Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndinogona Sei Kunyatsofara Nevanhu?
“Ndave ndisingambotauri nevanhu zvakanyanya. Ndaifunga kuti kana ndikataura chimwe chinhu, ndaisazodiwa nevamwe. Amai vangu vanonyara chaizvo, uye ndinofungidzira kuti ndosaka ndichinyarawo.”—Artie.
UNOMBOSHUVA here dzimwe nguva kuti dai waisanyanya kunyara—uye uine ushamwari, uchinyatsofara nevanhu? Sezvakataurwa nenyaya yedu yakapfuura munyaya dzino dzakatevedzana, kunyara chinetso chinozivikanwa.a Saka hapana hapo chakanyanya kuipa pauri kana uchiratidzika seakanyarara, asingaseke-seke, kana kuti asina kusununguka. Asi kunyanya kunyara kungava chinetso chaicho. Kukanyanyisa, kungakushayisa shamwari. Uye kungakuitawo kuti unzwe zvichikuomera kwazvo kunzwa wakasununguka kana kufaranuka munzvimbo dzinoungana vanhu.
Kunyange vakuru vanonetseka nokunyara. Barryb mukuru muungano yechiKristu. Asi anowanzonyarara paanenge ari muboka. Anobvuma kuti: “Handifungi kuti ndine mano ekutaura chimwe chinhu chine musoro.” Mudzimai wake, Diane, ane chinetso chakafanana. Anochigadzirisa sei? Anoti: “Ndinoda kuva pane vanhu vanonyatsofara nevamwe nokuti ndinofunga kuti vanogona kuita kuti kukurukurirana kwacho kuenderere mberi.” Unganyatsofara nevanhu pachako munzira dzipi?
Rega Kuzvitarisira Pasi
Kutanga, ungada kumboongororazve maonere aunozviita. Unongozvitarisira pasi nguva dzose here, uchizviudza kuti vamwe havakudi kana kuti hauna chimwe chinhu chine musoro chekutaura? Kufunga zvisirizvo nezvako kungangoita kuti kunyatsofara nevanhu kukuomere. Pashure pezvose, Jesu akati: “Unofanira kuda muvakidzani wako sezvaunozviita”—haana kuti panzvimbo yako! (Mateu 19:19) Saka zvakanaka uye zvakakodzera kuti uzvide zvine mwero. Zvinogona kukupa chivimbo chaungada kuti utaure nevamwe.
Kana pfungwa dzekunzwa usingakoshi dzichikunetsa, ungawana zvichibatsira kurava chitsauko 12 chinoti, “Neiko Ndisingazvidi Ini Ndimene?,” mubhuku rinonzi Vechiduku Vanobvunza Kuti—Mhinduro Dzinoshanda.c Mashoko iwayo angakubatsira kuona kuti une zvakawanda zvokupa semunhu. Inga wani iko kuva muKristu kunoratidza kuti Mwari anoona chimwe chinhu chinokosha mauri! Pashure pezvose, Jesu akati: “Hapana munhu angagona kuuya kwandiri kana Baba, vakandituma, vakasamukweva.”—Johani 6:44.
Farira Vamwe
Zvirevo 18:1 inonyevera kuti: “Unozviparadzanisa navamwe, unongotsvaka kuda kwake.” Hungu, kana ukaramba uchingofunga nezvako chete, zvingadaro kuti uchanyanya kuisa pfungwa dzose pauri. VaFiripi 2:4 inotikurudzira ‘kusaramba tichiva nehanya nezvinhu zvedu zvomunhu oga, asi kuva nehanya nezvinhu zvevamwe.’ Kana ukaisa pfungwa dzako pane zvinofarira vamwe nezvavanoda, hauzonyanyi kunyara. Uye paunonyanya kuva nehanya nevamwe, uchabva watanga kuda kuvaziva.
Somuenzaniso, chimbofunga nezvaRidhiya, mukadzi akasvika pakuzivikanwa semunhu ane ushamwari nemutsa. Bhaibheri rinotiudza kuti anzwa mashoko emuapostora Pauro uye abhabhatidzwa, akakumbira Pauro neshamwari dzake kuti: “Kana imi varume mandirangarira kuva ndakatendeka kuna Jehovha, pindai mumba mangu.” (Mabasa 16:11-15) Kunyange zvazvo aiva mutendi mutsva, Ridhiya ndiye akatanga kuda kuziva hama idzi—uye pasina mubvunzo zvakaguma nekuwana kwake zvikomborero zvakawanda. Pauro naSirasi vabudiswa mujeri, vakaendepi? Zvinofadza kuziva kuti, vakadzokera kumba kwaRidhiya!—Mabasa 16:35-40.
Uchawanawo kuti, vanhu vakawanda vachakufarira nemhaka yekufarira kwaunovaita. Ungatanga sei kuita izvi? Heano mashoko mashomanana anobatsira.
● Tanga zvishoma nezvishoma. Kuva anonyatsofara nevanhu hazvirevi kuti ubve wanyatsofarira vanhu vose kana kuti ubve wava akakurumbira kwazvo. Edza kutaura nevanhu, mumwe panguva. Unogona kuvavarira kutanga kukurukurirana neanenge munhu mumwe pose paunoenda kumusangano wechiKristu. Edza kunyemwerera. Dzidza kuramba uchitarisana nemunhu wacho.
● Wana pokutangira. ‘Sei?’ ungabvunza kudaro. Kana uchifarira vamwe zvechokwadi, kakawanda zviri nyore kuwana zvinhu zvekutaura nezvazvo. Imwe pwere inonzi Jorge yekuSpain inoti: “Ndakaona kuti kungobvunza vamwe kuti vakadii kana kuti kuvabvunza nezvebasa ravo zvinokubatsira kuvaziva zviri nani.” Imwe pwere inonzi Fred inoti: “Kana usingazivi kuti wotii, ingotanga kubvunza vanhu mibvunzo.” Zvechokwadi, haudi kuti vanhu vanzwe sekunge kuti vari kubvunzurudzwa. Kana munhu achiita seasiri kuda kupindura mibvunzo, edza kumuudzawo mamwe mashoko nezvako.
Mary, mubereki weimwe pwere isati yapfuura makore 19, anoti: “Ndakawana kuti nzira yakanaka chaizvo yekuti vanhu vanzwe vakasununguka ndeyekuvaita kuti vataure nezvavo.” Kate muduku anowedzera kuti: “Zvinobatsira kurumbidza mapfekero anoita vanhu kana chimwewo chinhu chakasiyana. Unovaita kuti vanzwe kuti vanodiwa.” Zvechokwadi, iva wepachokwadi, uye dzivisa kurumbidza zvekungoda kuvafadza. (1 VaTesaronika 2:5) Vanhu vanowanzofarira mashoko echokwadi emutsa neanofadza.—Zvirevo 16:24.
● Iva muteereri akanaka. ‘Kurumidza kunzwa, unonoke kutaura,’ rinodaro Bhaibheri. (Jakobho 1:19) Pashure pezvose, kukurukurirana kuchinjana mashoko—kwete kungotaura kwemunhu mumwe. Saka kana uchiwanzonyara kutaura, zvechokwadi izvi zvingakunakira! Vanhu vanoonga vateereri vakanaka.
● Batanidzwa. Wadzidza unyanzvi hwekukurukurirana nemunhu mumwe nemumwe, tanga kutaura uri mumapoka. Zvakare, misangano yechiKristu inzvimbo yakanyatsokodzera yekuti uwane unyanzvi uhwu. Dzimwe nguva nzira iri nyore kwazvo yekubatanidzwa mukukurukurirana ndeyekubatanidzwa mune zviri kutokurukurwa kare. Zvechokwadi, kunzwisisa netsika dzakanaka zvinokosha pano. Usangopindira mukukurukurirana kutori pachena kuti hakunei newe. Asi pazvinenge zviri pachena kuti boka riri kukurukurawo zvaro nyaya dzakareruka, edza kubatanidzwa. Ngwarira; usangopindira ndokuedza kutungamirira. Edza kuteerera kwekanguva. Sezvaunogadzikana, ungada kutaura mashoko mashomanana.
● Usatarisira kuti uve munhu akakwana. Dzimwe nguva pwere dzinoshushikana kwazvo nezvekutaura zvisiri izvo. Mumwe musikana anonzi Elisa wekuItaly anoyeuka kuti: “Nguva dzose ndaitya kuti kana ndikataura chimwe chinhu, chaizobuda zvisiri izvo.” Zvisinei, Bhaibheri rinotiyeuchidza kuti tose zvedu hatina kukwana, saka hazvingagoneki kuti titaure zvakakwana. (VaRoma 3:23; enzanisa naJakobho 3:2.) Elisa anoti: “Ndakasvika pakuziva kuti idzi ishamwari dzangu. Saka dzichanzwisisa kana ndikataura chimwe chinhu zvisiri izvo.”
● Ramba uchifara. Sezvinobvumwa, kutaura chimwe chinhu zvisiri izvo usingadi kunonyadzisa. Asi sezvinotaura Fred kuti, “kana ukangonyevenuka ndokusekawo zvawaita, nguva yacho inopfuura nokukurumidza. Kana iwe pachako ukavhiringidzwa, ukatsamwa, kana ukashushikana unoita kuti kachinetso kadiki-diki kave chinetso chikuru.”
● Shivirira. Ziva kuti haasi munhu wose achakupindura nokukurumidza. Kumboti nyararei pakukurukura hakurevi hako kuti munhu wacho haakudi kana kuti unofanira kurega kuedza kutaura. Dzimwe nguva vanhu vangave vakawandirwa nezvekufunga—kana kuti vachinyara sezvaunoita. Mumamiriro ezvinhu akadaro, zvingabatsira kuti ubvumire nguva yekuti munhu wacho anzwe akasununguka kwauri.
● Edza kutaura nevanhu vakuru. Dzimwe nguva vanhu vakuru, kunyanya vaKristu vakura, vanonzwira tsitsi pwere dzinonetseka nokunyara. Saka usatya kuedza kutanga kukurukura nemunhu akura. Kate anoti: “Ndinogona kusununguka ndiri pane vanhu vakuru nokuti ndinoziva kuti vanhu vakuru havandifungiri zvisiri izvo, havandiseki, kana kundinyadzisa sezvingaitwa nevana vezera rangu.”
Kukurudzirwa Nerudo
Kunyange zvazvo mashoko aya angabatsira, hapana nzira yakarongwa yekukurira kunyara. Nokufamba kwenguva, haisi nhau yekushandisa dzimwe nzira dzoungwaru kana mamwe maitiro. Chinhu chikuru ndeche“kuda muvakidzani wako sezvaunozviita.” (Jakobho 2:8) Hungu, dzidza kuva nehanya nevamwe vanhu—kunyanya hama nehanzvadzi dzako dzechiKristu. (VaGaratiya 6:10) Kana une rudo rwechokwadi mumwoyo wako, uchakunda kutya nokusasununguka ndokuedza kuita zvose zvaungagona kuti ukurukure nevamwe. Sezvakataura Jesu, “muromo unotaura zvinobva pazvakawanda zvemwoyo.”—Mateu 12:34.
Barry, ataurwa pakutanga anoti: “Kana ndikaziva vanhu zvakanyanya, zvinondiitirawo nyore kutaura navo.” Nemamwe mashoko, kana ukaramba uchidzidza kunyatsofara nevanhu, zvichakuitirawo nyore. Uye sezvauchawana shamwari itsva nekunzwa uchigamuchirwa nevamwe, pasina mubvunzo uchaona kuti kuedza kwako kwose kwawakaita kuchaguma kwashanda!
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Nei Ndisingagoni Kunyatsofara Nevanhu?” iri mumagazini yedu yaNovember 8, 1999.
b Mamwe mazita akachinjwa.
c Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mufananidzo uri papeji 15]
Tanga kukurukura uye batanidzwa mukukurukurirana!