Zvinotambudzwa Nokuda Kwokururama
Unganzwa kushamwari kana kuti hama dzokunyama kuti Zvapupu zvaJehovha zvinopinda munhamo pamutemo, kuti izvo zvinorambidzwa nedzimwe hurumende, kana kuti neimwe nzira vanhu vakashata. Neiko pane uku kutaura kwakasiana pamsoro pazvo?
Hakusati kuri nokuti Zvapupu zvinozvidza mutemo asi nokuti zvinotevera tsoka dzaJesu. Jesu akataura kuvadzidzi vake kuti vanhu vaizovazvidza, vaizovatambudza, vachitaura zvenhemanhema rudzi rwuri rwose rwechinhu chakaipa mukurwisana navo. Ikoku imhaka yokuti mushori mukuru waMwari, Satani, ndiye mwari wenyika ino, uye angada kutsausa vanhu pakubatira Mwari.—Mateo 5:10-12; 10:16-22, 34-39; 24:9, 10; Johane 15:17–16:3; 2 Timotio 3:12; 1 Petro 5:8; Zvakazarurwa 12:17.
Apo vaapostora vakasungwa ndokuendeswa kudare, kwakanga kusati kuri nokuti ivo vaiva matsotsi, vanhu vamasimba masimba, kana kuti vamukiri vehurumende. Kwakanga kuri nokuti ivo vaiva vaparidzi vamashoko akanaka. Apo muapostora Pauro akaudzira mhaka yake kumatare apamusoro, kwakanga kuri kudzivirira nokugadza maruramiro amaKristu okuparidza mashoko akanaka.—Mabasa 4:18-20; 5:28-32; VaFiripi 1:7.
Nhasi, Zvapupu zvaJehovha maKristu anochengeta mitemo anotera mitero yawo naanoratidzira ruremekedzo nokuda kwaavo vari muchiremera. Anodzorera zvinhu zvaKesari kuna Kesari nezvinhu zvaMwari kuna Mwari. Kana ane kurwisana nechiremera chipi nechipi chehurumende, imhaka yokuti hurumende haisati ichiziva basa rawo rokuparidza, kana kuti imhaka yokumira kwawo kwokusatora rutivi muzvinhu zviri pakati pamarudzi. Asi muna ikoku Zvapupu zvaJehovha zvinofanira kutora kumira kumwe chetekwo sezvakaita vaapostora, avo vakati: “Isu tinofanira kuteerera Mwari somubati ushe kupinda vanhu.”—Mabasa 5:29; Marko 12:17; Johane 18:36; Tito 3:1, 2.
Zvapupu zvaJehovha hazvisati zvichitsvaka chitambudzo asi zvingasarudza kurarama upenyu hwakaterama nohwakanyarara. Zvisinei, kana nokuda kwokutevera kwazvo mutemo waMwari nomuenzaniso waJesu Kristu zvichitambudzwa, zvinofara kukutsungirira.—Mateo 5:10-12; Mabasa 5:40, 41; 1 VaKorinte 4:12; 1 Timotio 2:2; 1 Petro 3:14, 15; 4:12-16.
• Neiko vabatiri vaJehovha vachizvidzwa nokutambudzwa?
• Neiko padzimwe nguva Zvapupu zvaJehovha zvichipinda pakurwisana nezviremera zvehurumende, sezvakaita vaapostora vechiKristu?
• Ko vabatiri vaJehovha vanorangarira sei chitambudzo?
[Mifananidzo iri papeji 29]
Jesu akazvuzvurudzirwa pamberi paPirato uye muapostora Pauro akaiswa mutorongo nokuda kwokuparidzira Umambo hwaMwari