Nzira Yokusimbisa Nayo Zvisungo Zvemhuri
Zvikonzero nei pwere dzichibva pamusha zvakawanda uye kazhinji kazhinji zvakaoma zvikuru. Nepo iyi nyaya isingagoni kuzvidudza muudzame, inoratidza kuti nheyo dzeBhaibheri, padzinoshandiswa, dzinogona kushanda kuchengeta mhuri yakabatana.
KWAKAOMA kuratidza kuti vana vangani chaizvo vanotiza pamusha. Zviverengero zvinofungidzirwa zvakatsikirirwa zvinovambira pavana vakarasika 600 000 kusvikira ku 3 000 000 pagore muUnited States moga. Zviverengero zvinofungidzirwa zvakadaro kazhinji kazhinji zvinobatanidza mapoka akadai savanotiza, vanotandaniswa, vanorashwa, uye vana vakanyerudzwa navabereki vakarambana pasina muchengeti wapamutemo. Izvo zvinofanira kuva zviverengero zvinofungidzirwa, nokuti vana vanosiiwa navabereki vavo havashumwi savakarasika, uye vamwe vana vanotiza nguva dzose. “Ane makore 16 okukura anotiza kashanu mugore uye anogara usiku humwe nguva imwe neimwe anotiza aizooneka . . . muzviverengero savana vakarasika vashanu,” inodaro The New York Times.
Zvinokosha zvikuru kupfuura zviverengero ndizvo zvikonzero nei vana vachibva pamusha. “Apo muduku anotiza, kazhinji kazhinji chiratidzo chokusashanda zvakanaka mumhoteredzo yomusha,” inotaura kudaro magazini yeMedical Aspects of Human Sexuality. Kungava nemhaka yezvinetso zvinotovapo, zvakadai sokurohwa, kuregeredzwa, kushaikwa kworudo, chatanuro, mirairo yakanyanyisa, kana kuti mitemo ine hasha neyakaoma. Kana kuti kungava nemhaka yokutya miuyo, zvakadai somuzvinoitika zvapamuviri kana kuti kurwisana nomutemo. Pavanobvunzwa chikonzero nei ivo vakabva pamusha, vanotiza vazhinjisa vanodudza zvikonzero zvinobatanidza ukama hwavo navabereki vavo. Ukama hwavabereki navana sezviri pachena ndichinhu chine simba zvikurusa chine chokuita nomuitiro wokutiza,” inodaro magazini yeAdolescence. Iyo inowedzera, kuti: “Vanotiza vanoshuma ukama hwakashata hwavabereki navana, rwisano huru dzemhuri, kuparadzaniswa navabereki, kakavadzano dzapakati pavanhu, uye kurukurirano yakashata navabereki sezvinhu zvikuru zvinotsigira kutiza pamusha.”
Kunzwisisa Zvikonzero
Idzi inguva dzinotambudza. “Nokushaya mabasa kunowedzera, uye mhuri dzakawanda zvikuru dziri mumigariro yakaoma yezvemari, kakavadzano dzomumba nezvinetso zvinowedzera,” inodaro magazini Ladies’ Home Journal. “Apo baba anodzingwa basa uye chikwereti chinosabhadharwa, munhu ari wose ari mumhuri anonzwa nhamo. Vanhu vaduku, avo vasati vakudziridza unyanzvi hwokugonana neidzi dzvinyiriro, vanoshandisa kutiza somutoo wokunzvenga nawo.” Pane dzimwe nguva vabereki vamene nokusaziva vanodzinga vana vavo. Nokushatirwa, ivo vangaudza vana vavo kugamuchira zvisarudzo zvavo kana kuti kubva. Vashatiriswa uye vaneteswa nokurwa hondo dzavo dzezuva nezuva dzemari, ivo vane simba shoma rokubata navana vavo.
Panguva imwe cheteyo, kungova bedzi muyaruki kunoparira kunetseka kwako kumene. Vechiduku vanova vanovhiringidzika pakati pokudikanwa kwechengeteko netarisiro zvavakagamuchira savana nepfungwa yokuzvimirira pavabereki vavo sezvanoparapatika kuti vave vakuru. Kunoparira nyongano nefunganyo nokuda kwavo. Chinjo dzomuviri dziri kuitikawo. Upenyu hwavo hwava hwakaoma zvikuru kamwe kamwe, uye ivo vanganzwa vakundwa. Ivo vanonzwa dzvinyiriro inobva kuvabereki navaenzani. Ivo vanowanawo nhambo dzokuzvipanikira nokuora mwoyo. “Apo unoedza kuzvinzwisisa umene, usashamiswa kana iwe pane dzimwe nguva uchinzwa usinganzwisiswi pamusha,” inopa zano kudaro magazini ye’Teen. “Pashure pokurangarira zvose, kana iwe usingagoni kuzvinzwisisa umene, vabereki vako vanogona sei kuziva zviri mundangariro mako?” Vabereki vazhinji, zvikurukuru navana vavo vokutanga, havana chokwadi pamusoro pokuti rusununguko rwakakura zvakadini rwokubvumira vana vavo. Kunyanyodzora nokushaikwa kwokunzwisisa zvakatungamirira pwere dzakawanda kutiza.
“Asi kutiza hakupedzi chinhu chipi nechipi,” anodaro munyori Judy Blume mubhuku rake Letters to Judy. “Kutiza chiratidzo, kwete mushonga. Panzvimbo pezvo, mhuri dzinofanira kugara pasi pamwe chete ndokutarisana namaidi. Idzo dzinofanira kubata nezvomene. Panguva iyeyo bedzi ivo vanogona kuita chinjo dzichavabetsera kurarama pamwe chete murugare. Uye kazhinji kazhinji idzo dzinoda betsero mukuita izvozvo.”
Kuwana Betsero Inodikanwa
Manyuko akanakisisa ebetsero iyoyo iShoko raMwari, Bhaibheri. Neiko? Nemhaka yokuti soMusiki womunhu, Mwari anoziva chakanakisisa nokuda kwechisikwa chake. Uye iye akatipa muraidzo achirangarira donzo iroro, “nokuda kwokudzidzisa, nokuda kwokutsiura, nokuda kwokururamisa zvinhu, nokuda kwokuranga mukururama, kuti munhu waMwari agova anokwanisa zvizere, akashongedzerwa zvakakwana nokuda kwebasa riri rose rakanaka.” (2 Timotio 3:16, 17, NW) Nheyo dzeBhaibheri dzinoshanda, uye idzo dzinofukidza rutivi rwuri rwose rwoupenyu.
Sezvacherechedzwa, kunyanguvezvo, mitezo yose iri mumhuri inofanira kuva inodisa kutarisana namaidi ndokuita chinjo. Pasina kuziva kwakadaro nechishuvo, vandudziko haisati ichizoitwa, uye simba guru rokunzvenga richaramba riripo. Zvikurukuru ikoko kwakadaro mumhuri dzine zvinetso zvezvinodhaka, mirimo, uye vatano yakashata. Izvozvi zvinofanira kukurira dzvinyiriro dzenguva dzose dzoupenyu dzisati dzagona kubatwa nadzo. Kutenda muna Mwari nechishuvo chechokwadi chokumufadza, chakavakirwa pazivo yakarurama yeShoko rake, zvakabetsera mhuri dzakawanda kukurira migariro ine ngwavaira iyo mudzimwe mhuri yakasunda pwere kutiza.—Enzanisa na 1 VaKorinte 6:9-11.
Kungorarama bedzi munyika ino yazvino noudyire hwayo hunowedzera, kusavimba, uye mwero woutsotsi unowedzera zvikuru zvinogona kuisa dzvinyiriro pazvisungo zvemhuri. Ndokusaka “zvinhu zvose zvakanyorwa kare [muBhaibheri] zvakanyorwa nokuda kwokumuraidzo wedu, kuti kupfurikidza netsungiriro uye kupfurikidza nenyaradzo inobva muMagwaro tigova netariro.”—VaRoma 15:4, NW.
Kushandisa Nheyo dzeBhaibheri
Nezivo yezvinhu zvinoparira mwana kutiza, nheyo dzeBhaibheri dzinogona kushandiswa. Bhaibheri rinotaura izvi zvinhu kupfurikidza nokupa zano vabereki kupedza nguva yakanaka inodikanwa navana vavo, kupa rovedzo inotsinhirana, yorudo. Kunyanyisa kwose kuri kuviri kwokushaiwa kwefariro nechirango chorumano zvikuru zvinofanira kudziviswa. Shoko raMwari rinopa zano, richiti: “Madzibaba, regai kutsamwisa vana venyu, asi pfuurirai kuvarera muchirango nokutungamirira ndangariro kwaJehovha.”—VaEfeso 6:4, NW; Zvirevo 22:6.
Somunguva dzeBhaibheri, tarisiro yakafanira, ngwariro, uye muraidzo zvinofanira kuva zvinhu izvo vabereki vanopa zvenguva dzose—‘pavanogara mumba mavo, pavanofamba mumugwagwa, pavanorara, uye pavanomuka.’ (Dheuteronomio 11:19) Nepo chirango chichidikanwa padzimwe nguva, chinofanira kupiwa norudo. (Zvirevo 13:24) Mufarwa wemhuri zvamazvirokwazvo uchawedzerwa kana zano rakadaro rikateverwa!
Vanawo vanofanira kuita rutivi rwavo: “Imi vana, teererai vabereki venyu munaShe; nokuti ndizvo zvakarurama. Kudza baba vako naamai—ndiwo murairo wokutanga une chipikirwa.” (VaEfeso 6:1, 2) Murume akachenjera wakare Soromoni, uyo akanyora kuti “vasina mano vapiwe kungwara, jaya ripiwe zivo nokuchenjera,” anopawo zano achiti: “Mwanakomana wangu, inzwa kurairira kwababa vako; usarasha kudzidzisa kwamai vako. . . . Kana vatadzi vachikugombedzera, usatenda iwe.”—Zvirevo 1:1-10.
Zvinetso zvemhuri zvaizobatwa sei? Murudo, nokuti Bhaibheri rinopa zano, kuti: “Zvose zvamunoita ngazviitwe norudo.” (1 VaKorinte 16:14) Urwu rwunofanira kuva rudo rukuru runodisa kufuratira kusakwana namavara zvomumwe, izvo zvimwe zvingashatirisa nokunetsa mumwe. “Zvikuru kune zvose danai norudo rukuru,” rinodaro Bhaibheri, “nokuti rudo runofukidzira zvivi zvizhinji.”—1 Petro 4:8.
Rudo rwakadaro runewo fariro mumufarwa negarikano zvavamwe uye runokwevera mhuri pamwe chete. Cherechedza kuti kunonzi kandiro kanopfumba kunobva kamwe kwakanga kwakananga: “Itira vamwe zvaunoda kuti vakuitire.” (Mateo 7:12, Today’s English Version) Pwere dzinotiza zhinjisa dzakabvunzurudzwa mufundo imwe dzakataura kuti kubatanidzwa kwadzo mumhuri kwaiva kushoma pamberi pokubva pamusha. “‘Kusunungurwa mumhuri’ chinhu chikuru mumuitiro wokusarudza kutiza ndokuramba uri kure nomusha,” rinodaro Adolescence. Asi kupfurikidza nokutevera pangiro yeBhaibheri yokuti “mumwe nomumwe ngaarege kutarira zvake, asi ngaatarire zvavamwewo,” nguva yakawanda ichapedzerwa pamwe chete semhuri, uye zvinetso zvoukama hwakashata, paradzano, uye kurukurirano yakashata zvinogona kukurirwa. (VaFiripi 2:4) Nokunzwa muri pamwe chete nefariro pamusha, pesvedzero yavaenzani iyo ingaparira mwana kutiza ichava duku.
Nokushandiswa kwenheyo dzeBhaibheri, kutiza pamusha hakusati kucharatidzika somushonga wezvinetso muupenyu uhwo munhu mumwe nomumwe anofanira kutarisana nahwo. Netsigiro yorudo inobva kumitezo mimwe nemimwe yemhuri, mhuri inova utiziro padzvinyiriro dzenyika iri kunze. Kunzwisiswa kwakazara zvikuru kwenheyo dzeBhaibheri nokushanda kwadzo, pamwe chete netariro iyo Mwari anopa, zvichawedzerazve mufarwa iwowo. Wadii kurega Zvapupu zvaJehovha zvichikurukura newe?
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 7]
IZVO VABEREKI VANOGONA KUITA
Pedzai nguva mune vana venyu; zivai zvinetso zvavo nezvinodikanwa
Ivai venguva dzose mungwariro netarisiro
Ipai chirango nerovedzo murudo
Itai kuti musha uve nzvimbo inofadza
IZVO VANA VANOGONA KUITA
Ivai vanoteerera, vane rudo, uye vanoremekedza vabereki
Dzivisai kuzviparadzanisa; ivai nefariro inoshingaira muzvinoitika zvemhuri
Fungai nezvemhuri yose zvayo, kwete zvishuvo zvako umene chete
Iva akasununguka uye kurukura
[Mifananidzo iri papeji 7]
Ukama hwavabereki navana hunokosha zvikurusa