Nzira Yokudzivirira Nayo Vana Vako
“Vabereki ndivo vanogona kudzivirira vana pakushandiswa kwezvinodhaka kupfuura ani zvake nokure. Vanofanira kupa vana vavo muenzaniso uye mashoko.”—DONNA SHALALA, MUNYORI WEDHIPATIMENDI REZVOUTANO NOKUBATSIRWA KWEVANHU REUNITED STATES.
SAKA somubereki, kudzivirira vana muhondo yokusashandisa zvinodhaka kunotangira pauri. Zvisinei, havasi vabereki vose vanganzwisisa kukosha kwebasa iri. “Baba vangu vaigara vakabatikana,” anoyeuka kudaro mumwe wechiduku wokuBrazil anonzi Ireneu. “Vaingotaura nesu kwenguva pfupi. Hatina kumbobvira taudzwa chinhu maererano nezvezvinodhaka.”
Kusiyana neizvi, funga zvinoyeukwa nomumwe wechiduku wokuBrazil, Alecxandros, kuti: “Paibuda mapurogiramu aitaura nezvokupindwa muropa nezvinodhaka paTV, baba vangu vaidana ini nevakoma vangu mukamuri kuti tiaone. Vaitiratidza upenyu hunosiririsa hwaiva nevakapindwa muropa pamusana pokushandisa kwavo zvinodhaka. Dzimwe nguva vaishandisa mukana iwoyu kutibvunza kana takanga tamboona vamwe vechiduku vokuchikoro vaishandisa zvinodhaka. Nenzira iyoyo vaitiyambira nezvengozi dzokushandisa zvinodhaka.”
Wakambokurukura nevana vako ngozi dzokushandisa zvinodhaka here? Kuti udaro, iwe pachako ungafanira kudzidza pamusoro pengozi idzi. Vabereki vechiKristu vanogona kubatsira vana vavo kunzwisisa kuti kushandisa zvinodhaka zvisingatenderwi kunovakanganisa pakunamata kwavo. Bhaibheri rinotikurudzira kuchengeta miviri yedu yakachena pazvose zvinosvibisa, zvose kunyama uye pakunamata. (2 VaKorinde 7:1) Kudzidza Bhaibheri nguva dzose nevana vako kunogona kuva chinhu chinonyatsovadzivirira.a
‘Shamwari Yakavimbika’
Zvinokoshawo kuti utange ukama hwakavimbika nevana vako. Jehovha i‘shamwari yakavimbika’ yevana vake vepasi pano. (Jeremia 3:4, NW) Uri shamwari yakavimbika yomwana wako here? Unonyatsoteerera mwana wako here? Mwana wako anonzwa akasununguka kukuudza zvinetso zvake here? Unokurumidza kutsoropodza pane kurumbidza here? Tsaura nguva yokuti usvike pakuziva mwana wako. Ane shamwari here? Ndivanaani? Inga wani Bhaibheri rinonyevera kuti: “Songaniro dzakaipa dzinoshatisa miitiro inobetsera.” (1 VaKorinde 15:33) Usatya kuisa miganhu yakasimba kana kuranga zvine rudo. Bhaibheri rinoti: “Rayirira mwanakomana wako, agokuzorodza; zvirokwazvo uchafadza mweya wako.”—Zvirevo 29:17.
Uyezve, usarerutsa ngozi dzakatarisana nomwana wako. Vamwe vabereki vanofunga nenzira yokurerutsa kuti nokuti vana vavo vanobva mumhuri inoremekedzwa, havasimbori rudzi rwuya rungashandisa zvinodhaka. Asi Dr. José Henrique Silveira anotsanangura kuti: “Anotengesa zvinodhaka anoda kushamwaridzana nevana vevanhu vakakurumbira nokuti kwaari zvinobhadhara.” Hungu, kana wechiduku anoremekedzwa achigona kunyengedzwa kuti ashandise zvinodhaka, kakawanda kacho vamwe vechiduku vangatevedzerawo.
Saka nyatsofunga. Ziva zvimwe zvinotanga kuratidza kuti munhu ava kushandisa zvinodhaka. Somuenzaniso, mwana wako angoerekana asingachadi kutaura-taura, aora mwoyo, ava nehasha, kana kuti asingachateereri here? Haachashamwaridzani neshamwari dzakare kana kuti nevemumhuri zvisinganzwisisiki here? Saka zvingakunetsa.
Zvinosuruvarisa kuti pasinei nezvakanaka zvingaitwa nevabereki, vamwe vechiduku vanongokundwa votanga kuedza zvinodhaka. Chii chaungaita kana izvi zvikaitika kumwana wako?
Apo Wechiduku Anoshandisa Zvinodhaka
“Vabereki vangu pavakazozviziva,” anodaro Ireneu, “munun’una wangu akanga achitoshandisa zvinodhaka kwemwedzi inoverengeka. Nokuti havana kumbofunga kuti mumwe wevana vavo rimwe zuva aigona kupindwa muropa nezvinodhaka, vakavhunduka. Pakutanga, baba vangu vakangofunga kuranga munun’una wangu zvakaomarara.”
Pakuziva kuti mwana ari kushandisa zvinodhaka, chinotanga kuitwa nevabereki kunzwa hasha, kugumirwa, uye kuva nepfungwa yokukundikana. Zvisinei, rimwe gwaro rinopa mashoko rakabudiswa neU.S. Department of Education rinopa zano rokuti: “Usavhunduka! Uye usazvipa mhosva. Chinhu chinokosha iye zvino ndechokuti urambe wakadzikama wowana kuti chii chiri kuitika. . . . Kushandisa zvinodhaka muitiro unogona kudzivirirwa. Kupindwa muropa nezvinodhaka chirwere chinorapika.”
Chokwadi, iva nomutsa uye akasimba kuitira kuti zvinhu zvisanyanya kuipa. Kunyanya kwako kutsamwa kana kugumirwa kungatadzisa mwana wako kuita zviri nani. Uyezve, unoda kubatsira mwana wako kukura kuva munhu mukuru anozviitira zvinhu anozvifungira. Saka, wana nguva inodiwa kuti unyatsokurukura zvakanaka newechiduku wacho kuti umuyamure kuona kubatsira kwokusashandisa zvinodhaka. Edza kuziva zviri mumwoyo womwana ari kutsauka uyu, uye inzwa uchida kuteerera.—Zvirevo 20:5.
Ireneu anoyeukazve kuti: “Gare gare, vabereki vangu vakachinja mabatiro avaiita nyaya yacho ndokutanga kutsiura munun’una wangu, vakamurambidza kuenda kune dzimwe nzvimbo, vakamuchinja kirasi kuitira kuti arege kusangana mazuva ose nevaya vaaidzidza navo. Vakatanga kumurambidza kutamba nedzimwe shamwari dzake uye kumubatsira chaizvo pamwe chete nesu vamwe vose vomumhuri.”
Ona kuti vamwe vabereki vakabudirira sei kubatsira pavakaziva kuti vana vavo vakanga vava kushandisa zvinodhaka.
Kubatsira Kunobudirira
“Ndicho chinhu chakaipisisa chati chamboitika kwatiri,” anotsanangura kudaro Marcelo, mumwe murume anogara muSão Paulo, kuBrazil. “Ini nomudzimai wangu takanga tisina kucherechedza chinhu chipi nechipi chisiri chenguva dzose mumufambiro wevanakomana vedu vaviri vaduku. Kakawanda, vaidyira kumaresitorendi neboka revechiduku vataifunga kuti tainyatsoziva. Takarwadziwa patakaudzwa neimwe shamwari yedu kuti vanakomana vedu vaviri vaishandisa mbanje. Zvisinei, pavakabvunzwa, vakabva vangobvuma.”
Marcelo akaita sei nezviito zvevanakomana vake? “Ini nomudzimai wangu takarwadziwa zvakaoneka nomunhu wose,” anobvuma kudaro. “Asi kunyange takashora kushandisa kwavo zvinodhaka, hatina kuvaona sokuti vanhu vasingakoshi. Takabvumirana kuti vavariro yedu kubvira ipapo yaizova yokubatsira vanakomana vedu kurega zvachose kushandisa zvinodhaka. Takavataurira zvakajeka zvataida kuita, uye vanakomana vacho vose vakagamuchira zvataida kuti zviitwe. Vaizoenderera mberi nezvidzidzo zvavo kuchikoro uye vaizoramba vachishanda. Vakanga vasingachafaniri kufamba-famba vari voga. Takavaratidza rudo rwedu zuva nezuva, kwete pazviitiko zvinokosha chete. Sezvo ndiri bhiridha, ndaienda navo kunovaka kakawanda sekandaigona. Takatanga kuva nezvakawanda zvinonakidza zvokuita, tichipedza nguva yakawanda tichitaura nezveremangwana uye kudiwa kwokuva nevavariro dzinokosha muupenyu.” Nokudaro Marcelo nomudzimai wake vakakwanisa kubatsira vanakomana vavo kurega kushandisa zvinodhaka.
Funga zvakaitika kune mumwezve baba wokuBrazil. Mwanakomana wake Roberto anoyeuka kuti: “Baba vangu pavakaziva kuti munun’una wangu aishandisa zvinodhaka, pane kumushora kana kumuranga nehasha, Baba vakazviratidza kuva shamwari vakatanga kuvimbwa nomunun’una wangu. Vakasvika pakuziva shamwari dzomunun’una wangu nenzvimbo dzaaiwanzoenda, uye vakatanga kubatsira munun’una wangu kuona kuti aisafanira kushandisa zvinodhaka uye aisafanira kuva neshamwari dzakadaro. Baba vakamuudza kuti vaisada kupedza usiku vasingarari vachimutsvaka.” Vachiedza kubatsira wechiduku akanga apinda muchinetso uyu, amainini vake vokurera, vakatsigira murume wavo zvizere. Vose vakabvumirana kuti vakanga vasingachafaniri kupedza nguva uye vakafunga zvokumubatsira kumba.—Ona bhokisi rakanzi “Kubatsirwa.”
Usarega!
Kurera mhuri mudzino “nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo” kunogona kunetesa uye kunetsa. (2 Timoti 3:1) Asi, haufaniri kuregeredza zvaunoda mupfungwa uye pakunamata. (Mateu 5:3) Mashoko aZvirevo 24:10 ndeechokwadi zvikuru, anoti: “Kana ukapera simba nezuva rokutambudzika, simba rako ishoma.” Unogona kuwana simba rakawanda nokusonganira nevaKristu vechokwadi. Kumisangano kuImba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha, unogona kutsigirwa uye kukurudzirwa.—VaHebheru 10:24, 25.
Chokwadi, kudzidzisa mhuri yako kuti ive nokutenda muna Mwari kunogona kuva nzira yako yakanakisisa yokuidzivirira pakushandisa zvinodhaka. Chokwadi, Mwari haamanikidzi vechiduku kutevera nzira yakati youpenyu. Asi anopa zano rakanaka. Sezvakanyorwa pana Pisarema 32:8, Mwari anoti: “Ndichakudzidzisa nokukurayira nzira yaunofanira kufamba nayo; ndichakupa njere neziso rangu, riri pamusoro pako.” SaBaba vokudenga vane rudo, Mwari anoda kudzivirira vechiduku pakukuvadzwa mupfungwa, mumuviri, uye pakunamata. (Zvirevo 2:10-12) Iva nechokwadi chokuti Mwari achabatsirawo nokutsigira vabereki vakatsunga kurera vana “mukuranga nomukutungamirira ndangariro kwaJehovha.”—VaEfeso 6:4.
Kunyange zvakadaro, kurera vana munyika yanhasi kunogona kuoma dzimwe nguva. Pangava nenzira yokuzvigadzirisa nayo here?
[Mashoko Omuzasi]
a Zvapupu zvaJehovha zvakabudisa mashoko anogona kubatsira vabereki kukurukura nevana vavo nyaya dzakadai sengozi dzokushandisa zvinodhaka. Somuenzaniso, ona zvitsauko 33 ne34 zvebhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 8]
“Kushandisa zvinodhaka muitiro unogona kudzivirirwa. Kupindwa muropa nezvinodhaka chirwere chinorapika.”—DHIPATIMENDI REZVEDZIDZO REU.S.
[Bhokisi riri papeji 6]
Kubatsirwa
Vamwe vabereki vangafunga kuti zvingava zvakanaka kwazvo kuti mwana wavo atange kurega kushandisa zvinodhaka achitarisirwa navanachiremba. Kuti kurapa kupi chaiko kuchatsvakwa nevabereki inyaya yokuzvisarudzira. Asi sezvo rudzi rwokutarisira runopiwa kukiriniki dzinobatsira kuti vakapindwa muropa varege muitiro uyu ruchisiyana zvikuru, vabereki vangaita zvakanaka kunyatsoongorora zvinhu vasati vabvuma kurapa kwacho. Maererano nenyanzvi yezvirwere zvepfungwa inonzi Arthur Guerra de Andrade, purofesa wepaYunivhesiti yeSão Paulo kuBrazil, 30 muzana chete yevanorapwa kukiriniki ndiyo inorega kushandisa zvinodhaka. Saka, vabereki vanofanira kufarira kurega zvinodhaka kwevana vavo, kunyange paine vanachiremba vanenge vachibatsira.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 7]
Rubatsiro Kune Vanoshandisa Zvinodhaka Vari Kurega
Uri wechiduku ari kuedza kurega kushandisa zvinodhaka here? Kana zvakadaro, uchawana kuti kuverenga Bhaibheri nokushandisa zvaunoverenga kunogona kukubatsira pane zvaunoedza kuti urege. Ungawana zvichibatsira zvikuru kuverenga bhuku rePisarema, sezvo richitaura kunzwa kwakawanda kunorwadza kwaungave uchinzwa iye zvino. Munyengetero womwoyo wose kuna Mwari, uchinyatsodurura pfungwa dzako dzomukatikati, uchakubatsirawo. (VaFiripi 4:6, 7) Uchatanga kunzwa kuti ane hanya newe chaizvo uye kuti anoda kuti ubudirire. Asi sezvo Mwari asingamanikidzi ani naani kuita zvinopesana norusununguko rwake, zvinokosha kuti unyatsoda kurega kushandisa zvinodhaka. Munyori wePisarema Dhavhidhi, uyo akatsigirwa naMwari kakawanda, akati: “Ndakarindira-rindira Jehovha; akarerekera kwandiri, akanzwa kuchema kwangu. Akandibudisawo pagomba rokuparadzwa, nomudziva ramatope; akamisa tsoka dzangu padombo, akasimbisa kufamba kwangu.” (Pisarema 40:1, 2) Nhasi, vaya vanoda kuzvichenesa voshumira Mwari vanotsigirwawo nenzira iyoyo.
[Mufananidzo uri papeji 5]
“Baba vangu vaitiyambira nezvengozi dzacho”—Alecxandros
[Mufananidzo uri papeji 8]
Wana nguva yokuyambira vana vako kuti kushandisa zvinodhaka kune ngozi dzei mumuviri uye pakunamata
[Mufananidzo uri papeji 8]
Ziva shamwari dzomwana wako
[Mufananidzo uri papeji 8, 9]
Kubata nyaya zvakadzikama kunogona kuita kuti zvinhu zvakaipa zvisanyanya kuipa