RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 1/8 pp. 23-25
  • Ko Madhindindi Kunakidzwa Kusingakuvadzi Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ko Madhindindi Kunakidzwa Kusingakuvadzi Here?
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutarisa Chinoitika Chedhindindi
  • Rutivi Rwakashata Rwemadhindindi
  • Madhindindi Akakunakira Chaizvoizvo Here?
  • Zvinodhaka—Nei Vanhu Vachizvishandisa Zvisina Kufanira?
    Mukai!—2001
  • Ndinofanira Kuona Sei Makirabhu Emadhanzi Epwere?
    Mukai!—2004
  • Pwere—Dzivisai Mudzimu Wenyika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Ndingaita Sei Kuti Ndisanyanya Kukoshesa Mimhanzi?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 1/8 pp. 23-25

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ko Madhindindi Kunakidzwa Kusingakuvadzi Here?

“Pandinenge ndichidhanza maoko angu ari mudenga uye nziyo dzichimhanya-mhanya mumuviri mangu, ndinonzwa ndapiwa simba nevamwe vari mudariro. Zvinenge kusvikirwa.”—Gena.

GENA nokudaro anotsanangura mafaro okupinda mudhindindi. Pati idzi dzedhanzi, kazhinji kazhinji dzinoita pungwe, dzakatanga kukurumbira muBritain mukati mema1980. Zvino dzava kuoneka mumativi ose apasi, kubatanidza Belgium, Canada, Germany, India, New Zealand, South Africa, uye United States.

Madhindindi anoitwa mumakirabhu, zvivako zvinochengeterwa zvinhu zvisingashandiswi, nhandare dzisina chinhu—kupi kana kupi uko vanhu vanogona kuungana nokuda kwedhanzi roupengo, risingamiri. “Madhindindi ari kutsiva zvishoma nezvishoma makirabhu ousiku sevaraidzo inodiwa nepwere,” akanyora kudaro Adam Levin, muSunday Times Magazine yeJohannesburg, South Africa. “Kana vechiduku vako vasati vaataura,” akawedzera kuti, “ipapo une chinetso chokusagona kunyatsotaura navo.”

Kutarisa Chinoitika Chedhindindi

Madhindindi pane dzimwe nguva anoitirwa pakahwanda, paanoitirwa pasingaziviswi kusvikira pamusi wechinoitika chacho. Kunyange zvakadaro, apo magetsi ane mavara anobaka uye nziyo dzine mutinhimira dzinotanga, kubva pamakumi anoverengeka kusvika kuzviuru zvepwere dzakapfeka zvechienzi dzingavapo. “Rinenge boka rimwe rakabatanidzwa revanhu vanotamba pamwe chete vachiburitsa hasha dzavo kubhiti,” anodaro Katy, mudzidzi wegore rechipiri wapakoreji.

Dhindindi rinopfuura dhanziwo zvayo, zvisinei. Itsikawo, kana kuti “chinoitika,” seizvo vapindi vedhindindi vanoda kuridaidza. Nheyo huru dzechinoitika padhindindi sokutaurwa kwazvo rugare, rudo, chinzwano, uye ruremekedzo—pasinei zvapo nedzinza, rudzi, kana kuti vatano inofarirwa. “Tave tichiedza kusanganisa tsika papati idzi,” anodaro muridzi wechitoro chinoita zvenziyo dzedhanzi chete. “Pfungwa yacho ndeyokubatana,” anowedzera kuti, “uye kutamba pamwe chete inzira yakanaka yokuita izvozvo.”

Nemhaka yepfungwa dzakadaro dzinoratidzika sedzakanaka, ungabvunza kuti, ‘Chii chingave chakaipa nemadhindindi?’ Asi kune rumwe rutivi rwezvinoitika zvemadhindindi rwaunofanira kurangarira.

Rutivi Rwakashata Rwemadhindindi

Vamwe vanotaura kuti zvinodhaka hazviwanzovapo pamadhindindi. Mirimo, zvisinei, ndeimwe nhau yakasiyana. “Mumwe munhu anoshamisika kana chinoitika chemadhindindi chaizova chinogamuchirwa zviri nyore nevanhu kudai kushandiswa kwemirimo kwakanga kusina kunyanya,” anobvuma kudaro mumwe mupindi wemadhindindi anonzi Brian.” “Chokwadika,” anowedzera kuti, “vamwe vakawanda vanoshamisika kuti madhindindi aizombovapo sei kudai yaisavapo.”

Kunyange zvazvo marijuana neLSD zvakapinda mune mamwe madhindindi, murimo unodiwa pakati pevapindi vemadhindindi unoratidzika kuva MDMA, unowanzozivikanwa seEcstasy. Vanoishandisa vanotaura kuti Ecstasy yakanaka zvikuru. Vanoomerera pakuti inongovapa simba rokutamba usiku hwose chete uye kuti inowedzera kunzwa kwavo manyemwe. Bva, pasi pomusoro waiti “Murimo Wakakurumbira Zvikuru Ungakuvadza Uropi,” The New York Times inotaura kuti Ecstasy “ingave netapuro dzenguva refu, dzinokuvadza kuda kudya, hope, mirangariro, kudavidza kumhoteredzo uye nokumwe kushanda kwendangariro.” Uye hazvisi zvoga. “Kwave kune nzufu dzakaparirwa neEcstasy,” anodaro Dr. Howard McKinney, “uye zvimwe zvinoitika zvinoverengeka umo vanhu vakanwa uwandu hune mwero vakava nemwoyo, chiropa chisingashandi kana kuti koma.” Nechikonzero chakanaka Dr. Sylvain de Miranda vanoti: “Vapindi vemadhindindi vanoshandisa Ecstasy vari kutamba norufu.”

Kunyange mirimo inomera—yakadai seHerbal Acid, Acceleration, herbal Ecstasy, kana kuti Rush—inogona kukuvadza. Somuenzaniso, kunotaurwa kuti, mumamiriro ezvinhu akati, murimo unomera unonzi Acceleration unogona kuparira mwoyo uye kunyange rufu.

Nokuda kweavo vanoomerera pakuti mirimo inoshandiswa pamadhindindi haikuvadzi, pane chimwe chinhu chokurangarira nezvacho. Mutikitivha weCanada Ian Briggs anotaura kuti 90 muzana yemirimo inotengeswa seEcstasy haisimbori chaizvoizvo Ecstasy. “Mizhinji yayo iPCP kana kuti mimwe mirimo inokuvadza,” anodaro. “Vanhu vanotengesa mirimo iyi magube. Vanenge vasipo apo mirimo yacho inotanga kukuvadza.”a

Sezvinobvumwa, mamwe madhindindi angave asina mirimo. Zvisinei, kunyange vapindi vemadhindindi vachabvuma kuti kazhinji kazhinji hazvibviri kufanoziva kana vapi nevapi, vakawanda, kana kuti vazhinjisa veavo vari mudhindindi vangave vari kupesvedzerwa nezvinhu zvinorambidzwa.

Madhindindi Akakunakira Chaizvoizvo Here?

Hapana chinhu chakaipa nenziyo nokudhanza, uyewo hazvina kuipa kuda kuva nenguva inofadza. Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rinotaura kuti, pane “nguva yomufaro” ne“nguva yokudhanza.” (Muparidzi 3:4, Today’s English Version) Rinorayirawo kuti: “Fara . . . pauduku hwako.” (Muparidzi 11:9) Naizvozvo Musiki anoda kuti ufare! Kunyange zvakadaro, unofanira kuyeuka kuti “nenyika yose igere muna iye wakaipa,” Satani Dhiyabhorosi. (1 Johane 5:19) Nokudaro, hazvifaniri kunyanyotishamisa kuti zvimiro zvevaraidzo zvinorumbidzwa nenyika ino kazhinji kazhinji zvakaipiswa nezvinhu zvisina kunaka.

Somuenzaniso, funga nezveavo vanopinda madhindindi. Vari kutevera zano reBhaibheri roku‘zvibvisira zvinosvibisa zvose zvenyama nezvomudzimu’ here? (2 VaKorinte 7:1) Chokwadi, vapindi vemadhindindi vangatsigira rugare, rudo, chinzwano. Asi “kuchenjera kunobva kumusoro” kunoita zvinopfuura kuparira “rugare”; “kwakachena”wo. (Jakobho 3:15, 17) Zvibvunze kuti, ‘Tsika dzeavo vanoenda kumadhindindi nguva dzose dzinotsinhirana nemipimo inowanika muShoko raMwari Bhaibheri here? Ndinoda kupedza usiku hwose neavo “vanoda zvinofadza zvenyika kupfuura Mwari” here?’—2 Timotio 3:4; 1 VaKorinte 6:9, 10; enzanisa naIsaya 5:11, 12.

Iyi mibvunzo inokosha yokurangarira, nokuti Pauro akanyora kuti “ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.” (1 VaKorinte 15:33) Kushamwaridzana neavo vanozvidza mitemo yaMwari pakupedzisira kuchatungamirira kungwavaira, nokuti Bhaibheri rinoti: “Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo; asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.”—Zvirevo 13:20.

Idi nderokuti madhindindi akawanda chaizvoizvo mapati emirimo uye avo vanopinda vanogona kukohwa migumisiro inorwadza. Mamwe madhindindi, somuenzaniso, anorwiswa nokumiswa nemapurisa, nemhaka yokuti ari kuitwa zvisiri pamutemo kana kuti zvimwe pane mirimo. Ungada kubatanidzwa pamwe neavo vasingateereri mutemo here? (VaRoma 13:1, 2) Kunyange kudai pasina kuputswa kwomutemo, ungapinda pati yakadaro ndokuramba usina “kusvibiswa nenyika” here? (Jakobho 1:27) Sezvo kuungana kune ruzha, kana kuti “mapati oupengo” (Byington), achishorwa muBhaibheri, kuva kwako pamadhindindi kungakugonesa kuchengetedza hana yakanaka pamberi paMwari nevanhu here?—VaGaratia 5:21; 2 VaKorinte 4:1, 2; 1 Timotio 1:18, 19.

Nenzira yakajeka, vaKristu vanofanira kungwarira ngozi yemadhindindi. Asi usapera mwoyo. Kuchine varaidzo yakawanda yaunogona kufarikanya. Somuenzaniso, mhuri dzakawanda pakati peZvapupu zvaJehovha dzakaronga kuungana kwakanaka.b Nokuronga kwokungwarira noutarisiri, ikoku kunosiya vose varipo vachinzwa vazorodzwa mumudzimu nomunyama. Chinokosha zvikuru, ushamwaridzani hunovaka hunofadza Jehovha, “Mwari anofara,” uye anoda kuti vanhu vake vafare.—1 Timotio 1:11, NW; Muparidzi 8:15.

[Mashoko Omuzasi]

a PCP (phencyclidine) mushonga unokotsirisa pakuvhiyiwa uyo dzimwe nguva unoshandiswa zvisina kururama kuparira zviono zvakajeka mundangariro.

b Nokuda kwemamwe mashoko, ona Nharireyomurindi, yaAugust 15, 1992, mapeji 15-20, uye Mukai!, June 8, 1997, mapeji 22-24.

[Bhokisi riri papeji 24]

Techno Chii?

Zvichitaurwa nenzira yakapfava, techno inonongedzera kunziyo dzedhanzi dzemagetsi. Inobatanidza zvitayira zvakawanda. Vanhu vazhinjisa vaizorondedzera techno seine mutinhimira, nokuti kazhinji kazhinji ine mabhiti ari pakati pe115 ne160 paminiti.

“Kune vasina kuijaira,” inodaro The European, “techno inonzwika soruzha rwaunonzwa apo unenge wakagara pachigaro chachiremba wemazino, rwakasangana noruzha rwaungafungidzira kuti ndorwaivapo apo Sodhoma neGomora zvakaparadzwa.” Vamwe vateereri, zvisinei, vanokwezviwa nebhiti yetechno isingachinji. “Kwandiri,” anodaro Christine ane makore 18, “nziyo idzi dzinopa murangariro worusunuguko rwusina muganhu nokuzvimirira.” Sonja anonzwa nenzira yakafanana. “Pakutanga,” anobvuma kuti, “Ndaisambofarira nziyo dzetechno. Asi ukanyanya kudziteerera, dzinova dzinogamuchirika zvikuru. Ukanyatsodziridzisa, haugoni kunzvenga bhiti yacho inotinhira. Unongoona wavakutamba. Kana ukasangwarira, bhiti yacho inodzora muviri wako wose.” Shirley, ane makore 19, anoona chimwe chinhu chakadzama mutechno. “Dzinopfuura nziyowo zvadzo,” anodaro. “Mararamire, anoratidzirwa nezvipfeko nomutauro.”

VaKristu vanofanira ku“idza [kuti] [va]zive [kana] zvichifadza Ishe.” (VaEfeso 5:10) Nokudaro, vanofanira kungwarira techno sezvavaizongoita norudzi rwupi norwupi rwenziyo. Kana ukazviwana uchikweverwa kutechno, zvibvunze kuti: ‘Rudzi urwu rwenziyo rwunonditapura sei? Rwunondiita kuti ndifare, ndidzikame, uye ndive ane rugare here? Kana kuti rwunondiita kuti ndinyanduke, zvichida kunyange kundiita kuti ndinzwe hasha kana kuti kuva nepfungwa dzounzenza here? Kukwezviwa kwangu nenziyo idzi kuchandiswededza pedyo nemararamire adzo here? Ndingaedzwa kupinda mudhindindi kuti ndinzwe rudzi urwu rwenziyo here kana kuti kudzitamba here?’

Chaizvoizvo, chinokosha ndeichi: Zvipi kana zvipi zvaunofarira munziyo, usazvibvumidze kukuparadzanisa naBaba vako vokudenga.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe