RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 105
  • Ndingaita Sei Kuti Ndisaramba Ndichinyara?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingaita Sei Kuti Ndisaramba Ndichinyara?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ziva chinoita kuti unyare
  • Zvaungaita
  • Neiko Ndichinyara Zvikuru?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Nei Ndisingagoni Kunyatsofara Nevanhu?
    Mukai!—1999
  • Ndinogona Sei Kunyatsofara Nevanhu?
    Mukai!—1999
  • Ndingaita Sei Kuti Ndigone Kutaura Nevanhu?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 105
Musikana akagara ega vamwe vachitandara.

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingaita Sei Kuti Ndisaramba Ndichinyara?

Chakaipira kunyara: Kunyara kunogona kukutadzisa kuva neshamwari dzakanaka uye kunakidzwa neupenyu.

Chakanakira kunyara: Kunyara kwakanaka dzimwe nguva. Kunoita kuti utange wafunga usati wataura, uve munhu anocherechedza kuti zvinhu zviri kufamba sei, uye unyatsoteerera vamwe pavanotaura.

Mashoko anonyaradza: Kana uri munhu anonyara hazvirevi kuti ucharamba uchingonyara. Pane zvaunogona kuita kuti usaramba uchingonyara. Nyaya ino ichakuratidza kuti ungazviita sei.

  • Ziva chinoita kuti unyare

  • Zvaungaita

  • Zvinotaurwa nevezera rako

Ziva chinoita kuti unyare

Unogona kutya kutaura nevanhu makatarisana kana uchinyara. Unogona kutanga kunzwa sekuti uri wega, muimba ine rima. Izvozvo zvinogona kuita kuti utye, asi kana ukaziva chinoita kuti unyare unogona kupedzisira wava kuona kuti hapana hapo chikonzero chekunyara. Ngationei zvikonzero zvitatu.

  • Chikonzero #1: “Handina nyaya dzekutaura kana ndiri pane vamwe.”

    Chokwadi: Vanhu vanowanzoyeuka mabatiro aunovaita paunenge uinavo kupfuura zvaunotaura. Usaisa pfungwa pakunyara kwaunoita, asi chinyatsoteerera zvinenge zvichitaurwa nevamwe woratidza kuti uri kunakidzwa nezvavari kutaura, asi usanyepera.

    Zvekufunga nezvazvo: Unoda shamwari inogara ichingotaura nguva dzese here kana kuti inonyatsoteerera vamwe pavanotaura?

  • Chikonzero #2: “Vanhu vanozofunga kuti ndinobhowa.”

    Chokwadi: Vanhu vanotaura zvavanoda pasinei nekuti unonyara here kana kuti haunyari. Usaisa pfungwa pakunyara kwaunoita, edza kutaura uye vanhu vachatoona kuti wakatosiyana nezvavaikufungira.

    Zvekufunga nezvazvo: Kana uchifunga kuti munhu wese anokutarisira pasi zvimwe iwe ndiwe uri kuvafungira zvisizvo.

  • Chikonzero #3: “Ndinonyara kuzotaura zvisiri izvo.”

    Chokwadi: Izvozvo zvinoitika kumunhu wese dzimwe nguva. Kana ukataura zvisiri izvo zvione semukana wekuti vamwe vaone kuti wakangofananawo nevanhu vese, pane pamwe paunombokanganisawo.

    Zvekufunga nezvazvo: Zvinonakidza kuva neshamwari dzinobvuma kana dzakanganisa.

Waizviziva here? Vamwe vanofunga kuti havanyari nekuti vanotaura kakawanda nevanhu vachishandisa mameseji. Asi shamwari dzechokwadi tinodziwana patinotaura nevanhu patinenge tichionana navo. Sherry Turkle, uyo anoongorora mashandiro anoita pfungwa dzevanhu uye mashandisiro avanoita mafoni akati: “Kutaura nevamwe tichionana kunoita kuti tiwedzere kuwirirana.”a

Musikana uya ava kutaura nevamwe.

Kana ukabvisa pfungwa pakunyara kwaunoita, uchaona kuti kutaura nevamwe muchionana hakutyisi

Zvaungaita

  • Usazvienzanisa nevamwe. Haufaniri hako kuva munhu akasununguka kungotaura nemunhu wese wese. Chinangwa chako ngachive chekuti ukunde kunyara kuitira kuti uwane shamwari uye unakidzwe neupenyu.

    “Haufaniri hako kutaura kwenguva yakareba kana kuita kuti uve ndiwe uri kunyanya kutaurisa pamunenge makaungana nevamwe. Kana paine munhu mutsva ingomuudza zvishoma nezvako kana kuti mubvunze mibvunzo mishoma iri nyore.”—Alicia.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munhu mumwe nemumwe ngaaongorore zvaanoita, uye achabva afara nazvo iye pachake, asingazvienzanisi nemumwe munhu.”—VaGaratiya 6:4.

  • Nyatsocherechedza. Tarisa kuti vamwe vanozviita sei pavanenge vachitaura nevamwe. Ndezvipi zviri kuvashandira? Ndezvipi zvisingashandi? Ndezvipi zvakanaka zvavanoita zvaungada kutevedzera?

    “Nyatsocherechedza uye dzidza kubva pane zvinoitwa nevamwe. Tarisa zvavanoita uye teerera zvavanotaura pavanoonana nemumwe munhu kekutanga.”—Aaron.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Simbi inorodza simbi, saizvozvo munhu anorodzawo shamwari yake.”—Zvirevo 27:17.

  • Bvunza mibvunzo. Vanhu vanowanzofarira kutaura zvavanofunga, saka kubvunza mibvunzo kunogona kuita kuti zvikuitire nyore kutanga kukurukura nevamwe. Zvinoitawo kuti vanhu vasanyanya kuisa pfungwa dzavo pauri.

    “Kugara wagadzirira kunobatsirawo kuita kuti usazonyanya kunetseka. Unogona kugara wafunga nyaya kana mibvunzo usati waenda kunotandara nevamwe kuitira kuti zvikuitire nyore pauchaonana nevanhu vatsva.”—Alana.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Musangofunga zvakakunakirai chete, asi zvakanakirawo vamwe.’—VaFiripi 2:4.

a Mashoko aya akatorwa mubhuku rinonzi Reclaiming Conversation.

Zvinotaurwa nevezera rako

Kelsey.

“Tanga nekuita zvinhu zviri nyore, zvakadai sekusekerera uye kungoti ‘wakadii hako.’ Uchashamiswa nezvichaitwa nevanhu uye uchawedzera kuva nechivimbo paunozotaura nemumwe munhu.”—Kelsey.

Robin.

“Munhu wese anokosha uye ane chimwe chinhu chaanogona kubatsira nacho vamwe. Kana usingatauri nevamwe, hapana achaona unhu hwakanaka hwauinahwo.”—Robin.

Veronica.

“Kana ukaita kuti vamwe vanzwe vakasununguka, vachakufarira kunyange kana uri munhu anonyara. Iva munhu anonyemwerera. Asi kuti udaro, unofanira kuona zvakanaka zvinoitwa nevamwe.”—Veronica.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe