RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g09 October pp. 28-30
  • Ungatyaira Sei Zvisina Ngozi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ungatyaira Sei Zvisina Ngozi?
  • Mukai!—2009
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ✔Zviongorore
  • ✔Ongorora Unyanzvi Hwako
  • ✔Ongorora Motokari Yako
  • Musha Wakachena—Zvatinofanira Kuita Tose
    Mukai!—2005
  • Kudziridza Miitiro Yokutyaira Yakakotsekana
    Mukai!—1988
  • Ndomira Kutyaira Mota Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Kutyaira Kwakakotsekana—Chinodikanwa Chinokosha
    Mukai!—1988
Ona Zvimwe
Mukai!—2009
g09 October pp. 28-30

Ungatyaira Sei Zvisina Ngozi?

KUNYANGE zvazvo mazuva ano vanhu vane mamiriyoni vachiona kutyaira motokari sechinhu chinotofanira kuitwa, iko kune migumisiro isingafadzi. Zvinofungidzirwa kuti vanhu vanopfuura 1 200 000 vanofa mutsaona dzemotokari munyika yose gore roga roga! Saka, hazvingabatsiri here kuti tidzidze kutyaira zvisina ngozi? Ngationei mamwe matanho anoshanda atingatora.

✔Zviongorore

Mamwe mashoko akataurwa neAustralian Journal of Social Issues akaratidza kuti matanho anonyanya kukosha angatorwa nomutyairi kuti aderedze mikana yokufa ndeokuvandudza maitiro ake kana achityaira. Saka asati atanga kutyaira, mutyairi angada kuzvibvunza kuti, ‘Ndiri kunzwa zvakanaka here kuti ndityaire?’ Kuneta kungaita kuti pfungwa dzirege kunyatsoshanda uye dzinonoke kufunga zvokuita. Sangano rinonzi Land Transportation Office rokuPhilippines rinoronga hasha, kuzvidya mwoyo, uye kufarisa sezvinhu zvinokanganisa pakutyaira uye zvingaita kuti munhu asasarudza nokuchenjera uye kunyange kuita kuti ashatirwe zvakanyanyisa mumugwagwa.

Mamiriro ezvinhu omunhu anofanirawo kufungwa nezvawo, nokuti zvimwe zvirwere kana kuti kukuvara zvingakanganisa kutyaira zvakanaka kwomunhu. Mutyairi anoremekedza upenyu hwevamwe haazotyairi achiziva hake kuti kutyaira kwake kungakanganiswa nedoro. Mamwe mapiritsi kana kuti mishonga zvingakanganisa zvinoitwa nomutyairi. Pane dzimwe nguva, kungava kungwara kutorega kuenda parwendo kana kuti kuita kuti mumwe munhu atyaire.

✔Ongorora Unyanzvi Hwako

Kunyanya munyika dzichiri kusimukira, motokari zvadzinowedzera, vatyairi vatsva vasina unyanzvi vanowedzerawo. Saka, zvakanaka kufunga nezvezvinhu zviviri zvingaitwa nomutyairi chero upi zvake kuti adzivise tsaona.

Ngwarira pakutyaira! Gara wakangwarira, uchitarira-tarira mumugwagwa mberi neshure kana kungava nenjodzi, uye ona kuti vamwe vatyairi vari kuda kuita sei, kusanganisira kutyaira zvine ngozi kwavangaita. Kubondera kwakawanda zvakunokonzerwa nokunyanya kuva pedyo nemotokari iri mberi, mutyairi akachenjera haanyanyi kuenda pedyo nedzimwe motokari.

Ngwarira mausingaoni kana uchityaira uye kuvhiringidzwa nezvimwe. Cheuka kuti uone zviri kuitika pedyo nemotokari yako, uye usangotarira mumagirazi anoonesa zviri shure chete. Dzivisa zvinovhiringidza paunenge uchityaira. Usaita zvakawandawanda, nokuti zvinhu zvakadai sokutaura parunhare kana kuti kutokonya-tokonya zvimwe zvinhu kunovhiringidza.

Kana uchityaira mudhudhudhu: Dzimwe hurumende dzinotaura kuti pakiromita yoga yoga, munhu wemudhudhudhu ane mikana inokwana 37 yokufa kana abondera pane munhu ari mumotokari. Ungatora matanho api okuzvidzivirira? Matanho ambotaurwa anoshandawo kumunhu wemudhudhudhu. Uyewo, sangano reMotorcycle Safety Foundation riri kuUnited States rinoti: “Ita kuti vamwe vakuone.” Iva nechokwadi chokuti vamwe vanokuona. Gara wakabatidza raiti rako remberi. Usava munzvimbo dzausingaonekwi nevane motokari. “Pfeka zvokuzvidzivirira.” Pfeka herimeti uye zvipfeko zvikobvu zvinodzivirira uye zvinonyatsooneka. “Ngwarira zvakatonyanya pakutyaira.” Funga kuti vamwe havasi kukuona wobva watyaira nokungwarira.

✔Ongorora Motokari Yako

Mutyairi anofanira kufunga nezvokudzivisa njodzi, uye motokari yake inofanira kuva ichishanda zvakanaka. Mabhureki anofanira kunge achinyatsobata, uye zvimwewo zvichinyatsoshanda. Matayi haafaniri kuva nyoka. Izvi zvinoderedza mikana yokutsvedza. Mavhiri kana akaguta zvichabatsira pakudzora motokari uye pakubopa mabhureki. Motokari zhinji mazuva ano dzine mabhandi. Iwayo haana zvaanobatsira kana akasasungwa.

Tyaira motokari yako maererano nemamiriro ezvinhu. Migwagwa ine mvura inoita kuti zviome kukurumidza kumira uye kukonesa motokari zvakanaka. Kana uchityaira usiku, maraiti okumberi anofanira kunge achiona zvakanaka uye haufaniri kumhanya. Upenyu zvahuri chipo chinobva kuna Mwari, zvakakodzera kuti tiite zvose zvatinokwanisa kuti tihudzivirire, uye kuti tidzidze kutyaira zvisina ngozi.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 30]

Kusatambisa Mafuta Pakutyaira

◼ Tyaira zvakati chechetere: Kungovhetemesa-vhetemesa motokari uchingobopa-bopa mabhureki kunotambisa mafuta.

◼ Usasiya motokari ichingodhuruma: Mazuva ano motokari hadzidi hadzo kuti injini itange yadziya dzisati dzafamba. Kana motokari ichizova yakamira kweinopfuura hafu yeminiti, idzime.

◼ Matayi ngaave akaguta: Matayi akanyatsoguta anofamba zviri nyore, zvichideredza chaizvo kudya mafuta.

◼ Usanyanya kumhanya: Kumhanyisa motokari kungava nengozi uye kungadya mafuta akawanda.

[Dhiagramu/Mufananidzo uri papeji 28]

❏ Gara wakangwarira

❏ Sunga bhandi

❏ Usaita zvakawandawanda

❏ Dzivisa zvinovhiringidza

[Dhiagramu/Mufananidzo uri papeji 29]

❏ Ngwarira mausingaoni

❏ Mabhureki anofanira kunyatsobata

❏ Matayi anofanira kunge akaguta

❏ Asiri nyoka

❏ Usanyanya kuva pedyo neimwe

[Dhiagramu/Mufananidzo uri papeji 30]

❏ “Pfeka zvokuzvidzivirira”

❏ “Ita kuti vamwe vakuone”

[Dhiagramu/Mufananidzo uri papeji 30]

❏ Ongorora maraiti okumberi

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe