Kudya Pamwe Kungasimbisa Mhuri Yenyu Here?
“Upenyu hauna kungozara nemufaro norudo uye nokunyaradzwa chete, asi nokusuruvara uye nemisodzi. Asi tinofanira kudya pasinei nokuti tiri kufara kana kuti takasuruvara. Vanhu vanofara uye vakasuruvara vangatonakidzwa kana vakadya zvakanaka.”—Laurie Colwin, mumwe munyori wokuAmerica.
MAKORE akawanda apfuura, mhuri dzakawanda dzemunyika dzokuEurope nokuAmerica dzaiva netsika yadzaikoshesa. Mhuri yose yaiungana kanenge kamwe chete pazuva kuti vadye pamwe. Hapana zvaifanira kuvavhiringidza. Hapana aitarira terevhizheni, aiisa maiyefoni munzeve, kana kutumira shamwari mashoko neserura. Kudekara kwaivapo kwaiita kuti vanhu vaidya zvokudya zvinovaka pamwe chete, vapanane uchenjeri, vasimbise ukama hwemhuri, uye vaseke pamwe chete zvainge zvaswera zvichiitika.
Mazuva ano, vanhu vakawanda vangaona kudya semhuri setsika yechinyakare. Mhuri dzakawanda hadziwanzodyi pamwe chete. Nei mhuri dzichizviona zvakaoma kuti dzidye pamwe chete? Zvine zvazvinobatsira here kuchengetedza tsika iyi yaiitwa kare? Ingabatsira sei munhu oga oga ari mumhuri?
Kudya Semhuri—Tsika Iri Kunyangarika
Robert Putnam anotsanangura mubhuku rake rinonzi Bowling Alone kuti, “Kunyangarika kwaita [tsika yokudya pamwe manheru] munguva yechizvarwa chimwe chete . . . uchapupu hwakakura hunoratidza kukurumidza kuchinja kwave kuchiita ukama hwevanhu.” Chii chakakonzera izvozvo? Chokutanga, kudhura kwava kuita zvinhu kwava kuita kuti varume nemadzimai vashande maawa akawanda. Mubereki anenge ari oga, uyo kakawanda anenge achiona chitsvuku nenyaya yemari angava nenguva shoma. Chechipiri, upenyu hwemazuva ano hwechipatapata hunokurudzira kuti munhu atenge zvokudya zvakatobikwa uye kuti azvidye nechimbichimbi. Vanhu vakuru havasivo chete vane zvakawanda zvokuita asi vana vanazvowo, zvakadai semitambo uye zvimwe zvokuita pashure pechikoro.
Uyewo, vamwe vanababa vanosarudza kusvika kumba vana vaduku vatorara nokuti havadi kuti vapengereke pavanenge vachidya manheru. Vamwe vabereki vanokurumidza kusvika kumba vanosarudza kutanga kupa vana zvokudya zvemanheru vovaudza kuti vanorara kuitira kuti murume nemudzimai vadye pamwe chete pasina mheremhere.
Zvinhu zvakadai zvinoita kuti mhuri dzidye panguva dzakasiyana. Twumapepa twunenge twakanyorwa zvinhu zvinofanira kuitwa twunonamirwa pafiriji twava kutsiva kukurukurirana kunoitwa panguva yezvokudya. Mumwe nomumwe ari mumhuri anosvika kumba, odziyisa zvokudya zvakabikwa kare, ogara pasi kuti aone TV, kana kuti kushandisa kombiyuta kana kutamba mutambo wevhidhiyo. Maitiro aya angaita sokuti haachachinjiki. Saka zvinobatsira here kunyatsofunga nezvokurega katsika ikako?
Zvakanakira Tsika Yokudya Pamwe
Kudya pamwe semhuri kunopa vabereki mikana yokuona kukura kunenge kuchiita vana vavo. Miriam Weinstein anotsanangura mubhuku rake rinonzi The Surprising Power of Family Meals kuti kudya pamwe manheru “inguva yokuti vana vaduku vagare vachiwana mukana wokuva nevabereki uye vatarisirwe vakadekara. Chokwadi kudya manheru semhuri kungasagadzirisa matambudziko enyu ose, asi hakudi hako zvakawanda kuti mubatsirwe.”
Eduardo, vamwe baba vokuSpain vane makore ari kuma40, vanobvumirana nazvo. Anoti, “Pandaigara nevabereki vangu, zuva rega rega taidya tiri 11. Baba vangu vaiedza chaizvo kudzoka kumba kuti vadye pamwe nemhuri yavo masikati. Zvose zvataiita ipapo zvaifadza. Taigara tichiziva zvainge zvichiitika muupenyu hwemunhu oga oga aiva mumhuri. Taigara tichitaura zvinosetsa tichinakidzwa. Kuyeuka izvozvo kwakaita kuti ndione kuti ndaifanira kutevedzera baba vangu.”
Kudya semhuri kunobatsirawo vana kuti vave neupenyu hwakanaka, hune utano. National Center on Addiction and Substance Abuse iri paColumbia University kuUnited States yakaona kuti vaduku vanodya pamwe nemhuri kanenge kashanu pavhiki vane matambudziko mashoma ane chokuita nokuzvidya mwoyo, kufinhikana, kusafarira zvinhu, uye vanogona kuchikoro.
Eduardo anotizve, “Ndinofunga kuti kudya semhuri kunoita kuti vana vakure zvakanaka. Vanasikana vangu havanetseki kuti vangazotiudza rini zvavanenge vachida. Zuva rega rega kudya semhuri kunovapa mukana wakanyatsonaka wokuita izvozvo. Uyezve, sababa, nguva idzi dzinondibatsira kuti ndigare ndichiziva matambudziko evanasikana vangu.”
Zviri pachenawo kuti mhuri padzinodya pamwe chete, dzingatobatsirwa kuti dzisave netsika dzakaipa pakudya. University of Navarre iri kuSpain inoti, kana munhu achidya ari oga, izvozvo zvinowedzera mukana wokubatwa nezvirwere zvinokonzerwa nokusadya zvakanaka. Ichokwadi kuti zvirwere izvozvo zvinogona kungomukawo, asi kusadya uri pamwe nevamwe kunowedzera mikana yacho. Esmeralda amai vevanasikana vaviri, anotsanangura kuti, “Kana mukagara muchidya pamwe chete, vana vanoona kuti vari kutarisirwa. Kudya semhuri kunoita kuti vanzwe pasina chokutyira, vachifara uye vachinzwa vachidiwa nemhuri.”
Kudya semhuri kunopawo vabereki mukana wokubatsira vana vavo pakunamata. Makore anenge 3 500 apfuura, Mwari akakurudzira vaIsraeri kuti vapedze nguva nevana vavo kuitira kuti vavadzidzise kunamata Mwari. (Dheuteronomio 6:6, 7) Ángel, vamwe baba vane vana vaviri, anoti, “Pamunonyengetera pamwe chete uye muchidzidza rugwaro rweBhaibheri pamwe chete pakudya semhuri, nguva iyoyo inovawo yokunamata. Dzimwe mhuri dzakaitei kuti dzigare dzichidya pamwe chete pashure pokunge dzaona kubatsira kwazvinoita?
Zvamungaita
Esmeralda anotsanangura kuti, “Kurongeka uye chido zvinokosha. Munofanira kuedza kuchinja urongwa hwenyu kuitira kuti uya anopedzisira kusvika pamba avepowo.” Maribel, vamwe amai vane vana vaviri, anoti, “Zuva rega rega tose tinotodya pamwe chete manheru kunyange zvodini.” Dzimwe mhuri dzinoti kana dzisina zvimwe zvokuita musi weMugovera neSvondo, dzinobva dzafanogadzira zvichashandiswa pakubika zvokudya zvemanheru zvevhiki yose kana kuti kutogara vazvibika.
Kukoshesa nguva yokudya pamwe chete semhuri kunobatsirawo. Eduardo anoti, “Ndaitofanira kugadziridza nguva dzangu dzokubasa kuitira kuti ndinodya pamwe nemhuri manheru, uye izvozvo zvakabatsira. Iye zvino ndinofunga kuti ndava kuziva zvakawanda nezvemhuri yangu. Sezvo ndichifanira kuisa pfungwa dzangu pabasa kwemaawa akawanda pazuva, kungava kushaya pfungwa kana ndikaregawo kunyatsoteerera mhuri yangu patinenge tichidya.”
Zvakadini nezvimwe zvinhu zvinovhiringidza? Mumwe mukomana anonzi David ane makore 16 anoti, “Mhuri yedu inodyira munzvimbo isina terevhizheni. Tinoshandisa nguva yacho kuudza Amai naBaba zvinenge zvaswera zvichiitika, uye vanowanzotipa mazano akanaka.” David anowedzera kuti, “Mazuva ano vana vari kuyaruka havatauri zvakanyanya nevabereki vavo. Kunyange mhuri yose painenge iripo pamba, mumwe nomumwe anodyira kwake achiona terevhizheni. Havazivi zvavari kurasikirwa nazvo.” Sandra ane makore 17 anobvumirana nazvo, achiti: “Ndinonzwa tsitsi vamwe vandinodzidza navo pavanoti, ‘Handizivi kuti amai vangu vasiyei mufiriji.’ Kwandiri, kudya pamwe semhuri haisi nyaya yokungodya chete. Zvinoita kuti tiwane nguva yokuseka, kutaura, kuratidzirana rudo.”
Bhuku rinonzi The Surprising Power of Family Meals rinoti kudya semhuri kunogona “kutidzivirira panhamo dzatinosangana nadzo zuva rega rega.” Kungaita kuti mhuri yenyu ive nemukana wokuva noukama hwakasimba here? Kana upenyu hwako hwakazara netwakawandawanda, kudya semhuri kunokupa mukana wokuti umbotaura nevadiwa vako. Zvechokwadi unenge washandira zviripo.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 18]
PAMUNENGE MUCHIDYA SEMHURI UNGADZIDZA . . .
Kukurukura. Vana vangadzidza kukurukura uye kuteerera zvine ruremekedzo. Kukurukurirana kunoita kuti vadzidze mamwe mashoko uye kunovadzidzisa kutaura zvavanofunga.
Kudya zvokudya zvine utano panguva dzisingachinji-chinji.
Kuratidza tsika dzakanaka. Dzidzai kuva norupo uye kugovana zvokudya kwete kumhanyirira kutora zvokudya zvakanyanya kunaka. Dzidzaiwo kutarisira zvinodiwa nevamwe vari mumhuri pamunenge muchidya.
Kushanda pamwe nevamwe. Vana vangabatsira nokuisa uye kubvisa ndiro patafura, kuzodzisuka, uye kupa vamwe zvavanenge vachida. Sezvavanokura, vangabatsirawo pakubika zvokudya.