Kuwedzera Nokuwa Kwokunamata Satani
Tsika dzousatani dzinoitwa navaprista vane nguvo nhema vari mudzimba dzapasi dzine rima, vachiimbira minyengetero vananyajambwa vakasungwa vari paatari, namakanduru ari kutoira achiita mimvuri inotyisa pamadziro sezvo kunamatwa kwamwari wavo, Satani, kunopfuurira. Vaswededzwa pamwe chete nezivo yakavanzika yechakavanzika chakati chinogoveranwa nechiratidzo chesimba rinopfuura romusikirwo, vatori rutivi vaduku vari paurwu rwendo rwokupinda mumashiripiti vanoda kunzwika kwomufaro kunozadza mhoteredzo. Vanoswedera pedyo nokunzwa kwechienzi kwapoga uko vanako ivo bedzi.
Muitiro usingakuvadzi, unopfuura here? Kana chakashata choudhemoni chiri kupararira muchaunga chanhasi here?
NHAU zhinji dzakanyorwa mumapepanhau, magazini, uye mabhuku pamusoro pezviito zvinotyisa zvokunamata kwousatani. Udzame hwomubato wakapararira wamapoka amasimba masimba ousatani hwakaziviswa muterevhizheni dzenyika yose nenhepfenyuro. Kwazova chinetso chikuru chamapurisa muose ari maviri maguta maduku namakuru muAmerica, Canada, uye Europe.
Kunamata Satani kune kwezvo chaiyo nokuda kwepwere dzanhasi. Muvambi weChurch of Satan anotsanangura chikonzero nei, sezvakashumwa mumagazini inonzi ’Teen yaJune 1993, kuti: “Panzvimbo pokurayira mitezo kukurira kurudziro yayo yomuzvarirwo, tinodzidzisa kuti inofanira kudziratidzira. Ikoku kunobatanidza mufarwa womuviri, chishuvo chokutsiva, fariro yokuva nepfuma yokunyama.”
Satani anofanira kuva anofadzwa sei neiyi pfungwa inofuridzirwa nomutoo woudhiabhorosi, sezvo inopesana nenheyo dzechiKristu dzakafuridzirwa naMwari!
Kunamata Satani kuri kuwedzera. Ityisidziro inokura, asi kuguma kwako kwava pedyo. Mwari wako ari mutongerwo yorufu. Ndizvo zvakaitawo nyika yaSatani navatsigiri vayo, nokuti “nyika yose igere muna iye wakaipa.” (1 Johane 5:19; VaRoma 6:16) Kuvanamati vaSatani nokuvamwe vose avo vari kubatira zvinangwa zvaSatani nokuziva kana nokusaziva, shoko raJehovha nderokuti: “Mwari worugare uchakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu.”—VaRoma 16:20.
Inguva yemberi yakadini ichauya ipapo kurudzi rwomunhu ruri kutambura inobva kuna “Mwari worugare”? Nyaya nhatu dzinotevera dzicharatidza kuwedzera nokuwa kwoKunamata Satani nemigariro papasi iyo ichakutsiva.