RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 3/8 p. 31
  • “Mukai! Yakaponesa Upenyu Hwangu!”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Mukai! Yakaponesa Upenyu Hwangu!”
  • Mukai!—2003
  • Mashoko Akafanana
  • Kunyanya Kutaura nezveBhaibheri!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Kuziva Uye Kubata Nezviratidzo Zvacho
    Mukai!—1996
  • Kurwadziwa Kusingazovipozve
    Mukai!—1994
  • “Rambai Makarinda”!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 3/8 p. 31

“Mukai! Yakaponesa Upenyu Hwangu!”

Vabudisi veMukai! vakagamuchira tsamba yokuonga kubva kuItaly. Chikamu chayo chinoti:

“Ndave ndichiverenga Mukai! kwemakore 40, uye ndinofarira kubudisa kwainoita nyaya dzakasiyana-siyana. Nguva pfupi yadarika, ndakanga ndiri kubasa uye ndakarwadziwa zvikuru nomudumbu uye muchipfuva. Ndakafunga kuenda kumba, asi pandakanzwa kurwadziwa zvekare, chimwe chinhu chakauya mupfungwa dzangu. Ndakayeuka zvakajeka imwe nyaya yomuMukai! yaitsanangura zviratidzo zvechirwere chomwoyo.a Ndakasarudza kuenda kuchipatara. Ndakanga ndichiri muimba inosvikira varwere apo musoro wangu wakarerekera kudivi rimwe ndikabva ndafenda. Ndakazoudzwa izvi mangwana acho ndiri muimba yevanorwara zvikuru.

“Nhasi ndiri mupenyu nokuti vanachiremba vane unyanzvi vakakurumidza kundibatsira. Asi ndinofanirawo kutenda magazini yenyu, yakandipa mashoko akandibatsira kuita chisarudzo chakanaka chokuenda kuchipatara. Mukai! yakaponesa upenyu hwangu!”

[Mashoko Omuzasi]

a Ona magazini yedu yaDecember 8, 1996, papeji 6.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe