Zvapupu zvaJehovha Zvinodzidzisa Sei Vamwe Bhaibheri?
Zvinoshandisa misoro yenyaya dzakasiyana-siyana, kakawanda kacho zvichishandisa bhuku rinobatsira pakudzidza rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Pazvitsauko zvaro 19 zvimwe zvacho ndeizvi:
“Chokwadi Pamusoro paMwari Ndechipi?”
“Jesu Kristu Ndiani?”
“Vakafa Vari Kupi?”
“Tiri Kurarama Mu‘mazuva Okupedzisira’ Here?”
“Nei Mwari Achibvumira kutambura?”
“Kuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze”
Vadzidzi vanokumbirwa kubvunza mibvunzo uye kuti vaone mhinduro dzacho pachavo muBhaibheri. Nokufamba kwenguva, maererano nokudzidza Bhaibheri kwavanenge vaita, vanogona kusarudza chitendero chavanoda.
Unogona kukumbira kuti udzidziswe Bhaibheri uri woga, uyewo kukumbira bhuku rataurwa, nokuzadza kopani riri pasi apa woritumira kukero yakanyorwapo kana kuti kukero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.
□ Ndinokumbira kuti munditumirewo bhuku rakaratidzwa pano, pasina zvandinovimbisa.
□ Ndapota ndionei nezvekudzidza Bhaibheri ndisingabhadhari.