RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 1/8 pp. 26-27
  • Unogona Sei Kutya Mwari Worudo?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unogona Sei Kutya Mwari Worudo?
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Matenga Norunako rwaMwari
  • Mwari Anokanganwira
  • Kutya Rutongeso rwaMwari
  • Ita Kuti Mwoyo Wako Utye Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Kutyirei Mwari, Kwete Vanhu?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Kudzidza Kuwana Mufaro Mukutya Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 1/8 pp. 26-27

Murangariro weBhaibheri

Unogona Sei Kutya Mwari Worudo?

“WAKAROPAFADZWA MUNHU UNOTYA JEHOVHA.”—Pisarema 112:1.

KANA “Mwari [ari] rudo,” seizvo Bhaibheri rinomurondedzera, nei kumutya kuchifanira kuva madikanwa? (1 Johane 4:16) Rudo norutyo zvinowanzorangarirwa sezvisingawirirani. Naizvozvo, rutyo rwunofanira kuva norutivii muukama hwedu naMwari? Kutyirei Mwari worudo? Kunyatsotarisa mashandisirwe eshoko rokuti “rutyo” muBhaibheri kunogona kutigovera nzwisiso iri nani yenhau iyi.

Mumitauro mizhinjisa shoko rimwe rinogona kuva nemarudzi akasiyana-siyana erevo, zvichitsamira pane zviri kurehwa. Somuenzaniso, mune mimwe mitauro mumwe angati: “Ndinoda aizi kirimu” uyewo, “ndinoda vana vangu.” Pane musiyano mukuru paukuru nemarudzi erudo ari kutaurwa. Nenzira yakafanana, Bhaibheri rinotaura nezvemarudzi orutyo akasiyana-siyana. Apo rinoshandisa shoko racho riine chokuita nokunamata Mwari, harisi kureva kuvhundutswa, kuzeza, kana kuti mufungo wechirango chiri kuuya. Panzvimbo pezvo, kutya Mwari kunopa mirangariro yakanaka—rutyo, rukudzo, uye ruremekedzo rukuru. Iyi mirangariro yakakwirira yakabatanidzwa nokuda nokukwezverwa kuna Mwari, kwete kuda kumutiza nomuzvarirwo kana kuti kumuhwanda.

Kutya Mwari kunobvisa rutyo, rwakaipa, rwokubvunda kana kuti kuvhundutswa. Pamusoro pomunhu anotya Mwari, wezvamapisarema akanyora kuti: “Haangatyi mashoko ezvinhu zvakaipa; mwoyo wake wakasimba, uchavimba naJehovha.” (Pisarema 112:7) Hapana kutyisidzira kunobva kuvanhu vakaipa kana kuti kunobva kuna Satani pachake kunogona kukurira ruremekedzo rwedu rukuru nokukudza Jehovha. (Ruka 12:4, 5) Hatifaniriwo kutya kusvika Mwari mumunyengetero. Panzvimbo pezvo, mupfungwa iyi, “hakuna kutya murudo.”—1 Johane 4:18.

Matenga Norunako rwaMwari

Mambo Dhavhidhi wekare aiva murume aitya Mwari. Akatyiswa apo airangarira nezvorunako nokuoma kunzwisisa kwechisiko. Akataura kuti: “Ndichakuongai; nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa unoshamisa; mabasa enyu anoshamisa; mweya wangu unozviziva kwazvo.” (Pisarema 139:14) Achitarisa mudenga rousiku, akataura kuti: “Kudenga-denga kunoparidzira kubwinya kwaMwari.” (Pisarema 19:1) Unofungidzira kuti Dhavhidhi akavhundutswa nechinoitika ichi here? Mukupesana, zvakamusunda kuimbira Jehovha rumbidzo.

Ruzivo rwakawedzerwa rwanhasi rwematenga rwunotipa chikonzero chakatosimba zvikuru chokunzwa rutyo. Nguva pfupi yapfuura, vanzveri venyeredzi vachishandisa Hubble Space Telescope vakatarisa mukati chaimo mematenga kupfuura izvo munhu upi noupi akamboita. Vakasarudza rutivi rwedenga rwairatidzika serwusina chinhu nematelescope anoshandiswa ari pasi ndokunangidzira Hubble panzvimbo yakakura setsanga yejecha yakabatwa kwechinhambwe chinosvika ruoko rwakatambanudzwa. Mufananidzo wakabuda waiva wakatsvikinyidzana, kwete nenyeredzi dzimwe nedzimwe, asi nemakwara enzou—mapoka makurusa ane mabhiriyoni enyeredzi—asati amboonekwa nomunhu!

Kukura, kusanzwisisika, uye kushamisa kwechisiko chose kunoparira rutyo kumucherechedzi anodisa. Zvisinei, zvishamiso zvakadaro zvinongova chiratidzo chokubwinya nesimba zvoMusiki. Bhaibheri rinoidza Jehovha Mwari “Baba vezviedza” uye rinotiudza kuti “unotara kuwanda kwenyeredzi; unodzipa dzose mazita adzo.”—Jakobho 1:17; Pisarema 147:4.

Kukura kwechisiko chose kunoonekawo munguva inobatanidzwa nezviitiko zvomudenga. Chiedza chinobva kumakwara enzou akatorwa mufananidzo neHubble Space Telescope chakanga chave chichifamba muchadenga kwemabhiriyoni emakore! Ko kuva kwedu vatsva nouduku mukuenzanisa nokuva echigarire kwematenga hakufaniri kutiparira rutyo noruremekedzo rukuru nokuda kwoUyo akaita nyeredzi here? (Isaya 40:22, 26) Kuziva kuti Mwari akasika zvose izvi ‘anorangarira[wo] munhu anofa ndokumutarisira’ kunokudza ruremekedzo rwedu kuMusiki wedu ndokutiita kuti tide kumuziva nokumufadza. (Pisarema 8:3, 4) Ruremekedzo rukuru rwakadaro nokuonga ndizvo zvinoidzwa neBhaibheri kuti kutya Mwari.

Mwari Anokanganwira

Tose hatina kukwana. Kunyange apo tinoedza kuita zvakarurama, tinotadza tisingadi. Apo izvozvo zvinoitika, tinofanira kutya kurasikirwa netendero yaMwari here? Wezvamapisarema akanyora kuti: “Dai imi Jehovha, mairangarira zvisakarurama, ndianiko wairamba amire, Ishe? Asi kukanganwira kuriko kwamuri, kuti vanhu vakutyei.” (Pisarema 130:3, 4) Kuti “Muiti Mukuru” anofanira kuva ane mutsa zvakadaro uye anokanganwira kunoparira kuonga kukuru noruremekedzo muvanamati vake.—Isaya 54:5-8.

Kutya Mwari kunotisunda kuita zvakanaka uyewo kurega kuita izvo Mwari anoti zvakaipa. Ukama hwedu naBaba vedu vokudenga hungaenzaniswa nehwababa vohunhu nevana vake. Pane dzimwe nguva, vana vangasayeuka chikonzero nei baba vavo vachivarambidza kutambira mumugwagwa. Kunyange zvakadaro, apo vanonzwa vachisundwa kutandanisa bhora nemunopfuura nemotokari, pfungwa yokurambidza kwababa vavo inovadzivisa—zvichida ichivaponesa parufu. Nenzira yakafanana, kutya Jehovha kwomukuru kungamudzivisa kuita chiito chingagona kuparadza upenyu—hwake pachake uye nehwevamwe.—Zvirevo 14:27.

Kutya Rutongeso rwaMwari

Mukupesana, munhu ane hana isingamudzivisi kutsamwisa Mwari ane chikonzero chokutya munzira yakasiyana zvikuru. Sezvo hurumende dzevanhu dzichiranga nhubu, Mwari ane maruramiro okuita chiito mukurwisana nevatadzi vamaune, vasingapfidzi. Kubvumidza kwaMwari uipi kwechinguvana kwakabvumira vamwe kuva nhinhi mukuita zvakaipa. Asi Bhaibheri rinoratidza zvakajeka kuti rimwe zuva nokukurumidza achabvisa vakaipa vose pasi pano. (Pisarema 37:9, 10; Muparidzi 8:11; 1 Timotio 5:24) Vakaipa vasingapfidzi vane chikonzero chokutya chirango chinobva kuna Mwari. Bva, rudzi urwu rworutyo harwusi urwo Bhaibheri rinokurudzira.

Panzvimbo pezvo, Bhaibheri rinobatanidza kutya Jehovha nezvinhu zvakaisvonaka muupenyu—kuimba, mufaro, kuvimba, uchenjeri, nduramo refu youpenyu, chivimbo, kubudirira, tariro, uye rugare, kungodudza hedu zvishoma bedzi.a Kana tikapfuurira kufamba tichitya Jehovha, tichafarikanya zvikomborero zvakadaro nokusingaperi.—Dheuteronomio 10:12-14.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona Eksodho 15:11; Pisarema 34:11, 12; 40:3; 111:10; Zvirevo 10:27: Zvirevo 14:26; 22:4; 23:17, 18; Mabasa 9:31.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 26]

Courtesy of Anglo-Australian Observatory, mufananidzo naDavid Malin

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe