Kufudza Boka raMwari Muchinzwano
Vamwe vanobvunza, kuti: ‘Ko ungano yenyika yose yeZvapupu zvaJehovha inodzorwa sei?’ Tinopindura, kuti: Gadziriro yokudzora inotevera mutoo weungano yechiKristu yomuzana rokutanga ramakore.
Muma 1870 Charles T. Russell neshamwari dzake vakatanga kuparadzira miuyo yefundo yavo yeBhaibheri kupfurikidza nehurukuro namabhuku. Kupote nyika, avo vakasarudza kubatana neiri basa vaitarisira kuna Russell neshamwari dzake chaidzoidzo somutumbi wavanhu uno ruzivo rwokuzviwanira mukuita basa raShe uye avo vavaigona kutsvaka zano kwavari rine chokuita nemibato yavo.
Muna 1884 Zion’s Watch Tower Tract Society yakanyoreswa pamutemo mukudzora kwomutemo weCommonwealth yePennsylvania. Russell neshamwari dzake dzino mutoro vakanga vachisanobatanidzwa nokutungamirira iyi Sosaiti uyewo mibato yaVadzidzi veBhaibheri. Muna 1909 Vakatamisira dzimbahwe ravo kuBrooklyn, New York. Mumakorewo vatungamiriri veWatch Tower Society navamwe varume vakasanobatana, vanokwaniriswa mumudzimu, vakazodzwa vave vachibatira somutumbi unodzora nokuda kweZvapupu zvaJehovha.
Mutumbi Unodzora unoumbwa neboka ravarume vakazodzwa vechiKristu (13 muna 1986), kubatanidza 7 vanobatira pamutumbi wavatungamiriri veWatch Tower Society. Ivava vanotungamirira pamibato yenyika yose yeZvapupu zvaJehovha. Ivo havasati vachifuridzirwa naMwari nokudaro havasati vari vasingakanganisi, asi vanotsamira paShoko risingakanganisi raMwari sechiremera chikurusa pasi pano, uye vane nduramo yoruzivo rwokuzviwanira mukuzviisa pasi pokuda kwaMwari. Mumwe nomumwe ane chinyorwa chamakore anopfuura 40 muushumiri hwenguva yakazara neZvapupu zvaJehovha.
Mutumbi Unodzora unotarisira zvinobudiswa neSosaiti. Zvinonyorwa zvinovakirwa pakucherekedza zvinodikanwa zvomudzimu zveboka uye muuyo wokufunda kwakakwana nokwomunyengetero nokunzvera Shoko raMwari. Varume ava zvavanopfuurira kufunda Bhaibheri nokucherekedza kushanda kunoenderera mberi kwamadonzo aMwari, kuzadzika kwechiporofita muzvinoitika zvenyika, nomugariro wavanhu vaMwari munyika, padzimwe nguva vangakuwana kuri madikanwa kuita gadziridzo dzakavhenekerwa mukunzwisiswa kwedzimwe dzidziso. Neiyi nzira iyeyo zivo yezvokwadi inova inoramba ichiwanda zvikuru.—Pisarema 97:11; Zvirevo 4:18; Dhanieri 12:4.
Mutumbi Unodzora wakagadza Dare reBazu ravarume vatatu kana kuti vanopfuura vanokwaniriswa mumudzimu murimwe nerimwe ramapazu anopfuura 90 mupasi rose kutarisira mibato munyika dzinopfuura 200 namapoka ezvitsuwa. Mapazu anonyorerana neungano dzaanotarisira. Pane nyorerano yenguva dzose pakati poMutumbi Unodzora naMatare aMapazu, uye mitezo yomutumbi unodzora somunhu oga inoshanyira mapazu mazhinji gore rimwe nerimwe kuti arambe achiwana mashoko emigariro.
Varume ava havasati vari vadzori pakutenda kwavamwe asi vashumiri vanoshanda nesimba kuti vamwe vazhinji vagone kudzidza pamsoro peShoko raMwari. Havasati vachibatira mhindu yemari, asi vanogoverwa zvinodikanwa zvavo zvokunyama nenzira imwe cheteyo inoitwa nayo mimwe mitezo yose yemhuri dzeBheteri. Chibvumikiso chokuti ivo vanobatira mukutendeka chinoonwa murushingairo, muchinzwano, mumipimo yakakwirira yetsika, noruvimbiko kudzidziso dzeBhaibheri dzinoratidzirwa neZvapupu zvaJehovha munyika yose.—1 VaKorinte 3:5-9; 4:1, 2; 2 VaKorinte 1:24; 3:1-3; 1 Petro 5:2, 3.
• Igadziriroi yokudzora yakakudziridzika?
• Ndivanaani vanobatira paMutumbi Unodzora nhasi, uye ndeipi iri mitoro yavo?
• Ko basa rinotarisirwa sei mudzimwe nyika?
[Mepu iri papeji 26]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Nharaunda dzinoparidzirwa neZvapupu zvaJehovha
[Mifananidzo iri papeji 26]
Vanapurezidhendi vakapfuura veWatchTower Society
C. T. Russell, 1884-1916
J. F. Rutherford, 1916-1942
N. H. Knorr, 1942-1977
F. W. Franz, 1977-1992
[Mifananidzo iri papeji 27]
Mashomanene aanopfuura mahofisi amapazu ane 90 ayo mibato yenyika yose yeZvapupu zvaJehovha inotarisirwa nawo
Canada
Zambia
Germany
Japan
Australia
Brazil