii chiripo chokuraramira? Tichararamira nhasi ndokuita zvatinoda. Hakuna nguva yemberi.’”
Dr. Khalil Ahmad, mutungamiriri wamabasa avachiri kuyaruka paNova Scotia Hospital muDartmouth, Canada, akatsanangura murangariro wake pamusoro pokukwezva kwoKunamata Satani. “Vaduku vari kutsvaka mufaro. Vasina mano, kazhinji kazhinji vanorasikirwa, vanokwezverwa ku[kunamata Satani]. Kunovapa pfungwa yenhema yesimba.”
Chimwe chiremera chamapurisa chakakurumbira pamusoro poKunamata Satani, mufeyi weSan Francisco, chinozivisa chinetso chacho: “Nyika yedu inzvimbo isingaitiri hanya. Tinozviitira hanya timene zvikuru kupfuura mumwe nomumwe. Tinorarama muchaunga chine masimba masimba, chakashata. Vana vanoona ikoko soupenyu hwenguva dzose uye somugumisiro vanopinzwa muKunamata Satani.”
Pwere dzanhasi dzinobatanidzwa zvikuru zvakadini muKunamata Satani? “Vana vari kuzviuraya vamene neshamwari dzavo. Tine chinetso,” akanyevera kudaro Larry Jones, purezidhendi weCult Crime Impact Network uye mumiririri muboka ramapurisa muBoise, Idaho, U.S.A. Mumwe mukuru mukuru wamapurisa, anobva kunyika yeIllinois, uyo anosanocherekedza Kunamata Satani murutivi rwake somupizano wechipurisa wechikoro chapamusoro, akati 90 muzana yepwere dzinotamba nokunamata dhiabhorosi dzinobatanidzwa nemhaka yokuti kamuitiro, asi 10 muzana “inobatwa chose ndokuramba ichinyura.”
Pepanhau rechikoro reBrooklyn, New York, rinonzi School News Nationwide, raJanuary-February-March 1994, muchikamu charo cho“Rudzidziso,” rakanyora nyaya yaiva nomusoro unoti “Chikonzero Nei Kunamata Satani Kuchikwezva Vechiduku.” Rakashuma, kuti: “Pashure pokunge vakomana vaviri varwa mukefiteriya yechikoro chapamusoro, mukundi akasvetuka ndokuratidzira sarupu yechienzi, chibhakera chakapfumbatwa zvakasimba nomunongedzo nezvigunwe zviduku zvakanongedza mudenga. Mudzidzisi wokunyorwa kwemifananidzo aisagona kuziva chikonzero nei vana vazhinji zvikuru vainyora mifananidzo yavanhu vanenge madhemoni nemisoro yembudzi. Uye mabhuku pamusoro pamashiripiti akaramba achishaikwa muraibhurari yechikoro.
“Vana vacho, kutaura idi, vakanga vachitamba nesimba, mashiripiti, chakavanzika choKunamata Satani. Nokuda kwavakawanda, kwakanga kuchivaraidza nokufadza. Nokuda kwavamwe, kwakanga kwakakomba zvikuru—kuchiparira rufu kuna Lloyd Gamble ane makore 17 okukura—uyo akarasikirwa noupenyu hwake mukubayira kwousatani.
“Pashure porufu rwaLloyd nokusungwa kwomunun’una wake ane makore 15 okukura nokuda kwokuponda, vakuru vomunharaunda yeMonroe vakadzidza kunzwisisa zviratidzo izvo zvakanga zvakavanzika zvikuru kare: ‘chiratidzo chadhiabhorosi’ chiratidzo choruoko, mifananidzo yemisoro yembudzi namabhuku ayo akanga achikurudzira fungidziro dzavaduku vacho, tsika nepesvedzero.”
Mishumo inoratidzika kuva isingaperi yavasati vasvika makore 13 navaduku vachiuraya vabereki vavo nemimwe mitezo yemhuri dzavo nemhaka yokunamata Satani. Vana vakaurawa navamwe vana muzviito zvakadaro. Kufanana navakuru vousatani, vana vakaremadza nokuuraya mhuka. Zvipfuyo zvinotambwa nazvo zvemhuri zvakabayirwa paatari dzetsika dzousatani. Hapana nzvimbo yakakwana yokutsikirira kunyange kufukidzwawo zvako kwokuuraya kunoitwa navana avo vakagamuchira rudzidziso rwokunamata Dhiabhorosi.
Iyi mienzaniso yavana inongovawo zvayo kutamba muKunamata Satani here? Avo vakanyura mukunamata Dhiabhorosi vashomanene zvikuru, zvokusawanzowanikwa here? Hakuna kudaro, ndiyo mhinduro yaavo vakanzvera ava vaiti vamashiripiti. David Toma, aichimbova mutevedzeri womufeyi uyo akava mukurukuri anosundira kuchiito, akataura kuti muchikoro chiri chose umo anotaura, anobvunza mubvunzo mumwe chetewo, wokuti, “Vangani venyu imi vana vanoziva nezvemumwe munhu kana vakanzwa nezvemumwe munhu anobatanidzwa mumiitiro yousatani?” Anofungidzira kuti “chikamu chimwe chezvitatu chakazara chavadzidzi vanosimudza maoko avo.”
Mukuwirirana naShane Westhoelter, purezidhendi weNational Information Network, kuvambira pa 30 kusvikira ku 40 muzana yavadzidzi vechikoro chapamusoro vanobatanidzwa murudzi rwakati rwamashiripiti. Mukuwedzera, Westhoelter anobvuma kuti kusvikira ku 70 muzana yemhaka dzose dzinoparwa navaduku vari pasi pamakore 17 vanosundwa nokubatanidzwa mumashiripiti acho.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]
Kunamata Satani kwakawana ivhu rakaorera pakati pavanhu vaduku vanhasi