RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g10 October pp. 21-31
  • Zvokukurukura Semhuri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvokukurukura Semhuri
  • Mukai!—2010
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ndiani Aiita Basa Iri?
  • UNOZIVEI NEZVEMUAPOSTORA ANDREYA?
  • ZVIRI MUMAGAZINI INO
  • MHINDURO DZEMIBVUNZO IRI PAPEJI 31
  • Zvokukurukura Semhuri
    Mukai!—2010
  • Ungapindura Sei?
    Mukai!—2009
  • Ungapindura Sei?
    Mukai!—2008
  • Ungapindura Sei?
    Mukai!—2010
Mukai!—2010
g10 October pp. 21-31

Zvokukurukura Semhuri

Ndiani Aiita Basa Iri?

1. Ndevapi vabati vehove vaviri vaiva vanakomana vaZebhedhi uye vaapostora vaJesu?

Nyora mhinduro yako pamutsetse uri pasi apa.

ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga Mateu 4:21, 22.

․․․․․

2. Vamwe vaapostora vaviri vaiita basa rokubata hove vainzi vanaani?

ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga Mateu 4:18.

․․․․․

ZVOKUKURUKURIRANA:

Nei Jesu akati vadzidzi vake vaizova “vabati vevanhu”? (Mateu 4:19) Unofunga kuti kubata hove nokubata vanhu zvakafanana uye zvakasiyana papi?

UNOZIVEI NEZVEMUAPOSTORA ANDREYA?

3. Asati atanga kutevera Jesu, Andreya aiva mudzidzi waani? ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga Mako 1:4; Johani 1:35-40.

․․․․․

4. Andreya akataura nani nezvaJesu, zvikaguma nei? ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga Johani 1:40-42.

․․․․․

ZVOKUKURUKURIRANA:

Nei zvakanaka kuudza hama dzako zvinhu zvaunoziva nezvaJesu? Asi dzimwe hama dzako dzingaita sei?

ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga Mateu 10:32-37.

ZVIRI MUMAGAZINI INO

Pindura mibvunzo iyi, wonyora ndima dzeBhaibheri dzisipo.

PEJI 4 Zuva rimwe nerimwe rakakwanirwa nei? Mateu 6:․․․

PEJI 9 Baba vedu vokudenga vanovimbisa kuti havazomboiti chii? VaHebheru 13:․․․

PEJI 12 Chii chakaitika kungirozi dzakatadza? Judha:․․․

PEJI 24 Mufaro mukuru uri pakuitei? Mabasa 20:․․․

PEJI 26 “Kudzvinya kutsamwa” kunobudisei? Zvirevo 30:․․․

● Mhinduro dziri papeji 21

MHINDURO DZEMIBVUNZO IRI PAPEJI 31

1. Jakobho naJohani.

2. Petro naAndreya.

3. Johani Mubhabhatidzi.

4. Mukoma wake Petro, uye akava mudzidzi waJesu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe