RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 12/8 pp. 18-22
  • Kurera Vana Munguva Dzakaoma Muafrica

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurera Vana Munguva Dzakaoma Muafrica
  • Mukai!—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuenda kuAfrica, uye Kuroorwa
  • Kutamira Kwedu kuSouthern Rhodesia
  • Ini naBertie Tose Takaiswa Mujeri
  • Ushumiri Hwedu Hondo Yapera
  • Mugove Mutsva Wokuparidza
  • Kudzoka Kune Ngozi
  • Kukomborerwa Nemhuri ine Rudo
  • Ndakakuona Kuchikura muSouthern Africa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Kusimbiswa Noukama Hwedu Hwomunyika Yose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Kukura nesangano raJehovha muSouth Africa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • “Upenyu Huno”—Kunakidzwa Nahwo Zvizere!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Mukai!—1999
g99 12/8 pp. 18-22

Kurera Vana Munguva Dzakaoma Muafrica

YAKATAURWA NACARMEN MCLUCKIE

Raiva gore ra1941. Hondo yeNyika II yakanga ichipisa. Ndaiva amai vane makore 23 vekuAustralia, asi panguva ino ini nemwana wangu ane mwedzi mishanu takanga tava mujeri muGwelo, muSouthern Rhodesia (zvino yava Gweru, Zimbabwe). Murume wangu aiva mujeri muSalisbury (zvino yava Harare). Vamwe vana vedu—vaiva nemakore maviri nematatu—vaitarisirwa nevana vangu vaviri vokurera. Regai nditsanangure kuti ndakava sei mumamiriro ezvinhu aya.

NDAIGARA naAmai naBaba muPort Kembla, anenge makiromita 50 kumaodzanyemba kweSydney, muAustralia. Muna 1924, Clare Honisett akashanyira Amai uye akaita kuti vafarire dzidziso dzeBhaibheri nokuvabvunza kana vainzwisisa zvinoreva Munyengetero waShe. Clare akatsanangura zvaireva kutsvenesa zita raMwari, uye adaro akataura nezvekuti Umambo hwaMwari hwaizoita sei kuti kuda kwaMwari kuitwe panyika. Amai vakashamiswa. (Mateu 6:9, 10) Pasinei zvapo nekushora kwaBaba, Amai vakatanga kunyatsoongorora chokwadi ichocho cheBhaibheri.

Nguva pfupi izvozvo zvaitika, takatamira kusabhabhu rekuSydney. Tiri ikoko ini naAmai taifamba anenge makiromita mashanu kuenda kumisangano yeVadzidzi veBhaibheri, sezvaidanwa Zvapupu zvaJehovha nguva yacho. Kunyange zvazvo Baba vasina kuzombova Chapupu, vakabvumira kuti zvidzidzo zveBhaibheri zviitirwe mumusha wedu. Vanin’ina vavo vaviri—Max naOscar Seidel—vakava Zvapupu, ndozvakaitawo dzimwe nhengo dzemhuri yaMax pamwe nehanzvadzi yangu duku, Terry, nemunin’ina wangu, Mylda.

Muna 1930 Watch Tower Society yakatenga igwa rakareba mamita 16, rakazopiwa zita rokuti Mutakuri Wechiedza. Kwemakore maviri igwa iri raiva rakamiswa paiva nezvinhu zvedu muRwizi rwunonzi Georges. Ipapo rakagadziridzwa kuitira kuti rigone kushandiswa neZvapupu zvaJehovha mubasa rekuparidza muzvitsuwa zveIndonesia. Ini nemunin’ina wangu Coral dzimwe nguva taichenesa mukati meigwa racho nemunoisirwa zvinhu, uye taikumbira mwenje unoshandiswa pamagwa kuenda kunoraura.

Kuenda kuAfrica, uye Kuroorwa

Pakati pema1930 Australia yakapinda mudambudziko rekushomeka kweupfumi, uye ini naAmai takaenda kuSouth Africa kunoona kana zvaizova zvakakodzera kuti mhuri yedu inogara ikoko. Taiva netsamba yekusuma yakanga yabva kuhofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha rekuAustralia yaienda kuna George Phillips, uyo aitarisira basa rekuparidza kumaodzanyemba kweAfrica panguva iyoyo. George akanga ari pachiteshi chengarava muCape Town kuti achingure ngarava yedu. Aiva akaisa bhuku rinonzi Riches reWatch Tower Society muhapwa make kuitira kuti timuzive. Zuva iroro, musi waJune 6, 1936, akatisuma kunhengo shanu dzevashandi vepabazi, kubatanidza Robert A. McLuckie.a Mugore iroro, ini naBertie—sekudana kwataimuita tose,—takaroorana.

Tateguru waWilliam McLuckie akasvika muAfrica muna 1817 achibva kuPaisley, Scotland. Munzendo dzake dzekutanga, William akatanga kuzivana naRobert Moffat, murume akatanga kusimudzira manyorerwe emutauro wechiTswana nokushandurira Bhaibheri mumutauro iwoyo.b Mumazuva iwayo ekare, William neshamwari yake Robert Schoon ndivo varume vechichena voga vaivimbwa naMzilikazi, murwi aiva nemukurumbira mumauto amambo Shaka wevaZulu anozivikanwa kwazvo. Somugumisiro, William naRobert ndivo chete vachena vaibvumirwa kupinda mumusha waMzilikazi, apo zvino pava neguta rePretoria, muSouth Africa. Gare gare Mzilikazi akava mutungamiriri wehurumende uyo akabatanidza ndudzi dzakawanda kuti dzitongwe neumambo humwe hwemuAfrica.

Pandakaonana naBertie, aiva tsvimborume ine mwanasikana aiva nemakore 12 anonzi Lyall, nemwanakomana anonzi Donovan aiva nemakore 11. Bertie akanga atanga kudzidza chokwadi cheBhaibheri muna 1927, mwedzi mishomanana mukadzi wake Edna afa. Mumakore mapfumbamwe akatevera, akaparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari muzvitsuwa zveMauritius neMadagascar pamwe nemuNyasaland yose (zvino yava Malawi), muPortuguese East Africa (zvino yava Mozambique), nemuSouth Africa.

Mwedzi mishomanana ini naBertie taroorana, takatamira kuJohannesburg naLyall naDonovan, kwazvakava nyore kuti Bertie awane basa. Ndakashanda kwenguva yakati sapiyona, sekudanwa kunoitwa vashumiri venguva yakazara veZvapupu zvaJehovha. Zvadaro ndakava nepamuviri paPeter.

Kutamira Kwedu kuSouthern Rhodesia

Gare gare, Jack mukoma waBertie akatikoka kuti tibatane naye mubasa rekuchera mugodhi wegoridhe pedyo neFilabusi, muSouthern Rhodesia. Ini naBertie takaenda ikoko naPeter akanga ava negore rimwe panguva iyoyo, nepo amai vangu vakambosara vachitarisira Lyall naDonovan. Patakasvika paRwizi rwunonzi Mzingwani, rwaiva rwakazara, uye taifanira kurwuyambuka tiri mubhokisi raidhonzwa riri patambo yakasungirirwa kumhiri nekumhiri. Ndaiva nepamuviri pemwedzi mitanhatu paPauline uye ndaifanira kugumbatira Peter zvakasimba pachipfuva changu! Zvaityisa, kunyanya tambo payaida kugunzva mvura pakati perwizi. Kunze kwaizvozvo, paiva pakati peusiku, uye mvura yaitsvotsvoma! Tayambuka rwizi, taifanira kufamba mamwe makiromita maviri kuti tisvike pamba pehama yedu.

Gare gare takarenda imba huru yekare yepapurazi yakanga yamunywa nemuchenje. Fanicha yedu yaiva shoma—imwe yacho takaigadzira nemabhokisi aiisirwa madharameti nemafiyuzi. Pauline aingorwara-rwara nehosha yekutadza kufema zvakanaka, uye taisakwanisa kutenga mushonga. Ndakaora mwoyo, asi taionga kuti Pauline airarama nguva yoga yoga.

Ini naBertie Tose Takaiswa Mujeri

Kamwe pamwedzi taienda kuguta reBulawayo, rainge makiromita 80 kubva ipapo, kunotengesa goridhe yedu kubhangi. Taiendawo kuGwanda, taundi diki riri pedyo neFilabusi, kunotsvaga zvokudya nokuitawo ushumiri. Muna 1940, gore rimwe Hondo yeNyika II yatanga, basa redu rekuparidza rakarambidzwa muSouthern Rhodesia.

Nguva pfupi zvadaro, ndakasungwa ndichiparidza muGwanda. Panguva iyoyo ndaiva nepamuviri pemwana wangu wechitatu, Estrella. Kukwirira kwangu pakwaiongororwa, Bertie akasungirwa kuparidza uye akaiswa mujeri rekuSalisbury, anopfuura makiromita 300 kubva pataigara.

Aya ndiwo aiva mamiriro edu ezvinhu panguva yacho: Peter aiva muchipatara chekuBulawayo achirwara nediphtheria, uye zvaisava nechokwadi kana aizorarama. Ndakanga ndichangobva kusununguka Estrella, uye imwe shamwari yangu yakanga yandibudisa muchipatara ichindiendesa kujeri kunoratidza Bertie mwanasikana wake mucheche. Gare gare, kukwirira kwangu pakwakarambwa, mumwe mutengesi wemuchitoro akapfuma wechiIndia nemutsa akandibhadharira mari yokuti nditongwe ndiri kunze kwejeri. Nokufamba kwenguva, vakuru vakuru vatatu vemapurisa vakauya kumugodhi kuzonditora kuti vanondipfigira mujeri. Vakati ndisarudze zvekuita: Kuenda nemucheche wangu aiva nemwedzi mishanu kujeri kana kuti kumusiya achitarisirwa nepwere dzedu dzakanga dzisati dzapfuura makore 19, Lyall naDonovan. Ndakasarudza kuenda naye.

Ndakapiwa basa rokusona zvigamba pambatya nokuwacha. Uyewo, ndakapiwa neni kuti andibatsire kutarisira Estrella. Aiva musungwa muduku ainzi Matossi, aiva akapihwa mutongo wekugara mujeri kweupenyu hwake hwose nemhosva yokuponda murume wake. Matossi akachema pandakasunungurwa, nokuti akanga asingachagoni kutarisirazve Estrella. Mukadzi anotungamirira vasungwa vechikadzi akaenda neni kumba kwake kuti tinodya zvokudya zvemasikati uye zvadaro akandikwidza chitima kuti ndishanyire Bertie mujeri rekuSalisbury.

Ini naBertie pataiva mujeri, Peter muduku naPauline vaitarisirwa naLyall naDonovan. Kunyange zvazvo Donovan aiva nemakore 16 chete, akapfuurira kutarisira kushanda kwemugodhi wedu. Pakabudiswa Bertie mujeri, takasarudza kutamira kuBulawayo, sezvo mugodhi waisafamba zvakanaka. Bertie akawana basa muraruwe, uye ndakawedzera mari yedu yataiwana nokushandisa unyanzvi hwangu hutsva hwandakanga ndawana hwekusona.

Basa raBertie rokubatanidza njanji rakafungwa nezvaro seraikosha muraruwe, saka haana kusarudzwa mubasa rechiuto. Mumakore iwayo ehondo, Zvapupu zvechichena gumi nezviviri kana kupfuura zvemuBulawayo zvaisangana nokuda kwemisangano muimba yedu diki yaiva nekamuri rokurara rimwe, uye hama nehanzvadzi dzedu shomanana dzechitema dzaisangana kumwewo muguta racho. Asi zvino, muBulawayo mave neungano dzinopfuura 46 dzeZvapupu zvaJehovha dzinoumbwa nehama dzechitema nedzechichena!

Ushumiri Hwedu Hondo Yapera

Hondo yapera Bertie akakumbira kuti raruwe imuchinjire kuUmtali (zvino yava Mutare), taundi rakanaka riri pamuganhu neMozambique. Taida kushanda kwaidiwa vaparidzi veUmambo chaizvo, uye Umtali yairatidzika senzvimbo yakakodzera, sezvo guta racho raiva risina Zvapupu. Munguva pfupi yatakagara ikoko, mhuri yaVaHoltshauzen, yaibatanidza vanakomana vashanu, yakava Zvapupu. Zvino mune ungano 13 muguta iroro!

Muna 1947 mhuri yedu yakakurukura pamusoro pekuona kana zvaikwanisika kuti Bertie adzokerezve mubasa roupiyona. Lyall, akanga adzoka kubva kuSouth Africa kwaaiva piyona, akatsigira pfungwa iyi. Panguva yacho Donovan akanga achipayona muSouth Africa. Hofisi yebazi remuCape Town payakaziva nezvechido chaBertie chokupayonazve, panzvimbo pokupayona yakamukumbira kuvhura nzvimbo inochengeterwa mabhuku muBulawayo. Saka akasiya basa kukambani yezvitima, uye takadzokerazve ikoko. Pasina nguva refu zvadaro, vafundisi vekutanga muSouthern Rhodesia vakasvika muBulawayo, vaibatanidza Eric Cooke, George naRuby Bradley, Phyllis Kite, uye Myrtle Taylor.

Muna 1948, Nathan H. Knorr, purezidhendi wechitatu weWatch Tower Society, pamwe chete nemunyori wake, Milton G. Henschel, vakashanyira Bulawayo ndokuronga kuti nzvimbo inochengeterwa mabhuku ive bazi, Hama Cooke vari mutariri waro. Gore rakatevera racho, mwanasikana wedu Lindsay akazvarwa. Zvadaro, muna 1950, bazi rakatamisirwa kuSalisbury, guta guru reSouthern Rhodesia, uye nesuwo takatamira ikoko. Takatenga imba hombe yatakagara kwemakore akawanda. Taigara nemapiyona nevaeni nguva dzose, saka musha wedu wakasvika pakuzivikanwa seHotera yaMcLuckie!

Muna 1953, ini naBertie takapinda kokorodzano yemarudzi ose yeZvapupu zvaJehovha muYankee Stadium muNew York City. Chaiva chiitiko chisingakanganwiki chakadini! Makore mashanu gare gare, takapinda kokorodzano huru yemarudzi ose yemazuva masere muYankee Stadium nemunhandare dzePolo Grounds dziri pedyo. Taiva naLyall, Estrella, Lindsay, naJeremy aiva nemwedzi 16. Nhamba isingakanganwiki inopfuura chikamu chimwe muzvina chemiriyoni yakapinda hurukuro yavose zuva rokupedzisira!

Mugove Mutsva Wokuparidza

Bertie akashanda kwemakore anenge 14 semushandi anoita zvekubva kumba achinoshanda kuhofisi yebazi muSalisbury, asi ipapo takasarudza kushanda kwaidiwa vaparidzi chaizvo muSeychelles. Takatengesa imba yedu nefanicha ndokurongedza zvimwe zvinhu zvedu zvainge zvasara mumotokari yerudzi rweOpel station wagon. Pamwe chete naLindsay, aiva nemakore 12, naJeremy aiva nemakore 5, takafamba kwemakiromita anenge 3 000 mumigwagwa ine mabhambo isina tara nemuNorthern Rhodesia (zvino yava Zambia), Tanganyika (zvino yava Tanzania), uye Kenya, pakupedzisira ndokusvika pachiteshi chengarava cheguta reMombasa.

Mombasa yaipisa zvisingajairiki, asi yaiva nemhenderekedzo dzegungwa dzakanaka. Takasiyira chimwe Chapupu chemunzvimbo iyoyo motokari yedu ndokutanga rwendo rwemazuva matatu neigwa kuenda kuSeychelles. Patakasvika, takachingurwa naNorman Gardner, murume akanga awana ruzivo rwushomanana rwechokwadi cheBhaibheri kune Chapupu chaiva muDar es Salaam, muTanganyika. Akatirongera kuti tirende imba muSans Souci Pass yakanga yavakirwa mapurisa aichengeta Mufundisi weGreek Orthodox Makarios. Makarios akanga atiza kuCyprus muna 1956 nemhaka yekufungidzirwa kuti aiva akabatana nesangano remagandanga revaCypriot.

Sezvo imba yedu yaiva kure nedzimwe, pakapera mwedzi takatamira kuimba yaiva yakatarisana nemhenderekedzo muBeau Vallon. Ikoko taikoka vanhu kuti vanzwe hurukuro dzaipiwa naBertie muberere redu. Takatanga kudzidza Bhaibheri nemhuri yaVaBindschedler, uye mwedzi inoverengeka gare gare, Bertie akavabhabhatidza nemwanasikana wavo wekurera naNorman Gardner nemukadzi wakewo. Takaendawo naNorman neigwa rake kuChitsuwa cheCerf, uko Bertie akapa hurukuro dzeBhaibheri kuvanhu ari muimba yepanochengeterwa magwa.

Patakanga tava nemwedzi inenge mina tiri muSeychelles, mukuru mukuru wemapurisa akatiudza kuti taifanira kurega kuparidza kana kuti taizodzingwa munyika. Mari yedu yakanga yava shoma, uye ndaiva nepamuviri zvakare. Takasarudza kupfuurira nekuparidza kwedu pachena. Kunze kwaizvozvo, taiziva kuti kunyange zvakadaro taizongobvawo hedu nokukurumidza. Pakasvika igwa raitevera raibva kuIndia unenge mwedzi gare gare, takadzingwa munyika yacho.

Kudzoka Kune Ngozi

Patakasvika muMombasa, takatora motokari yedu ndokunanga kumaodzanyemba nemumugwagwa une jecha uri mumhenderekedzo yegungwa. Patakasvika muTanga, injini yemotokari yedu yakanoka. Mari yedu yakanga yava kutopera, asi imwe hama yedu nechimwe Chapupu vakatibatsira. Pataiva muMombasa, imwe hama yakanga yazvipira kutitsigira nemari kudai takazoenda kuchamhembe kweSomalia kunoparidza. Zvisinei, ndakanga ndisinganzwi zvakanaka, saka taingoda chete kudzokera kumusha kuSouthern Rhodesia.

Takapfuura nomuTanganyika ndokupinda muNyasaland ndokuenda zasi kwedivi rekumadokero kweLake Nyasa, zvino yava kunzi Lake Malawi. Ndakarwara kwazvo zvokuti ndakakumbira Bertie kundisiya parutivi pemugwagwa kuti ndife! Takanga tava pedyo neguta reLilongwe, saka akandiendesa kuchipatara ikoko. Majekiseni echiveve akaita kuti ndimbozorora. Sezvo ndakanga ndisingachagoni kupfuurira nerwendo rwacho nemotokari, Bertie nevana vakapfuurira kuenda kuBlantyre anenge makiromita 400. Mazuva mashomanana gare gare imwe hama yedu yakaronga kuti ndiende nendenge ikoko kuti ndinova pamwe chete navo. Kubva muBlantyre ndakabhururuka nendege kudzokera kuSalisbury, uye Bertie nevana vakafamba rwendo rwacho rwose rwekuenda kumusha nemotokari.

Tose takazorodzwa sei kusvika muSalisbury pamusha wemwanasikana wedu Pauline nemurume wake! Muna 1963 gotwe redu, Andrew, rakazvarwa. Akanga aine hosha yekusashanda zvakanaka kwemapapu uye taisambofunga kuti achararama, asi sezvineiwo akararama. Gare gare, takatamira kuSouth Africa uye takapedzisira tava nemusha wedu muPietermaritzburg.

Kukomborerwa Nemhuri ine Rudo

Bertie akafa zvine rugare ava nemakore 94 muna 1995, uye kubvira ipapo ndave ndichigara ndega mumusha wedu kuno. Asi handisi ndega zvachose! Lyall naPauline vari kushumira Jehovha pamwe chete nemhuri dzavo muno muSouth Africa, uye vamwe vavo vanogara muno chaimo muPietermaritzburg. Lindsay nemhuri yake vari kuCalifornia, U.S.A., uko iye nemhuri yake vari Zvapupu zvinoshingaira. Vana vedu vaviri vokupedzisira, Jeremy naAndrew, vakatamira kuAustralia, uko vose vakaroora uye vari kufara kushanda sevakuru muungano dzavo.

Vana vedu vose vasere vakambova muushumiri hweupiyona pane imwe nguva, uye vatanhatu vakashanda mumahofisi ebazi eWatch Tower Society. Donovan akapedza kufunda mukirasi yechi16 yeWatchtower Bible School of Gilead muna February 1951 ndokushanda semutariri anofambira muUnited States asati adzokera kuhofisi yebazi remuSouth Africa. Zvino mukuru wechiKristu muKlerksdorp, anenge makiromita 700 kubva kuPietermaritzburg. Estrella anogara nemurume wake, Jack Jones, padzimbahwe renyika yose reZvapupu zvaJehovha muBrooklyn, New York.

Peter, dangwe rangu, akapedzera makore akati wandei mubasa renguva yakazara, mubasa roupiyona nerepahofisi yebazi reWatch Tower muRhodesia. Zvisinei, makore akati apfuura, zvakandisuruvarisa paakarega kusonganira neungano yechiKristu.

Ndichitarira shure muupenyu hwangu, ndingataura kuti ndinofara zvechokwadi kuti sepwere yaiva isati yapfuura makore 19 ndakauya kuAfrica naamai vangu. Chokwadi, upenyu hwave husiri nyore nguva dzose, asi yaiva ropafadzo yangu kushanda semutsigiri wemurume wangu uye kurera mhuri yakabatsira kupfuuridzira mberi kuparidzwa kwemashoko akanaka eUmambo hwaMwari kumaodzanyemba kweAfrica.—Mateu 24:14.

[Mashoko Omuzasi]

a Nyaya yekutanga yaRobert McLuckie inowanwa muNharireyomurindi yaFebruary 1, 1990, mapeji 26-31.

b Ona peji 11 yebhurocha rinonzi A Book for All People, rakabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania.

[Mepu iri papeji 20, 21]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

SOUTH AFRICA

Cape Town

Pietermaritzburg

Klerksdorp

Johannesburg

Pretoria

ZIMBABWE

Gwanda

Bulawayo

Filabusi

Gweru

Mutare

Harare

ZAMBIA

MOZAMBIQUE

MALAWI

Blantyre

Lilongwe

TANZANIA

Dar es Salaam

Tanga

KENYA

Mombasa

SEYCHELLES

SOMALIA

[Mufananidzo uri papeji 18]

Ndiina Peter, Pauline, uye Estrella, ndisati ndaenda kujeri naEstrella

[Mufananidzo uri papeji 19]

Lyall naDonovan pamberi peimba yedu huru yepapurazi pedyo neFilabusi

[Mufananidzo uri papeji 21]

Bertie, Lyall, Pauline, Peter, Donovan uye neni muna 1940

[Mufananidzo uri papeji 22]

Carmen nevana vake vashanu (tichitenderera kutangira kuruboshwe): Donovan, paaiva kuGilead muna 1951, uye Jeremy, Lindsay Estrella, naAndrew nhasi

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe