RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 4/8 pp. 3-4
  • Vechiduku Nezvinodhaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vechiduku Nezvinodhaka
  • Mukai!—2003
  • Mashoko Akafanana
  • Matapurirwe Aunoitwa Nezvinodhaka Zvisingabvumirwe
    Mukai!—1999
  • Hondo Yekurwisa Zvinodhaka Inogona Kuhwinwa Here?
    Mukai!—1999
  • Zvinodhaka—Nei Vanhu Vachizvishandisa Zvisina Kufanira?
    Mukai!—2001
  • Nzira Yokudzivirira Nayo Vana Vako
    Mukai!—2003
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 4/8 pp. 3-4

Vechiduku Nezvinodhaka

“Vaifanira kufa here?”

Iwoyo mubvunzo wakabvunzwa pabutiro remagazini yokuBrazil inonzi Veja. Mashoko iwayo aiva pamwe chete nemifananidzo yevechiduku vakanaka, vairatidzika sevana kwavo vakanga vafa—kufa nokushandisa zvinodhaka.

PASINEI nengozi dzinonyatsozivikanwa, vanhu vanoramba vachishandisa zvinodhaka, uye kuzvishandisa kwakadaro kunoramba kuchiparadza upenyu. Kushandisa zvinodhaka kunodyira United States madhora anofungidzirwa kuva mabhiriyoni 100 gore rimwe nerimwe mukurapa vanozvishandisa, mumari inorasika pamusana pokusashanda zvakanaka pabasa kwevanozvishandisa, mukusavapo kwepurofiti, uye muutsotsi. Asi zvichida vechiduku—vana—ndivo vanowanzokuvara kupfuura vamwe vose. Maererano nokuongorora kwakaitwa kuBrazil Jornal da Tarde, yakashuma kuti 24,7 muzana yevechiduku vane makore ari pakati pe10 ne17 vakatomboshandisa rudzi rwakati rwezvinodhaka.

Kunyange zvazvo kushandisa zvinodhaka kwevari kuyaruka kungave kwakati dererei mumakore achangobva kupfuura, nhamba yakakura zvinoshamisa yevechiduku ikoko yakapindwa muropa. Funga nezvevadzidzi vanenge vava kuda kupedza chikoro chesekondari. Maererano nokumwe kuongorora, 37 muzana yakanga yatombosvuta mbanje gore rakanga radarika racho. Mumwe chete muvashanu akanga amboisvuta mumwedzi wakanga wapfuura. Anenge mumwe chete mugumi akanga ashandisa chinodhaka chinonzi chinowedzera mufaro [ecstasy] mugore rakanga rapfuura racho. Vanopfuura 6 muzana vakanga vashandisa LSD.

Mishumo inobva pasi pose inotyisa. British Office for National Statistics inoshuma kuti “12 muzana yevana vechikoro vane makore 11 kusvikira ku15 vakanga vashandisa zvinodhaka mugore rakanga rapfuura . . . [Mbanje] inonzi cannabis ndiyo inofanira kunge yakashandiswa kupfuura zvimwe zvose nokure.” Chainyanya kutyisa ndechokuti “vanopfuura chikamu chimwe muzvitatu (35 muzana) vakanga vapiwa chinodhaka chimwe kana kupfuura.”

Mumwe mushumo unotsigirwa neEuropean Union unozivisawo kuti pakati pevechiduku, “kunwa kusvikira pakudhakwa chinhu chatojairika zvikuru.” Mushumo wacho unotiwo “kunwisa doro ndiko kune chokuita nemigumisiro yakasiyana-siyana yenguva pfupi yakadai setsaona, mhirizhonga nokuisirana chepfu, uyewo zvinetso zvokukura uye zvokugarisana nevamwe.” KuJapan kunobva mushumo wokuti “zvinodhaka zvinowanzoshandiswa nevari kuyaruka muJapan zvinhu zvinoita zvokufembedzwa, izvo zvingaita kuti munhu ashandisezve zvimwe zvinodhaka.”

Ndosaka Munyori Mukuru weUN Kofi Annan akati: “Zvinodhaka zviri kuparadza nzanga dzedu, zviri kukonzera kuparwa kwemhosva, zviri kuparadzira zvirwere zvakadai seAIDS, uye zviri kuuraya pwere dzedu neremangwana redu.” Kazhinji, vanhu vanoshandisa zvinodhaka ndivo vanopara mhosva dzakadai sokutengesa zvinodhaka zvisiri pamutemo uye kuponda kunokonzerwa nokushandisa zvinodhaka. Mukuwedzera, pamusana pokushandisa zvinodhaka, vanhu vakawanda vanopondwa mumhirizhonga, vanokuvadzwa, kana kuti vanoita zvepabonde zvine ngozi, vasina kuzvironga. Uye kana uchifunga kuti mhuri yako haibatanidzwi mune izvi, funga patsva! Mumwe mushumo wehurumende yokuUnited States wakati: “Zvinodhaka hazvisisiri chinetso chevarombo, vanhu vashoma, kana kuti vagari vomumaguta chete. . . . Vanoshandisa zvinodhaka vanobva mumapoka ose evanhu uye mumativi ose enyika. Chinetso chezvinodhaka chinobata munhu wose.”

Asi, vabereki vanononoka kuona ngozi yacho. Funga nezvenyaya yomumwe musikana wokuBrazil. “Ainwa zvinwiwa zvinodhaka,” anotsanangura kudaro mukoma wake Regina.a “Mhuri yedu yaifunga kuti zvakanaka uye hazvikuvadzi. Asi izvi zvakaita kuti aedze zvimwe zvinodhaka neshamwari dzake dzechikomana. Sezvo vabereki vangu vaigaromubata sezvinonzi zvinetso zvaaikonzera zvakanga zvisina migumisiro yakashata, akazopedzisira asingachadzoreki. Kakawanda aisazivikanwa kuti ari kupi. Uye nguva dzose paiwanikwa mukadzi wechiduku akafa, mapurisa airidzira baba vangu runhare kuti aone kana akanga ari iye! Izvi zvakaita kuti mhuri yedu ishushikane zvikuru.”

Sangano reWorld Health Organization rinopa zvikonzero zvikuru zvishanu zvingaita kuti vechiduku vafarire zvinodhaka:

(1) Vanoda kunzwa kuti vakura uye kuti vava kuzvisarudzira zvavanoda

(2) Vanoda kuwirirana nezvinoitwa nevezera ravo

(3) Vanoda kufaranuka uye kunakirwa

(4) Vanoda kuita maedzwa nezvinhu uye kupandukira

(5) Vanoda kupedza shungu dzavo

Kuwanikwa kwezvinodhaka uye kuda kufanana nevezera rako kunowedzerawo mukana wokutanga kwowechiduku muitiro uyu wokuzviparadza. “Vabereki vangu hapana zvavakambotaura maererano nezvinodhaka. Kuchikoro vadzidzisi vaingotaura nezvechinetso chacho asi vasingambotauri zvakawanda,” anotsanangura kudaro Luiz Antonio, mumwe wechiduku wokuBrazil. Akurudzirwa nevaanodzidza navo, akatanga kushandisa zvinodhaka ane makore 14. Gare gare, paakaedza kurega, “shamwari” dzake dzaimupa zvinodhaka dzakamutyisidzira nebanga dzichimumanikidza kuti arambe achizvishandisa!

Unozviziva here kuti vana vako vanogona kuva pangozi? Wakaitei kuti uvadzivirire pakushandisa zvinodhaka? Nyaya inotevera ichakurukura dzimwe nzira idzo vabereki vanogona kudzivirira nadzo vana vavo.

[Mashoko Omuzasi]

a Mamwe mazita akachinjwa.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]

“Zvinodhaka zviri kuparadza nzanga dzedu zviri kukonzera kuparwa kwemhosva, zviri kuparadzira zvirwere zvakadai seAIDS, uye zviri kuuraya vechiduku vedu uye remangwana redu.”—KOFI ANNAN, MUNYORI MUKURU WEUN

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

© Veja, Editora Abril, May 27, 1998

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe