Uri Kutenderera Musoro Nebasa Here?
MUNYIKA yose, kuti uku uri kushanda uku unoda kuva nemhuri, inyaya hombe. Sezvinoratidzwa neIndaneti, kudyidzana kwenyika dzose, zvinhu zvitsva zvemazuva ano, uye zvoupfumi zvinoda kuti vanhu vati pikerere nebasa, zvakaita kuti vanhu vatadze kuziva nguva yebasa nenguva yokuva kumba sezvaiitwa kare. Izvi zvakaita kuti upfumi huwedzere chaizvo, asi zviine museredzero. Mumwe munyori akati: “Tiri kushanda zvakapfurikidza, tichiita zvakawandisa uye musoro unotenderera. Chokwadi taparara nebasa.”
Kuzoti nhamo dziri kukonzerwa nokudzikira kweupfumi, hatichatauri. Vomumahofisi nevasingashandi mumahofisi vakapererwa nebasa uye havasisina pokugara. Vanodemba kuti zvimwe dai vaishanda nesimba basa raisazopera.
Ngatimboonai kukura kwakaita matambudziko aya:
▶ KuEurope pavashandi 10, 6 vacho vanopedzisira vatenderera musoro nebasa.
▶ KuUnited States, pavashandi 3, 1 wacho anopedzisira ava kurwara nokushanda zvakanyanyisa.
▶ KuCanada, pavanhu 100, vanopfuura 66 vanoomerwa nokutsauranisa nguva yemhuri neyebasa.
▶ Zvinofungidzirwa kuti pasi rose vashandi vanopfuura mamiriyoni 600, vanopedza maawa anopfuura 48 pasvondo vari pabasa ravo.
Nhamba idzi dzinoratidza dambudziko risingaiti rine vanhu. Kumwe kuongorora kwakaitwa kunoti utano husina kutsarukana, kusawirirana kwevanhu, kutadza kurera vana zvakanaka, kuparadzana kwemudzimai nomurume, uye kurambana zvingangova zvichikonzerwa nokushanda nguva refu uye munhu achipedza basa nguva dzakasiyana-siyana.
Ko iwe uri papi? Uri kunyanyisa kushanda here? Kana kuti uri mumwe wevanhu vane mamiriyoni vasiri kushanda here? Unoshuva here kuti ukwanise kutsauranisa zvakanaka nguva yebasa neyemhuri? Kana uchishuva izvozvo, ungazviita sei?
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 19]
“BASA RECHIPIRI”
Mumwe mukadzi anoenda kubasa anoti, “Pandinodzoka kumba, ndinofanira kubika zvokudya zvemanheru, ndotsvaira mumba, ndowacha, ndonotora vana kwavanenge vari, ndovabatsira pabasa ravo rechikoro rinoitirwa kumba, ndoona kuti vageza uye varara. Pandinozopedza ndinenge ndapera basa.” Munyika yose, pamabhiriyoni 1,2 evakadzi vanofungidzirwa kuti vanoshanda, mamiriyoni avo anoita ‘basa iri rechipiri’ rinorema iro rinoitwawo nevarume vakawanda. Asi, kuongorora kunoitwa kunoratidza kuti kazhinji kacho varume vanoramba kuita basa repamba. Vakadzi ndivo vanowanzoita rakawanda rebasa iri, zvisinei nokuti vanoenda kubasa here kana kuti kwete.