Shangu Dzako Dzinonyatsokwana Here?
“Hapana anoziva panorwadza shangu kudarika mupfeki wadzo.”—MASHOKO AYA ANONZI AKATAURWA NOMUZIVI WOKUROMA.
WAKAPEDZISIRA rini kutenga shangu? Waidzikwana zvakadini? Dzaikukwana here? Zvakakutorera nguva yakareba sei kudzisarudza? Mushandi womuchitoro kana kuti aikubatsira kudziedza vakakubatsira zvakadini? Wakadzitengera mugadzirirwo wadzo here kana kuti kudzikwana kwako zvakanaka? Iye zvino dziri kukwana here sezvo wadzipfeka kwenguva yakati? Pane padziri kukurwadza here?
Kutenga shangu hakusi nyore. Uye kuwana saizi chaiyo kwakaoma uye kunovhiringidza. Nei zvakadaro?
Kuwana Saizi Yako
Kutanga, tsoka yako hombe ndeipi—yorudyi here kana kuti yoruboshwe? Unofunga kuti dzose dzakaenzana here? Funga zvakare! Chimwe chinhu chokufunga nezvacho ndechokuti tsoka imwe neimwe inoda saizi ina: saizi yetsoka sezvayagara iri, saizi yetsoka yomunhu akamira, saizi yetsoka kana munhu ari kuita basa, uye saizi yetsoka inochinja nemamiriro okunze. Dzakasiyanei?
Nezvesaizi yezvagara zvakaita tsoka, bhuku rinonzi Professional Shoe Fitting rinoti: “Iyi isaizi yeshangu apo tsoka inenge yakazorora (mutengi akagara pasi).” Sezvinoratidzwa nemashoko okuti “saizi yetsoka yomunhu akamira,” shangu inoedzwa munhu wacho akamira. Kumira kunochinja saizi uye chimiro chetsoka. Bhuku rine mashoko ari pamusoro apa rinoti: “Tsoka yakazorora kazhinji kacho mapfupa nenyama zvinenge zvakangoregedzera izvo ‘zvinozosimba’ apo tsoka inenge yatsika pasi, ichiva tsoka inoda imwe saizi.” Asi kunezve dzimwe saizi mbiri dzetsoka.
Saizi yetsoka yomunhu ari kuita basa inochinja mumamiriro ezvinhu anoda simba—pakufamba, kumhanya, kusvetuka, kana kuti kumwe kurovedza muviri. Izvi “zvinoita kuti pave netsoka inoda saizi dzakasiyana-siyana, mugadzirirwo uye ukuru.” Saizi yetsoka yechina ndeiya inochinja nemamiriro okunze, zvinoreva kuchinja-chinja pamusana pokupisa, uye unyoro. Izvi zvinogona kukudza tsoka ne5 muzana. Ndosaka uchizonzwa kurerukirwa kana wabvisa shangu dzako pakupera kwezuva, zvikurukuru kana wakapfeka saizi isiri iyo! Uye kazhinji kacho ndizvo zvazvinenge zviri.
Tsoka Dzako Dzinoyerwa Sei?
Kwemakore Eric ange achitenga shangu dzesaizi 10 nehafu kana kuti dzesaizi 11 dzine upamhi hwepakati nepakati. Munguva iyi, aiwanzonetswa nekonzi pachigunwe chechipiri uye nzara inokura yakakombamira mukati pachigunwe chikuru choruboshwe. Chiremba wake anotarisira utano hwetsoka akaona zvakanaka kuti amboyerwa tsoka nenyanzvi inoziva masaizi eshangu. Zvakashamisa Eric ndezvokuti saizi yakanga yakamunakira yaifanira kuva 12 nehafu, ine upamhi hwesaizi A! “A” anoratidza tsoka yakatetepa. Asi kuyera zvinhu zviviri, urefu noupamhi, kwakakwana here kuti uwane saizi yaunokwana zvakanaka? Unofanira kuyera tsoka dzako sei?
Chinhu chinowanzoshandiswa mune dzimwe nyika kuyera saizi chinhu chinonzi Brannock. (Ona mufananidzo.) Ichochi chinogona kushandiswa kuwana zvinhu zvikuru zvitatu: urefu hwetsoka yacho yose, kureba kwokubva pachitsitsinho kusvika panotangira zvigunwe, uye upamhi hwepanotangira zvigunwe. Asi ichokwadi kuti tsoka yoga yoga inotaridzika uye yakakura zvakasiyana neimwe. Pamusana pechikonzero ichi chiri pachena, tinoedza shangu tisati tadzitenga. Pano apa ndipo pangava nomusungo. Wakamboedza shangu dzaunoda kwazvo, asi ukazowana kuti dzinoti rwadzei here? “Shangu dzacho dzichadhamba,” anodaro mutengesi. Unodzitenga uye unotanga kuzvidemba mazuva mashomanana kana kuti mavhiki pashure pokutanga kudzipfeka. Uye ndipo paunotangazve kuita konzi, nzara inokura yakakombamira mukati, kana kuti mhoni!
Uri Kuwana Saizi Inonyatsokukwana Here?
Zvinoita here kuwana saizi yaunonyatsokwana? Bhuku rinonzi Professional Shoe Fitting rinopindura nokukurumidza kuti kwete. Nei? “Pamusana pezvipingamupinyi zvakawanda zvisingakundiki. . . . Hapana munhu ane tsoka mbiri dzakanyatsofanana saizi, chimiro, ukuru kana matsikiro.” Saka kana shangu ichinyatsokwana mutsoka yako hombe, haigoni kukwana zvakafanana mune imwe yacho. “Izvi hazvisi kureva kuti shangu dzaunonyatsokwana hadziwaniki, asi kuti tinofanira kungwarira zvikuru mashoko kana kuti pfungwa dzokuti saizi ‘inonyatsokwana.’”
Kana uchida kuona pari kukuvara tsoka dzako mushangu, tarisa dzimwe shangu dzako tsaru, dzawakashandisa. Tarisa mipendero yomukati meshangu dzako. Ndepapi pauri kuona pakanyanyosakara? Kazhinji, kunotsika chitsitsinho, shure kwechitsitsinho, uye kubvira pakati petsoka kusvika nechokunotangira zvigunwe ndiko kuchanyanya kuoneka. Izvi zvinorevei? Zvinoreva kuti “zvimwe zvikamu zveshangu hazvisi kunyatsopindirana nezvikamu zvetsoka. Zvimwe zvikamu zviri kunyanya kusakara asi zvimwe zvisina kana zvazvaitwa.”
Kunyange buri rinopinzirwa tsoka pashangu rinokosha kuti dzinyatsokwana. Wakazvicherechedza here kuti shangu dzine misono yakasiyana-siyana yepaburi rinopinzirwa tsoka? Kana chiri chitaera chinonzi bal, mativi maviri epamusoro peshangu ose anodhonzwa pamwe chete nechokuzasi kwawo. Zvisinei, kana une tsoka dzine nyama yakawanda, masungiro anonzi blucher anonyatsoita zvakanaka, sezvo mativi ose anoramba asina kudhonzwa nechokuzasi kwawo. (Ona mufananidzo.) Nei mashoko aya achikosha? Bhuku irori rinoti: “Kukanganisika kwehiri dzakawanda dzeshangu kunowanzokonzerwa nokusungiswa kweshangu, zvichiita kuti chitsitsinho chisundirwe shure zvakanyanya.”
Zvakadini Neshangu Dzevakadzi Dzine Hiri Dzakareba?
Kuda kunoita vakadzi hiri refu kunoita kuti muviri uve nezvimiro zvakasiyana-siyana. Hiri refu dzinoita sedzinochinja chimiro chomuviri, dzichikonzera kuti utsveyamire mberi, zvoita kuti mabvi ati wedzerei kugonya kuti muviri urambe wakati twasu. Hiri refu dzinoomesawo tsapfu, idzo dzinobva dzanyatsooneka.
Saka, hiri chinhu chinokosha pashangu yomukadzi uye ndiyo inoita kuti anzwe zvakanaka kana kuti kwete. Bhuku rinonzi Professional Shoe Fitting rinotaura kuti pane zvikonzero zvitatu zvikuru zvokuisa hiri pashangu: ‘(1) “kuda kuonekera,” zvakadai sokuwedzera kwomunhu urefu hwake, (2) zvinangwa zvokutsvinda—chitaera chinowedzerwa pashangu, uye (3) kunatsiridza chitarisiko—sehiri refu dzevakadzi dzinoita kuti makumbo anyatsooneka zvaakaita.’
Vakadzi vanofanira kuziva chaizvo kureba kwehiri yavo, uko kunobatsira kuziva panonyanya kuremera muviri wavo. Kana ukaremera mberi kana kuti shure kwehiri, panogona kuva nengozi. Nei zvakadaro? Nokuti hiri inogona kuminyuka munhu obva apunzika zvakaipa.
Kubva mune zvishomanana zvakurukurwa izvi, zviri pachena kuti kuwana shangu dzaunonyatsokwana kunoda nguva uye zvichida imwe mari, sezvo shangu yakanaka ichitora nguva yakawanda kuti igadzirwe. Asi shangu dzako dzingava nezvadzingaita kwazvo pakunzwa kwako zvakanaka uye kunyange utano hwako. Saka tora nguva yako. Nyatsoyerwa. Shivirira. Usanyengerwa nefashoni kana chitarisiko chayo.
[Bhokisi riri papeji 29]
Zvinhu Zvokufunga Nezvazvo Pakusarudza Shangu
William A. Rossi naRoss Tennant vanotaura mashoko anotevera mubhuku ravo rinonzi Professional Shoe Fitting.
“Chinangwa chokuyera tsoka hachisi chokuwana saizi chaiyo inodiwa, sezvinofunga vamwe.” Nei zvakadaro? Nokuti saizi dzeshangu dzinogona kuchinjwa nezvinhu zvakawanda, zvakadai sourefu, chitaera, mapatani, zvinhu zvakashandiswa, uye zita rekambani yacho. Izvi ndezvechokwadi zvikurukuru nhasi apo shangu dziri kugadzirwa munyika dzakawanda kwazvo dzine mitemo yadzowo.
Panenge pachiyerwa tsoka yako, dhonzera sokisi mberi kuitira kuti zvigunwe zvisakombame, zvoita kuti pave nechiyero chisiri icho.
Unofanira kuyerwa sei—wakagara here kana kuti wakamira? “Kuyera mutengi akagara pasi hakuna kunaka.” Kunopa chiyero chisiri icho. Saka, yerwa tsoka dzako wakamira. Chokwadi, yera tsoka dzose. Usaita zvokufungidzira kuti tsoka yako yoruboshwe ndiyo yakakura. Yera dzose!
“Basa rokuyera saizi dzeshangu unyanzvi uye ibasa rounyanzvi hunoitwa nemapoka epamusoro evanhu vakabatana nezvitoro zvepamusoro zvakawandawo vanonzwisisa uye vanoziva kukosha kwounyanzvi hwepamusoro hwokuyera saizi yeshangu.”
[Mifananidzo iri papeji 28]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Zviri pashangu
sole
pamusoro
buri rinopinzirwa tsoka
mupendero womukati
panobatana hiri nesole
top lift
chinofukidza zvigunwe
sole yokunze
musono
pamusoro
musono weburi rinopinzirwa tsoka
rurimi
zvinzeve zveshangu
pasi pehiri
hiri
[Mifananidzo iri papeji 29]
Mudziyo wokuyera shangu unonzi “Brannock”
[Mufananidzo uri papeji 30]
Shangu dzose dzinogadzirwa dzichitevedza zvitaera zvikuru izvi zvinomwe
[Mifananidzo iri papeji 30]
Zvitaera zvemisono yeburi rinopinzirwa tsoka
“Blucher”
“Bal”