Zvinotaura Bhaibheri
Vanhu Vakaipa Vachapiswa Mumoto Here?
GERTRUDE, mumwe muparidzi wechechi yemweya, aiomerera pakutenda kwaanoita kuti vakaipa vachatsva mumoto. Pfungwa yokuti pangasava nenzvimbo yakadaro yaipesana chaizvo nemaonero ake okururamisira. Aiti kana vakaipa vasingapiswi mumoto, vaipara mhosva dzose dzakaipa vaisazorangwa. Gertrude akaramba akaomerera pane zvaanotenda. Akati, “Kana vakaipa vasingapiswi mumoto, handifungi kuti ndingada kunamata Mwari.”
Vanhu vakaipa vachatsva mumoto here, sezvinodzidziswa nemachechi akawanda? Kana vasingapiswi mumoto, vacharangwa sei?
Chirango chaMwari Chokutanga
Maererano neBhaibheri, Mwari akasika vanhu vokutanga vaviri vakakwana. (Genesisi 1:27; Dheuteronomio 32:4) Akavaisa mumunda waiva paradhiso ndokuvapa mukana wokurarama nokusingaperi. Asi vanhu vokutanga, Adhamu naEvha, vakarambidzwa chinhu chimwe chete. Mwari akanyevera kuti: “Ungadya miti yose yomunda kusvikira waguta. Asi usadya muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa, nokuti nezuva raunoudya chokwadi uchafa.”—Genesisi 2:16, 17.
Zvinosuruvarisa kuti vabereki vedu vokutanga vakakundikana kuratidza kuti vaiteerera uye kuti vakanga vakavimbika. Musiki aitofanira kuvatongera rufu. “Uchadya zvokudya zveziya rechiso chako kusvikira wadzokera kuvhu, nokuti wakatorwa kwariri. Zvauri guruva uchadzokera kuguruva.”—Genesisi 3:19.
Kudai Adhamu naEvha vaiva mungozi yokunotsva mumoto, Mwari angadai asina kuvanyevera here nezvechirango chakadaro? Chokwadi ndechokuti hapana chaakataura nezvokutambura pashure pokufa. Vaizotambura sei ivo vakanga vasina mweya isingafi yaizopukunyuka parufu? Bhaibheri rinotaura izvozvo zvakajeka, richiti: “Mweya unotadza—ndiwo uchafa.”—Ezekieri 18:4.a
Musiki wedu zvaari Iye anopa upenyu, anoziva zvose zvine chokuita noupenyu norufu. Anotiudza muShoko rake kuti “vakafa havana kana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5) Ndosaka Adhamu naEvha vaisazotambura vachitsva mumoto pashure pokunge vafa. Vakangodzokera kuguruva ndokusavapo. ‘Havana kana chavaiziva.’
Tingatambura Here Tafa?
Pana VaRoma 5:12, Bhaibheri rinoti: “Saka, chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose.” Saka zvine musoro here kudavira kuti vanhu vanotambura vachitsva mumoto pamusana pezvivi zvavo, asi Adhamu uyo akaunza rufu kuvanhu vose, akangova guruva paakafa?—1 VaKorinde 15:22.
Tose tinova pasi pomutemo wakafanana nouya Adhamu aiva pasi pawo. “Mubayiro wechivi ndirwo rufu.” Uyezve, munhu akangofa, “asunungurwa pachivi chake.” (VaRoma 6:7, 23) Kana vanhu vakanaka nevakaipa vakafa, asi posava neanotambura pashure pokunge vafa, saka Mwari acharanga sei vakaipa?
Kururamisira kwaMwari
Chinangwa chaMwari nokuda kwevanhu vanoteerera hachina kuchinja kubva paakasika vanhu vaviri vokutanga, akavarayira kuti vave nevana uye vatarisire nyika. (Genesisi 1:28) Zviri pachena kuti ichi chichiri chinangwa chake, sezvaakazotaura pava paye kuti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.”—Pisarema 37:29.
Ona kuti vakarurama vachagara panyika ino. Vachararama vaine utano hwakakwana uye vachifara, sezvaidiwa naMwari kumurume nomukadzi vokutanga. Zvechokwadi, chinangwa chaMwari chepakutanga chokuti nyika izare nevanhu vakarurama ‘chichabudirira.’ Izvi zvichaitika paachabvisa mamiriro ezvinhu akaipa aripo oatsiva nenyika itsva yakarurama.—Isaya 55:11; Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 21:4.
Vanhu vane mabhiriyoni vakafa vasingazivi zvinodiwa naMwari vachabatsirwa norumuko uye vachadzidziswa kurarama munyika itsva yaMwari. (Isaya 11:9; Johani 5:28, 29) Asi chero upi zvake anoramba kuita zvinodiwa nemitemo yaMwari acharangwa ne“rufu rwechipiri.” Kana vakafa kechipiri havazombomukizve.—Zvakazarurwa 21:8; Jeremiya 51:57.
Zviri pachena kuti, saMwari ane rudo, Jehovha haazotambudzi vanhu nokuvapisa mumoto. (1 Johani 4:8) Uyewo haazomboregi zvakaipa zvichienderera nokusingaperi. Maererano naizvozvo, Pisarema 145:20 inotivimbisa kuti, “Jehovha anorinda vose vanomuda, asi achatsakatisa vakaipa vose.” Zvechokwadi Mwari ane rudo uye akarurama!
[Mashoko Omuzasi]
a MuBhaibheri, “mweya” unoreva munhu wacho wose—kwete chimwe chinhu chakaparadzana nomuviri. Genesisi 2:7 inoti: “Jehovha Mwari akatanga kuumba munhu neguruva revhu akafuridzira mumhino dzake mhepo yokufema youpenyu, munhu akava mweya mupenyu.” Adhamu haana kupiwa mweya wakaparadzana nomuviri wake. Asi iye Adhamu wacho ndiye aiva mweya mupenyu.
WAKAMBOFUNGA NEZVEIZVI HERE?
◼ Tine mweya usingafi here?—Ezekieri 18:4.
◼ Vakafa vari mumamiriro ezvinhu akaita sei?—Muparidzi 9:5.
◼ Mwari acharanga sei vakaipa?—Pisarema 145:20.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 27]
“Vakafa havana kana chavanoziva.”—Muparidzi 9:5
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 26]
Photo: www.comstock.com