Neiko Kune Vana Vakawanda Kwazvo Vanotiza?
Bhaibheri Noupenyu Hwemhuri—Uyu musoro uchasimbiswa muzvinyorwa zvina zvinotevedzana zveNharireyomurindi
“Munhu upi noupi anogona here kufungidzira kuti amai vanotambura zvikuru sei apo mwanasikana wavo anotiza? Chinetso. Neiko iye akabva? Handigoni kukunzwisisa. Iye akanga ari musikana akanaka naanofara uye muduku zvikuru.
“Ari kupiko usiku huno? Ari kudziirwa here? Ane nzara here? Ari oga here? Ndinomuda zvikuru kwazvo. Hakuna munhu wandinogona kutaura kwaari. Hapana chinhu chandinogona kuita kunze kwokumirira.
“Nguva iri yose runhare runorira mwoyo wangu unovhunduka. Asi iye haaridzi uye hakuna mashoko. Ndakanyengeterera kotsekano yake uye simba rokusarega ikoku. Ndinoramba ndichifungidzira kuti panguva ipi neipi iye achafamba achipinda napasuo.
“ . . . Ndinofunga nezvezvinhu zvakawanda kwazvo zvisina mufungo sezvandinoedza kuuraya marwadzo. Haiwa, Mwari anodiwa, unzai kasikana kangu kumusha.”
TSAMBA iri pamusoro apa yakatumirwa kumunyori wenhau akakurumbira anopa zano mukuvamba kwama 1970. Yakanga iri nguva apo kwaifungwa kuti vanotiza vakanga vachibva nokuda kwezvikonzero zvoupenzi: kutsvaka zvinofadza, kuedza kuzvimirira, kusabvumirana pamusoro pechirambidzo, kuora mwoyo nemhaka yorudo rwakapunzika. Nepo vamwe vachiri kubva nokuda kwezvikonzero zvimwe chetezvo, zvinhu zvakachinja mumakore 15 apfuura.
Pwere dzanhasi kazhinji kazhinji dzinobva nemhaka yemigariro ine ngwavaira zvikuru kwazvo—migariro yemhuri yakaipa zvakakomba umo ivo vanonzwa vasingadikanwi uye vasingadiwi; vangatoshatiswa. Uye panzvimbo pokumhanyira kuchimwe chinhu—mutoo woupenyu unokwezva zvikuru nounofadza—ivo vari kumhanya vachibva kuchimwe chinhu, upenyu hwapamusha huri kupunzika nohusingafadzi. “Vanotiza vakasiana zvikuru zvino neizvo vakanga vari apo zvakawanda zvikuru kwazvo zvakanga zvichinyorwa pamusoro pavo” mukuvamba kwama 1970, anodaro Dr. Douglas Huenergardt, mutarisiri wapanogara vanotiza peFlorida. “Mukati menguva iyoyo taiva navaduku vaitsvaka mimwe mitoo youpenyu. Handizvo zviri kuitika nhasi. Mwana ari kutiza ndiye uyo asingagoni zvake kutongokutsungirira zvakare pamusha.”
Fundo dzemisi ichangobva kupfuura iyi dzinotsigira ikoko. Bva idzo dzinoratidzawo chimwezve chinhu chiri kukatyamadza. Vana vazhinji havasati vari kungotiza bedzi kuti vanzvenge upenyu hwemhuri husingashivirirwi asi nhasi pedyo nehafu yavanotiza muUnited States inobva pamusha isingadi—vanosaidzirwa kunze kana kuti vanokurudzirwa kubva pamusha navabereki vavo vamene! “Nokuda kwavayaruki vazhinji vari kutiza imhinduro kumhuri isina kunaka, basa kana kuti mugariro wechikoro,” inodaro magazini inonzi Family Relations. “Vanotiza vazhinji, chaizvoizvo, ndivakadzingwa, vakarashwa, kana kuti vakatandaniswa. Idzi pwere dzinoudzwa kubva kana kuti dzinosiiwa navabereki vadzo. Dzimwe dzinoshatiswa zvakakomba kana kuti kazhinji kazhinji uye hadzioni chimwe chinhu kunze kwokuenda.”
Kune ngwavaira sei! Kunosuruvarisa sei nokuda kwavana! Nokuti, dzangopinda mumugwagwa bedzi, dzine mari shomanene uye dzisina mutoo wokutsigira, pwere kazhinji kazhinji dzinotendeukira kukukumbira, kutengesa mirimo, uhure, uye umbavha, kana kuti idzo dzinoitwa vanyajambwa navamwe. “Havasati vari vashandi vewerofeya nenyanzvi dzokushanda kwendangariro vanokwazisa vanotiza munomira mabhazi, asi vanonyengera vamwe mahure, vatengesi vemirimo navanyori venhau dzakaipa,” inodaro magazini yePsychology Today. “Makumi masere navatanhatu muzana venyanzvi dzakanzverwa akataura kuti zvishomanene kana kuti hapana chinhu chiri kuitwa kudzivisa vanotiza kuva vanyajambwa veidzi mharadzi. Nenzira isingashamisi, utano hwavanotiza hunoshata kana vakaramba vari mumugwagwa kwenguva refu.”
Chokwadi, nzvimbo dzakawanda zvikuru dziri kutangwa dzokuchengetera, kudyisa, uye kutungamirira vana vasina musha. Asi kusvitsako vanotiza nokukwanisa zvomenemene kuvabetsera ndiimwe nhau. “Basa redu kuroverera mavari mwero wakati wokuzviremekedza, kuvaita kuti vazviitire hanya vamene,” anodaro mumwe mupi wezano. “Uye ndiro basa rakaoma zvikurusa randati ndava naro.” Panguva inosvika pwere ikoko kazhinji kazhinji dzinonyumwira uye dzinopanikira vakura, dzinokuvadzwa, dzinotsamwa, kana kuti dzinoora mwoyo, uye dzingatozviuraya.
Ko zvinetso zvingagona kupedzwa pamavambo azvo here? “Nokure, chiverengero chikurusa chezvinoitika zvavanotiza zvichabva munhau dzemhuri dzorudzi rwakati,” inodaro Search, nzvimbo iri muNew Jersey panonyorwa vakarasika. “Munhu anofara zvikuru haasati achizotiza.” Chii, ipapoka, chichaparira mufarwa mumhuri? Ko zvisungo zvavabereki navana zvinogona kusimbiswa here?