Edza Kuva Nemaonero Akanaka Ebasa
MUNGUVA ino iyo upfumi huri kuderera chaizvo, chinonyanya kukosha ndechokuti munhu uve nebasa raunogara uchiita uye rinokupa mari inokwana pane zvinodiwa nemhuri. Asi izvi hazvisi nyore kunyanya iye zvino apo vashandi vakawanda vari kugumurwa pamabasa. Kana uri mumwe wevakangoerekana vapererwa nebasa, unotofanira kumira-mira kuti uwane rimwe basa.—Onawo mabhokisi ari papeji 24 ne25.
Kunyange zvakadaro, upenyu haisi nyaya yokungoshanda nesimba. Glenn, mumwe murume wokuAustralia ane mhuri anoti, “Ngatibudiranei pachena. Hapana munhu anomboti kana arwara zvokufa wonzwa achiti ‘Dai hangu ndakapedza nguva yakawanda ndiri pabasa.’” Zviri pachena kuti upenyu hunonakidza, hune chinangwa hunosanganisira kuva nenguva yokushanda. Asi pane zvimwe here? Hunosanganisirawo nguva yokuva nemhuri, kutandara, uye yokuita zvinhu zvine chokuita nokunamata. Ungakwanisa sei kuita zvose izvi zvinokosha asi usingaregeredzi zvimwe?
Nguva Yebasa Neyokuita Zvimwe
Bhaibheri rinotiudza kuti tinofanira kushanda nesimba kuti tiriritire mhuri dzedu. (VaEfeso 4:28) Asi rinotikurudzirawo kuti ‘tidye, tinwe, uye tifadzwe nezvinhu zvakanaka pabasa redu rose rakaoma.’ (Muparidzi 3:13) Zvechokwadi kushanda maawa akawanda pasina kunyatsozorora kana kuti usingawani nguva yokumbotandara kunogona kuita kuti usafara muupenyu. Kunogona kutokonzera zvirwere zvinouraya.
Kugara uchingoshanda kwakanzi kunogona kukonzera kunyanya kufuta, udhakwa, chirwere chomwoyo, kukuvara pabasa, kutadza kurarama usingashandisi mapiritsi, kuzvidya mwoyo, kurukutika, kuora mwoyo, nezvimwe zvirwere zvinokonzerwa nokuvhiringidzika musoro. Kushanda zvakapfurikidza kunogonawo kuuraya. Imwe ongororo inoti kuJapan kungangova nevanhu vanenge 10 000 vanofa gore negore nemhaka yokushanda zvakapfurikidza, kungofanana nevanofa nenjodzi dzomumugwagwa munyika iyoyo gore rimwe nerimwe. Dambudziko iri “rokufa pamusana pokushanda zvakapfurikidza” harizi rokuJapan chete.
Ona zano rouchenjeri rinopiwa neBhaibheri, rinoti: “Zviri nani kuzorora zvishoma pane kushanda zvakaoma zvakapetwa kaviri asi uchidzingana nemhepo.” (Muparidzi 4:6) Saka zvinoda kuita uchiziva pokugumira. Usangoti nangananga nebasa rako. Tarisira utano hwako nokuwana nguva yokumbozorora uye nakidzwa nezvaunobura pabasa rako.
Mumwe murume ane mudzimai nevana vatatu anonzi Andrew, anoti, “Tinofanira kushanda kuti tirarame, kwete kuraramira kushanda.” Kuti ukwanise kutarisira zvinodiwa nemhuri yako unofanira kuziva nguva yebasa, yokuzorora uye yokutandara. Asi izvi hazvisi nyore, kunyanya kana une zvikwereti zvaunofanira kubhadhara.
Tsauranisa Nguva Yebasa Neyemhuri
Mazuva ano mhuri dzakawanda dzine zvokuita zvakawandisa uye havana nguva yakawanda yokuva pamwe chete. Mumwe mukadzi wokuEngland anorondedzera kuti, “Nguva yangu yakawanda inoperera kubasa uye ndinozongova nevana nguva shomanana.” KuUnited States, pavana vari kuyaruka 5 voga voga vakabvunzwa, 1 wavo akati “Chinonyanya kuvarwadza kusava nenguva yakawanda nevabereki vavo.” Imwe ongororo yokuUnited States yakati, paavhareji murume nomudzimai vanoenda kubasa vanongotaura vose kwemaminitsi 12 pazuva.
Vaneta nokutenderedzwa musoro kwavari kuitwa nebasa, vakawanda vava kuongororazve kuti ndezvipi zvavanonyanya kukoshesa vobva vagadzirisa. Mumwe murume anonzi Timothy ane mhuri ine vana vaduku vaviri anorondedzera kuti: “Ndaishanda maawa akawandisa, uye mudzimai wangu aishanda Mugovera neSvondo. Taisanyanya kuonana. Takazofungisisa nezvemararamiro edu tikabva tachinja mashandiro ataiita. Iye zvino tava kutofara kudarika zvataiita.” Mumwe maneja wechitoro anonzi Brian anoti: “Pataitarisira kuzova nemwana wechipiri, ndakatsvaka basa raizoenderana nemhuri yedu. Kuti ndishande maawa mashoma, ndakasarudza basa randaizotambira mari shoma. Mari yandaizotambira pabasa racho pagore yakanga yakadzikira neUS$10 000 kana tichienzanisa neyandaimbotambira, asi kwaiva kufira zviripo!” Melina paakabatsirwa nemwanasikana wake wokutanga, akarega basa raaishanda. Anoti “Zvakanga zvakaoma kuti tijaire kurarama nemari yaitambirwa nomunhu mumwe chete. Asi ini nomurume wangu takaona kuti zvakanga zvakanaka kuti ndigare kumba ndichirera mwana wedu Emily, pane kuti tinomuchengetesa kune vanotarisira vana.”
Asi tinofanira kuziva kuti mhuri dzakawanda dziri kushanda zvakaoma kuti dzingokwanisa kubhadhara zvinodiwa pamwedzi nomwedzi. Kuti zvinhu zvikwane, vamwe vari kushanda mabasa maviri maviri, uye pamwe pacho vose murume nomukadzi vanenge vachishanda, uku vana vachichengetwa nanambuya kana kuti kunzvimbo dzinotarisirwa vana.
Unogona kuwana dzimwe nzira dzokuita kuti utsauranise zvakanaka nguva yokuva kubasa uye yokuitawo zvinodiwa nemhuri. Chinokosha ndechokuti: Usakanganwa zvakanakira kuva nemhuri uchingoti nangananga nebasa.
Iva nechokwadi chokuti kutsauranisa zvakanaka nguva yebasa, yokutandara uye yokuita zvinodiwa nemhuri kuchaita kuti ufare chaizvo. Munyaya yokupedzisira tichakurukura chimwe chinhu chinotonyanya kubatsira pakuti munhu azive kutsauranisa nguva yebasa neyemhuri uye kuti ararame upenyu husina twakawandawanda.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 21]
Usangoti nangananga nebasa rako
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 21]
“Zviri nani kuzorora zvishoma pane kushanda zvakaoma zvakapetwa kaviri asi uchidzingana nemhepo.”—Muparidzi 4:6
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 22]
Usakanganwa zvakanakira kuva nenguva yokuva pamwe nemhuri uchingoti nangananga nebasa
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 22]
MARI KANA KUTI KUTANDARA?
Dzimwe nyanzvi dzomuzana ramakore rechi20 dzaifunga kuti kugadzirwa kwezvinhu zvemhando yepamusoro kwaiitwa kwaizoita kuti vanhu vaishanda zvakaoma vapedzisire “vava kuwana nguva yakawanda yokufaranuka.”
Pakutanga kwema1930, mumwe muzvinadzidzo anonzi Julian Huxley aifungidzira kuti mune ramangwana hapana aizoshanda mazuva anopfuura maviri pavhiki. Mumwe muzvinabhizimisi anonzi Walter Gifford akati zvinhu zvakagadzirwa noruzivo rwemazuva ano zvichapa “vanhu vose mukana wokuti vaite zvavanoda . . . , nguva yokuti vazive chinonzi kurarama [uye] vawedzere kugara tatata vachigutsikana.”
Ko nyaya yokupfuma inodiwa nevanhu? Mumwe muzvinadzidzo anoona nezvemashandiro anoita pfungwa anonzi Henry Fairchild akazvirova dundundu achiti mafekitari anogona “kuzogadzira zvinhu zvakawanda zvokuti tinozotadza kuziva kuti tozvishandisa sei zvine musoro munhu achishanda hake pazuva . . . kwemaawa asingatombopfuuri mana.”
Zvaifungidzirwa izvi zvakanga zvakarurama kusvika papi? Zvechokwadi, muzana remakore rechi20 nerechi21 zveupfumi zvakawedzera zvinotyisa. Tichingotarisa mamiriro ezvinhu, izvi zvaifanira kunge zvakaita kuti basa raiitwa nemunhu rive shoma. Asi chii chakaitika? John de Graaf akanyora kuti: “[Vanhu] vakasarudza kushandisa mukana uyu kuti vaite mari yakawanda uye zvinhu zvakawanda pane kuti vave nenguva yokusava pabasa. Tisingati pamunhondo pamusasa, isu vanhu ndisu takasarudza mari kudarika nguva.”