RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g88 10/8 pp. 18-20
  • Ko Kutiza Ndiyo Mhinduro Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ko Kutiza Ndiyo Mhinduro Here?
  • Mukai!—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chinowanzoitika
  • Zvisarudzoiko Zviripo?
  • Ndinofanira Kubva Pamba Here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Neiko Kune Vana Vakawanda Kwazvo Vanotiza?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Nzira Yokusimbisa Nayo Zvisungo Zvemhuri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Ko Ndinofanira Kutiza Pamusha Here?
    Mukai!—1988
Ona Zvimwe
Mukai!—1988
g88 10/8 pp. 18-20

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ko Kutiza Ndiyo Mhinduro Here?

MUNOVHERO inonzi Tom Sawyer, munyori Mark Twain anozivisa nezvenguva iyo Tom akatiza pamusha neshamwari dzake mbiri chaidzoidzo, Joe Harper naHuckleberry Finn. Vakomana vatatu vakaverevedza vachitiza pakati pousiku, vachiyambuka namatanda kuenda kuchitsuwa chiri kure kure mhiri kworwizi. Ikoko vakapedza rutivi rwakanaka zvikuru rwevhiki, vachirarama nembuva dzavakanga vauya nadzo nehove idzo vakabata. Nokukurumidza ivo vakava vacherekedzi vechinoitika chavanhu vomutaundi yokwavo vaitsvaka murwizi nokuda kwemitumbi yavo yaka“nyura.” Pakupedzisira, Tom, Joe, naHuck vakaverevedza vachidzokera kutaundi, vakavanda mukamuri rapamusoro rechechi, ndokuona chinoitika chamariro avo vamene. Chinoitika chakaguma naivo vachibatanazve nomufaro nemhuri neshamwari, uye chakazadzwa nokutsvodana nokuonga.

Kuna Tom, Joe, naHuck, kutiza kwakanga kuri chinoitika choushingi chine mugumo unofadza. Chakanga chichisetsa. Asika hakuzati kuchidaro kune vechiduku vazhinjisa vanotiza nhasi. “Kuna vanotiza vakawanda, nhamo irondedzerwo chaiyoiyo youpenyu pavanogadzikana pamugwagwa,” anodaro Margaret O. Hyde mubhuku rake rinonzi My Friend Wants to Run Away. “Vanotiza vashomanene vanowana mabasa chaizvoizvo ndokuzviraramira ivo vamene. Asika, kuna vazhinjisa vavo, upenyu hwakaipisisa kupfuura zvahwakanga hwakaita ivo vasati vabva pamusha.”

Zvimwe iwe unonzwa kuti uchava akasiana. Zvamazvirokwazvo, zvinhu zvichava zvakanaka zvikuru kupfuura mugariro uri pamusha. Amy aifunga kudaro. Akatiza pazera ramakore 14 nemhaka yokuti aishaiwa ukama chaihwo navabereki vake uye asaigona kutaura navo. “Ndakarangarira kuti kwakanga kusina munhu aizondinzwisisa,” iye anodaro. “Ndakarangarira kuti kuva kure navabereki vangu uye kuenda kuimba ye‘shamwari’ kwaizova kuri nani zvikuru. Ndakanga ndine chokwadi chokuti ‘shamwari’ yangu yaizondinzwisisa.”

Sandi, asiiwa namai vake uye abatwa zvisina kufanira nasekuru vake vokurera, akatiza pazera ramakore 12. Peggy akabva pamusha pazera ramakore 16. “Ndakava nokudzvinyirirwa kukuru pamusha,” iye anodaro. “Amai vangu vaizondipopotera zvikuru uye kundidana mazita akashata.” Amai vake vakaita kuti iye anzwe asingadikanwi uye asingadiwi, “sokunge kuti anoshuva kuti kudai ndisina kuberekwa kana kuti chimwe chinhu.” Asingakwanisi kutaura namai vake pasina kupopotedzana kana kuti kupfuurira kuva anozvidzwa naanoitirwa musere, iye akatiza kundotsvaka mufaro kune imwe nzvimbo.

Julie akatiza nokuti kwamakore anoverengeka iye akanga ave achibatwa nomutoo usina kufanira muvatano pamusha. Danny akabva kaviri. Kokutanga kakanga kari kokutiza amai vokurera avo vaitaura zvinhu zvakashata pamusoro pake. Iye akakurumidza kuziva kuti kunze kwakanga kwakaoma sei kana pasina mutoo wetsigiro, naizvozvo iye akadzokera kumba—kungondopinda bedzi mukupopotedzana kukurusa ndokurambwawo nababa vake. Vose vari vaviri Julie naDanny vaingova bedzi vezera ramakore 12.

Hungu, upenyu pamusha kuna vanotiza vazhinji hunoratidzika kuva husingatsungiririki. Ivo vanoda kubva pahuri. Vanoda havo kuva vakasununguka. “Asika vechiduku havawani sununguko pamigwagwa,” inocherekedza kudaro magazini ye’Teen. “Panzvimbo pakwo, ivo vanowana vamwe vanotiza kana kuti vanodzingwa—saivo vamene—vanogara muzvivako zvakasiiwa, uko vasina taviridziro kuvabati chibharo kana kuti makororo. Vanowanawo vanhu vazhinji vanoita basa ravo rakashata rokudyeredzera vanhu vaduku, uye vanotiza vechiduku ndivo chipfuro chiri nyore.”

Chinowanzoitika

Somuenzaniso, “shamwari” yaAmy, munhurume wezera ramakore 22, akaita kuti iye aripire kugara kwake “kupfurikidza nokuvatana naye navapfumbamwe veshamwari dzake.” Iyewo “aidhakwa uye ainwa mirimo mizhinji.” Sandi akava hure, achigara mumigwagwa nokurara pamabhenji omumunhanga kana kuti pari pose paaigona. Ndozvinowanzoitika kuvanotiza vazhinji. Neiko kuchiitika nenzira iyeyo?

“Apo mwana anotanga kutiza, angave ane mari shomanene muhomwe yake, iye angatove akachengeta mari yakati kuti, asi kana yangopera, iye ane zvisarudzo zvishomanene,” anodaro Sajeni Jose Elique, aichimbova mutarisiri weNew York’s Port Authority Runaway Squad Police. “Apo vana vanonzwa nzara, vanotofanira kudya, uye apo vanotonhorwa, vanotofanira kuwana pokugara, naizvozvo havana zvamazvirokwazvo zvisarudzo zvakanyanyowanda. Kana mumwe munhu akangoerekana avasvika pavanenge vachirumwa nenzara chaizvoizvo uye vasitongorina nechinhu chose zvacho ndokuvakumbira kuita chimwe chinhu—chingava chiverengero chipi nechipi chamabasa asati ari apamutemo kana kuti zviito zvoutere zvinoshatsa, nokuda kwemari kana kuti mirimo—ipapo uyu mwana achava anogamuchira zvikuru kwazvo, pasinei hapo nokuti akarangarira sei pamusoro pevatano kana kuti mirimo kare.”

Vanotiza vazhinjisa vane unyanzvi hunoverengeka hwakakodzera. Vanowana nzanga yazvino uno yakanyanyooma zvikuru uye ichinyanyonetsa zvikuru zvokusagona kubata nayo. Uyewo havazati vachiwanzova naapi naapi amagwaro ari madikanwa okuti vapinzwe basa: rugwaro rwokuberekwa, kadhi renzanga rechengeteko, kero yechigarire. “Ini ndaitofanira kuba, kupemha,” anodaro Luis, “asika kuba zvikurukuru nemhaka yokuti hakuno munhu anokupa chinhu kunze ikoko.” Vane 60 muzana vavanotiza vasikana. “Chii chaigona kuita musikana wezera ramakore 13 kunze kwokuratidzira muviri wake?” akabvunza kudaro mumwe musikana. Iye akagoverwa mari yakawanda kuti amire asina kupfeka. Sezvinobvira zvikuru mifananidzo iyeyo yaizoshandiswa gare gare sepfumbamuromo yokuti iye aite zvakawanda.

Vezvamabhuku outere, vatengesi vemirimo, navadyeredzeri vanowanzoshanyira zviteshi zvamabhazi vachitsvaka vanotiza vokudyeredzera. Ivo vakuru vakuru vokudyeredzera. Ivo vanogovera pwere dzinotya nzvimbo yokurara nezvokudya. Vanovapa zvavaishaiwa kumusha—kunzwa kwokuti ivo vanokosha chaizvoizvo uye vanodiwa. Ivo vanoshumwa kune dzimwe pwere, dzinotova dzinobatanidzwa, idzo dzinovagamuchira ndokuvaita kuti vanzwe vachigamuchirwa. Pashoma napashoma ivo vanopinzwa. Mudyeredzeri angatogadzirira mumwe munhu wokubata chibharo musikana dzokonekei ovimbisa kumutaviridzira pakuitika kwakwozve. Kana kuti iye angaratidzira wechidukuyo mirimo, kumuita kuti apindwe muropa nayo, dzokonokei omuita kuti iye amushandire kubvira ipapo zvichienda mberi kana iye achida kupfuurira kuwana mugove wake. Vamwe vanotsamira pakurohwa napamanikidziro youtsinye kuti vawane zvavanoda. Sezvinogona kufungidzirwa, vanotiza vazhinji vanozoguma vakuvadzwa zvakakomba kana kuti vatofa.

Zvisarudzoiko Zviripo?

Wechiduku anofunga nezvokutiza angarangarira kuti pane zvisarudzo zvishomanene, zvikurukuru kana iye ari asingadiwi uye asina kusununguka pamusha. Ivava vanonzi vatandwi kana kuti vadzingwi. Uyewo, vechiduku vazhinjisa vanotiza vanoziva kuti kana vakasungwa namapurisa, vabereki vavo vachaonwa, uye ivo sezvinobvira zvikuru vachatumirwa kumusha. Uye kana mugariro pamusha usati wachinja, vachatizazve. Asika, zvavari vaduku zvikuru uye zvavanogara nguva refu pamugwagwa, pane bviro huru yenhamo. Naizvozvo chigadzikiso chinofanira kuwanwa.

Kutanga, edza kuchiita pamba. Ita nhamburiko iri yose—uye ikoko kunoreva kanopfuura kamwe chete—kutaura navabereki vako. Vaite kuti vazive manzwire aunoita nechiri kuitika. Kana ikoku kukakundikana, taura nomumwe munhuzve anogona kubetsera. Pwere dzimwe dzakataura navapi zano vadzo vokuchikoro, mushandi womunzanga, kana kuti mutarisiri pabato ramabasa epwere. Dzimwe dzakashandisa nhare dzisingaripirwi dzakagadzwa mune dzimwe nyika kuyamura vose vari vaviri vabereki navana. Kunyange zvazvo zvakadaro, pwere dzechiKristu dzine chimuko chokutendeukira kuvakuru vari muungano yavo ndokugamuchira betsero yorudo, chaiyoiyo nezano rakavakirwa muMagwaro. Asika yeuka shoko gurusa: TAURA. Ndicho chinhu chichabetsera mose muri vaviri iwe navabereki vako. “Pasingaranganwi mano anokona,” rinodaro Bhaibheri, “asi kuna varairi vazhinji ndokwaanosimbiswa.”—Zvirevo 15:22.

Rubudiriro rungava upenyu hwapamusha hunovandudzika uhwo huchakupa tariro nokuda kwenguva yemberi. Runogona kuporesa maronda ekare ndokuroverera kunzwa kwechivimbo, rudo, nomufaro. Uchanzwa ukoshi hwako somunhu. Kunyange kana upenyu pamusha hungava husiri hwomuenzaniso, rangarira kuti zvinhu zvakaipisisa zvinogona kuitika paunenge watiza.

Upi kana upi uri mugariro wako, yeuka kuti nguva dzose pane mumwe Munhu anoitira hanya uye angada kubetsera. Avo vanotendeukira kuna Mwari vanogona kuva vanosimbisirwa betsero yake netarividziro.—Zvirevo 18:10.

[Mufananidzo uri papeji 20]

Mumwe munhu angakugovera zvokudya, pokugara, nenguva yakanaka. Asika iye anodei mukudzorerwa?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe