RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 4/8 p. 10
  • Nokukurumidza—Nyika Isingashandisi Zvinodhaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nokukurumidza—Nyika Isingashandisi Zvinodhaka
  • Mukai!—2003
  • Mashoko Akafanana
  • Matapurirwe Aunoitwa Nezvinodhaka Zvisingabvumirwe
    Mukai!—1999
  • Nzira Yokudzivirira Nayo Vana Vako
    Mukai!—2003
  • Hondo Yekurwisa Zvinodhaka Inogona Kuhwinwa Here?
    Mukai!—1999
  • Vechiduku Nezvinodhaka
    Mukai!—2003
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 4/8 p. 10

Nokukurumidza—Nyika Isingashandisi Zvinodhaka

Ungafungidzira nyika isingashandisi zvinodhaka here?

MUNYORI MUKURU weSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose Kofi Annan akakumbira nyika dzose kuti dzishandire kuti nyika yakadaro ivepo. Akazivisa kuti: “Tinofanira kutora matanho matsva uye okushinga kuti tikunde uipi uhwu; dambudziko iri rabata vana vedu vakawanda kwazvo mumusungo.”

Kunyange zvazvo vatungamiriri vangabvumirana kuderedza kugadzirwa nokuparadzirwa kwezvinodhaka zvisingatenderwi pasi pose, basa racho rakakura zvinotyisa. Hennadiy Udovenko wokuUkraine, anoshanda somukuru mukuru wechikamu chinokosha cheUN General Assembly, akataura kuti “noukoshi hunofungidzirwa hwemadhora mabhiriyoni 400 [mabhiriyoni Z$22 400] pagore, kutengeswa kwezvinodhaka zvenarcotics nderimwe remabhizimisi epachivande ane purofiti yakakura kwazvo, . . . inokwanisa kukanganisa kana kuzungunutsa musika wemari wepasi pose.” Akawedzera kuti chinetso chezvinodhaka “chazova chiitiko chepasi pose uye hapana nyika inogona kunzwa yakachengeteka kubva pakutyisidzira uku.”

Zvakaoma kufungidzira nyika isina zvinodhaka zvine ngozi. Chokwadi hurumende dzevanhu dzaratidza kuti hadzikwanisi kuzvibvisa. Zvisinei, hapana anogona kutadzisa Mwari Wemasimba Ose kuzadzisa chinangwa chake chokuunza paradhiso pasi pano umo zvose zvinodiwa mupfungwa mumuviri, uye pakunamata zvichagutswa. (Pisarema 145:16; Ruka 23:43; 2 Petro 3:13) Maererano nomuprofita Isaya, shoko raMwari ‘harizodzokeri kwaari risina, asi richaita zvaanoda, richiendika pane zvaakaritumira.’—Isaya 55:11.

Kuva netariro muzvipikirwa izvozvo kunogona kubatsira zvinoshamisa kunyange iye zvino. Somuenzaniso, Edmundo aishandisa zvinodhaka. Asi kugamuchira chipikirwa cheBhaibheri chenyika itsva yakarurama kwakaita kuti aongorore patsva upenyu hwake. Iye zvino Edmundo anoti: “Ndanga ndiri benzi chairo nokuti ndakatambisa nguva yangu.” Achida kuramba achitenderwa naMwari, iye zvino anonzwa achida kuramba asingashandisi zvinodhaka. Hungu, kuziva Mwari nezvinangwa zvake kunogona kutikurudzira iye zvino “kupfeka unhu hutsva hwakasikwa maererano nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi nokuvimbika.”—VaEfeso 4:24.

Vamwe vasingaverengeki vaimboshandisa zvinodhaka vakasvikawo pakuva noukama hwepedyo noMusiki wavo. Kwavari mashoko omunyori wepisarema anokosha, anoti: “Regai kurangarira zvivi zvouduku hwangu, nokudarika kwangu; mundirangarire nounyoro hwenyu, nokuda kwokunaka kwenyu, Jehovha. Jehovha wakanaka, wakarurama; saka ucharayira vatadzi panzira.” (Pisarema 25:7, 8) Zvinonyaradza zvikuru vabereki vevana vanotsauka kuziva kuti vana vavo vanogona kuchinja! Kana vakashingaira, vabereki vanogona kubatsira vana vavo kurwisa dambudziko rokushandisa zvinodhaka uye kuti “vabatisise upenyu chaihwo,” huchawanikwa munyika itsva yaMwari.—1 Timoti 6:19.

[Mifananidzo iri papeji 10]

Tariro yokurarama munyika itsva yaMwari yaita kuti vakawanda vaishandisa zvinodhaka vachinje upenyu hwavo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe