RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 12/8 pp. 10-12
  • Kuchinja Kuva Nani Kunoshamisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuchinja Kuva Nani Kunoshamisa
  • Mukai!—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuchinja Kwetsika
  • Vari Pamwe asi Vakaparadzana
  • 1914, Gore Rakasiyana Nemamwe
  • Nyika Itsva Nokukurumidza
  • Mazivire Atinoita Kuti Tava mu“Mazuva Okupedzisira”
    Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?
  • Donzo raMwari Richakurumidza Kuzadzikwa
    Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
  • Tiri Kurarama Mu“mazuva Okupedzisira” Here?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • ‘Kuchinja Kukuru Zvikuru’
    Mukai!—1999
Ona Zvimwe
Mukai!—1999
g99 12/8 pp. 10-12

Kuchinja Kuva Nani Kunoshamisa

“Nyika yemuna1900 yakanga yagadzirira kupinda muimwe yenguva dzinoshamisa zvikuru dzokuchinja munhau yevanhu. Gadziriro yekare yakanga iri kupa nzvimbo kune itsva.”—The Times Atlas of the 20th Century.

MUKUVAMBA kwezana remakore rechi20, “nyika yakapinda panguva isina mukare akamboona yekuvhiringidzika uye chisimba,” rinodaro bhuku radudzwa pamusoro apa. Zana rino remakore raizoona hondo dzakawanda kukunda rimwe zana ripi neripi remakore, nevanopfuura mamiriyoni 100 vachiurawa.

Munguva ino, hondo dzakauraya vanhu vasiri varwi kupfuura kare. MuHondo Yenyika I, 15 muzana yevakafa vaiva vanhu vasiri varwi. Asi muHondo Yenyika II, mune dzimwe nyika vanhu vasiri varwi vakafa kupfuura varwi. Pamamiriyoni akaurayiwa muhondo kubvira ipapo, vazhinji vakanga vasiri varwi. Chisimba chese ichi chakazadzika uprofita hweBhaibheri nezvemutasvi we“bhiza dzvuku,” uyo “akabvumirwa kubvisa rugare pasi pano.”—Zvakazarurwa 6:3, 4; Mateu 24:3-7.

Kuchinja Kwetsika

Zana remakore rechi20 rakazadzika uprofita huri pana 2 Timoti 3:1-5, hunoti: “Pamazuva okupedzisira nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvitutumadza, vanozvikudza, vanomhura, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasina kuvimbika, vasina rudo kwazvo rwokuzvarwa narwo, vasingambodi kubvumirana, vanochera, vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka, vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza nemhaka yokudada, vanoda zvinofadza panzvimbo pokuda Mwari, vane mufananidzo wokuzvipira kuna Mwari asi vachiva venhema kusimba rakwo.”

Kusvika kumwero wakati, vanhu vasina kukwana vakaratidza unhu hwakadaro nguva dzose. Muzana remakore rechi20, kufunga kwakadaro kwakanyanya uye kwakapararira. Vanhu vanorarama munzira dzataurwa pamusoro apa vaimbonzi havana tsika—vakaipa zvikuru. Zvino kunyange vanhu “vane mufananidzo wokuzvipira kuna Mwari” vava kunyanya kuona zvinhu zvakadaro sezvisina kuipa.

Pane imwe nguva vanhu vechitendero vaifunga kuti hazvina kunaka zvachose kuti vanhu vasina kuchata vagare vose. Kubika mapoto kwainzi kunonyadzisa, sezvaiitwa ungochani. Kuvanhu vazhinji kubvisa pamuviri kwaisatombodiwa zvachose, sezvaiitwa kurambana. Kusavimbika mubhizimisi kwaishorwa. Asi nhasi, sezvinotaura rimwe bhuku, “zvinhu zvose zvinobvumirwa.” Nei? Chimwe chikonzero ndechekuti “zvinonakira vaya vasingadi kuudzwa nevamwe zvinhu zvavasingafaniri kuita.”

Kusiyiwa kwetsika dzakanaka muzana rino remakore kwakaita kuti zvinhu zvinokosha zvichinje. The Times Atlas of the 20th Century rinotsanangura kuti: “Muna 1900 nyika nevanhu vaisaratidza kukosha kwavo nemari yavo. . . . Pakazopera zana remakore nyika dzakanga dzoyera kubudirira kwadzo dzichinyanya kushandisa mari. . . . Kuchinja kwakafanana kwakaitika mumafungire evanhu nezveupfumi.” Nhasi kubhejera kwakapararira kunokurudzira kuda mari, ukuwo redhiyo, terevhizheni, mabhaisikopo nemavhidhiyo zvinokurudzira kuda zvinhu zvekunyama. Kunyange makwikwi emitambo neokushambadzira anoitwa anoti mari ndiyo inonyanya kukosha kukunda zvimwe zvinhu zvose.

Vari Pamwe asi Vakaparadzana

Pakuvamba kwezana remakore rechi20, vanhu vazhinji vaigara kumamisha. Zvinonzi mukuvamba kwezana remakore rechi21, inopfuura hafu yenhamba yevanhu vari munyika ichagara mumaguta. Bhuku rinonzi 5000 Days to Save the Planet rinoti: “Basa rokugovera pokugara pakanaka kuvanhu vari kugara mumaguta nhasi, rine zvinetso zvinoita sezvisingakundiki, ndoda pazvizvarwa zvamangwana.” Magazini yeUN inonzi World Health yakati: “Zvichienzaniswa nakare, nhamba yevanhu vari kugara mumaguta iri kuwedzera zvikuru. . . . Mazana emamiriyoni . . . zvino ari kurarama mumamiriro ezvinhu anokuvadza utano uye kunyange upenyu hwao.”

Zvinoshamisa sei kuti vanhu pavari kuungana pamwe mumaguta, ndipowo pavava kunyanya kuparadzana! Terevhizheni, nhare uye gadziriro yokukurukurirana nekombiyuta, pamwe chete nokutenga zvinhu uchishandisa kombiyuta, kunyange zvichibatsira, zvinodzivisa kutaurirana chiso nechiso. Pepanhau rekuGermany rinonzi Berliner Zeitung rinobva ragumisa richiti: “Zana remakore rechi20 harisi chete zana remakore rekuwandisa kwenhamba yevanhu. Izanawo remakore rekusurukirwa.”

Izvi zvinotungamirira kunhamo dzakadai seyemuHamburg, Germany, umo mutumbi wemumwe murume wakawanikwa uri mumba make kwapera makore mashanu afa! “Hapana akambomufungawo, hama dzake kana vavakidzani kana zviremera,” yakadaro magazini inonzi Der Spiegel, ichiwedzera kuti: “Kuvagari vakawanda vomunyika izvi zvinoratidza kusazivikanwa kunotyisa kwezuva nezuva nekusaonana kwemuguta guru.”

Mhosva yezvinhu zvakadaro zvakaipa haisi yesayenzi noruzivo rwokugadzira zvinhu chete. Imhosva yevanhu kunyanya. Kupfuura kare, zana rino remakore rakava nevanhu “vanozvida, vanoda mari, . . . vasingaongi, . . . vasina rudo kwazvo rwokuzvarwa narwo, vasingambodi kubvumirana, . . . vasingadi zvakanaka, . . . vanoda zvinofadza panzvimbo pokuda Mwari.”—2 Timoti 3:1-5.

1914, Gore Rakasiyana Nemamwe

Maererano naWinston Churchill, “kuvamba kwezana remakore rechimakumi maviri kwaiita sekwakajeka nekwakanyarara.” Vakawanda vaifunga kuti raizounza nguva yerugare nekubudirira isina kumboitika. Asi, muna 1905 Nharireyomurindi yechiNgezi yaSeptember 1 yakanyevera kuti: “Kuchava nehondo nokukurumidza,” ichitaurawo kuti “dambudziko guru” raizotanga muna 1914.

Chokwadika, kare semuna 1879, magazini iyoyo yakaratidza kuti 1914 raizova gore rinokosha. Mumakore akatevera yakataura kuti uprofita hweBhaibheri huri mubhuku raDhanieri hwaitaura gore iroro senguva yakagadzwa Umambo hwaMwari mudenga. (Mateu 6:10) Kunyange zvazvo 1914 yakanga isiri nguva yokuti Umambo ihwohwo hudzore zvakakwana zvinhu zvepasi pano, yakanga iri nguva yokuti huvambe kutonga.

Uprofita hweBhaibheri hwakafanoti: “Namazuva amadzimambo iwayo [aripo munguva yedu] Mwari wokudenga uchamutsa ushe [mudenga], husingatongozoparadzwi.” (Dhanieri 2:44) Umambo ihwohwo, huna Kristu saMambo, hwakatanga kuunganidza vanhu vanotya Mwari pasi pano vaida kudzorwa nahwo.—Isaya 2:2-4; Mateu 24:14; Zvakazarurwa 7:9-15.

Zvichingoitikawo pamwe chete nezvakaitika mudenga, gore ra1914 rakaona kutanga kwe“mazuva okupedzisira,” kuvamba kwenguva ichazopera nekuparadzwa kwegadziriro yezvinhu iripo zvino. Jesu akafanotaura kuti kutanga kwenguva iyoyo kwaizooneka nehondo dzenyika, kuperevedza kwezvokudya, zvirwere zvinotapura vakawanda, kudengenyeka kwepasi kunoparadza, uye kuwedzera kwokusateerera mutemo pamwe chete nokutonhora kworudo rwevanhu kuna Mwari nevanhu. Akati zvinhu zvose izvi zvaizoratidza “kutanga kwemarwadzo enhamo.”—Mateu 24:3-12.

Nyika Itsva Nokukurumidza

Zvino tava nemakore 85 tapinda mu“mazuva okupedzisira,” uye tava kukurumidza kuswedera pakuguma kwegadziriro ino yezvinhu isingagutsi. Nokukurumidza Umambo hwaMwari, hunotongwa naKristu, “huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose [huripo zvino], ihwo hwuchamira nokusingaperi.”—Dhanieri 2:44; 2 Petro 3:10-13.

Hungu, Mwari achabvisa uipi papasi uye achapinza vanhu vane mwoyo yakarurama munyika itsva. “Vakarurama vachagara panyika, vakakwana vacharambirapo. Asi vakaipa vachaparadzwa panyika.”—Zvirevo 2:21, 22.

Mashoko anofadza zvakadini—zvechokwadi anofanira kuziviswa kwese kwese! Nokukurumidza Umambo hwaMwari huchagadzirisa zvinetso zvakawedzerwa nezana remakore rechi20: hondo, urombo, urwere, kusaruramisira, ruvengo, kuzvifunga, kushayikwa kwemabasa, utsotsi, kusafara, rufu.—Ona Pisarema 37:10, 11; 46:8, 9; 72:12-14, 16; Isaya 2:4; 11:3-5; 25:6, 8; 33:24; 65:21-23; Johani 5:28, 29; Zvakazarurwa 21:3, 4.

Tarisiro yekurarama nokusingaperi munyika yakarurama mumufaro usingarondedzereki inokufadza here? Bvunza Zvapupu zvaJehovha nokuda kwemashoko akawanda. Zvichakuratidza kubva muBhaibheri rako pachako kuti makore anonetsa okuchinja akatanga zana remakore rechi20 achaguma nokukurumidza uye zvadaro iwe unogona kuzova nezvikomborero zvisingaperi!

[Mufananidzo uri papeji 10]

Nyika itsva nokukurumidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe