Ko Satani—Chaiyeiye Here?
KO IWE unodavira kuti Satani aripo here? Kana zvakadaro, kunoratidzika kuti uri rutivi rwavashoma vanoderera. “Pakasvika ma 1980 chitendero muna Dhiabhorosi chakanga chanyangarika kunze kwapakati pavaKaturike vane mwero, vane masimba enenji, maPurotesitendi ane mwero, Eastern Orthodox, maMuslim—uye vanoita manenji vashomanene.” Rinodaro bhuku rinonzi Mephistopheles—The Devil in the Modern World, rakanyorwa naJeffrey Burton Russell.
Haasati ari munhu ari wose, kunyanguvezvo, akarega kudavira kuti Satani chaiyeiye. “Dhiabhorosi achiri mupenyu uye anoshanda munyika,” akadaro Pope John Paul II muhurukuro yemisi ichangobva kupfuura iyi muItaly.
Ko papa akarurama here? Kana zvakadaro, Satani ari munzvimbo yakanaka yokuita zvaanoda munyika. Kana vanhu vasingadaviri kuvapo kwake, ivo havasati vachizomushora. Hakushamisi kuti Cardinal Ratzinger, chiremera chikurusa cheVatican padzidziso, akati: “Dhiabhorosi anogona kupotera muchinhu chake chaanoda, chisingazivikanwi.”
Ko Satani aripo chaizvoizvo here? Kana tichidavira Bhaibheri, tinofanira kupindura kuti hungu! Satani anonongedzerwa kwaari kakawanda nezita muchinyorwa ichocho chakafuridzirwa. Somuenzaniso, munyori weBhaibheri Pauro, achinyevera nezva“vaapostora venhema” uye “vashandi vanonyengera” muungano yechiKristu, akanyora, achiti: “Uye hakushamisi, nokuti Satani amene anoramba achizvishandura amene kuva ngirozi yechiedza.” Pauro akarangarira Satani somunhu akangwara, anonyengera.—2 VaKorinte 11:13, 14, NW.
Neiko, ipapoka, kwakadaro kuti kuvapo kwaSatani hakurangarirwi zvakakomba navanhu vazhinjisa nhasi? Sezvingabvira, kuratidzirwa kwomudzimu wezera. Sezvatinorarama muiyo vamwe vakadana kuti nguva yapashure pechiKristu, kusatenda kuvapo kwaMwari, kudavira kuti mufarwa ndiwo chinhu chikurusa, kudisa zvenyika, uye chikomonizimu zvakatsiva kutenda kworudzidziso muzvaunga zvakawanda. Mamirioni avanhu haasati achadavira muna Mwari, achirangarira kuvapo kwake sokusiri madikanwa kuuzivi hwavo hwomunhu oga. Uye ivo vakarasa Satani pamwe chete naMwari. Vamwe vanhu vorudzidziso vari muchiKristudhomu, kunyange zvazvo vachiti vanodavira muna Mwari, vanorangarira kuti chitendero muna Satani hachiwirirani nomusi muzana rino ramakore rechi 20.
Kunokosha, zvisinei, kuti kuramba Mwari hakusati kuchitongova kutsva. Makore 3 000 apfuura, mudetembedzi wechiHebheru Dhavhidhi akanyora, kuti: “Benzi rakati mumwoyo maro: ‘[Jehovha (NW)] haako.’ Vakaora, vakabata mabasa anonyangadza.” (Pisarema 14:1; 53:1) Muimwe nzvimbo iye akati: “Nokuzvikudza kwechiso chake, wakaipa unoti: ‘Haangabvunzi. Ndangariro dzake dzose dzinoti: Hakuna Mwari.’” (Pisarema 10:4) Kunyange shure panguva iyeyo, vanhu vaiita sokunge Mwari akanga asipo. Uye mhedziso ine mufungo inofanira kuve yaiva yokuti kana kusina Mwari, hakugoni kuva naSatani.
Vamwe Vachiri Kudavira
Sezvatotaurwa kare, zvisinei, vamwe vachiri kugamuchira chitendero muna Dhaibhorosi chaiyeiye. Kune avo vanodavira dzidziso yakare yaZoroastria yavaviri, inotaura kuti zvakanaka nezvakaipa, Mwari naDhiabhorosi, vanofanira nguva dzose kuva vakavapo parutivi norutivi. Vamwe vanototaura kuti zvakanaka nezvakaipa zvose zviri zviviri mativi oUmwari. Uye kuchine vazhinji vari muchiKristudhomu nomuIslam vanodavira mukuvapo kwaSatani. Zvamazvirokwazvo, nokuda kwavazhinji vaivava, iye achiripo sechinhu chomudzimu chine mapapiro nenyanga nomuswe chinotarisira nguva yemberi ye“mweya isingafi” iya yakagoverwa ku“hero yomwoto,” sezvinoratidzirwa zvikuru mumabasa akaitwa nomuratidziri akakurumbira wechiFrench Gustave Doré.
Kutaura idi, nokuda kwavamwe, chitendero muna Satani chinotopfuura izvozvo. Ivo vanomunamata—nezita kana kuti zvimwe kupfurikidza nemiitiro yousatani kana kuti yamadhemoni. Kwamazana amakore, uroyi namashiripiti zvakaziviswa nokunamata Satani. Kunyange muzera redu razvino uno, rokupanikira, Usatani huchiri kubudirira. Nokudaro, tisati takurukura chinotaura Bhaibheri pamusoro paSatani amene, ngatirangarirei maidi akati pamusoro poUsatani hwazvino uno.
[Mufananidzo uri papeji 3]
Kuratidzira kwechiBuddha “hero” yasatani