Rakavasunda Kuparidza
Khabarovsk, guta riri kure kumabvazuva kweRussia rine vanhu 700 000, rine ungano dzakawanda dzeZvapupu zvaJehovha. Vakadzi vaviri vanogara mumusha usiri kure vakawana kopi yebhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano. Zvapupu muKhabarovsk, zvisinei, hazvina kukwanisa kuvashanyira mumusha mavo.
Nokudaro vakadzi vacho, munzira yakanakisisa yavaigona, vakatanga kufunda bhuku racho pamwe chete, pamwe chete neBhaibheri. Pashure pokupedza, vakasarudza kuti zvaikosha kuti vaudze vamwe pamusoro pezvavakanga vadzidza, sezvakaita vaKristu vapakuvamba.—Mateo 10:7; Mabasa 20:20.
Pasuo rokutanga ravakashanyira, vakadzi vacho vakasangana nomurume uyo vakatanga kufunda Bhaibheri naye. Pashure penguva yakati, vose vari vaviri mudzimai womurume wacho nomwanasikana wake vakakumbanira mukurukurirano dzeBhaibheri dzenguva dzose. Gare gare, vose vari vashanu vakaonana nezvimwe Zvapupu, uye vose vakabhabhatidzwa. Zvino, vakadzi vakatanga kushanyira vamwe vava vaevhangeri venguva yakazara.
Kupfurikidza nokurava bhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano, iwewo ungasundwa kugoverana dzidziso dzeBhaibheri nevamwe. Kana uchida kugamuchira kopi kana kuti uchida kuti mumwe munhu akushanyire kuti aitise fundo yeBhaibheri yapamusha pachena, tapota nyorera Watch Tower, Private Bag A-6113, Avondale, Zimbabwe, kana kuti kero yakakodzera iri papeji 5.