Betsero Nokuda Kwetsoka Dzinorwadza
“TSOKA dzangu dziri kundiuraya!” Sezviri pachena, kutaura uku ndekwokuwedzerera. Kunyange zvakadaro, chinetso chemakumbo anorwadza chakakomba zvikuru muUnited States zvokuwanisa basa nyanzvi dzetsoka.
Pashure pokuhwirudzura kuvhiya tsoka 2 000 kwaakaita kwenhambo yemakore 14, Dr. Michael Coughlin, chiremba wetsoka, akawana zvinoshamisa. “Zvinoshamisa,” anodaro, “ndakawana kuti kunenge kuvhiya uku kwose kwakaitwa pavakadzi.” Nei vakadzi zvikurukuru vari mungozi yezvinetso zvetsoka?
Kukwana, Fashoni, uye Tsoka
Kunzverwa kwevakadzi 356 kwakawana kuti vanenge 9 mu10 vaipfeka shangu dzakanga dziri paavhareji, duku kwavari nesaizi imwe yakazara! Rutivi rwechinetso rwuri mumagadzirirwe eshangu dzevakadzi. “Vagadziri veshangu havachashandisi chinenge tsoka chokugadzirisa chaigona kuita chitsitsinho chitete nemberi kwetsoka kwakafara,” anotsanangura kudaro chiremba wetsoka Francesca Thompson.a Nokudaro, pakuedza shangu, vakadzi vazhinji vanowana kuti apo mberi kunenge kuchikwana zvakanaka, chitsitsinho chinobuda; asi apo chitsitsinho chinenge chichikwana zvakanaka, mberi kunoshinya. Vamwe vanosarudza chitsitsinho chinokwana zvakanaka chine mberi kunoshinya, sezvo kusadaro kungagona kureva kubuda mushangu nenhano imwe neimwe.
Kutsvikinyidza mberi kwetsoka kupinda mberi kweshangu kunoratidzika kuva kusina kunaka. Asi ipapo vagadziri vanokwidziridza chitsitsinho cheshangu nemasendimita mashomanene. Kunyange zvazvo ichirangarirwa sefashoni, gogo inoisa simba rose mberi kwetsoka, uye inosundira tsoka mberi kuenda mberi kunopinda zvigunwe kungave kwagara kuchitova kutete. “Hakuna chinhu chakadai segogo yakanaka,” anodaro Dr. David Garrett, chiremba wetsoka. Vamwe vanotaura kuti gogo dzinogona pakupedzisira kukuvadza tsoka dzomupfeki, zviziso zvegumbo, tsapfu, mabvi, uye musana. Dzinogonawo kupfupikisa tsandanyama dzemakumbo nemarunda, zvinogona kuita kuti vamhanyi vagone kukuvara zvakakomba.
Tsoka yomukadzi haiwirirani zvakanaka nokubatwa zvisina kufanira kwainoitwa. Chokwadika, nokufamba kwenguva mberi kwetsoka kunongofara bedzi—kunyange pashure pokunge munhu ave mukuru. Asi hazvidaro nechitsitsinho. “chitsitsinho chinongova nepfupa rimwe,” anodaro Dr. Thompson, “uye iri rinoramba riri dete pazera ramakore 84 sezvarakanga rakaita pamakore 14.” Izvi zvinokuita kuti kuve kwakaoma zvikuru kuti mukadzi awane shangu inokwana zvakanaka kubva kuchitsitsinho kusvika kuzvigunwe.
Mazano Okutenga
Nefashoni yokukwana yeshangu dzavo iri kurwisana navo, vakadzi vanogona sei kudzivisa tsoka dzinorwadza? Mhinhuro yacho inovambira muchitoro cheshangu. Dzimwe nyanzvi dzinorumbidza zvinotevera:
● Tenga shangu pedyo nomugumo wezuva, apo tsoka dzinenge dzakati kurei zvishoma.
● Edza shangu dzose dziri mbiri—kwete imwe bedzi.
● Iva nechokwadi chokuti chitsitsinho chakakwana zvakanaka uye kuti urefu, kufara, uye kukwirira kwemunopinda zvigumwe makakwana.
● Rangarira kuti chitoro chacho chingava nekapeti yakasimba zvikuru, ichiita kuti kunyange shangu dzisinganyatsokwani dzinzwike sedzinokwana zvakanaka kwechinguvana.
● Dzivisa shangu dzeganda rakaomarara rinovaima kana kuti mapurasitiki. Mukusiyana neganda rakapfava kana kuti dehwe, izvi hazvidhambi sezvaunofamba.
● Kana ukatenga shangu yegogo, edza kuisa zvemukati zveganda. Rangarira kupfeka gogo pane dzimwe nguva bedzi, uchipfeka dzine hiri pfupi panhambo nenhambo zuva rose.
Mukuwedzera kune zviri pamusoro apa, yeuka nguva dzose kuti shangu dzinofanira kukwana zvakanaka panguva yokutenga. Mukupesana nokufunga kwakakurumbira, hapana nguva yokudhamba. “Usatongotendera mutengesi kuti akupwise kuti shangu inoshinya ichaita zvakanaka pashure pokunge waidhambisa,” anonyevera kudaro Dr. Coughlin. “Chinhu chimwe bedzi chichakuvara itsoka yako.”
Asi zvakadini kana dzaunogona kuwana dziri dzinoshinya mberi dzinokwana zvakanaka kuchitsitsinho kana kuti dzinokwana zvakanaka mberi asi chitsitsinho chichibuda? Dr. Annu Goel, chiremba wetsoka, anoti unofanira kusarudza kuti ndeipi iri nyore kururamisa. “Pane nzira mbiri dzokuita nadzo izvi,” anodaro. “Kutanga, unogona kutenga shangu dzakafara zvakakwana mberi woisira zvomukati kuti chitsitsinho chibate. . . . Nzira yechipiri ndeyokutenga shangu ine chitsitsinho chinobata ndokuita kuti mberi kwayo kutatamurwe. Asi izvi zvinowanzoshanda bedzi kushangu dzakaitwa neganda.”
Sezvo vakadzi vazhinji vanofamba anofungidzirwa kuva makiromita 15 pazuva, vanoita zvakanaka kunzvera shangu dzavo. Seizvo magazini yeAmerican Health inotaura, “kupfurikidza nokubata tsoka noruremekedzo rwakawedzerwa—zvikurukuru kupfurikidza nokupfeka shangu dzinokwana—unogona kudzivisa zvinetso zvetsoka zvizhinjisa kuitika.”
[Mashoko Omuzasi]
a “Chinogadziriswa shangu” chinhu chakaita setsoka muchimiro apo shangu inovakirwa.
[Bhokisi riri papeji 26]
Zvinetso Zvina Zvetsoka Zvakakurumbira
Bunions. Bunion ibundu repasi pechigumwe chikuru. Apo risiri rokugara nhaka, bundu racho ringaparirwa neshangu dzinoshinya kana kuti gogo. Kudziisa kana kuti kuisa mazaya echando kunogona kumboyamura kwechinguvana, asi kuvhiyiwa kunodikanwa nokuda kwokubviswa kwachose kwebundu racho.
Zigunwe zvakakokonyara. Zvigunwe zvakatarira pasi zvingaparirwa neshangu dzinotsvikinyidza mberi kwetsoka zvikuru. Kuvhiya kungadikanwa kururamisa urema hwacho.
Konzi. Bundu rakaita secone pazvigunwe, rinoparirwa nokukwizana nokutsvikinyidzwa, pane dzimwe nguva rinoparirwa nokupfeka shangu dzakanyanya kutetepa. Kugadzirisa kumba kunogona kuyamura kwechinguvana, asi kuvhiya kazhinji kazhinji kunodikanwa kururamisa zvigunwe zvakaremara zvinoparira kukwizana.
Kufunuka. Mirwi yakakora, yeganda risina ropa inodzivirira tsoka pakukwiza kunodzokororwa. Kunyongovedza mumvura inodziya nemunyu weEpsom kunogona kuapfavisa. Asi usaedza kuacheka, nokuti izvi zvinogona kuparira kupindwa noutachiona.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 26]
The Complete Encyclopedia of Illustration/J. G. Heck